Mhaka Yedare Yenyika Yose Iyo Inokubatanidza
“‘Revai mhaka yenyu;’ [anodaro Jehovha, (NW)], ‘uyai namashoko enyu akasimba.’”—ISAYA 41:21.
1, 2. (a) Ndiani anobatanidzwa mumhaka yedare yakakomba zvikurusa yati yakurukurwa? (b) Chii chiri kukurukurwa?
MUNHAU yose mave mune mhaka dzedare dzisingaverengeki. Muna idzodzi, Zvapupu zvakaunzwa uye ufakazi huchipiwa hwokurwisana norutivi rumwe kana kuti norumwe rwacho. Dzakawanda dzeidzi mhaka dzakabatanidza vanhu vamwe navamwe, nepo dzimwe dzakatapura zviverengero zvikuru zvavanhu. Asi mhaka dzose dzakadaro dzinova dzisingakoshi dzikaenzaniswa nemhaka yedare yenyika yose iyo zvino iri kukurukurwa. Iyo ndiyo nokure mhaka yedare inokosha zvikurusa munhau. Miuyo yayo ichatapura munhu ari wose ari pasi pano, kana iye akasarudza kubatanidzwa kana kuti kwete.
2 Munhu mukuru muiyi mhaka ndiye munhu akakwirira zvikurusa munyika, Jehovha Mwari, “iye wakasika denga rose, akaritatamura, iye akatambanudza nyika nezvinobvamo, iye unopa vanhu varimo kufema.” (Isaya 42:5) Chii chiri kukurukurwa? Umwari hwake huri kukurukurwa—kururama kwokutonga kwake nyika yose, kubatanidza pasi navagari varo. Iyoyi inogona kunzi nhau youchangamire hwenyika.
3. Mibvunzoi inokosha kunhau youchangamire hwenyika yose?
3 Chinokosha kunhau yacho ndeiyi mibvunzo: Ndavapi vavamwari vose vanonamatwa vakabvumikisa kuva vakavimbika kwazvo zvokuti iwe ungagona kubhejera upenyu hwako nenguva yako yemberi nokuda kwavo? Ndavapi vakavapo zvomenemene, uye ndavapi vave vachingova zvavo zviitwa zvavanhu? Kune here Mwari wechokwadi, mupenyu, mukurusa anogona kubudisa rudzi rwomunhu mumugariro warwo wazvino wokupererwa nezano ndokuparira rudzi rwakarurama rwehurumende iyo ichavimbisa rugare rwechokwadi, chengeteko, budiriro, uye utano?
4. Chii chinogona kutaurwa nezvaavo vanorangarira kuti hakuna nhau, sezvo vachitaura kuti vanotodavira muna Mwari?
4 Vanhu vazhinji vanorangarira kuti hapana nhau nokuda kwavo, sezvo ivo vachitaura kuti vanotodavira muna Mwari. Asi ko ivo vanogona here kupa ufakazi hwokuti mwari ivo vanonamata zvamazvirokwazvo ndiMwari wechokwadi, kuti zvipikirwa zvake zvakavimbika, uye kuti madonzo ake nemitemo zvinotungamirira upenyu hwavo? Kana vanhu vakadaro vachipindura kuti hungu, ipapo vanofanira kukwanisawo kupindura iyi mibvunzo: Ndohupi huri chaizvo hufakazi hwokuti kuna Mwari wechokwadi ane zvipikirwa zvakavimbika? Nderipi riri donzo raMwari nokuda kworudzi rwomunhu napasi? Tiri papi murudungwe rwenguva rwaMwari, uye chii chine nguva yemberi iri pedyo? Chii chaanoda kuti tiite savanhu vamwe navamwe kana tichizomutsigira?
5. Vanhu vangafananidzwa naani pavasingabudisi ufakazi hwokutsigira rudaviro rwavo muna Mwari?
5 Vanhu vazhinjisa avo vanotaura kuti vanodavira muna Mwari havakwanisi kupindura iyi mibvunzo nenzira ine chiremera. Vakadaro vangafananidzwa naavo vaiti vanodavira muna Mwari muzana rokutanga ramakore asi vane mabasa aiita kuti kutaura kwavo kuve nhema. Nezvavo Shoko raMwari rinoti: “Vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo.” Hungu, “kutenda kusina mabasa kwakafa.” (Tito 1:16; Jakobho 2:26) Nokudaro, avo vanotaura kuti vanodavira muna Mwari asi vasingagoni kubudisa ufakazi hwakasimba hwokukutsigira havana kusiana navanhu vomumazana amakore akapfuura avo vaidavira muvamwari venhema avo vakanguve vanyangarika sezvinhu zvinonamatwa.
Mhaka Dzokuedza
6, 7. (a) Rondedzera rudzidziso rwavaEgipita vakare. (b) VaIsraeri vakabatanidzwa sei munhau yaiva pakati paJehovha navamwari veEgipita?
6 Muenzaniso waikoku yakanga iri mhaka yakaunzwa pavamwari veEgipita yakare anenge makore 1 500 pamberi peNguva yedu yaVose. VaEgipita vainamata vamwari vazhinji, kubatanidza mhuka dzakadai sehandira, katsi, mhou, ngwena, falcon, datya, gava, shumba, nyoka, gora, bere, uye dzimwe. Dzakawanda dzeidzi mhuka dzairangarirwa kuva dzakapindwa namwari kana kuti mwarikadzi, uye kuiuraya namaune kwaiunza chirango chorufu. Mhuka dzinoyera dzaiomeswa ndokuva namariro akasanorongwa.
7 Akapesana navamwari vose ivavo akanga ari Mwari uyo Israeri wekare ainamata, Jehovha. Mumiriri wake, Mosesi, akatumwa kundokumbira Farao kusunungura vanhu vaJehovha, avo panguva iyeyo vaiva muuranda, sezvo Jehovha akanga avapikira rusununguko rwavo. (Eksodho 3:6-10) Asi Farao akazivisa, kuti: “Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere inzwi rake, kuti nditendere vaIsraeri kuenda.” (Eksodho 5:2) Farao akanzwa ane chivimbo chokuti vamwari veEgipita vaiva vakuru kuna Jehovha.
8, 9. (a) Jehovha akabvumikisa sei ukuru hwake pavamwari veEgipita? (b) Nemhaka yezvakaitika, chii chinofanira kutaurwa nezvavamwari veEgipita?
8 Ndiani aizobvumikisa kuva Mwari wechokwadi akanga achikwanisa kuchengeta zvipikirwa zvake uye achikwanisa kudzivirira vanhu vake? Mhinduro yaizokurumidza kuuya. Jehovha akadeya kutaura, kuti: “Ndichatonga vamwari vose veEgipita.” (Eksodho 12:12) Ko iye akazadzika uporofita ihwohwo here? Hungu! Jehovha akaunza madambudziko gumi anoparadzanya akarongedzerwa kudukupisa vamwari veEgipita. Hapana nomumwe wavamwari ivavo aigona kudzivirira vaEgipita. Uye denda rechigumi rakanga richikosha zvikuru, nokuti iro rakauraya dangwe reEgipita, kubatanidza raFarao. Iri rakanga riri jambwa rakananga kuna mwari wavo mukuru Ra (Amoni-Ra), sezvo vatongi veEgipita vaizvirangarira vamene kuva vamwari, vanakomana vaRa. KuvaEgipita, rufu rwedangwe raFarao rwakareva rufu rwamwari.
9 Zvisinei, hapana dangwe rimwe rechiIsraeri rakaurawa, sezvo ivo vaiva nedziviriro yaJehovha. Uyewo, Mwari akapa vanhu vake rusununguko urwo iye akanga avapikira. Uye sejambwa rokupedzisira kuvamwari venhema veEgipita, Farao nehondo yake—ari wose wavo—vakaparadzwa muGungwa Dzvuku. Nokudaro Jehovha akabvumikisa kuva Mwari wechokwadi. Zvipikirwa zvake ndizvo zvakazadzikwa, uye vanamati vake avo iye akadzivirira. (Eksodho 14:21-31) Pane rumwe rutivi, vamwari veEgipita vakanga vasina simba rokubetsera vanamati vavo. Vamwari ivavo vakanga vasina kutongovapo chaizvoizvo asi vaiva zviitwa zvavanhu.
10. Inhaui yakatarisana navanamati vaJehovha neAsiria?
10 Iyi mhaka inobatanidza umwari yakatanhamara mazana amakore masere gare gare, munguva yaMambo Hezekia.a Vanamati vaJehovha vakanga vachityisidzirwa neSimba Renyika rinotyisa reAsiria iro rakanga rakurira marudzi ose aiva munzira maro. Zvino iro rakaraira kutera kweJerusarema, guta iro raiva ne“chigaro choumambo chaJehovha,” chinomirira kunamatwa kwake pasi pano. (1 Makoronike 29:23, NW) Mambo waJudha, Hezekia, akabvuma kuti vaAsiria ‘vakanga vaparadza dzimwe nyika dzose idzodzo uye vakanga vapisa vamwari venyika idzodzo nemhaka yokuti vakanga vasiri vamwari, asi unyanzvi hwamaoko omunhu.’—Isaya 37:18, 19.
