Nei Usingafaniri Kuita Zvemidzimu
KANA wakadzidziswa kuti mamwe marudzi okuita zvemidzimu inzira dzokukurukurirana nemidzimu yakanaka, zvingakushamisa kudzidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvokuita zvemidzimu. Somuenzaniso, rinoti: “Musava nehanya namasvikiro, kana navauki; musavatsvaka, kuti musvibiswe navo.”—Revhitiko 19:31; 20:6, 27.
Bhaibheri rinotorondedzera anoita zvemidzimu sea“nonyangadza Jehovha.” (Dheuteronomio 18:11, 12) Nei? Kunyatsoongorora zvinotaura Bhaibheri pamusoro porumwe rudzi rwezvemidzimu—kunonzi kutaura navakafa—kuchapindura mubvunzo iwoyo.
Vakafa Vapenyu Here?
Kusiyana nezvinofungwa nevanhu vakawanda, Shoko raMwari, Bhaibheri, rinodzidzisa kuti hazviiti kuti vanhu vataure nevadiwa vavo vakafa. Nei zvisingaiti? Kana munhu achizotaura nevakafa, vakafa vacho vanofanira kunge vari vapenyu chaizvoizvo. Panofanira kuva nechimwe chinhu chinosara chiri chipenyu pavari. Vamwe vanotaura kuti mweya unoramba uri mupenyu panofa muviri. Ichokwadi here?
Nhoroondo yeBhaibheri yokusikwa kwomunhu inoti: “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.” (Genesi 2:7) Izvi hazviratidzi here kuti munhu pachake ndiye mweya uye kuti haana mweya usingafi unoramba uri mupenyu muviri wafa? Chokwadi, Magwaro anoti: “Mweya unotadza, uchafa.” (Ezekieri 18:4) “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, . . . Hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori,” guva ravanhu vose.—Muparidzi 9:5, 10.
Naizvozvo maererano neBhaibheri, mweya hachisi chimwe chinhu chinosara chiri chipenyu muviri wafa uye icho vanhu vapenyu vangataura nacho pashure porufu. Heino mienzaniso miviri yenyanzvi dzeBhaibheri dzinoremekedzwa idzo dzakagumisa kuti mweya unofa. Nyanzvi yezvechitendero yokuCanada Clark H. Pinnock yakati: “Dzidziso iyi [yokuti mweya womunhu haufi] yakapesvedzera kudzidziswa kwezvechitendero kwenguva yakareba zvikuru, asi haisi yomuBhaibheri. Bhaibheri haridzidzisi kuti mweya wakasikwa usingafi.” Saizvozvowo nyanzvi yokuBritain John R. W. Stott yakati: “Kusafa—uye naizvozvo kusaparara—kwomweya idzidziso yechiGiriki kwete yeBhaibheri.”
Kunyange zvakadaro, vanhu vanogamuchira mashoko uye vanonzwa manzwi anoita seanobva kuvakafa. Saka, ndivanaani vari kutaura?
Kutaura Naani?
Bhabheri rinorondedzera kuti munhu womudzimu asingaoneki akashandisa nyoka, sezvinongoita nyanzvi yokushandisa chidhori, kutaura nomukadzi wokutanga, Evha, uye kumuita kuti apandukire Mwari. (Genesi 3:1-5) Bhaibheri rinodana uyu munhu womudzimu, kana kuti ngirozi kuti, “nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9) Satani iyeye, akabudirira mukunyengera dzimwe ngirozi kuti dzipanduke. (Judha 6) Ngirozi dzakaipa idzi dzinonzi madhimoni uye vavengi vaMwari.
Bhaibheri rinoratidza kuti madhimoni ane simba rokupesvedzera vanhu. (Ruka 8:26-34) Saka, hazvishamisi kuti Mutemo waMwari unoti: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu . . . unobvunza masvikiro, kana muuki, kana unobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha.” (Dheuteronomio 18:10-12) Ingozii dziripo kana munhu akasateerera mutemo uyu?
Chiitiko chaicho choupenyu hwaMambo Sauro womuna Israeri wekare chinopindura mubvunzo iwoyo. Nemhaka yokutya vavengi vake, Mambo Sauro akatsvaka svikiro. Akarikumbira kuti ritaure nomuprofita akafa Samueri. Paakanzwa svikiro richirondedzera nezvomukweguru, Sauro akafungidzira kuti dzangaradzimu iri rakanga riri Samueri. Uye mashoko okuti kudini akagamuchirwa naSauro? Israeri aizoiswa mumaoko avavengi vake, uye Sauro navanakomana vake vaizova na“Samueri,” zvichiratidza kuti vaizofa. (1 Samueri 28:4-19) Mwari akaita sei nezvechisarudzo chaSauro chokubvunza svikiro? Magwaro anotiudza kuti: “Sauro akafa nokuda kwokudarika kwake . . . uye nokuti wakatsvaka mano kusvikiro, kubvunza naro.” (1 Makoronike 10:13) Mubhadharo wakakura zvakadini wokuripa!
Saizvozvowo, avo vanobatanidzwa mukuita zvemidzimu vanozviisa pangozi huru. Bhaibheri rinonyevera kuti “vanoita zvemidzimu” vachatambura “rufu rwechipiri [kana kuti rusingaperi].” (Zvakazarurwa 21:8; 22:15) Saka, zviri pachena kuti kusaita marudzi ose ezvemidzimu ndiyo nzira yokuchenjera neinoponesa yokutora.
Nzira Yokudzivisa Nayo Midzimu Yakaipa
Zvakadini kana uri kutoita zvemidzimu? Zvichava zvakanaka ukatora matanho iye zvino okuzvidzivirira iwe nemhuri yako pakukuvadzwa nemidzimu yakaipa. Matanho api? Kuenzanisira: Munhu angadzivirira sei musha wake nemhuri patupuka tunoruma? Pashure pokutubvisa mumba make, anoparadza zvinhu zvinodaidza tupuka twacho. Anonama makatsemuka nokusimbisa madziro kuitira kuti tupuka tusapindezve, uye kana tupuka twacho twukaramba twuchiuya, angakumbira kubatsirwa nezviremera zvomunzvimbo imomo.
Kuita saizvozvowo kungakubatsira kudzivisa midzimu yakaipa uye kuti usiyane nayo. Funga nezvavaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiva muEfeso avo vaiita zvemidzimu vasati vava vaKristu. Pashure pokugadziridza pfungwa dzavo kuti vasiyane nezvemidzimu, vakatora matanho matatu kuzvidzivirira pakurwisa kwakafanana nekwotupuka tunoruma kwemidzimu yakaipa. Vakaitei?
Danho Rokutanga
Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Vakawanda veavo vaiita zvemashiripiti vakaunganidza mabhuku avo vakaapisa pamberi pevanhu vose.” (Mabasa 19:19) Nokuparadza mabhuku avo okushopera, vaKristu ivava vakapa muenzaniso kune avo vose vanoda kudzivisa midzimu yakaipa nhasi. Paradza zvinhu zvose zvine chokuita nezvemidzimu. Izvozvo zvingasanganisira mabhuku ose, magazini, mabhuku enyambo dzinosetsa, mavhidhiyo, mashoko akanyorwa, mashoko anobva mune zvinoshanda namagetsi, uye nziyo dzakarekodwa dzine chokuita nezvemidzimu, uyewo mazango kana zvinhu zvinopfekerwa “kuzvidzivirira.”—Dheuteronomio 7:25, 26; 1 VaKorinde 10:21.
Mumwe murume muSouth America uyo akanga anyura mune zvemidzimu kwemakumi emakore akafungisisa zano iri reMagwaro. “Rimwe zuva,” anoyeuka kudaro, “ndakaunganidza zvinhu zvangu zvose zvemidzimu pamberi peimba yangu, ndakatora demo, ndokuzvitema-tema.” Ipapo akapisa zvose kusvikira pasisina chakasara. Pashure paizvozvo akafambira mberi zvakanaka mukunamata uye pasina nguva yakareba akava mushumiri anoshingaira mune imwe ungano yeZvapupu zvaJehovha.
Asi, danho rokutanga iri harina kukwana. Nei risina? Kunyange makore akati pashure pokunge vaKristu vaiva muEfeso vaparadza mabhuku avo emashiripiti, muapostora Pauro akanyora kuti: “Tinorwa . . . nemasimba emidzimu yakaipa.” (VaEfeso 6:12) Madhimoni akanga asati aneta. Akanga achiri kutsvaka kukunda. Chiizve chaidiwa kuitwa nevaKristu ivava?
Danho Rechipiri
Pauro akakurudzira vaEfeso vomuzana remakore rokutanga kuti: “Shongai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari kuti mukwanise kumira makasimba pakurwisana nounyengeri hwaDhiyabhorosi.” (VaEfeso 6:11, NW Ref. mashoko omuzasi) Zano iroro richiri kushanda nanhasi. Kufanana nomunhu ari kuedza kuita kuti tupuka tunoruma tusauya pamusha wake, muKristu anofanira kusimbisa zvinodzivirira zvake zvakafanana nemadziro kuti agare kure nemidzimu yakaipa. Danho rechipiri iri rinosanganisirei?
“Kupfuura zvinhu zvose,” anosimbisa kudaro Pauro, “torai nhoo huru yokutenda, yamuchakwanisa kudzima nayo zvombo zvinokandwa zvinopisa zvowakaipa.” (VaEfeso 6:16) Nhoo iyi inotodikanwa chaizvo. Kana kutenda kwako kwakasimba, kudzivisa kwako masimba akaipa omudzimu kuchava kwakasimbawo.—Mateu 17:20.
Saka, unogona sei kusimbisa zvinhu zvako zvokuzvidzivirira nazvo? Nokuramba uchidzidza Bhaibheri. Kudzidza Bhaibheri kunei nokutenda? Kungofanana nokusimba kwemadziro kunotsamira pakusimba kwenheyo, nokudaro kusimba kwokutenda kwomunhu kunotsamira zvikuru pakusimba kwehwaro hwokutenda kwacho. Chii chiri hwaro uhwu?
Zivo yakarurama yeShoko raMwari. Muapostora Pauro akatsanangura kuti: “Kutenda kunotevera chinhu chakanzwiwa. Uyewo chinhu chakanzwiwa chinouya neshoko pamusoro paKristu.” (VaRoma 10:17) Unokokwa kukumbira kudzidza Bhaibheri pachena nomumwe weZvapupu zvaJehovha, panguva nenzvimbo zvakakunakira. Kudzidza kwakadaro kuchasimbisa kutenda kwako. (VaRoma 1:11, 12; VaKorose 2:6, 7) Zvichaguma nei? Nenguva isipi kutenda kwako kuchava madziro anoshanda senhoo mukurwisana nepesvedzero yemidzimu yakaipa.—Pisarema 91:4; 1 Johani 5:5.
Nderipi danho rechitatu raifanira kutorwa nevaKristu vaiva muEfeso?
Danho Rechitatu
MuEfeso yekare vaKristu vatsva ivavo vakanga vatora matanho okudzivisa midzimu yakaipa, asi vaKristu ivavo vakanga vachiri kugara muguta rakazara nechidhimoni. Vaida kumwezve kudzivirirwa. Naizvozvo apo Pauro akanyorera vaaitenda navo, akavaudza zvokuita, achiti: “Muchiramba muchinyengetera mumudzimu nguva dzose nokunyengetera kworudzi rwose nokuteterera. Uye nokuda kwaizvozvo rambai makamuka nguva dzose muchitetererera vatsvene vose.”—VaEfeso 6:18.
Chokwadi, kunyengeterera zvikuru uye nguva dzose kudzivirirwa naJehovha kwaiva, uye kuchiri, danho rakasimba rinodikanwa rokuzvidzivirira pamidzimu yakaipa. Uye zvinonyaradza kuziva kuti Jehovha anopindura kuteterera kwako kwemwoyo wose nokukudzivirira, zvinosanganisira kutsigira kwengirozi dzake. (Pisarema 34:7; 91:2, 3, 11, 14; 145:19) Naizvozvo, zvinokosha kuramba uchinyengetera kuna Mwari kuti, “Tinunurei pane wakaipa.”—Mateu 6:13; 1 Johani 5:18, 19.
Antônio, aimbova svikiro muBrazil, akasvika pakuziva kukosha kwomunyengetero. Pashure pokunge abvuma kudzidza Bhaibheri nokudzidza zita raMwari, Jehovha, akatanga kunyengetera zvikuru kuna Jehovha Mwari kuti asiyane nezvemidzimu. Achitarira kwaakabva anoti: “Kunyengetera kuna Jehovha kwakava utiziro kwandiri nevamwe vakawanda avo vakanga vakaiswa muuranda kare nemidzimu yakaipa.”—Zvirevo 18:10.
Unogona Kubudirira
Zvinokosha kuti pashure pokusvika pakuziva Jehovha, uvimbe naye zvakazara, uzviise pasi pechiremera chake, uye uteerere mirayiro yake. Kana ukaita izvi, paunodanidzira kwaari uchida kubatsirwa, uchishandisa zita rake pachake, achakudzivirira. Antônio akawana kudzivirira kwakadaro. Nhasi mukuru wechiKristu mune imwe ungano yeZvapupu zvaJehovha iri muSão Paulo, uye anoonga kuti akawana chokwadi chakamusunungura.—Johani 8:32.
Kufanana naAntônio nezviuru zvevaichimboita zvemidzimu avo zvino vanoshumira Jehovha Mwari, unogona kubudirira kusiya kuita zvemidzimu. Naizvozvo, paradza zvinhu zvose zvine chokuita nemidzimu, simbisa kutenda kwako nokudzidza Bhaibheri, uye nyengeterera kudzivirirwa naJehovha. Tora matanho aya—upenyu hwako hunotsamira pakudaro!
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Maererano neBhaibheri, vapenyu havagoni kutaura nevakafa
[Mufananidzo uri papeji 6]
1. Paradza zvinhu zvose zvine chokuita nemidzimu
[Mufananidzo uri papeji 7]
2. Ramba uchidzidza Bhaibheri
[Mufananidzo uri papeji 8]
3. Nyengetera zvikuru uye nguva dzose