Ndakaona “Muduku” Achiva “Rudzi Rune Simba”
YAKATAURWA NAWILLIAM DINGMAN
Gore racho rakanga riri 1936; nzvimbo, Salem, Oregon, U.S.A. Ndakanga ndiri kupinda musangano weZvapupu zvaJehovha. Mubvunzo wakabvunzwa wokuti: “Boka guru riri kupi?” (Zvakazarurwa 7:9, King James Version) Ndini ndoga ndakanga ndiri mutsva, naizvozvo vose vakanongedzera kwandiri ndokuti, “Uyo ari apo uyo!”
PAKATI pema1930, pakanga pane vashomanene zvikuru pakati peZvapupu zvaJehovha vakanga vane tariro yeBhaibheri yokurarama nokusingaperi pasi pano muParadhiso. (Pisarema 37:29; Ruka 23:43) Zvinhu zvachinja zvinoshamisa kubva ipapo. Asi regai nditaure pamusoro pezviitiko zvakaita kuti ndive pamusangano iwoyo muSalem, Oregon.
Baba vangu vakanga vakanyoresa The Golden Age, zita rapakuvamba remagazini yeMukai! Pandakanga ndiri muduku, ndakafarikanya kuirava, uye ndakapwiswa kuti yakanga ine chokwadi cheBhaibheri chinokosha. Naizvozvo rimwe zuva ndakatumidzira pepa raiva kuseri kweGolden Age. Raigovera muravi mabhukwana 20, bhuku, uye zita reungano yapedyosa yeZvapupu zvaJehovha. Pandakagamuchira mabhuku acho, ndakaenda paimba neimba ndokugovera mabhukwana ose pamwe chete nebhuku racho.
Panguva iyoyo hapana munhu akanga afunda Bhaibheri neni. Kutaura idi, ndakanga ndisati ndambotaura nomumwe weZvapupu zvaJehovha. Asi zvino, ndine kero yeHoro yoUmambo yapedyosa, ndakatyaira motokari makiromita 40 kuenda kuSalem, Oregon, kuti ndinopinda musangano. Kwaiva ikoko, pandakanga ndichingova namakore 18 bedzi okukura, kwandakasarudzwa sewe“boka guru.”
Kunyange zvazvo ndakanga ndisina kumbogadzirira ushumiri, ndakavamba kuparidza neUngano yeSalem. Ndakakurudzirwa kubatanidza mifungo mitatu inokosha mukupupura kwangu. Wekutanga, kuti Jehovha ndiMwari; wechipiri, kuti Jesu Kristu ndiye Mambo wake akagadzwa; uye wechitatu, kuti Umambo ndiyo bedzi tariro yenyika. Ndakaedza kugovera shoko iroro pasuo rose.
Pashure pokusonganirana neZvapupu zvaJehovha muSalem kwamakore maviri, ndakabhabhatidzwa musi waApril 3, 1938. Shamwari dzaiva muSalem dzakafadzwa kuona vanoverengeka vedu ve“boka guru” vachibhabhatidzwa. Muna February 1939, ndakava piyona, kana kuti mushumiri wenguva yakazara. Muna December wegore iroro, ndakagamuchira kokero yokutamira kuArizona, kwakanga kuchidikanwa vazivisi voUmambo zvikuru.
Kupayona muArizona
Basa reZvapupu zvaJehovha rakanga riri idzva muArizona, uye pakanga pane kusanzwisisa kwakawanda pamusoro pedu, naizvozvo apo United States yakapinda muHondo Yenyika II, takawana chitambudzo chikuru. Somuenzaniso, pandakanga ndichishanda muStafford, Arizona, muna 1942, pakanga pachitaurwa nezvemhomho yaipesana nesu yaiumbwa neboka ravaMormon. Shamwari dzangu dzandaipayona nadzo neni taigara pedyo neimba yabhishopi wavaMormon uyo aitiremekedza achiti: “Kudai vafundisi vevaMormon vaishingaira seZvapupu, ipapo Chechi yevaMormon yaizowedzera.” Naizvozvo ari muchechi akataura achiti: “Ndinonzwa kuti pane kutaura kwemhomho dzinopesana nevakomana vari Zvapupu. Eya, ndinogara pedyo nevakomana vaya, uye kana pakava nechiito chemhomho, pachava nekupfura nepafenzi chaipo. Pfuti iyoyo ichashandiswa—asi kwete kurwisa Zvapupu. Ichashandiswa kurwisa mhomho. Naizvozvo kana muchida kuita chiito chemhomho, munoziva zvamuchakarira.” Mhomho yacho haina kuzombouya.
Mukati memakore angu matatu ndiri muArizona, takasungwa ndokuiswa mujere kanoverengeka. Pane imwe nguva ndakachengetwa kwamazuva 30. Kuti tirwisane nokunetswa namapurisa muushumiri hwedu, takatanga chataidana kuti chikwata chokubhururuka. Chapupu chaitungamirira chakatiudza kuti: “Sezvakangoita zita redu, ndozvatiri. Tinotanga nafaifi kana kuti sikisi mangwanani, ndokusiya turakiti kana kuti bhukwana pamasuo ose, uye ipapo tinobhururuka.” “Chikwata [chedu] chokubhururuka” chakafukidza nyika yeArizona yakati. Zvisinei, pakupedzisira chakaregwa nemhaka yokuti chimiro ichocho chokuparidza hachina kutibvumira kubetsera vaya vaifarira.
Chikoro cheGilead neBasa Chairo
Muna December 1942, ndakanga ndiri pakati pamapiyona anoverengeka aiva muArizona akagamuchira tsamba yokuakoka kuchikoro chitsva chavafundisi chakanga chiri kutangwa neZvapupu zvaJehovha. Chikoro chacho pakutanga chakanga chichinzi Watchtower Bible College of Gilead. Gare gare zita racho rakachinjwa kuva Watchtower Bible School of Gilead. Nzvimbo yacho yakanga iri kure nemakiromita anenge 4 800 pedyo neguta reIthaca kumusoro kweNew York.
Pashure peshanyo pfupi yokuOregon, muna January 1943, vanoverengeka vedu mapiyona takasiya kupisa kweGwenga reArizona tiri mubhazi reGreyhound. Mazuva anoverengeka gare gare takasvika kwataienda ndokuwana sinou yechando chokumusoro kweNew York. Chikoro chacho chakavhurwa musi waFebruary 1, 1943, apo purezidhendi wacho, Nathan H. Knorr, akataura muhurukuro yake yokutanga kuvadzidzi vane zana kuti: “HACHISI chinangwa chekoreji ino kukushongedzerai kuti muve vashumiri vakagadzwa. Munotova vashumiri nechekare uye mave muchishingaira muushumiri kwamakore akawanda. . . . Nhambo yekufunda pakoreji ndeyechinangwa chikuru chokukugadzirirai kuti muve vashumiri vanokwanisa zvikuru mundima dzamunoenda.”
Sezvo ndakanga ndine dzidzo yokunyika yakaganhurirwa, pakutanga ndakanga ndisina kugadzikana paGilead. Asi varayiridzi vacho vakanga vachinzwisisa zvikuru, uye ndakasvika pakufarikanya zvifundo zvangu zvikuru. Kirasi yedu yakapedza kufunda pashure pemwedzi mishanu yokurovedzwa kwakasimba. Pashure pezvo, vashomanene vedu takatumirwa kudzimbahwe renyika reZvapupu vaJehovha muBrooklyn, New York, kwatakagamuchira kumwe kurovedzwa kuti kutigadzirire kushanda mubasa rokufambira savatariri vamatunhu. Mugove wangu wokutanga wakanga uri muNorth neSouth Carolina.
Mumazuva iwayo apakuvamba, mutariri wedunhu airamba achifamba nguva dzose. Taigara zuva rimwe neungano duku kana kuti mazuva maviri kana iri huru. Ungano dzakawanda panguva yacho dzakanga dziri duku. Naizvozvo pashure pokupedza zuva rakazara, uye kazhinji kazhinji ndichiramba ndakamuka kusvikira pakati pousiku ndichishanya uye kupindura mibvunzo, ndaimuka nenguva dzafaifi mangwanani anotevera kuti ndiende kuungano yaitevera. Ndakashanda mubasa redunhu kwerinenge gore rimwe, uye pashure pacho ndakapayona kwenguva yakati muTennessee neNew York.
Kuenda kuCuba uye Kupfuurira Kuenda kuPuerto Rico
Muna May 1945, pamwe chete navamwe vanoverengeka, ndakatumirwa kumugove wangu woufundisi wokutanga wokumwe, Cuba! Usiku hwatakasvika muHavana, guta guru reCuba, takaenda kubasa ramagazini. Takagara muHavana kusvikira takwanisa kuwana musha muSanta Clara. Mari yedu yomwedzi nomwedzi yaiva $300 chete nokuda kwezvaidikanwa zvose, kubatanidza zvokudya nerendi. Takagadzira mibhedha nemidziyo yemumba nezvinhu zvakanga zvichiwanika ndokushandisa mabhokisi emaapuro kuti ave madhirowa edu.
Gore rakatevera racho ndakagoverwa basa redunhu. Panguva yacho Cuba yose raiva dunhu rimwe. Nemhaka yokuti mutariri wedunhu akanditangira akanga ane makumbo marefu uye aifarira kufamba, hama nehanzvadzi dzaifanira kumhanya chaizvoizvo kuti dzimubate. Sezviri pachena vakafunga kuti ndaizova ndakadarowo, naizvozvo vakaronga zvinhu nokuda kwekushanya kwangu. Havana kubuda vose muushumiri zuva rimwe asi vakakamurana kuva mapoka maviri ndokuchinjana kushanda neni. Zuva rokutanga rimwe boka rakandiendesa kundima iri kure; zuva rakatevera racho rimwe boka rakandiendesa kune imwe ndima iri kure yakadaro, zvichingodaro. Ndakanzwa ndaneta pamugumo wekushanya, asi ndakanga ndafarikanya. Ndinoyeuka ungano iyoyo nomufaro.
Pakasvika 1950 takanga tine vaparidzi voUmambo 7 000 muCuba, inenge nhamba yakafanana nenhamba yakanga ine Mexico. Muna July wegore iroro, ndakapinda kokorodzano yamarudzi ose yeKuwedzera kwoUbati Ushe hwaMwari kuYankee Stadium muNew York City. Pashure paizvozvo, ndakagamuchira mugove mutsva woufundisi, kuPuerto Rico. Pakati pevafundisi vatsva vakanga vari mukirasi yechi12 yeGilead pakanga pana Estelle naThelma Weakley, avo vakandiperekedza kundege yaienda kuPuerto Rico.
Makore masere gare gare Estelle neni takaroorana mumutambo une mwero wakaitirwa muBayamón, Puerto Rico, wakaitirwa pachikuva mukati mekumbomira kuitwa kwegungano redunhu. Tisati taroorana uye taroorana, ndakashanda mubasa redunhu. Mukati mamakore edu anopfuura gumi muPuerto Rico, Estelle neni takaona wedzero huru—kubva kuvaparidzi vari pasi pe500 kusvika kune vanopfuura 2 000. Takakwanisa kubetsera vakawanda kusvika tsauriro nokubhabhatidzwa, uye takatora rutivi mukutanga ungano itsva dzinoverengeka.
Muna December 1960, Milton Henschel wokudzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York, akashanyira Puerto Rico ndokutaura navafundisi. Akabvunza kana vamwe vaizozviita vanowanika nokuda kwomugove wakasiyana. Pakati peavo vakazvipira pakanga pana Estelle neni.
Musha Wedu muDominican Republic
Mugove wedu mutsva wakanga uri Dominican Republic, uye takaronga June 1, 1961, semusi wedu wokutama. Pana May 30 mutongi weDominican, Trujillo, akaurawa, uye ndege dzokuenda kunyika yacho dzakamiswa. Ndege, kunyange zvakadaro, dzakatangazve kushanda, uye takakwanisa kuenda kuDominican Republic musi waJune 1 sezvatakanga taronga.
Nyika yacho yakanga iri mumamiriro ezvinhu enyongano patakasvika, uye pakanga pane mubato wehondo zvishoma. Hondo yaityiwa, uye varwi vakanga vachisecha munhu wose aiva mumugwagwa. Takamiswa panzvimbo dzakawanda, uye mumwe nomumwe wemikwende yedu wakasechwa. Chinhu chose chakabudiswa musutukesi yedu, kunyange zvinhu zvidukusa zvikuru. Ndizvo zvakatigamuchira kuDominican Republic.
Takagara muguta guru racho, Santo Domingo, kwamavhiki anoverengeka tisati taenda kumugove wedu wokutanga muLa Romana. Mukati mokutonga kwaTrujillo, vanhu vose vakanga vaudzwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvaiva vaKomonisiti uye kuti zvakanga zviri vanhu vakaipisisa. Somugumisiro, Zvapupu zvakatambudzwa zvakaipa. Zvishoma nezvishoma, kunyange zvakadaro, takakwanisa kupedza rusaruro.
Pashure pokushanda muLa Romana kwenguva pfupi, takavamba kushanda mubasa redunhu zvakare. Ipapo, muna 1964, takagoverwa savafundisi kuguta reSantiago. Gore rakatevera racho Dominican Republic yakava nokumukira, uye nyika yakanga yava mumamiriro ezvinhu okunyongana zvakare. Mukati mokurwisana ikoko takatamisirwa kuSan Francisco de Macorís, taundi rinozivikanwa nokuda kwezvematongerwe enyika. Kunyange zvakadaro, takaparidza takasununguka pasina dzongonyedzo. Pasinei zvapo nokusagadzikana mune zvematongerwe enyika, takatoumba ungano itsva. Mukati mamakore akatevera, takachinjwazve mugove tisati tagoverwazve kumusha wedu muSantiago.
Zvirokwazvo takaona chikomborero chaJehovha pabasa muno muDominican Republic. Patakasvika muna 1961, makanga mune Zvapupu zvinenge 600 neungano 20. Zvino mune vaparidzi vanenge 20 000 vanoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari vari muungano dzinopfuura 300. Kariro dzokukurazve dzinoshamisa, sezvinoratidzirwa ne69 908 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu muna 1996. Nhamba yakapetwa kanenge katatu nehafu yevaparidzi!
Zvino Rwava Rudzi Rune Simba
Kunyange zvazvo zviitiko zvenyika zvichipfuurira kuchinja, shoko reBhaibheri iro Zvapupu zvaJehovha zvinoparidza rinoramba riri rimwe. (1 VaKorinte 7:31) Jehovha achiri Mwari, Kristu achiri Mambo, uye Umambo sezviri pachena kupfuura kare kose ndihwo bedzi tariro yenyika.
Panguva imwe chete, kushanduka kunoshamisa kwakaitika pakati pavanhu vaJehovha kubvira pandakapinda musangano uya muSalem, Oregon, makore 60 apfuura. Vazhinji zhinji, kana kuti boka guru, zvirokwazvo rakava guru, richiva nevanhu vanopfuura mamiriyoni mashanu. Zvakangofanana nokufanotaura kwakaita Jehovha nezvavanhu vake kuti: “Muduku uchava chiuru, wakadukupa uchava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.”—Isaya 60:22.
Pashure pemakore anenge 60 muushumiri hwenguva yakazara, ndinofara kuva nomufaro wokupfuurira kuparidza nokudzidzisa mumugove wangu woufundisi. Iropafadzo huru zvikuru kugoverana mubasa iroro ndokuona “muduku” achiva “rudzi rune simba”!
[Mufananidzo uri papeji 21]
Nomudzimai wangu, muDominican Republic