RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w86 1/15 pp. 4-7
  • Rudzidziso Namatongerwe Enyika—Zvava Kubonderana Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudzidziso Namatongerwe Enyika—Zvava Kubonderana Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1986
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ChiKristu Chechokwadi—Musiano
  • Kuva Shamwari Yenyika
  • Rudzidziso Nehondo
  • Kucheka Chamupupuri
  • Machechi Anofanira Kupindira Mune Zvematongerwo Enyika Here?
    Dzimwe Nyaya
  • Chikonzero Nei Rudzidziso Rwenyika Ruchaguma
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Vafundisi Vanofanira Kuparidza Zvematongerwe Enyika Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Kuguma Kwechitendero Chenhema Kwava Pedyo!
    Kuguma Kwechitendero Chenhema Kwava Pedyo!
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1986
w86 1/15 pp. 4-7

Rudzidziso Namatongerwe Enyika—Zvava Kubonderana Here?

MUITIRO wokubatanidza simba ramatongerwe enyika nerorudzidziso mumunhu mumwe hauna kuvamba naHenry VIII. Muzuva rake rakanga ratova zano ramatongerwe enyika rakaedzwa rikabudirira rakarongedzerwa kusimudzira chinzwano chorudzi.

Somuenzaniso, umambo hwakare hweEgipita hwaiva navamwari vazhinji. “Farao amene aiva mumwe wavamwari, uye munhu mukuru muupenyu hwavadzorwi vake,” inodaro The New Bible Dictionary. Umambo hweRoma nenzira yakafanana hwaiva netembere yavamwari, kubatanidza madzimambo. Wezvenhau mumwe anorondedzera kunamatwa kwamadzimambo se“simba rinokosha zvikurusa murudzidziso rwenyika yeRoma.”

Asi pasinei zvapo neidi rokuti mibatanidzwa yeChechi neHurumende yagara kwamazana amakore, kupinda kwomuzuva razvino uno kwechiKristudhomu mumatongerwe enyika kwakachiisa mubonderano naavo vamene nyasha dzavo icho chinotsvaka. Neiko? Kupindura uyu mubvunzo, zvino ngatirangarirei kuti chiKristudhomu chakabatanidzwa sei mumatongerwe enyika pakutanga.

ChiKristu Chechokwadi—Musiano

Jesu Kristu, muvambi wechiKristu, akaramba simba rose ramatongerwe enyika. Painenge nhambo imwe, vanhu, vafadzwa namanenji ake, vakaedza nesimba kumuita mambo, asi iye “akabvazve, akaenda mugomo ari oga.” (Johane 6:15) Abvunzwa nagavhuna weRoma kana iye aiva mambo, Jesu akapindura, kuti: “Umambo hwangu hahuzati huri rutivi rwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva rutivi rwenyika ino, varindiri vangu vaizorwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha.”—Johane 18:36, NW.

Kristu akaudzazve vadzidzi vake, kuti: “Nemhaka yokuti hamusati muri rutivi rwenyika, asi ini ndakakusarudzai munyika, nyika inokuvengai nokuda kweichi chikonzero.” (Johane 15:19, NW) Naizvozvo, maKristu apakuvamba haana kutsauswa nezvinetso zvenzanga kana kuti zvamatongerwe enyika. Uranda, somuenzaniso, panguva iyeyo hwaiva chinetso chikuru, asi maKristu haana kuita nhimbe kuti ahuparadze. Panzvimbo pezvo, varanda vechiKristu vakarairwa kuteerera vanatenzi vavo.—VaKorose 3:22.

Panzvimbo pokupinda mumatongerwe enyika, aya maKristu apakuvamba akavamba kuita basa rokuparidzira “pamsoro poumambo hwaMwari.” (Mabasa 28:23, NW) Mumakumi amakore mashomanene chete shoko ravo rakasvika kumiganhu yenyika yaizivikanwa panguva iyeyo. (VaKorose 1:23) Uye nemiuyoiko? Zviuru zvakagamuchira ndokuva ‘hama nehanzvadzi’ dzomudzimu. (Mateo 23:8, 9) VaJudha naVamarudzi avo vakava maKristu vakarega utsinye hwavo. Pakati pavaJudha navaSamaria kunyange misiano mikuru yakanyangarika nemhaka yo“rudo rukuru” maKristu aiva narwo nokuda kwomumwe nomumwe.—1 Petro 4:8.

