Chikonzero Nei Uchifanira Kufarira
‘KUFARIRA chiiko?’ Chinjo hurusa iyo ichaitika munhau yorudzi rwomunhu! Hurumende itsva chose chose inoitwa naMwari yodokudzora pasi. (Dhanieri 2:44) Kutora kwacho kuchatapura murume ari wose, mukadzi, uye mwana—nokuda kwezvakanaka kana kuti zvimwe nokuda kwezvakashata. Iyi chinjo inoshamisa ichaitika mukati mechizvarwa chinodudzwa pana Mateo 24:34. Nokudaro, shoko rinoreva nezvechinjo iyoyo rinoda fariro yechokwadi neyapachokwadi yavanhu vose. Zvamazvirokwazvo, kungava kwakaipa kuti, ‘handifariri.’
Apo Vazhinji Vasina Kuratidza Fariro
Zuva redu razvino uno harisi nguva yokutanga iyo shoko rinokosha nerokukurumidzira rakaziviswa iro rinofanira kuva rakanyandura fariro yaavo vakakumbirwa kurinzwa. Zuva raNoa rakanga riri nguva imwe yakadaro. Nemhaka yohunhu hwakaipa, hwoutere, uye hwamasimba masimba panguva iyoyo, Jehovha Mwari akaronga kuparadza rudzi rwomunhu muMafashamo epasi rose. (Genesi 6:5-7, 13) Zvisinei, asati aita chimwe chinhu kuti aparadzanye vasingadi Mwari, iye akaronga kuti Noa, muparidziri wokururama, avanyevere nezveBoporodzi rinouya nenzira yechiito yavaifanira kuronda kuti vachengetwe vari vapenyu. Kunyange zvazvo shoko iroro rakanga richikosha, vanhu vose zvavo vakanzwa pamusoro paro “havana kucherechedza.” (Mateo 24:39; Ruka 17:26, 27; 2 Petro 2:5) Ivo vakanga vasingaitiri hanya, vasingakendengi—vasingafariri zvavo! Nemhaka yaikoku, ivo vakarasikirwa nechinhu chiri chose.
Mugariro mumwe chetewo zvikuru waivapo mumazuva avagari vamaguta aiva noutere zvikuru eSodhoma neGomora. Kunyange zvazvo vakanyeverwa nezvoruparadziko rwavo rwakanga ruchiswedera nemhaka youshati hwavo hukuru, ivo havana kuteerera. Ivowo havana kufarira munhu upi noupi aizovhiringidza nzira yavo youpenyu. Murume Roti ndiye akasiiwa bedzi.—Genesi 18:20-30; 19:1-29; Ruka 17:28-30.
Nokudaro, shoko racho rakanga risingadiwi pakati pavagari vaaya maguta. Zvichida ivo vaiitira hanya zvikuru izvo vavakidzani vavo vaizofunga nezvavo kudai vakaratidza fariro. Kana kuti zvichida ivo vakatya kuti vaizofanira kuita chinjo muupenyu hwavo idzo vakanga vasingadisi kuita. Sezviri pachena, ivo vakafarikanya mutoo wavo woupenyu woutere. (Judhasi 7) Naizvozvo kusvikira pazuva apo ruparadziko rwavo rwakauya, ivo havana kufungidzira chinhu uye havana kunzwisisa chakanga chodokuitika.
Avo Vaisafarira Muzuva raJesu
Apo Mwanakomana womunhu, Jesu Kristu, akanga ari pasi pano, akatuma vateveri vake kundozivisa mashoko akanaka pamusoro pehurumende yokudenga yaMwari. (Mateo 10:7) Kutaura idi, iye akaraidza vadzidzi vake mutoo wavaifanira kupa nawo iri shoko rechienzi nerinokosha pamusha mumwe nomumwe uye dzaiva nhanho dzokuita apo vanasaimba vakakundikana kuratidza fariro yechokwadi. Muteerere sezvaanopfuurira kurovedza vadzidzi vake: “Kana muchipinda mumba muikwazise. Kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruve pamusoro payo, asi kana isina kufanira, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. Ani naani usingakugamuchiriyi, kana kunzwa mashoko enyu, kana muchibva paimba iyo kana paguta iro, muzuze guruva riri patsoka dzenyu.”—Mateo 10:12-14.
Cherechedza kuti Jesu akaraidza vadzidzi vake kuti “muzuze guruva riri patsoka” dzavo apo vakabva pamusha kana kuti taundi makanga mune kushaikwa kwakakwana kwefariro muUmambo hwaJehovha. Chii chaakareva neiyi pangiro? Kuzuza guruva patsoka dzomunhu kwakaratidzira kurambwa kwomutoro kana kuti kuzvidavirira nokuda kwomuuyo uyo saimba aizotambura nemhaka yokushaiwa fariro muShoko raMwari. Kwakareva kuti vateveri vaJesu vakanga vachienda norugare uye vachisiya imba iyoyo kana kuti guta kumiuyo yaizouya pakupedzisira ichibva kuna Mwari.
Ratidza Fariro—Kunoreva Upenyu Hwako!
Ndokwefariro kucherechedza kuti Jesu Kristu akaenzanisa kuita kwezuva redu nouko kwamazuva aNoa neeSodhoma neGomora. (Mateo 24:37-39; Ruka 17:26-30) Utere namasimba masimba zvakanga zvakapararira mose muri muviri mumazuva aNoa nomumazuva aRoti. Zvamazvirokwazvo, murume akarurama Roti akatambudzika ndokunetseka pakucherechedza kusateerera mutemo nokupinda mumufambiro wokusazvibata kwakaitwa navagari veSodhoma neGomora.—2 Petro 2:6-8.
Bva, apo Jesu anonongedzera kuzuva raNoa nokuzuva raRoti, iye anonangidzira ngwariro yedu, kwete pautere namasimba masimba zvenguva idzodzo, asi, panzvimbo pezvo panhau dzeitiro hanya yezuva nezuva—kudya, kunwa, kuroora, kupiwa muroorano, kutenga, kutengesa, kuvaka, uye kusima. Iye akaratidzira kuti vazhinji havasati vaizogamuchira shoko ramashoko akanaka oUmambo hwaMwari asi vaizova vakabatikana nezvinhu zvezuva riri rose zvoupenyu nokudaro ndokusaratidza fariro muizvo Jehovha anoita donzo kuita. Shoko racho nderoukoshi hwoupenyu norufu. Kukundikana kuteerera kwaizova kunodhura. Kusacherechedza kana kuti kusaratidza fariro chivi chakakomba.—Enzanisa naMateo 6:31, 32.
Zvakakomba sei chaizvo? Jesu akapfuurira kutsanangura, kuti: “PaZuva roRutongeso Mwari acharatidza ngoni huru kuvanhu veSodhoma neGomora kupfuura kuvanhu vetaundi iroro” vasina kuteerera kana kuti kuratidza fariro. (Mateo 10:15, Today’s English Version) Kana munhu akaratidza fariro, akateerera, uye akadavira shoko racho, kunyange zvazvo iye angava ane utere neane masimba masimba, iye anogona kuchinja hunhu hwake ndokuwana nyasha mumeso aJehovha zvokukwanirisa somudzorwi woUmambo, kunyange sezvakaita maKristu apakuvamba aiva muKorinte.—1 VaKorinte 6:9-11.
Mukurukurirano dzake dzose navadzidzi vake, Jesu Kristu akavakurudzira kuteerera, kupa ngwariro, kuratidza fariro mushoko rinokosha roUmambo hwaMwari. Kuti anyandure ngwariro yaavo aitaura kwavari, iye akapangira, kuti: “Une nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” “Chenjerai mutoo wamunonzwa nawo.” “Nditeererei mose, munzwisise.” “Teererai, munzwisise.”—Ruka 8:18; Marko 4:9; 7:14; Mateo 15:10.
Naizvozvo, nguva inotevera apo mumwe weZvapupu zvaJehovha anoshanyira musha wako, kuchava kwebetserwo yako kuti: ‘Pindai, ndinofarira.’