11. Jehovha akanunura sei vanamati vake, uye ikoku kwakaratidzirei?
11 Hezekia akatendeka ipapo akanyengetera kuna Jehovha, achikumbira dziviriro yake. Jehovha akapikira kuti hakuna chombo chimwe chomuAsiria chaizorova Jerusarema. (Isaya 37:33) Mukuwirirana nouporofita ihwohwo, hakuna chakarova. Panzvimbo pezvo, “zvino mutumwa waJehovha akabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria.” Pashure porukundo irworwo runoparadzanya, mambo weAsiria, Sanheribhi, akadzokera. Gare gare, apo iye akanga achinamata mwari wake Nisroki, vanakomana vake vakamuponda. (Isaya 37:36-38) Nokudaro Jehovha zvakare akabvumikisa kuva Mwari wouporofita hwechokwadi uyo anogona kununura vanamati vake. Vamwari veAsiria namarudzi akapoteredza vakabvumikisa kuva venhema, vasina kuvapo, vasingakwanisi kudzivirira vateveri vavo.
12. Bhershazari akanyomba Jehovha munzirai?
12 Anenge mazana amakore maviri gare gare, Mwari akabvumira vanhu vake, avo vakanga vave vasina kutendeka, kutapwa nesimba renyika rakatevera, Bhabhironi. Rutivi rwaro rukuru rwaiva vamwari waro vakawanda, vamwarikadzi, uye tembere dzenamato. Asi muchiito chokuzvitutumadza, mambo weBhabhironi Bhershazari akanyomba Jehovha. Pamadyo makuru, iye akaraira kuti midziyo inoyera yakatapwa mutembere yeJerusarema ipinzwe. “Iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vakanwa nayo. Vakanwa waini, vakarumbidza vamwari vendarama nesirvheri nendarira nedare namatanda namabwe.”—Dhanieri 5:1-4.
13. Chii chakaparira Jehovha Dhanieri kutaura kuna Bhershazari?
13 Uku kwaiva kunyomba kwakananga kuna Jehovha, denho kwaari muzita ravamwari veBhabhironi. Jehovha ipapo akaita kuti muporofita wake Dhanieri apupurire noushingi kuna Mambo Bhershazari nokuvose vakanga vari pamutambo. Dhanieri akatsigira umwari hwaJehovha ndokuudza Mambo Bhershazari, kuti: “Hamuna kuzvininipisa nomwoyo wenyu . . . Asi makazvikudza pamberi paShe wokudenga, . . . makarumbidza vamwari vesirvheri nendarama nedare namatanda namabwe, zvisingaoni kana kunzwa kana kuziva; asi iye Mwari, wakabata mweya wenyu muruoko rwake, unoziva nzira dzenyu dzose, hamuna kumukudza iye.”—Dhanieri 5:22, 23.
14. Jehovha akaratidzira sei kuti akanga ari Mwari wechokwadi?
14 Ipapo Dhanieri akapa shoko raJehovha, iro raiva iri: Mambo anozvitutumadza Bhershazari neBhabhironi zvaizoparadzwa navaMedhia navaPersia usiku ihwohwu humene! (Dhanieri 5:24-27) Uporofita ihwohwu hwakaitika here? Hungu. “Nousiku uhwo Mambo Bhershazari muKardhea wakaurawa. Dhariusi muMedhia akapiwa ushe.” (Dhanieri 5:30, 31) Zvakare, seneEgipita neAsiria, Jehovha akabvumikisa kuva Mwari wechokwadi, Mwari anozadzika zvipikirwa zvake. Vabatiri vaMwari vakabetserwa, nokuti vakasunungurwa muutapwa ndokuhwirira kunyika yokumusha kwavo. Avo vakapfuurira mukutevera vamwari venhema vakasvika pangwavaira.
Mauporofita Enguva Yedu
15. (a) Rutivii rune mauporofita akawanda eBhaibheri? (b) Kuchii kwatinonongedzerawo patinoshandisa shoko rokuti “mwari”?
15 Muporofita Isaya akafuridzirwa kunyora mauporofita ayo aiva nezadziko shure munguva dzakare. Asi kazhinji kazhinji muuporofita hweBhaibheri, mune imwe zadziko huru ine chokuita nenguva yedu. Uku kwakanga kwakadaro nezvinhu zvakawanda izvo Isaya akanyora. Rutivi rweshoko rake rwaiva namauporofita pamusoro pedenho yomuzuva razvino uno yaJehovha kumarudzi ose navamwari vavo. Uye kupfurikidza neshoko rokuti “vamwari” tinonongedzera kwete bedzi kuvamwari vanonamatwa zvakananga navanhu mumativi ose enyika, kubatanidza anonzi marudzi echihedheni nhasi, asiwo kuzvinhu zviya zvinokodzera rondedzero yeshoko iroro. Rondedzero yerimwe duramashoko yeshoko rokuti “mwari”, ndeiyi: “Munhu anodzora rutivi rwakati kana kuti chikamu chezvomene; mumwe munhu kana kuti chinhu choukoshi hukuru zvikuru.”
16. Ndivamwarii avo vanhu vamarudzi, kubatanidza chiKristudhomu vanonamata nhasi?
16 Avo vanorangarirwa savamwari nhasi vanobatanidza mamirioni avamwari anonamatwa navaHindu, pamwe chete naavo vanonamatwa namaBuddha, maShinto, maanimist, uye vamwe vezvorudzidziso. Kunobatanidzawo mwari wokudisa zvenyika, chinhu choukoshi hukurusa nokuda kwavanhu vazhinjisa pasi pano, sundo huru muupenyu hwavo. Kunobatanidzawo vamwari vesimba rehondo nesayenzi izvo marudzi anotarira kwazviri nokuda kwechengeteko noruponeso. Uyewo, vanhu vazhinjisa kunyange vari muchiKristudhomu avo vanotaura kuti vanodavira muna Mwari havasati vachimuvimba chaizvoizvo kana kuti kumubatira nenzira yokutendeka, asi panzvimbo pezvo vanovimba nokubatira vanhu kana kuti zvinhu sezvinhu zvavo zvoruvimbiko rukuru.
17. Kuchii uko zadziko huru yeshoko raIsaya inonongedzera?
17 Zadziko huru yeshoko raIsaya yakanangidzirwa kuvamwari vose vakadaro vomunguva yedu. Jehovha anoudza mapoka amarudzi kuzviunganidza amene ndo“kutaura.” Iye anovadenha, achiti: “Ngatiswedere pamwe chete kutongerwa mhaka.” (Isaya 41:1) Nhasi, tiri kurarama munguva yo“rutongeso” rwenyika ino. Iyo yava mu“mazuva okupedzisira” ayo sezvinodeya kutaurwa pana 2 Timotio 3:1-5 naMateo 24:1-14. Panguva ino Jehovha anodenha vamwari vamarudzi kuti vadeye kutaura nenzira yakarurama nguva yemberi naizvozvo ndokubvumikisa kuti ivo ndivamwari. Iye anovadenhawo kudzivirira vatsigiri vavo kana vachigona. “Revai mhaka yenyu,” iye anodaro. “Uyai namashoko enyu akasimba . . . mutizivise zvichavapo.”—Isaya 41:21, 22.
18. Mwari wamasimba ose anozvizivisa amene sei, uye chii chaanopikira vanamati vake?
18 Mwari wamasimba ose anozivisa waari: “Ndini Jehovha, ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.” (Isaya 42:8) Uye iye anoudza avo vanomutsigira, kuti: “Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira.” Iye anovapikira, kuti: “Vose vanokutsamwira, vachanyadziswa vave nenyadzi; vanokakavara newe vachava sechinhu chisipo, vachaparara.” “Hakune nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu; . . . Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha.”—Isaya 41:10, 11; 54:17.
19, 20. (a) Isaya anoratidza sei kuti kune nguva yakagadzwa yokuti Jehovha agadzikise zvinhu? (b) Ndivanaani avo Jehovha anobudisa muano “mazuva okupedzisira,” uye ivo vanomumirira sei?
19 Kwenguva refu, mazana amakore, Jehovha akarega marudzi achifamba munzira dzawo amene. Zvisinei, nguva yake yakagadzwa yokugadzikisa zvinhu pasi pano yasvika. Naizvozvo iye anozivisa, kuti: “Ndakanyarara nguva refu, ndakaramba ndinyerere, ndikazvidzora.” Asi zvino, “Jehovha uchabuda semhare, uchamutsa kushingaira somunhu wokurwa; uchadana, zvirokwazvo, uchadanidzira, ucharwa navavengi vake nesimba.” (Isaya 42:13, 14) Mumauporofita aIsaya navamwe vanyori veBhaibheri, pamwe chete naayo aJesu, Jehovha anodeya kutaura kumutsa kwake vanhu muaya “mazuva okupedzisira” kuti vape uchapupu hwokushingaira kwaari, sokunge zvapupu mumhaka yedare.
20 Vanhu avo Jehovha anobudisa kuti vamubatire vanopa ufakazi hwokuti iye ndiMwari wechokwadi, Muponesi wavanamati vake noMuparadzi wavamwari venhema navatsigiri vavo. Vanhu vaJehovha nhasi vano‘imba rumbidzo dzake kuvambira pamugumo wapasi, kubva mumarudzi ose nezvitsuwa, kuvambira pamusoro pamakomo.’ (Isaya 42:10-12) Ikoku kunozadzikazve humwe huporofita hwaIsaya uhwo hwakadeya kutaura, kuti: “Murutivi rwokupedzisira rwamazuva [munguva yedu] . . . gomo reimba yaJehovha richasimbiswa zvakatsiga pamusoro pamakomo, uye richasimudzirwa zvamazvirokwazvo pamusoro pezvikomo [pamusoro pamamwe marudzi ose enamato]; ipapo [vanhu vachibva] mumarudzi anofanira kudirana kwariri.” Uye chii chavanokurudzira vamwe kuita? Ivo vanokumbira vanhu vane mwoyo wakatendeseka, kuti: “Uyai, imi vanhu, uye ngatikwire kugomo raJehovha, . . . uye iye achatiraidza pamusoro penzira dzake, uye tichafamba munzira dzake.”—Isaya 2:2-4, NW.
21. Mibvunzoi inomutswa nedenho yaJehovha kuvamwari vamarudzi?
21 Nokudaro, sokunge ari kutaura kudare, Jehovha anoti: “Marudzi ose ngaaunganidzwe pamwe chete, navanhu vakokerwe; . . . Ngavauye nezvapupu zvavo, varuramiswe; ngavanzwe, vati: ‘Izvokwadi.’” (Isaya 43:9) Iyi idenho yakananga kuvamwari vamarudzi. Ko vapi navapi vavo vanogona here kutaura chiri munguva yemberi? Vakakwanisa kuita ikoku here munguva yakapfuura? Ko ivo vanogona here kuwana ani naani anopa uchapupu hune ufakazi hwakasimba hwokuti vamwari vakadaro vakabvumikisa kuva vechokwadi, vakafanirwa noruvimbiko rwedu? Chinyorwaiko icho vamwari vamarudzi, uye vateveri vavo, vakaita munguva yedu? Chave chichimbova chiri nani here kupfuura icho vamwari vavaEgipita, vaAsiria, uye vaBhabhironi vakare vakaita? Pane rumwe rutivi, ko avo vanopupurira Jehovha vakaita ufakazi hwakasimba hwokuti Jehovha ndiMwari wechokwadi, Iye bedzi akafanirwa nenamato yedu here? Nyaya inotevera ichakurukura idzi nhau.
[Mashoko Omuzasi]
a Chinyorwa chaJanuary 15 cheNharireyomurindi chakakurukura kuti Jehovha akatusa sei chivimbo chaHezekia Maari. Zvinoitika izvozvo zvinoshamisa zvakabatanidzawo umwari.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Ndeipi iri nhau youchangamire hwenyika yose?
◻ Ndi“vamwari” vapi vamarudzi vanobatanidzwa munhau yacho nhasi?
◻ Muuyoi wemhaka nhatu dzokuedza unoratidza ukuru hwaJehovha pavamwari venhema?
◻ Isaya anoratidza sei kuti Jehovha achagadzikisa zvinhu muzuva redu?
◻ Mibvunzoi inodikanirwa kupindurwa pamusoro pavatsigiri vamarudzidziso ose nhasi?
[Mufananidzo uri papeji 11]
Vamwari veEgipita vakanga vasina simba pamberi paMwari wechokwadi, Jehovha
[Mufananidzo uri papeji 12]
Vamwari veAsiria navatsigiri vavo vakaparadzanywa naMwari wechokwadi
[Mufananidzo uri papeji 13]
Dhanieri akapa shoko raJehovha kuvanamati vavamwari venhema veBhabhironi