RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w87 10/1 p. 21
  • Ishe Anotaura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ishe Anotaura
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chiri Chokutanga Muupenyu Hwako?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 5—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Ivo Vakavimba naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
w87 10/1 p. 21

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

Ishe Anotaura

KUNOKURUDZIRA kuziva kuti kuchine varume vari munzvimbo dzakakwirira vari munyika ino vanoda kutendeseka neruramisiro uye vanotaura kuti vatsigire aya mavara. Muenzaniso ndiishe ari mune imwe nyika yeAfrica umo basa reZvapupu zvaJehovha rakaganhurirwa. Mushumo wacho ngautiudze:

“Misi ichangobva kupfuura iyi mapoka orudzidziso akasiana-siana akava nekokorodzano yamasangano ose mutaundi medu, uye uku kwakabatanidza vaKaturike, vaPresbyterian, vaPentecostal, uye zvichingodaro. Mambo akakokwa kuzotaura kukokorodzano nechokumarusando okugumisa. Kukushamiswa kweboka rose, iye akavaudza, pakati pezvimwe zvinhu, kutevedzera kutendeseka nemipimo yetsika yakakwirira yeZvapupu zvaJehovha, achiwedzera kuti kudai vose vakanga vakafanana neZvapupu zvaJehovha, kwaizova norugare murudzi rwacho.

“Zuva rakatevera racho mitezo mikuru yamachechi akamirirwa pakokorodzano yakauya kuDzimbahwe ndokunyunyuta nesimba kwazvo mukurwisana norutivi rwehurukuro yake iyo yakarumbidza Zvapupu ndokumubvunza kana akanga asingazivi kuti Zvapupu zvakanga zvarambidzwa munyika macho. Ishe akapindura kuti hungu, asi akavaudza kuti haana kuwana mhaka muZvapupu zvaJehovha. Iye akapfuurira, kuti: ‘Kwamakore angu ose saMambo, hapana kamwe apo mumwe weZvapupu zvaJehovha akaunzwa kudare rangu nokuda kwechakaipa chakakomba. Pane rumwe rutivi, kana mufarinya ukabiwa mupurazi, kazhinji kazhinji anova muKaturike uyo ari mbavha. Kana madhumbe akabiwa, muPresbyterian ane mutoro. Mitezo yechechi dzenyu yashatisa nyika yangu nokubvisa pamuviri, asi hapana nomumwe weZvapupu zvaJehovha akaunzwa kudare rangu nokuda kwemhaka dzakadaro. Ko mitemo yaMwari hairambidzi zvakaipa zvakadaro here, kana kuti ko chechi hadzisati dzichabatwa nomutemo waMwari here?’ Vakuru vorudzidziso vakanga vasina mhinduro.

“Gare gare, Mambo akadana vamiriri veZvapupu zvaJehovha ndokuzvipa zano rokuzvitarisira zvimene zvakanaka kuitira kuti pagorega kuva noruzvidzo rwunounzwa pazita raMwari wazvo napazita rake amene saMambo uyo akataura nokuda kweZvapupu zvaJehovha.”

Mushumo wacho unotaura kuti zvino vatsva vazhinji vari kutsigira zvokwadi. Chapupu chimwe chinotaura kuti icho misi ichangobva kupfuura iyi chakakwanisa kutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha namadzimambo matatu omunharaundamo, mumwe wavo achiva Mambo wacho, uye vatatu vose vari kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha!

Jehovha Mwari anochere-chedza avo vanoda zvokwadi nokururama ndokutaura nokuda kwavabatiri Vake.—Mateo 10:42.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe