Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Ko Pauro akanga achinongedzera kuna Jehovha kana kuti kuna Jesu here apo akanyora, kuti: ‘Ishe akati kwandiri: “Simba rangu riri kukwaniswa muutera”’?
Kunoratidzika kuti muapostora Pauro akanga achinongedzera kuna Ishe Jehovha. Kupfurikidza nokucherechedza mashoko aPauro ari mumashoko akapoteredza, hatisati tichingogona bedzi kuona chikonzero nei ikoku kwakadaro asi tinogonawo kukudza nzwisiso yedu youkama huri pakati paMwari noMwanakomana wake. Pauro akanyora, kuti:
“Zvino, kuti ini ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kwoukuru kwazvo hwezvakandizarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, nhume yaSatani, andirove, kuti ndirege kunyanya kuzvikudza. Pamsoro pechinhu ichi ndakakumbira Ishe zvikuru katatu, kuti chibve kwandiri. Iye akati kwandiri: ‘Nyasha dzangu dzinokuringana, nokuti [simba rangu riri kukwaniswa muutera (NW)]. Naizvozvo zviri nani kuti ndizvirumbidze nomufaro mukuru noutera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamsoro pangu.”—2 VaKorinte 12:7-9.
Munzwa waiva munyama yaPauro ungave waiva zvimwe kurwadza kweziso kana kuti vaapostora venhema avo vakadenha huapostora hwake. (VaGaratia 4:15; 6:11; 2 VaKorinte 11:5, 12-15) Chipi kana chipi chachingava chaiva, chakakombamira kuodza mwoyo Pauro kana kuti kumudzivisa kufara pamsoro poushumiri hwake. Naizvozvo iye katatu akakumbira kuti ubviswe. Asi iye akakumbira ani, uye ndiani akapindura kupfurikidza nokutaura nezve“simba rangu”?
Sezvo chikamu chacho chichidudza “simba raKristu,” kungaratidzika kuti Pauro akanga akumbira Ishe Jesu. Nenzira isingapanikirwi, iye ane simba uye anogona kuripa kuvadzidzi vake. (Marko 5:30; 13:26; 1 Timotio 1:12) Kutaura idi, Mwanakomana waMwari “anosimbisa zvinhu zvose kupfurikidza neshoko resimba rake.”—VaHebheru 1:3, NW; VaKorose 1:17, 29.
Zvisinei, Ishe Mwari ndiye manyuko makurusa esimba, iro iye anogona uye anogovera kuvanamati vake. (Pisarema 147:5; Isaya 40:26, 29-31) Simba rakadaro rinobva kuna Mwari rakagonesa Jesu kuita manenji uye richandomugonesa kushanda. (Ruka 5:17; Mabasa 10:38) Nenzira yakafanana, vaapostora vaJesu navamwe vadzidzi vakagamuchira simba kubva kuna Jehovha. (Ruka 24:49; VaEfeso 3:14-16; 2 Timotio 1:7, 8) Ikoku kwakabatanidza Pauro, uyo akashumira “mukuwirirana nechipo chapachena chomutsa wakakomba waMwari uyo wakapiwa [muapostora] mukuwirirana nenzira inoshanda nayo simba rake.”—VaEfeso 3:7, NW.
Sezvo Pauro akakumbira kubviswa kwo‘munzwa munyama yake, ngirozi yaSatani,’ kune mufungo kuti iye akatarira kuna Ishe Mwari kuti aite ikoku, Jehovha achiva uyo munyengetero inonangidzirwa kwaari. (VaFiripi 4:6; Pisarema 145:18) Kupfuurirazve, kukurudzira kwaJehovha Pauro namashoko okuti, “Simba rangu riri kukwaniswa muutera,” hakusiyi Kristu. Simba rinobva kuna Ishe Mwari ringagona kurondedzerwa se“simba raKristu [iro rakanga] rakafanana netende” pamusoro paPauro, nokuti ‘Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari.’ (1 VaKorinte 1:24) Nokudaro, 2 VaKorinte 12:7-9 inotibetsera kunzwisisa zviri nani nzira inokosha iyo Jehovha anoshandisa nayo Mwanakomana wake mukushanda kwokuda kwake kwoumwari.