RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lmd chidzidzo 11
  • Taura Zviri Nyore Kunzwisisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Taura Zviri Nyore Kunzwisisa
  • Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Akazviratidza Sei?
  • Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?
  • Tevedzera Jesu
  • Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kuti Vabhabhatidzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Kuitisa Chidzidzo cheBhaibheri Uchishandisa Bhuku ‘raRarama Nekusingaperi Uchifara!’
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Chenjerera ‘Unyanzvi Hwako Hwokudzidzisa’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Nyatsogadzirira Kudzidzisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ona Zvimwe
Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
lmd chidzidzo 11

KUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI

Jesu ari kudzidzisa vanhu pedyo nemvura. Mudenga mune shiri uye nzvimbo yaari ine maruva

Mat. 6:​25-27

CHIDZIDZO 11

Taura Zviri Nyore Kunzwisisa

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Kana imiwo mukataura zvisinganzwisiswi nyore, munhu angaziva sei zviri kutaurwa?”—1 VaK. 14:9.

Jesu Akazviratidza Sei?

Jesu ari kudzidzisa vanhu pedyo nemvura. Mudenga mune shiri uye nzvimbo yaari ine maruva

VHIDHIYO: Jesu Anopa Mufananidzo Unoratidza Kuti Baba Vedu Vane Hanya Nesu

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Mateu 6:​25-27, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1. Jesu akaratidza sei kuti Jehovha ane hanya nesu?

  2. Kunyange zvazvo Jesu aiziva zvakawanda nezveshiri, akangoisa pfungwa dzevanhu pazvinhu zvipi zviri nyore kunzwisisa? Nei madzidzisiro iwayo achibatsira?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?

2. Kana tichidzidzisa zviri nyore, vanhu vachayeuka zvatinenge tavadzidzisa uye vachabva vazvishandisa.

Tevedzera Jesu

3. Usataura zvakawandisa. Pane kuti utaure zvese zvaunoziva nezvenyaya yamunenge muchikurukura, ingotaura zviri mubhuku ramuri kushandisa. Kana wabvunza mubvunzo, nyatsomirira kuti munhu wauri kudzidzisa apindure. Kana akasapindura kana kuti akapindura zvinopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri, wedzera mumwe mubvunzo kuti umubatsire kufunga nezvenyaya yacho. Kana wangoona kuti anzwisisa pfungwa huru, endai mberi.

4. Shandisa zvinotozivikanwa nemudzidzi kumubatsira kunzwisisa zvinhu zvitsva. Ngatitii muri kuda kudzidza nezverumuko; unogona kutanga wadzokorora zvava kuzivikanwa nemudzidzi nezvekuti kana munhu afa chii chinenge chaitika kwaari.

5. Ngwarira pakushandisa mienzaniso. Usati washandisa muenzaniso zvibvunze kuti:

  1. ‘Muenzaniso wacho uri nyore kunzwisisa here?’

  2. ‘Munhu wandiri kudzidzisa achakurumidza kuubata here?’

  3. ‘Mufananidzo wacho uchamubatsira kuyeuka zvauri kuda kuti adzidze zvacho here kana kuti achangoyeuka mufananidzo wacho chete?’

ONAWO

Mat. 11:25; Joh. 16:12; 1 VaK. 2:1

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe