RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w87 10/1 pp. 26-29
  • Ndakaona Kuti Jehovha Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakaona Kuti Jehovha Akanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ushumiri Hwenguva Yakazara
  • Chishoro Mukati Menyongano Yehondo
  • Gilead Nomugove Wokumwe
  • Kubatira Mukurambidzwa
  • Kubatira muPuerto Rico
  • Ndakaona “Muduku” Achiva “Rudzi Rune Simba”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kutanga Kutsvaka Umambo—Upenyu Hwakachengeteka uye Hunofadza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Mawaniro Andakaita Mufaro Kubva Pakupa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
w87 10/1 pp. 26-29

Ndakaona Kuti Jehovha Akanaka

Yakataurwa naLennart Johnson

PASVONDO, July 26, 1931, purezidhendi wechipiri weWatch Tower Bible and Tract Society, J. F. Rutherford, akakurukura hurukuro inoti “Umambo, Tariro Yenyika” panhandare yeColumbus, Ohio. Mhuri yedu muRockford, Illinois, yakaiteerera munhepfenyuro. Ndaingova namakore 14 bedzi okukura, asi iyi purogiramu yakabvisa, sokunge zvakadaro, katani guru pameso angu.

Kunyange zvazvo baba vangu vaifarira shoko roUmambo, uye gare gare mukoma wanguwo, amai vangu vaisakatara nguva dzose. Baba vakafa gore rakatevera racho, muna 1932. Kumwe kutepfenyura kweWatch Tower kwakaramba kuchindidyisa mumudzimu, asi pakanga pasati pari kutozosvikira pana April 1933 apo ndakawana nzvimbo apo Zvapupu zvaJehovha zvaisanganira, maira dzinoverengeka kure parumwe rutivi rworwizi.

Chaiva chishamiso chakadini nokuda kweboka duku ravaiva ipapo kuona wechiduku mutete achisvika nebhasikoro kumisangano yavo nokuda kwefundo muBhuku reChipiri raVindication! Pamusangano mumwe nomumwe, ndakaramba ndichifunda zvakawanda uye ndakafara mwedzi miviri gare gare kutanga kuenda pasuo nesuo neshoko roUmambo. Ndakabhapatidzwa pagungano renharaunda (zvino redunhu) gore rimwe chete irero.

Pashure pechikoro zuva rimwe nerimwe, ndaipedza awa imwe kana kuti kupfuura ndichishanyira vavakidzani vomunharaunda yakapoteredza musha wedu neshoko roUmambo. Ndaivawo nebanza rokupupurira muchikoro. Somuenzaniso, imwe kosi yakadzokorora rondedzero yehero yomwoto nokutambudzwa. Ikoku kwakandisunda kugovera chitendiso chapaMagwaro chokuti vakafa havasi kutambura asi, panzvimbo pezvo, havazivi uye vari mumakuva avo vane kariro yorumuko. Mudzidzisi akandibvumira kurava nhau yangu huru pamberi pekirasi yose.

Ushumiri Hwenguva Yakazara

Muna May 1935, ndakapinda kokorodzano yeWashington, D.C., apo kupayona (ushumiri hwenguva yakazara) kwakasimbiswa. Pakudzokera kumusha, ndakanyora tsamba kuWatch Tower Society, uye ivo havana kungondidzorera bedzi ndaza yendima dzaiwanika asiwo, kushamisiko yangu, vakabatanidza mapurani anoverengeka okuvaka imba yeturera. Mumazuva iwayo kupayona kwaireva kuenda kunzvimbo itsva, uye turera yaigovera munhu nzvimbo mokugara. Naizvozvo ndakasarudza kushanda ndakananga kukuwana motokari neturera kuti ndironde ushumiri hwenguva yakazara.

Munguvayo, ndakava anobatanidzwa mukushandisa motokari ine gudzanzwi iyo ungano yedu yakanga yawana kuti izivise shoko roUmambo. Apo imwe hama neni takakokwa kuenda kuMonroe, Wisconsin, kunoishandisa, ndakasangana uye nokukurumidza pashure pezvo ndokuroora Virginia Ellis. Zvino taigona kushanda pamwe chete kuti tiwane motokari iyoyo neturera kuti tishandise mubasa roupiona!

Mukupera kwa 1938 amai vangu vakafa, uye panenge panguva iyeyo Harold Woodworth akatinyorera ari New Mexico, kuti: “Uyai kuno; kushaiwa kukuru.” Naizvozvo takatanga kuenda kuNew Mexico, urwo rwaiva rwendo rwokufamba napanyika rwaanenge mamaira ane chiuru. Pane imwe kero munzira, teregiramu yakatisvika. “Dzokai kumusha,” iyo yakakurudzira. Ndakapiwa basa rinobhadhara zvakanaka nemabanza akaisvonaka okufambira mberi. Ndakatsemura teregiramu yacho. Kana Jehovha akanga atibetsera kugadzirira nokuda kwokupayona, ndakanga ndisati ndichizorega chinhu chipi nechipi chichidzongonyedza!

Muna March 1939, takavamba basa redu roupiona muHobbs, New Mexico. Iyi yaiva nyika yen’ombe; maivawo nenzvimbo itsva dzakawanda dzamafuta dzokushanyira muiyi nharaunda. Ungano duku yaiva nemisangano paChishanu neSvondo, naizvozvo taienda namabhuku, mvura, zvokudya, chitofu chiduku, uye mubhedha unopetwa ndokupedza Muvhuro kusvikira kuChishanu masikati tichiparidzira mumaruwa. Apo usiku hwaisvika, tairara musango nedenga sedenga uye “tochi” yomunda wamafuta pedyo kudzinga nyoka. Taipedzera kupera kwamavhiki mutaundi tichishanda neungano.

Pashure pemwedzi inoverengeka yorudungwe irworwu, Sosaiti yakatitumira kuRoswell uye ipapo kuAlbuquerque, New Mexico. Muno takashandisa zvakare motokari ine gudzanzwi, iyo yaibudirira zvikuru mukupupurira kumisha yamaIndia munharaundamo. Apo basa itsva rokupupurira mumugwagwa namagazini rakavamba pakuvamba muna 1940, takafara kugoverana mariri nehama muAlbuquerque.

Chishoro Mukati Menyongano Yehondo

Hondo yenyika yechipiri yakanga yavamba muEurope September akapfuura, uye nhambo yechishoro chinotyisa yakatevera nemhaka yechimiro chedu chokusatora rutivi muhondo. Pane imwe nguva hembe yangu yakabvarurwa chaizvoizvo kugotsi kwangu pandakanga ndichigoverana muushumiri.

Muzhezha ra 1940, hama dzakanga dzichishanda namagazini pedyo neEl Paso, Texas, uye chiverengero chakati chadzo chakasungwa. Muvhuro wakatevera, Harold Woodworth neni takaenda kundodzibetsera mukati mokutongwa kwadzo. Kupfurikidza nokubvunza mibvunzo hama pamberi pedare, ndakakwanisa kubudisa mapfundo akakodzera mukudzivirirwa kwadzo. Pashure pokunge vose vanzi havana mhaka, mushumo wepepanhau wakanongedzera kwandiri se“gweta duku rinovimbisa rakabva Albuquerque.” Asi chaizvoizvo, akanga ari Jehovha akapa vabatiri vake rukundo zuva iroro!

Nenzira yakafanana, hama dzedu dzakaiswa mutorongo nokuda kwokuparidzira murimwe guta. Pashure pokunge ndaoneka mudare ndichidzidzivirira, Hama David Gray neni takaendesa tsamba kumukuru mukuru mumwe nomumwe weguta. Tsamba yacho yakataura maruramiro apamutemo eZvapupu zvaJehovha okuita basa razvo, uye yakanyevera kuti kana Zvapupu zvikapfuurira kunetswa, vakuru vakuru vaizova nomutoro wekuvadziko dzipi nedzipi dzingavapo.

Meya akagamuchira tsamba ndokuirava pasina tsinhiro, asi mukuru wamapurisa akatiudza, kuti: ‘Kuno kuMadokero, vanhu vanoenda kunze kwetaundi, uye . . . eya . . . vamwe vanovatsvaka gare gare, uye ivo havatongogoni kuwanwa.’ Asi panzvimbo pokuita tyisidziro yacho, zvinhu zvakanyarara, uye chiito chedare paZvapupu chakaregwa.

Panenge panguva ino ndakagadzwa neWatch Tower Society somubatiri wenyika (zvino anonzi mutariri wedunhu). Mugove wangu wakafukidza yakawanda yeNew Mexico nechikamu cheTexas.

Gilead Nomugove Wokumwe

Muna 1943 Virginia neni takagamuchira kokero yokupinda kirasi yechipiri yeWatchtower Bible School of Gilead. Pashure pokupedza kufunda muna January 1944, pakutanga takagoverwa kushanda neUngano yeFlatbush muBrooklyn, New York. Taigara seri kwefekitari yeSosaiti muchivako chekare icho gare gare chakapunzwa kukudziridza fekitari yeAdams Street.

Pashure penguva yakati, zvisinei, takagamuchira mugove wedu wokuDominican Republic, uko Rafael Leónidas Trujillo Molina akanga ari mudzvinyiriri chaiye. Patakasvika paSvondo, April 1, 1945, Virginia neni ndisu taiva Zvapupu bedzi munyika macho. Takaenda kuVictoria Hotel ndokuwana pokugara—$5 pazuva nokuda kwavaviri vedu, kubatanidza zvokudya. Masikati iwayo amene takatanga fundo yedu yeBhaibheri yapamusha yokutanga.

Kwakaitika neiyi nzira: Vakadzi vaviri veDominican vatakanga tafunda navo Bhaibheri muBrooklyn vakanga vatipa mazita ehama dzokunyama navazivikanwi, mumwe wavo akanga ari Dr. Green. Patakamushanyira, takasanganawo nomuvakidzani wake Moses Rollins. Pashure pokuvaudza nzira yatakawana nayo mazita avo nekero, ivo vakasanoteerera shoko roUmambo ndokubvuma fundo yeBhaibheri. Nokukurumidza Moses akava muparidzi woUmambo womunzvimbomo wokutanga.

Madekwana iwayo amene Dr. Green akatiendesa pakuvhima imba kuvambira pauriri hwapamusoro hwebhazi rine nhurikidzwa mbiri. Pakupedzisira takarenda musha muduku wekongiri imomo mudzimbahwe, Ciudad Trujillo (zvino Santo Domingo). Muna June vamwe vafundisi vana vakatikumbanira. Musha wechipiri wavafundisi wakazarurwa, uye ipapo vamwe vafundisi vakasvika. Pakasvika August 1946 taiva nechiverengero chapamusoro chavaparidzi 28. Nokukurumidza vamwe vafundisi vazhinji vakasvika, uye misha yakazarurwa nokuda kwavowo. Wedzero yaipfuurira!

Kubatira Mukurambidzwa

Pakasvika 1950 takanga takura kusvikira kuvaparidzi vanosanopfuura 200. Zvisinei, nemhaka yokuti Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta chimiro chokusatora rutivi chaiko, hurumende yaTrujillo yakavamba kupinza hama dzedu duku mutorongo. Ipapo, kukupedza, rambidzo yakakwana yakaiswa pabasa reZvapupu zvaJehovha pana June 21, 1950.

Zvisingakwanisi kusangana muHoro dzoUmambo, hama dzakavamba kusangana chinyararire mumapoka maduku mudzimba dzavanhu. Imomo taifunda nyaya dzeNharireyomurindi dzaibudiswa nemimeograph. Vakavimbika vose vakakoshesa zvikuru simba romudzimu iro Jehovha akaramba achivapa muaya mapoka maduku efundo.

Svondo raiva zuva redu rokushanyira hama dzakawanda dzeDominican mumatorongo aTrujillo. Taifara pakupinda, zivikanwo yedu yakazara ichinyorwa zvakafanira. Pane dzimwe nguva varwi vaitikomberedza pataiva neidzi hama, vachisanotirinda. Pane imwe nhambo takakumbanirwa naStanley Aniol akabva Chicago, uyo akanga achishanyira mwanasikana wake mufundisi Mary (zvino Mary Adams, anobatira paBheteri yeBrooklyn). Achisundwa neperero yehama duku dzeDominican, Hama Aniol akatsvoda nounyoro dzose zvadzo varwi vanotarira vachiona.

Pamugumo weshanyo, sezvataifamba tichidzika nomugwagwa mukuru webhizimisi, motokari yakazara navanhu vaTrujillo yakatitevera zvishomanene zvikuru. Uyu wakanga uri mumwe wemitoo inosanozivikanwa yaTrujillo yokuedza kuroverera rutyo muvanhu. Patakaudza Hama Aniol zvavakanga vachida, hazvina kumbomuvhundutsa. Zvamazvirokwazvo, kwakanga kuri madikanwa kufuratira nhamburiko dzaTrujillo dzokutyisidzira ndokuisa chivimbo chakazara muna Jehovha.

Padzimwe nguva vanyengedzi, vasori vaTrujillo, vaishanya pasuo redu, vachitaura kuti ihama. Naizvozvo taifanira kuva “vakachenjera senyoka, mururame senjiva.” (Mateo 10:16) Taiedza vanhu vakadaro nemibvunzo inonzvera kuti tizive kana ivo vaiva chaizvoizvo hama dzedu kana kuti kwete.

Mukati mokurambidzwa vakurukuri vanoverengeka mumwe nomumwe aikurukura hurukuro dzeChirangaridzo pamapoka efundo matatu akasiana-siana, vachifamba zvisingacherekedzwi sezvinobvira kubva panzvimbo imwe kuenda kuimwe. Kazhinji kazhinji kwainaya zvikuru pausiku hweChirangaridzo, uye sezvo hondo yaTrujillo yavasori yaitya mvura yakawanda sezvinoita vanhu mudzimwe nzvimbo duku dutu rakakomba, kwaiva chikomborero kwatiri.