Rudo rwechiKristu, zvisinei, rwakatambanukira kunyange kuvavengi vavo. (Mateo 5:44) Ivo naizvozvo vakaramba kukumbanira mauto aKesari. ‘Asi,’ vamwe vangaramba, ‘Jesu haana kuti here, “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari?”’ Chokwadi. Zvisinei, ko Jesu akanga achitaura pamsoro pebasa rehondo here? Aiwa, iye akanga achingokurukura zvake nhau yoku‘ripira mitero kuna Kesari kana kuti kwete.’ (Mateo 22:15-21) Naizvozvo maKristu aibhadhara mitero yao. Asi airangarira upenyu hwao sohwakatsaurirwa kuna Mwari ndokuramba kuita kuvadziko kumunhu biyavo.

Kuva Shamwari Yenyika

‘Asi tarira pachiKristudhomu nhasi,’ vamwe vangadaro. ‘Chakakamuraniswa zvisina netariro yose, mitezo yacho kazhinji kazhinji inourayana, vakuru vakuru vacho vorudzidziso vanobatanidzwa mumatongerwe enyika. Chii chakaitika kuchiKristu?’ Eya, Jesu akanyevera kuti maKristu enhema aizo‘kushwa’ pakati pamaKristu echokwadi. (Mateo 13:24-30) Pauro nenzira yakafanana akaporofita, kuti: “Ini ndinoziva kuti . . . mapere anodzvinyirira achapinda pakati penyu uye . . . varume vachamuka ndokutaura zvinhu zvakamonyaniswa kuti vagotsausa vadzidzi vavatevere ivo.”—Mabasa 20:29, 30, NW.

Kunyange muzana rokutanga ramakore iyi kombamiro yakanga yavamba. Mudzidzi Jakobho akakuwana kuri madikanwa kunyora aya mashoko akajeka: “Imi hamuna kutendeka savadzimai vanopomba; hamuzivi here kuti kuita nyika shamwari yenyu kuita Mwari muvengi wenyu?” (Jakobho 4:4, The Jerusalem Bible; mashoko akatsveyamiswa ndeedu.) Vazhinji vakasarudza kuzvidza iri zano roumwari—zvikuru kwazvo zvokuti muzana ramakore rechina bere rakapfeka makushe amakwai, Mambo Constantine, rakakwanisa kubvumiranisazve pane zvisina kufanira “chiKristu” chakaipa kupfurikidza nokuchiita rudzidziso rwapamutemo rwoUmambo hweRoma. Asi mukuva ‘shamwari yenyika,’ chiKristudhomu chakava muvengi waMwari. Bonderano yokupedzisira yakava isingadzivisiki.

Pakasvika zana ramakore rechi 13 Chechi, ichibatwa ushe na“papa” wayo, kana kuti “baba,” yakanga yasvika “pakakwiririsa pesimba rayo,” ichitanga batano inotova yapedyo zvikuru yeChechi neHurumende. Papa Innocent III akapwiswa kuti “Ishe akapa Petro ubati ushe kwete bedzi hweChechi Yose asiwo ubati ushe hwenyika yose.” (Mashoko akatsveyamiswa ndeedu.) Purofesa wenhau T. F. Tout anopfuurira muThe Empire and the Papacy, kuti: “Basa raInnocent raiva riya renyanzvi yezvehurumende yechechi, . . . kuita nokusaita madzimambo namadzishe nokuda kwake.” Asi munyori mumwe cheteyo anowedzera, kuti: “Apo chiremera chapapa chakava chezvamatongerwe enyika zvikuru, kwakava kwakaoma zvikuru kutsigira mukurumbira wacho samanyuko omutemo, etsika, orudzidziso.”

