Rudzidziso Rwechokwadi Runotanda Rutyo—Sei?
VANYORI veBritain Edwin naMona Radford vakakatyamadzwa. Pashure pokuunganidza kutenda mashura kunopfuura zviuru zviviri, ivo vakawana rutyo rumwe cheterwo rwokutenda mashura muScotland, India, uye Uganda, uye muCentral Americawo. Ivo vakashamisika, ‘Chii chingagona kutsanangura ikoku?’ Munyori Robertson Davies anoti nomazvo: “Kutenda mashura kunoratidzika kuva kune batano neboka rakati rechitendero rinopfuura nokure marudzidziso atinoziva.” Ipapo, i“boka rechitendero” rakadini rapamberi pechiKristu riri mudzi wokutenda mashura?
Mudzi Wokutenda Mashura Namapazi
Bhaibheri rinonongedzera kunyika yeShinari (nharaunda iri pakati penzizi dzaTigrisi naYufratesi, gare gare yakanzi Bhabhironia) semviromviro yemirangariro yorudzidziso rwenhema, kubatanidza kutenda mashura. Imomo, “mudzimba mukuru” anonzi Nimirodhi akavamba kuvaka Shongwe ine mukurumbira wakashata yeBhabheri. Yaizoshandiswa nokuda kwenamato yenhema. Jehovha Mwari, kunyanguvezvo, akavhiringidza gadziriro dzavavaki kupfurikidza nokupesanisa mutauro wavo. Pashoma napashoma, basa rokuvaka rakamira, uye ivo vakaparadzirwa. (Genesi 10:8-10; 11:2-9) Asi kupi kana kupi kwavakagara, ivo vakatakura zvitendero zvimwe chetezvo, pfungwa, uye ngano. Bhabheri, zvisinei, rakaramba riri nzvimbo yorudzidziso rwenhema, pashure penguva yakati richikudzawo rutivi rwaro samai nomuyamwisi kumashiripiti, uroyi, uye zvitendero zvokutenda mashura, zvakadai soruzivo rwemitumbi yomudenga. (Enzanisa naIsaya 47:12, 13; Dhanieri 2:27; 4:7.) Nokudaro, bhuku rinonzi Great Cities of the Ancient World rinoti: “Ruzivo rwemitumbi yomudenga rwakanga rwakavakirwa papfungwa mbiri dzeBhabhironi: zodiac, uye umwari hwemitumbi yomudenga. . . . VaBhabhironi vakapa mbiri mitumbi yomudenga pesvedzero iyo munhu angakarira kuvamwari vayo vakasiana-siana.”
Izvi zvinoitika zvakare zvakatitapura sei? Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinoratidzira kuti sangano renyika yose, rorudzidziso rwenhema rakabva mupfungwa dzeBhabhironi rakare. Iro riripo kusvikira kuzuva redu uye rinonzi “Bhabhironi Guru.” (Zvakazarurwa 17:5, NW) Chokwadika, kupfuura kwenguva nezvinoitika zvomunzvimbomo zvakapesvedzera pfungwa dzapakuvamba idzodzo dzeBhabhironi. Mhatsa huru yorudzidziso inoonwa nhasi muuyo wacho. Asi sezvo miti yakasiana-siana ichikurira muivhu rimwe chetero, naizvozvo marudzidziso akasiana-siana nokutenda mashura kupota nyika ane midzi yawo muvhu rakafanana—Bhabhironi. Kuenzanisira, ngationei kuti chimwe chezvitendero zvokutenda mashura zveBhabhironi chakapinda sei munodokuva mumarudzidziso ose enyika nhasi.
Kutya Vakafa—Kwakavakirwa Pachii?
VaBhabhironi vaidavira kuti rutivi rwomudzimu rwomunhu rwaipukunyuka rufu rwomuviri wenyama uye rwaigona kudzokera kuzotapura vapenyu nokuda kwezvakanaka kana kuti nokuda kwezvakashata. Ivo nokudaro vakavamba miitiro yorudzidziso yakarongedzerwa kunyaradza vakafa ndokudzivisa matsive avo. Ichi chitendero chichiri chipenyu munyika dzakawanda nhasi. MuAfrica, somuenzaniso, icho “chinoita rutivi runokosha muupenyu hwezuva riri rose hweinodokuva nzanga iri yose.”—African Religions—Symbol, Ritual, and Community.
Kunyange vanoti maKristu vari munyika dzakadaro vanotapurwa. Somuenzaniso, Henriette, mukadzi ane makore 63 okukura worudzi rweAfrica, anobvuma, kuti: “Kunyange zvazvo ndakanga ndiri mutezo unoshingaira wechechi yomunzvimbomo yePurotesitendi, ndaitya ‘midzimu’ yavakafa. Taigara pedyo namakuva, uye panguva ipi kana ipi mariro aisvika imba yedu, ndaimutsa mwana wangu ndokumubatisisa kutozosvikira apfuura. Kukasadaro, ‘mudzimu’ wanyakufa ungapinda mumba mangu ndokupinda mumwana akavata.”
Kutenda mashura kwakadaro kunopfuurira nemhaka yokuti dzidziso yomweya usingafi yakatekeshera muchiKristudhomu. Nhau inoratidza kuti vazivi vechiGiriki—zvikurukuru Plato—akapa udzame pamsoro pepfungwa yeBhabhironi yokusafa. Mupesvedzero yavo, anonyora kudaro John Dunnett, mudzidzisi mukuru weBritain mune zvoumwari, “murangariro wokusafa kwomweya wakasvika zvikurukuru pakutekeshera Chechi yechiKristu.” Iyi dzidziso yechiBhabhironi yakachengeta mamirioni ari muuranda kurutyo rwokutenda mashura.
Rudzidziso rwechokwadi, zvisinei, runotanda rutyo rwakadaro. Neiko? Nemhaka yokuti rudzidziso rwechokwadi haruna kuvakirwa pazvitendero zvakadzikwa muBhabhironi asi padzidziso dzinowanwa muBhaibheri.
Mweya Mukuwirirana neBhaibheri
Bhuku rokutanga reBhaibheri rinotiudza kuti munhu akava mweya, munhu mupenyu. (Genesi 2:7) Naizvozvo apo munhu anofa, mweya unofa. Muporofita Ezekieri anosimbisa, kuti: “Mweya unotadza—iwo umene uchafa.” (Ezekieri 18:4, NW; VaRoma 3:23) Mweya unofa uye haupfuuriri kurarama pashure porufu. Panzvimbo pezvo, sezvinotaura Pisarema 146:4, NW: “Mudzimu wake unobuda, iye anodzokera kupasi rake, muzuva iroro mifungo yake inoparara.” Nokudaro, mudzidzisi John Dunnett anogumisa, kusafa kwomweya, “kunoramba kuri chitendero chisiri cheBhaibheri.”
Kana kusina mweya usingafi, hakugoni kuva “nemidzimu” yavakafa yokutyisa vanhu pasi pano. Hwaro hworutyo rwokutenda mashura rwavakafa nokudaro runoparara.
Rutyo Rwakavakirwa Panyengedzo
Rutyo rwokutenda mashura rwavakafa runonetsa kupera. Neiko? Nemhaka yokuti zvinhu zvechienzi zvinoitika—kufanana nousiku huya apo mumwe mukadzi wezera rapakati muSuriname akanzwa mumwe munhu achidana zita rake. Iye akarifuratira, asi “maoko” asingaoneki ipapo akavamba kumubata, uye apo iye akaramba ikoko, iye akadokudzipwa nesimba risingaoneki. Zvichida iwe unoshamisika kuti, ‘Kana “midzimu” yavakafa isiri mipenyu, ndiani aiva nomutoro?’ Zvakare, zivo yeBhaibheri inopedza rutyo rwokutenda mashura.
Iyo inotsanangura kuti masimba akaipa emidzimu, anonzi madhemoni, aripo. Madhemoni iwayo, zvisinei, haasi mweya yakaenda. Iwo ingirozi dzaMwari dzakapanduka ndokutsigira Satani, “uyo ari kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9, NW; Jakobho 2:19; VaEfeso 6:12; 2 Petro 2:4) Bhaibheri rinoratidza kuti madhemoni anowana mufarwa mukutsausa, kutyisa, uye kunetsa vanhu. Nhauro iri pana Ruka 9:37-43 inorondedzera kuti dhemoni raka“bvundisa [mumwe mukomana], achipupuma furo” ndokumutambudza namaronda. Kunyange apo mukomana wacho akatungamirirwa kuna Jesu, “mweya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa zvikuru.” “[Zvisinei (NW)],” nhauro yacho inopfuurira kuti, “Jesu wakaraira mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake.”
Nenzira inofadza, Cyclopedia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical Literature inorondedzera kutenda mashura so“kunamatwa kwavamwari venhema.” Nokudaro, kana iwe uchiita mabasa akadaro okutenda mashura, uri, zvichida usingazivi, kunyaradza “vamwari venhema,” kana kuti madhemoni! Namato yenhema yakadaro imhaka yakakomba inoitirwa Jehovha Mwari.—Enzanisa 1 VaKorinte 10:20 naDheuteronomio 18:10-12.a
‘Zviisei Mumene Pasi paMwari’—Iwe Unodaro Here?
Ko iwe ungava noushingi hwokurinza gotsi rako pamadhemoni iwayo kupfurikidza nokuramba kutenda mashura here? Chokwadi, madhemoni ane simba. Asi pashure pokuratidza kuti tinofanira kusarudza kubatira Jehovha Mwari kana kuti zvimwe madhemoni, muapostora Pauro akabvunza, kuti: “Tinomukunda [Jehovha] nesimba here?” (1 VaKorinte 10:21, 22) Aiwa, hatisati—asi yeuka, uyewo hatikundi Satani namadhemoni ake! Panzvimbo pezvo, madhemoni iwayo ano“dedera” nokutya Jehovha. (Jakobho 2:19) Asi Mwari Wamasimba ose anokupa dziviriro yake kana ukaikumbira. Munyori weBhaibheri Jakobho anotizve: “Naizvozvo muzviise pasi paMwari: Dzivisai Dhiabhorosi, agokutizai.” (Jakobho 4:7) Rutyo rwako rwokutenda mashura ruchatizawo.
Zviuru kupota pasi zvaichimborarama murutyo nouranda kutsika dzokutenda mashura zvinogona zvino kupupurira ikoko. Dhiabhorosi akazvitiza! Munziraiko? Yeuka, muvengi worutyo rwokutenda mashura izivo. Anoti Purofesa Rudolph Brasch, nyanzvi pamsoro pamavambo okutenda mashura: “Inongova nhau yedzidzo—kuti kana vanhu vakadzidza zvikuru, vanova vanotenda mashura zvishoma.”
Nokudaro, apo Henriette, adudzwa kare, akagamuchira kokero yeZvapupu zvaJehovha yokuvamba fundo yapachena yeBhaibheri, iye nokukurumidza akaona nyengedzo youdhemoni. Simba rokutenda mashura rakarasikirwa nokubata kwaro. Iye, uye zviuru zvakafanana naye, zvakawana uzvokwadi hwamashoko ari pana VaHebheru 2:15. Ipapo, muapostora anotaura kuti Jesu acha“sunungura avo upenyu hwavo hwose vakanga vakabatwa muuranda norutyo rwavo rworufu.” (New International Version) Sezvo zuva ramangwanani romunzvimbo dzapasi dzinopisa richisasana dova guru resango, chiedza chezvokwadi yeBhaibheri chinotanda rutyo rwose rwokutenda mashura.
Nhasi, vaichimbova ‘varanda vanotya’ vakawanda vakabvisa mazango mumitsipa yavo netambo dzinodzivirira pavana vavo. Zvino vanonzwa sezvinoita Isaac, aichimbova n’anga yeSouth Africa ine makore 68 okukura. Pashure pokufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, iye akati: “Ndinonzwa ndichifara zvikuru uye ndakasununguka nemhaka yokuti handisati ndichakaremerwa norutyo rwemidzimu.” Mashoko aJesu anobvumikisa kuva echokwadi sei: “Muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai”!—Johane 8:32, NW.
Hungu, rudzidziso rwechokwadi runotanda rutyo!
[Mashoko Omuzasi]
a Dzimwe shanduro dzeBhaibheri (somuenzaniso, King James Version, Douay, The Comprehensive Bible) dzinoshandisa shoko rokuti “kutenda mashura” pana Mabasa 25:19 kushandura shoko rechiGiriki rokuti dei·si·dai·mo·niʹas, kureva kuti “kutyiwa kwamadhemoni.” Onawo New World Translation Reference Bible mashoko omuzasi.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Kutenda mashura kwakapararira munyika yose kuchibva pamavambo ako paBhabhironi