Sezvo kupindazve munyika macho kungadai kwakarambwa nehurumende yaTrujillo, vazhinjisa vavafundisi havana kupinda kokorodzano dzamarudzi ose muNew York City muna 1950 na 1953. Taitofanira kugutswa nokufukidzwa kwekokorodzano muThe New York Times, iyo yaigovera mifananidzo yekokorodzano yakaisvonaka nokurondedzerwa kune udzame kwezuva nezuva kwepurogiramu. Uyewo, bhaisikopo romunzvimbomo rakapa ratidzirwo refu yorubhapatidzo rukuru rwekokorodzano ya 1953.

Muna 1956 Roy Brandt neni takashevedzwa nokuda kwokubvunza kwavakuru vakuru. Vakuru vakuru vehurumende yaTrujillo pakuvamba vakanga vakoka Hama Manuel Hierrezuelo kuuya kundovaona. Asi gare gare Manuel akadzorerwa kumhuri yake sechitunha. Naizvozvo zvino, zvinhu zvaizoshanda sei nokuda kwedu?

Pakusvika mumwe nomumwe takabvunzwa zvakaparadzana, mhinduro dzedu sezviri pachena dzichirekodhwa. Hapana chimwe chakaitika panguva iyeyo, asi mwedzi miviri gare gare mapepanhau akazivisa kuti hurumende yaTrujillo yakanga ichibvisa kurambidza paZvapupu zvaJehovha uye kuti taigona kutanga zvakare mibato yedu pachena. Horo dzoUmambo dzakawanwazve, uye basa raJehovha rakachengetwa richifambira mberi.

Zvisinei, muna June 1957 fungu idzva ramasimba masimba rechitambudzo rakavamba, uye vafundisi vose vakadzingwa munyika. Kuenda kwedu zvamazvirokwazvo kwakanga kuri zuva rinosuruvarisa nokuda kwedu. Virginia neni takanga tabatira makore 12 muDominican Republic uye takanga taona chiverengero cheZvapupu chichikura kuvambira pavaviri chete vedu kusvikira kuvanosanopfuura 600. Muna 1960 kurambidza kwechipiri kwakabviswa, uye chiverengero chavaparidzi chakapfuurira kukura kutozosvikira zvino chava chinenge 10 000!

Kubatira muPuerto Rico

Patakasvika muPuerto Rico muna August 1957, hama dzedu dzechiKristu pamwe chete navanyori venhau dzamapepenhau vaivapo kuti vatigamuchire. Mishumo yenhau yakavapo somuuyo yakapa uchapupu hukuru. Panguvayo, muPuerto Rico maiva navaparidzi voUmambo vari pasi pe 1 200; zvino mune vanodokusvika 22 000!

Muna 1958 Sosaiti yakandikoka kuva mutariri anofambira. Nokudaro, mumakore ose apfuura takasvika pakuziva ndokushanda nehama dzakatendeka dzakawanda dzakabva mumativi ose ePuerto Rico neVirgin Islands. Munguva yakafanira, mudzimai wangu neni takava mitezo yemhuri yeBheteri yomunzvimbomo. Uye chibviro chokuumbwa kweDare reBazu muno, Jehovha akandikomborera nokuva mutezo waro.

Kunondizadza nomufaro kuva ndakagamuchira somunhu oga kuna Jehovha “zvine zana zvino [zvakadeya kutaurwa] . . . hama nehanzvadzi navanamai navana.” (Marko 10:30) Handina kutongoda kupedzera upenyu hwangu muimwe nzira ipi neipi kupfuura mubasa rake. Uye naizvozvo, sezvandinotarira shure pamakore 48 chibviro chaapo ndakavamba kupayona, ndinofara kutaura kuti, zvamazvirokwazvo, ndakaona kuti Jehovha akanaka!—Pisarema 34:8.

Apo nhau youpenyu iri pamusoro apa yaLennart Johnson yakanga iri mukugadzirirwa kwokupedzisira, Virginia Johnson akafa norugare mukuvata kwake pana January 31, 1987

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]

Akanga ari Jehovha akapa vabatiri vake rukundo!

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 28]

Vakavimbika vose vakakoshesa zvikuru simba romudzimu iro Jehovha akaramba achivapa

[Mufananidzo uri papeji 29]

Virginia neni takashanda nehama dzakatendeka dzakawanda dzakabva mumativi ose

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe