RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w86 1/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1986
  • Mashoko Akafanana
  • Vatariri Nevashumiri Vanoshumira Vanogadzwa naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ndiani Ari Kutungamirira Vanhu vaMwari Mazuva Ano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • ‘Muzita Romudzimu Mutsvene’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Dare Rinotungamirira Rinoshanda Sei?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1986
w86 1/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ Mudzimu mutsvene unoshanda sei noMutumbi Unodzora womuzuva razvino uno mukugadzwa kwavakuru?

Muapostora Pauro akaudza vakuru vechiKristu vakabva Efeso, kuti: “Zvingwarirei mumene neboka rose, ramakagadzwa mariri nomudzimu mutsvene kuva vatariri, kufudza ungano yaMwari, yaakadzikinura neropa roMwanakomana wake amene.”—Mabasa 20:28, NW.

Pauro haana kutsanangura muudzame kuti mudzimu waMwari wakashanda sei mugadzo dzakadaro. Zvisinei, tinogona kuwana nzwisiso muchakaitika apo mutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore wakarangarira mubvunzo pamsoro pedzingiswo. Mukupeta chisarudzo chavo, ivo vakanyora, kuti: “Nokuti mudzimu mutsvene nesu timene takada kusawedzera mumwe mutoro kwamuri, kunze kwezvinhu izvozvi zvakafanira.” (Mabasa 15:28, NW) Mudzimu waMwari, simba rake rinobata basa risiri munhu, wakabetsera sei kuchisarudzo chinosunga chakasvikwa panguva iyoyo?

Mabasa ganhuro 15 inoratidza kuti kutanga Pauro naBharnabhasi vakarondedzera nhau yacho. Ipapo kurukurirano yakaitika. Muapostora Petro akarondedzera chakanga chatungamirira kurubhapatidzo rwaKornerio waVamarudzi asina kudzingiswa nemhuri yake. Petro akatsanangura kuti ‘Mwari akapupurira kupfurikidza nokuvapa mudzimu mutsvene, sezvaakangoitawo kwatiri.’ (Mabasa 15:7, 8; 10:9-48) Tevere Pauro naBharnabhasi ‘vakarondedzera zviratidzo zvakawanda nezvishamiso izvo Mwari akaita kupfurikidza navo pakati pamarudzi.’ (Mabasa 15:12) Nokudaro, kupfurikidza nokushanda kwawo pana Petro, Kornerio, Pauro uye Bharnabhasi, mudzimu mutsvene wakaratidza kuti Vamarudzi vaisadikanirwa kudzingiswa.

Bva kwaiva nokushanda kwokuwedzera kwomudzimu kwaibatanidzwa muchisarudzo ichocho chakasvikwa nomutumbi unodzora. Tinogona kurangarira kuti ivo vakanga vakumbira betsero dzomudzimu parangariro dzavo. Betsero yakadaro ingave yakasunda mudzidzi Jakobho kuyeuka uporofita huri pana Amosi 9:11, 12, uye kuona kushanda kwahwo. Uporofita ihwohwo, chokwadika, hwakanga hwanyorwa mufuridziro yomudzimu mutsvene. (Mabasa 15:13-20) Kupfuurirazve, “vaapostora navarume vakuru muJerusarema” avo vaiumba mutumbi unodzora vaiva maKristu akanga akazodzwa nomudzimu mutsvene uye airatidzira kushanda kwawo muupenyu hwavo, zvakadai sokupfurikidza nokubereka zvibereko zvawo.—Mabasa 15:2; VaRoma 8:14-17; 1 VaKorinte 7:40; VaGaratia 5:22, 23.

Naizvozvo pasina kuvapo kwenhungamiro inonzwika yakabva kudenga pamsoro penhau yedzingiso, avo vomutumbi unodzora vaigona nenzira yakarurama kutaura kuti “mudzimu mutsvene” wakanga watungamirira kuchisarudzo chavo.

Kwakafanana nokugadzwa kwavarume vechiKristu kuti vave vakuru, kana kuti vatariri, muungano nhasi. Panhambo nenhambo boka ravakuru (sezvingabvira kubatanidza mutariri anofambira weSosaiti) vanosangana kuti varangarire kurumbidza hama nokuda kwegadzwo savatariri. Avo vari muboka ivo vamene vakagadzwa savakuru uye ivo vanoratidzira muupenyu hwavo kuti vane mudzimu. Kurukurirano yavo inozarurwa nomunyengetero nokuda kwenhungamiro yomudzimu. Ipapo, mukati momusangano wacho, ivo vanokamuranisa kana hama imwe neimwe iri kurangarirwa ichisvitsa zvikwaniriso zvavakuru zvinooneswa muBhaibheri, izvo zvakanyorwa munhungamiro yomudzimu mutsvene. (1 Timotio 3:2-7; Tito 1:5-9) Ivo vanorangarirawo kana hama yacho ichiratidzira mumutoo wayo woupenyu kuti iye “akazara nomudzimu nouchenjeri.” (Mabasa 6:3, NW) Kana ivo vakabvuma kuti ndowerudzi irworwo uye anosvitsa zvikwaniriso kusvikira pamwero une mufungo, rumbidzo yavo inoendeswa kuMutumbi Unodzora wakagadzwa nomudzimu kana kuti vamiriri vawo vakagadzwa. Gare gare ungano ingaziviswa kuti hama yacho yakagadzwa.

Nenzira inonzwisisika, mukuru akagadzwa achiri asina kukwana uye angava neganhuriro. Asi vaapostora vakanga vasina kukwana, pose pari paviri Jesu asati avasarudza uye gare gare apo ivo vakabatira mumutumbi unodzora. (Ruka 9:46, 54; 22:54-62; VaGaratia 2:11-14) Ivo zvamazvirokwazvo, nyanguvezvo, vaiva nomudzimu waMwari uye vakagadzwa munhungamiro yawo. Nenzira yakaenzana, hama nehanzvadzi vanogona kuva nechivimbo chokuti ‘mudzimu mutsvene wakagadza vatariri, kuti vafudze ungano.’ (Mabasa 20:28) Kuri pamsoro pavarume vakadaro kuti zano rinopiwa, rinoti: “Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai shoko raMwari; cherekedzai kuguma kwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo.”—VaHebheru 13:7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe