Ivo Vanotaura Chaizvoizvo Navakafa Here?
TIMU dzenhabvu muBrazil pane dzimwe nguva dzinotsvaka betsero kupfurikidza namasvikiro. Neiko? Kuti dziwane zano nemhaka yorutyo rwokuti timu inokwikwidza ingahwina. Mukuwirirana nerimwe pepanhau, “banza rokukurukura zvakananga nezvomudzimu mukutsvaka mishonga yamarudzi ose ezvinetso rinoshandisa pesvedzero ine simba pamamirioni avanhu.” Mudzimwe nyika, vezvamatongerwe enyika vane nzvimbo dzakakwirira, nyanzvi dzokunyora mifananidzo, uye vanhu vamabhizimisi nguva dzose vanobvunza midzimu. Munhamburiko yokutsvaka kurapwa kana kuti kupedza chinetso chemari, vazhinji vanoedza kubvunza vakafa, avo vanodavirwa kuva vanoziva zvikuru.
Asi kwakafanira here kuedza kutaura navakafa? Kunobvira chaizvoizvo here kuita saizvozvo? Uye pane ngozi dzipi nedzipi dzinobatanidzwa here? Iwe ungashamiswa nokuona izvo Bhaibheri rinotaura.
Chii Chakaitika Muchinoitika chaSauro?
Rangarira ichi chinoitika chaichoicho chakanyorwa muBhaibheri: Achitya vaFiristia vavengi, Mambo Sauro waIsraeri wakare akatsvaka svikiro muEndori. Iye akarikumbira kuonana nomuporofita akafa Samueri. Pakunzwa rondedzero yake yomutana akapfeka nguvo isina maoko, Sauro akafungidzira uyu mudzimudzangara kuva “Samueri.” Uye chii chaiva shoko racho? Israeri aizopiwa mumaoko avaFiristia, uye zuva rakatevera racho Sauro navanakomana vake vaizova na“Samueri,” kuratidzira kuti ivo vaizofa vachirwisa vaFiristia. (1 Samueri 28:4-19) Ndizvo zvakaitika here?
Kwete chaizvoizvo. Sauro akakuvadzwa zvakakomba kwazvo muhondo navaFiristia, asi akazviuraya. (1 Samueri 31:1-4) Uye mukupesana nokudeya kutaura kwakakarakadza kuti vanakomana vaSauro vose vaizofa pamwe naye, mwanakomana wake Ishi-bhosheti akararama pashure pake.
Asi kwakanga kwakafanira here kubvunza vakafa pakutanga? Aiwa, kwakanga kusina. Magwaro anotiudza, kuti: “Naizvozvo Sauro akafa nokuda kwokudarika kwake . . . uye nokuti wakatsvaka mano kusvikiro, kubvunza naro.” (1 Makoronike 10:13) Isu tinogona kudzidza chimwe chinhu here muna ikoku? Hungu. Sauro akafa nokuda kwokukumbira svikiro kuti ribvunze vakafa. Neiko? Nemhaka yokuti mukuita ikoku, iye haana kuteerera mutemo wakajeka waMwari, unoti: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa . . . unobvunza masvikiro, kana muuki, kana unobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha.” (Dheuteronomio 18:10-12) Neiko kubvunzwa kwavakafa kuchinyangadza kuna Mwari? Tisati tapindura mubvunzo iwoyo, tingabvunza, kuti:
Kunobvira Chaizvoizvo Here?
Kana munhu upi noupi achifanira kutaura navakafa, vashakabvu vanofanira kuva vapenyu zvomenemene. Ivo vanofanira kuva nemweya isingafi. Bva Bhaibheri rinoti: “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.” (Genesi 2:7) Naizvozvo, munhu amene mweya. Iye haana mweya usingafi uyo unopfuurira kurarama pashure porufu rwomuviri. Kutaura idi, Magwaro anoti: “Mweya unotadza—iwo umene uchafa.” (Ezekieri 18:4, NW) Uyezve, Shoko raMwari rinoti: “Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, . . . Nokuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda,” guva ravose rorudzi rwomunhu.—Muparidzi 9:5, 10.
Kure nokuva vanoziva zvikuru, ipapoka, vakafa havazivi. Naizvozvo hakubviri kutaura navo. Kuita mutsinhirano nomutemo waMwari unorwisana nokubvunza vakafa naizvozvo kunotidzivirira pakunyengedzwa. Bva, mashoko anobva munzvimbo yemidzimu anobvira, seizvo chinoitika chaMambo Sauro chinoratidza.
Asi Chii Chiri Manyuko Acho?
Kutanga, nyengedzo dzinozivikanwa navose pakati paavo vanoti vanotaura navakafa. The World Book Encyclopedia inotizivisa, kuti: “Kwakaratidzwa kuti masvikiro anonyengedza vanhu pamisangano yokubvunza vakafa kupinda mukudavira kuti midzimu inogona kukurukura navapenyu. Musaendisiti anopa tsananguro dzezvakawanda zvechinoitika pamisangano yokubvunza vakafa. Somuenzaniso, mamwe masvikiro ndivanhu vanotaura inzwi richiratidzika sokunge rinobva kuchimwe chinhu. Mamwe anoshandisa vabetseri namarudzi akasiana-siana eshongedzero yamaminimini. Mamwe anoshandisa kuvata kusiri kwomuzvarirwo. Vanhu vazhinji vanopinda misangano yokubvunza vakafa vane chishuvo chakasimba chokuonana nomudiwa akafa. Ichi chishuvo chingavaita kuti vadavire kuti shoko ripi neripi rinopiwa nesvikiro rinobva kunyika yemidzimu.”
Asi tinongofanira bedzi kufunga saizvozvo here? Aiwa, nokuti kunamatira kumurairo waMwari unorwisana nokubvunza vakafa kunotidzivirirawo munzira inokosha zvikuru kwazvo. Mashoko anobva munzvimbo yemidzimu, asi manyuko awo zvisikwa zvine simba zvinotsvaka kutsausa rudzi rwomunhu. Bhaibheri rinozvizivisa sa“masimba emidzimu yakaipa”—Satani Dhiabhorosi nengirozi dzisingateereri dzinozivikanwa samadhemoni. (VaEfeso 6:12, NW) Apo Mambo Sauro akashanyira svikiro muEndori, rakanga riri dhemoni rakanyepedzera kuva muporofita akafa Samueri.
Sezvinoratidzirwa muchinoitika chaSauro, madhemoni haana chinhu chinobetsera chokupa, uye betsero yawo inofungidzirwa ndeyenguva pfupi. Kufanana nomutongi wawo, Dhiabhorosi, iwo varevi venhema. (Marko 3:22; Johane 8:44) Muna ikoku, munzveri wamasvikiro weBritain mushakabvu Sir Arthur Conan Doyle akanyora, kuti: “Isu, nenzira isingafadzi, tinofanira kubata nokureva nhema kwoutsinye kwavangwaru vakaipa kana kuti vane misikanzwa. Munhu ari wose akaongorora nhau yacho, ndinofunga, akasangana nemienzaniso yenyengedzo yamaune iyo panhambo nenhambo inovhenganiswa nekurukurirano dzakanaka nedzechokwadi.” (The New Revelation, peji 72) Chokwadika, iwe hausati uchida kunyengedzwa, unoda here?
Zvino, rangarira izvi: Nhau inotiudza pamsoro pokutengeswa kwavaranda nokutambura kunobatanidzwa. Ko munhu upi noupi aizogamuchira nokuda nhamo yakadaro nedukupiso here? Nyangwe. Ipapo tinofanirireiko kuzvibvumidza timene kupinzwa muuranda nemidzimu yakaipa? Iyo haisati ichingoreva nhema bedzi asiwo inotorera vanhu rusununguko rwavo uye ingatovatungamirira kumasimba masimba nokuponda. Somuenzaniso, José ane makore 29 okukura wePernambuco, Brazil, akataura kuti ‘mudzimu wakapinda maari, uchimumanikidzira kuuraya mwanasikana wake ane gore rimwe rokukura.’ Hungu, kubatanidzwa nemidzimu yakaipa kunogona kutungamirira kuuranda hwakadaro. Eya, ipapoka, sezvo varanda vanochema vekare vakashuva rusununguko, naizvozvo avo vakapinzwa muuranda namadhemoni nhasi vanofanira kuda kusununguka. Nzira imwe yokuwana nayo rusununguko irworwu kurega kubvunza masvikiro nokuedza kutaura navakafa. Pamsoro paikoko, kune . . .
Dikano Ipi Neipi Yokutaura Navakafa Here?
Aiwa, nemhaka yokuti hatisi vasina betsero. Kufanana navana vanovimba nababa vavo, tinogona kukumbira betsero norusununguko inobva kuna Baba vokudenga, avo vanofara kubatsira vane mwoyo wakatendeseka. (Ruka 11:9-13) Muporofita waMwari Isaya akanyora, achiti: “Zvino kana vachiti kwamuri: ‘Bvunzai masvikiro navauki, vanorira nokuita zevezeve—ko vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Ko vanofanira kubvunza vakafa pamsoro pavapenyu here? Dzokerai kumurairo nokuzvipupuriro!”—Isaya 8:19, 20.
Hungu, tine hwaro hwakasimba hwechivimbo muna Jehovha Mwari kana tichiita kuda kwake ndokuramba kuva neonano ipi neipi nemidzimu yakaipa. Mudzidzi wechiKristu Jakobho akanyora, achiti: “Naizvozvo muzviise pasi paMwari: dzivisai Dhiabhorosi, agokutizai.” (Jakobho 4:7) Pashure pokufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, mumwe murume akanga ashandisa kutenda midzimu kwamakore 28 akati: “Musatongotya izvo Dhiabhorosi angaita kuavo vanosiya miitiro yemidzimu, asi, panzvimbo pezvo, vimbai naJehovha Mwari.”
Kuzadza ndangariro nezvokwadi inobva muShoko raMwari nokuita chimwe chinhu pamsoro payo kuchatigonesa ku“pfeka chipfeko chakakwana chechifukidziro chesimbi [chomudzimu] chinobva kuna Mwari” kuti tigo“mira takasimba mukurwisana namano aDhiabhorosi” ndizvo kwete kuiswa muuranda namasimba emidzimu yakaipa. (VaEfeso 6:11, NW) Uyezve, kunyengetera kuna Jehovha nguva dzose kuchagovera dziviriro yakasimba mukurwisana nokutambudza kwamadhemoni.—Zvirevo 18:10.
Kunonyaradza sei kuziva zvokwadi pamsoro pomugariro wavakafa! Rufu rwakafanana nokurara kukuru. (Johane 11:11) Uye Jesu Kristu akapikira kuti kwaizova norumuko rwavakafa.—Johane 5:28, 29.
Pamwe chete nomudzimai wake navana, mumwe murume uyo akanga ave ari mushandisi wemidzimu akadzidza muMagwaro kuti hakuna munhu anodikanirwa kuedza kutaura navakafa kana kuti nomumwe munhu anonyepedzera kuva ivo. Kufanana neiyi mhuri navamwe vazhinji kupota nyika, iwewo unogona kufarikanya rusununguko rwomudzimu. (Johane 8:32) Dzidza zvokwadi pamsoro pavakafa nedonzo raMwari nokuda kworudzi romunhu. Ipapo iwe unogona kutarira mberi kutsika itsva yaJehovha, umo unogona kutaura navadiwa vanomutswa ndokufarikanya upenyu husingagumi mumigariro ine rugare.—Isaya 25:8.
[Mufananidzo uri papeji 4]
Ndiani akataura chaizvoizvo apo Mambo Sauro akakumbira shoko rinobva kumuporofita akafa Samueri?