Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Ndivanaani vaiva “vane gumi navaviri” avo Jesu akaoneka kwavari, sezvinodudzwa muna 1 VaKorinte 15:5?
Kuoneka kunodudzwa muna 1 VaKorinte 15:5 kunoratidzika kuva ndiko kwakanyorwa muna Johane 20:26-29, uko kwakabatanidza Tomasi. Zvisinei, uku kunonongedzera kuvaapostora seboka uye sezvingabvira kwakabatanidza Matia.
Mukukurukura rumuko, Pauro akanyora nezvokuoneka kwaJesu kuvanhu pashure pokunge Iye amutswa. Muapostora akataura kuti Kristu “akazviratidza kuna Kefasi, ipapo kuna vane gumi navaviri. Ipapo akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu kamwe.”—1 VaKorinte 15:5, 6.
Kubva pakati paavo vakamutevera savadzidzi, Jesu akasarudza vaapostora 12. (Mateo 10:2-5) Judhasi Iskarioti akanga ari mumwe wavane 12, asi iye akava mucheri, akashambadza Jesu, uye ipapo akazviturika amene. (Mateo 26:20-25; 27:3-10) Naizvozvo panguva yorufu rwaKristu norumuko, kwakanga kuchingova navaapostora 11 bedzi vakatendeka vavane 12 vokutanga. Jesu akaoneka kuvadzidzi vakasiana-siana pakati porumuko rwake nokukwira kudenga. Pashure paikoko vaapostora vakaziva kudikanwa kwokutsiva Judhasi. Nenhungamiro youmwari, Matia akasarudzwa, uye “akaverengwa pamwe chete navaapostora vane gumi nomumwe.”—Mabasa 1:6-26.
Vamwe nokudaro vakashamisika nei Pauro aizonyora kuti Jesu akaoneka ku“vane gumi navaviri,” sezvo panguva iyoyo Judhasi akanga afa uye Matia akanga achigere kusarudzwa. Kunanga, panguva iyoyo paingova bedzi “navaapostora vane gumi nomumwe” avo vakanga vasarudzwa pakuvamba ndokutumwa naJesu.—Ruka 6:13-16.
Ndokwenguva dzose kutaura nezveboka pamwe chete kunyange kana mutezo mumwe usipo. (“Mutumbi wavatungamiriri wakasarudza . . . ” “Mutumbi wavakuru wakasangana . . . ”) Naizvozvo shoko rokuti “vane gumi navaviri” ringasanove rakashandiswa mukunongedzera kuboka rose ravaapostora, kunyange kana mumwe kana kuti vaviri vakanga vasipo panhambo yacho. (Enzanisa naMabasa 6:1-6.) Apo Jesu akatanga kuoneka kuvaapostora mukamuri rakakiiwa, “Tomasi, mumwe wavane gumi navaviri, . . . akanga asinavo.” Mazuva masere gare gare iye aivapo uye akaita kuti kusava nechokwadi kupi nokupi kugadzikiswe. (Johane 20:19-29) Kunyange zvazvo Matia akanga asati panguva iyoyo asarudzwa kuti atsive Judhasi, iye aiva mudzidzi wenguva refu. (Mabasa 1:21, 22) Sezvo iye akanga akasanobatana navaapostora vapakuvamba uye nokukurumidza pashure paikoko “akaverengwa pamwe” navo, tsinhiro inonongedzera shure pamsoro pokuoneka kwaJesu ku“vane gumi navaviri” sezvingabvira yakabatanidza Matia.