Rudzidziso Nehondo

Hondo matongerwe enyika pamwero wamasimba masimba zvikuru. Pope Innocent III, zvisinei, akaronga iye pachake hondo yokurwisana navaAlbigense vokumaodzanyemba kweFrance. Iyoyi yakatungamirira kukuurawa kwezviuru kunotyisa paBéziers muna 1209 nokupiswa kwavazhinji vavanyajambwa neHoly Inquisition. Hondo yamaKristu, pakuvamba yakaitirwa donzo reParestina, yakachinjwa nezano ramatongerwe enyika kubatanidza Constantinople. Imomo, varwi “vechiKristu” vakapinda mu“mazuva matatu anotyisa okupamba, kuuraya, kuchiva, uye kuzvidza.” Pana vanaaniko? Pa“maKristu” biyavo! Anoti mumwe wezvenhau: “Chechi dzimene dzakapambwa noutsinye.”

Mitoo isina kufanana neyaKristu yeChechi pakupedzisira yakatungamirira kukuroverera kwaMartin Luther pfungwa dzake dzinodenha pasuo rechechi yecastle paWittenberg muna 1517—uye Mutsidziro yakavamba. Asi, anodaro H. A. L. Fisher, muHistory of Europe: “Kureurura kutsva kwakanga . . . kwakasanotsamira panyasha dzomuchinda nedzehurumende.” Germany yakakamuraniswa mune zvamatongerwe enyika norudzidziso. MuFrance, vaCalvin nenzira yakafanana vakavhengana navatungamiriri vamatongerwe enyika. Hondo dzakatevera dzorudzidziso naizvozvo dzakarwiwa kwete bedzi nokuda kworusununguko rworudzidziso asiwo nemhaka ye“rwisano pakati pamaProtestant navakuru veRoma Katurike nokuda kwoudzori hwaMambo.” Nokudaro, nhau yorudzidziso muEurope yakanyorwa muropa!

Zana ramakore rechi 20 rakasvika maBriton namaBoer vachirwisana muSouth Africa. Vakuru vorudzidziso pamativi ose ari maviri vakafefedza marimi na“mazano vari pachikuva.” Wezvenhau R. Kruger anoti: “Ukuru hwezvichemo zvakataura kudenga norutivi rumwe norumwe muhondo hwakawirirana bedzi nemhatsa yahwo yekurudziro yamasangano.” “MaKristu” machena akaurayana achikumbira Mwari kuabetsera kukuita!

Uyu mutoo wakadzokororwa pamwero muhombe muna 1914 apo mauto eGermany akapinda muBelgium akapfeka mabhanhire akanyorwa mashoko anoti “Gott mit uns” (Mwari anesu). Pamativi ose ari maviri Chechi yaipa minyengero yakawanda nokuda kworukundo uye ine utsinye hwokushatiswa kwomuvengi.

Vazhinji vakaodzwa mwoyo norutivi rworudzidziso muHondo yeNyika I. Vachidana rudzidziso kuti “mushonga unokotsirisa wavanhu,” vasingatendi kuvapo kwaMwari namakomonisiti vakawedzera. Kunyanguvezvo, vakuru vorudzidziso vakapfuuridzira batanidzwo yavo mumatongerwe enyika, vachitsigira vadzvinyiriri veFascist vakadai saMussolini naFranco. Muna 1933 Chechi yeRoma Katurike yakatoita chibvumirano neNazi. Cardinal Faulhaber akanyorera Hitler, kuti: “Uku kubatana maoko naPapa . . . chiito chechikomborero chisingayereki . . . Mwari ngaachengete Reich Chancellor [Hitler].”

Kunyange kubvira kweimwe hondo yenyika hakuna kubudisa vakuru vorudzidziso mumatongerwe enyika. Imwe kombamiro yemisi ichangobva kupfuura yave iri yokuti dzimwe chechi dziende kuchimiro chamatongerwe enyika chokunyanyisa. Mumwe munyori anoti: “Chizvarwa chazvino uno chaveruzivo rwezvaMwari chakabva kuLatin America . . . chinotaura kuti Marxism kutaura kwamatongerwe enyika kusingadzivisiki kwechiKristu.” Asi Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Ivo vakadyara mhepo, vachacheka chamupupuri.”—Hosea 8:7, JB.

Kucheka Chamupupuri

Hungu, Bhaibheri rinozivisa nyevero yakakomba, inoti: Bonderano inotyisa pakati porudzidziso namatongerwe enyika iri kuuya. Muna Zvakazarurwa ganhuro 17, Bhaibheri rinoratidzira umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema rwakasvibiswa neropa se“mhombwe huru, inogara pamusoro pemvura zhinji.” Idzi “mvura” dzinomirira “vanhu namarudzi.” (Zva 17 Ndima 1, 15) Mhombwe inonzi “Bhabhironi Guru, mai vemhombwe navezvinonyangadza zvenyika,” uye iyo “yakabatwa neropa ravatsvene.” (Zva 17 Ndima 5, 6) “Bhabhironi” izita rakakodzera nokuda kworudzidziso rwenhema rwakarongwa, sezvo dzakawanda dzedzidziso dzaro dzichibva kuguta rekare reBhabhironi.a Iro rakawana mukurumbira waro wokuuraya kupfurikidza nokutambudza kwaro maKristu echokwadi mumazana ose amakore.

Umambo hwenyika rworudzidziso rwenhema hunofananidzirwazve sohwakatasva chikara chine “misoro minomwe nenyanga gumi . . . [icho] chinoreva madzimambo gumi.” (Zva 17 ndima 3, 12) Nyaya dzakapfuura dzomumagazini ino dzakazivisa ichi “chikara” sechinhu chakaronzeswa kuchengeta rugare rwenyika, Chibatanwa chaMarudzi. Chechi dzakazivikanwa kuva dzakataura kutsigira iri sangano. Muna October 1965, Pope Paul VI akarondedzera CM se“tariro yokupedzisira yebvumirano nechinzwano.” Muna 1979, Pope John Paul II akakurukura kuGeneral Assembly yeCM. Pasina kumbodudza Kristu kana kuti Umambo hwake, iye akataura nezveCM se“nzvimbo hurusa yorugare neruramisiro.”

Asi nei uyu mubatanidzwa worudzidziso neCM une ngozi kwazvo? Imhaka yokuti “nyanga dzine gumi . . . nechikara, ndivo vachavenga mhombwe, vachaiparadza, nokuitorera nguvo . . . nokuipisa nomwoto.” (Zva 17 Ndima 16) Rudzidziso rwenhema naizvozvo rwakananga kubonderano ine ngwavaira namatongerwe enyika. Zvayakafukurwa uye kusachena kwayo kunosemesa zvakwakaziviswa, ichaparadzwa chose chose.

Ikoko kuchanyandura “dambudziko guru” iro Jesu akataura nezvaro, rinoguma nehondo yeArmagedhoni. Kristu, achitsigirwa namauto okudenga asingakundwi, acha“pwanya ndokugumisa” tsika yenyika yose yaSatani, achingosiya bedzi ‘vanyoro avo vachagara nhaka yapasi.’ Ivava vachava maKristu echokwadi ayo, pakati pezvimwe zvinhu, akabuda mumatongerwe enyika anokamuranisa.—Mateo 24:21, NW; Dhanieri 2:44; Pisarema 37:10, 11; Mateo 5:5; Zvakazarurwa 6:2; 16:14-16.

Kana iwe uri munhu anotambudzika pamsoro pokutambura noruzvidzo izvo rudzidziso rwenhema rwakaunza pazita raMwari, chii chaunofanira kuita zvino? Bhaibheri rinoraira, kuti: “Budai mariri [rudzidziso rwenhema], vanhu vangu, kana musati muchida kugoverana naro muzvivi zvaro.” (Zvakazarurwa 18:4, NW) Zvapupu zvaJehovha bedzi zviri kukurudzira vanhu kuteerera uyu murairo. Izvo, kufanana namaKristu apakuvamba, zvinoramba zviri kunze kwehondo namatongerwe enyika ndizvo nokudaro hazvisati zvichizoparadzwa apo rudzidziso runobonderana namatongerwe enyika. Naizvozvo onana nazvo. Izvo zvichakuratidza nomufaro nzira yokuwana nayo “suo rakamanikana” rinotungamirira kwete kuruparadziko asi kuupenyu husingaperi.—Mateo 7:13, 14; Johane 17:3.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwoudzame, ona bhuku rinonzi “Babylon the Great Has Fallen!” God’s Kingdom Rules!, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Muna 1914, paatari yedhiramu pamatanho eSt. Paul’s, Bhishopi weLondon akanyandura kuvimbika kunyika yokwako mumauto echiBritish

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe