RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/98 p. 1
  • Une “Munzwa Munyama” Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Une “Munzwa Munyama” Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsungirira “Munzwa Munyama”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Utera Hwemunhu Hunokudza Simba raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Pauro Aiva ‘Nemunzwa Munyama’
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 5/98 p. 1

Une “Munzwa Munyama” Here?

1 Tinoshuva zvikuru kuita basa redu rokuparidza mashoko akanaka kusvikira kutambanuko yakanakisisa yamano edu. Dzakawanda dzehama dzedu nehanzvadzi dzinodiwa, zvisinei, dzinozviwana zvakaoma kugoverana zvizere nemhaka yokuti zvirwere zvomuviri zvakakomba kana kuti urema zvinodzongonyedza, zvichikuita kuve kwakaoma kuita zvakawanda sezvavangada. Nokuda kwavo, inogona kuva denho kubata nemirangariro yokuora mwoyo, zvikurukuru apo vanoona vamwe vakavapoteredza vachishingaira zvikuru muushumiri.—1 VaK. 9:16.

2 Muenzaniso Wokutevedzera: Muapostora Pauro aifanira kubata no“munzwa munyama.” Akakumbira Jehovha katatu kuti abvise mhinganidzo inotambudza, yaakarondedzera se“nhume yaSatani” yairamba ichimurova. Asi, pasinei zvapo nayo, Pauro akatsungirira ndokupfuurira mberi muushumiri hwake. Haana kuzvinzwira urombo kana kuti kuva munyunyuti wenguva dzose. Akapa zvakanakisisa zvake. Chakagonesa kubudirira kwake kubata nayo yakanga iri vimbiso iyi yakabva kuna Mwari: “Nyasha dzangu dzinokuringana; nokuti simba rangu rinozadziswa pautera hwako.” Utera hwaPauro hwakava simba apo akadzidza kugamuchira mamiriro ake ezvinhu nokutsamira pana Jehovha nomudzimu mutsvene kuti atsungirire.—2 VaK. 12:7-10.

3 Nzira Yaunogona Kutsungirira Nayo: Ko utera hwomunhu hunoisa miganhu pabasa rako kuna Mwari here? Kana zvakadaro, tevedzera murangariro waPauro. Kunyange kana urwere hwako kana kuti urema husina mushonga wechigarire mugadziriro ino yezvinhu, unogona kuisa chivimbo chako chakazara muna Jehovha, uyo anonzwisisa zvinodikanwa zvako uye achagovera “simba rinopfuura renguva dzose.” (2 VaK. 4:7, NW) Shandisa betsero inowanika kwauri muungano, kwete kuzviparadzanisa. (Zvir. 18:1) Kana uchiona zvakaoma kugoverana mubasa rapasuo nesuo, nzvera nzira dzinoshanda dzokuita ushumiri husina kurongwa kana kuti hworunhare.

4 Kunyange zvazvo munzwa munyama ungaganhurira zvaunokwanisa kuita muushumiri, haufaniri kunzwa waregeredzwa. Kufanana naPauro, iwewo unogona “kupupura kwazvo evhangeri yenyasha dzaMwari,” uchiita izvo simba rako nemigariro zvinobvumira. (Mabasa 20:24) Sezvaunoita nhamburiko yokuita ushumiri hwako, ziva kuti Jehovha anofadzwa zvikuru.—VaH. 6:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe