RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 8/1 pp. 10-15
  • Mwari Anoronga Kuti Munhu Afarikanye Upenyu muParadhiso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anoronga Kuti Munhu Afarikanye Upenyu muParadhiso
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Hapana Chakavanzika Pamusoro Pokuvapo Kwomunhu
  • Kariro Youpenyu Husingaperi
  • Hapana Musengwa Wakanzwiwa Wokutsanangura Zvinhu
  • Oga—Asi Asingashaiwi Mufaro
  • Mwari Akasika Murume Nemukadzi Vekutanga
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Kufa Uye Kumuka kwaJesu—Kunoita Kuti Uwanei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Kariro Dzavanhu Dzakaisvonaka muParadhiso Yomufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Kariro dzeParadhiso Dzakanaka Pasinei Zvapo Nokusateerera Kwavanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 8/1 pp. 10-15

Mwari Anoronga Kuti Munhu Afarikanye Upenyu muParadhiso

“Ipapo Jehovha Mwari akapfuurira kutora munhu ndokumuisa mubindu reEdheni kuti agoririma nokuritarisira.”—GENESI 2:15, “NW.”

1. Nderipi rakanga riri donzo rapakuvamba roMusiki pamusoro pavanhu vanoteerera?

RAKANGA riri donzo rapakuvamba roMusiki, uye richiri donzo rake, kuti vanhu vanoteerera vafarikanye upenyu husingatongokweguri, hunopfachukira nguva dzose nesimba rouduku, husina kufinha kwose, nguva dzose hune donzo rakafanira rokuita, upenyu hwokuda nokudiwa nenzira yechokwadi, isina udyire, zvakakwana—muparadhiso!—Genesi 2:8; enzanisa naRuka 23:42, 43.

2. (a) Chii chinofanira kuva chakaitika apo munhu wokutanga akava anoziva? (b) Munhu wokutanga akasikwa rini, kupi, uye panguvai yegore?

2 Kuti uzive ikoko, tarira shure kuna Adhama achangobva kusikwa apo iye akatanga kugamuchira kuziva, apo iye akanzvera muviri wake amene nezvose izvo iye akaona ndokunzwa ndokubata makamupoteredza, apo iye akaziva pamavambo kuti akanga ari mupenyu! Ikoku kwakaitika makore 6 000 apfuura, mugore ra 4 026 pamberi peNguva yedu yaVose, mukuwirirana nekuverengwa kwenguva kunopiwa muBhaibheri Dzvene. Kwakaitika munharaunda yenyika iyo nhasi inozivikanwa seTurkey, kana kuti murutivi rwokumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweiyo zvino inonzi Asia, pane imwe nzvimbo munharaunda yoRwizi rwaYufratesi noRwizi rwaTigirisi, uye nokudaro muhafu yokuchamhembe yedenderedzwa redu rapasi. Nguva yacho yaizova anenge October 1, sezvo karenda dzakare zvikurusa dzorudzi rwomunhu dzaivamba kuverenga nguva pedyo nomusi iwoyo.

3. (a) Munhu wokutanga akava mupenyu mumugariroi? (b) Zita romunhu wokutanga rakazova ani, uye chii chakanga chiri revo yaro?

3 Munhu wokutanga akava mupenyu akura zvizere, aumbwa zvakakwana, ane utano zvakakwana, ane tsika zvakakwana. Zita rinomupiwa ramupiwazve muchinyorwa cheBhaibheri rinodanira ngwariro yedu kuzvinhu zvaakaumbwa nazvo. Zita rake rakanga riri ‘A·dhamʹ.a Pasi, kana kuti ivhu, raakaumbwa naro rainzi ‘a·dha·mahʹ. Naizvozvo zita rake ringasanotaurwa kuva rinoreva “Munhu Wapasi.” Irori rakazova zita rake pachake rouyu munhu wokutanga​—Adhama. Kunofanira kuva kwaiva kunzwa kwakadini apo Adhama akava muupenyu, akava munhu anoziva, akangwara!

4. Kumukai kwechienzi kuupenyu kusina kuva nomunhu wokutanga, naizvozvo iye akanga asiri mwanakomana wechii?

4 Apo uyu munhu wokutanga, Adhama, akava mupenyu, akamukira kukuziva kwoungwaru, uye akasvinura meso ake, haana kuzviwana amene akarara pachipfuva chine mvere, akambundirwa namaoko marefu ane simba echisikwa chechikadzi chakafanana neape, akabatirira kwachiri uye achitarira mumeso acho uye nechidakadaka chinyoro achichidana kuti Amai. Munhu wokutanga, Adhama, haana kuva nokumuka kwechienzi kwakadaro kuupenyu. Iye haana kunzwa ukama hwokunyama neape, kwete kunyange gare gare apo akatanga kuchiona. Pazuva rokusikwa kwake, kwakanga kusina chinhu chokukarakadza kuti iye akanga ari muzukuru, mwanakomana wokure, weape kana kuti chisikwa chipi nechipi chakafanana naichocho. Bva, ko munhu wokutanga, Adhama, aifanira kuramba achishamiswa pamusoro pokuti iye akavapo sei here? Aiwa.

5. Chii chakaziva Adhama chaizvoizvo pamusoro pebindu rake rakafanana nomunhanga uye pamusoro pake amene?

5 Nenzira inonzwisisika, iye angave akasanoshamiswa nenzira iyo zvinhu zvose zvakaisvonaka zvaakatarira zvakavapo nayo. Iye akazviona amene kuva ari mubindu rakafanana nomunhanga, paradhiso iyo iye amene akanga asina kugadzira, kuita, uye kuronga. Iyoyi yakavapo sei? Somunhu ane ungwaru zvakakwana, anorangarira, aizoda kuziva. Iye akanga asina kuva nechinoitika chapamberi pezvi. Iye aiziva kuti akanga asiri munhu akazviita, akazvikudza. Iye akanga asina kusvika pauyu mugariro nenhamburiko dzake amene.—Enzanisa nePisarema 100:3; 139:14.

6. Sezvingabvira Adhama aizoita sei kukuva mupenyu mumusha wapasi wakakwana?

6 Munhu wokutanga, Adhama, pakutanga angave akava namanyemwe zvikuru pamusoro peichi chinoitika chapakuvamba chokuva mupenyu nomufaro mumusha wapasi wakakwana zvokusagona kufunga pamusoro pouko iye akabva uye chikonzero nei. Hapana chaaitongogona kuita kunze kwokuita danidziro dzomufaro. Iye akawana mashoko achibuda mumuromo make. Iye akazvinzwa amene achitaura mumutauro womunhu, achiita tsinhiro pamusoro pezvinhu zvakaisvonaka zvaakaona nokunzwa. Kuva mupenyu muno muiri bindu reParadhiso kwakanga kwakanaka sei! Asi sezvo akazvizadza amene nomufaro namashoko akabva muzviono zvose, manzwi, hwema, uye kubatwa kwezvinhu, aizosundwa kufunga. Kwatiri, kudai tikaiswa mumigariro yake, kwaizova nechakavanzika pamusoro pechinhu chose, chakavanzika chatingadai tisina kugona kupedza isu timene.

Hapana Chakavanzika Pamusoro Pokuvapo Kwomunhu

7. Neiko Adhama asina kushamiswa kwenguva refu pamusoro pokuzviwana amene ari mupenyu uye ari mubindu reparadhiso?

7 Munhu wokutanga, Adhama, haana kukatyamadzwa kwenguva refu pamusoro pomugariro maakazviwana amene ari mupenyu uye ari oga, pasina mumwe munhu akafanana naye anooneka mubindu reParadhiso. Iye akanzwa inzwi, mumwe munhu achitaura. Munhu wacho akarinzwisisa. Asi mutauri akanga ari kupiko? Munhu wacho haana kuona munhu aitaura. Inzwi rakabva munzvimbo isingaoneki, isingaonwi, uye raitaura kwaari. Rakanga riri inzwi roMuiti womunhu, Musiki wake! Uye munhu aigona kumupindura norudzi rumwe cheterwo rwomutauro. Iye akazviwana amene achitaura naMwari, Musiki. Munhu akanga asingadi nhepfenyuro yesaenzi yazvino uno kuti anzwe inzwi roumwari. Mwari akakurukura naye zvakananga sechisikwa chake.

8, 9. (a) Mibvunzoi iyo Adhama aigona kuita kuti ipindurwe, uye itarisiroi youbaba nefariro yakaratidzirwa kwaari? (b) Imhinduroi yakagamuchira Adhama kuna Baba vake vokudenga?

8 Zvino munhu akaziva kuti akanga asiri oga, uye nokuda kwaikoku anofanira kuva akanzwa zviri nani. Ndangariro yake yakanga yakazara nemibvunzo. Iye aigona kuibvunza Uyo asingaoneki aitaura kwaari. Ndiani akamuita uye iri bindu romufarwa? Neiko akanga aiswa imomo, uye chii chaaifanira kuita noupenyu hwake? Kwakanga kune donzo ripi neripi here mukurarama? Tarisiro youbaba nefariro zvakaratidzwa kuuyu munhu wokutanga, Adhama, nokuti mibvunzo yake yakapiwa mhinduro yakagutsa ndangariro yake inobvunza. Unofanira kuva wakava mufarwa wakadini kuMuiti wake, Mupi woUpenyu wake, Baba vake vokudenga, kunzwa munhu achivamba kureketa ndokutaura mashoko ake okutanga! Mufarwa wakadini wakwakapa Baba vokudenga kunzwa mwanakomana wavo achitaura navo! Mubvunzo wokutanga womuzvarirwo waizova, “Ndakavapo sei?” Baba vokudenga vakafadzwa kupindura iwoyo nokudaro ndokubvuma kuti uyu munhu wokutanga akanga ari mwanakomana Wavo. Iye akanga ari “mwanakomana waMwari.” (Ruka 3:38) Jehovha akazvizivisa amene saBaba vouyu munhu wokutanga, Adhama. Kubva kuna Baba vake vokudenga, herino pfundo guru remhinduro iyo Adhama akagamuchira kumubvunzo wake uye iro iye akapfuudza kuvana vake:

9 “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu. Jehovha Mwari akasima munda muEdheni, kumabvazuva, akaisapo munhu waakanga aumba. Jehovha Mwari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; uye muti woupenyu pakati pomunda nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. MuEdheni makabuda rwizi kuzodiridza munda uyo, rukaparadzana ipapo, dzikaita hova ina.”—Genesi 2:7-10.b

10, 11. (a) Maidii akadzidza Adhama zvakajeka, asi ndimimwe mibvunzoi yaida kuti ipindurwe? (b) Imhinduroi idzo Baba vokudenga vakapa Adhama?

10 Ndangariro yakangwara, itsva yakapinza nokudisa aya mashoko anogutsa. Zvino iye akaziva kuti haana kubva kunzvimbo iyoyo isingaoneki uko Muiti noMuumbi wake akanga achitaura ari kwairi. Panzvimbo pezvo, akaumbwa achibva mupasi paakanga achigara uye naizvozvo akanga ari wapasi. Mupi woUpenyu wake uye Baba akanga ari Jehovha Mwari. Iye akanga ari “mweya mupenyu.” Zvaakanga agamuchira upenyu hwake kuna Jehovha Mwari, iye akanga ari “mwanakomana waMwari.” Miti yakanga yakamupoteredza mubindu reEdheni yaibereka michero yakanga yakanaka nokuda kwezvokudya, kuti adye ndokuramba ari mupenyu somweya mupenyu. Asika, neiko achifanira kuramba ari mupenyu, uye neiko iye akaiswa pasi pano, muiri bindu reEdheni? Iye akanga ari munhu akaumbwa zvizere woungwaru uye ane mano omuviri, uye iye akafanirwa nokuziva. Kudai kusina kudaro, iye aigona sei kuita donzo rake muupenyu uye nokudaro achifadza Muiti wake naBaba kupfurikidza nokuita kuda kwoumwari? Mhinduro kuiyi mibvunzo yakafanira yakapiwa mumashoko anotevera:

11 “Ipapo Jehovha Mwari akapfuurira kutora munhu ndokumuisa mubindu reEdheni kuti agoririma nokuritarisira. Ipapo Jehovha Mwari akaisa uyu murairo pamunhu, unoti: ‘Ungadya hako pamuti uri wose womubindu kusvikira pakuguta. Asi kana uri muti wezivo yechakanaka nechakashata iwe hausati uchifanira kudya pauri, nokuti muzuva raunodya pauri uchafa zvamazvirokwazvo.’”—Genesi 2:15-17, NW.

12. Adhama anofanira kuva akatendawo Musiki wake nokuda kwei, uye munhu aigona sei nokudaro kukudza Mwari?

12 Adhama anofanira kuva akaonga Musiki wake nokuda kwokupiwa chimwe chinhu chokumuchengeta akabatikana zvinobetsera muiri bindu rakaisvonaka reEdheni. Zvino iye akaziva kuda kwoMusiki wake, uye aigona kuita chimwe chinhu pasi pano nokuda Kwake. Iye zvino aiva nomutoro wakanga uri paari, uyo wokurima bindu reEdheni nokuritarisira, asi ichocho chaizova chinhu chinofadza kuita. Kupfurikidza nokuita ikoku, iye aigona kuchengeta bindu reEdheni richitarisika nenzira yakadaro zvokuunza mbiri nerumbidzo kuMuiti waro, Jehovha Mwari. Panguva ipi kana ipi Adhama ainzwa nzara nokushanda, aigona kudya kusvikira aguta pamiti yomubindu. Neiyi nzira iye aigona kumutsidzira simba rake ndokuchengeta upenyu hwake hwomufarwa kusvikira kunguva isingazivikanwi—nokusingagumi.—Enzanisa naMuparidzi 3:10-13.

Kariro Youpenyu Husingaperi

13. Itariroi yaiva nomunhu wokutanga, uye nei saizvozvo?

13 Nokusingagumi here? Iwoyu unofanira kuva wakava mufungo unodokuva usingadaviriki zvakadini kumunhu akakwana! Asi zvokona neiko? Musiki wake akanga asina pfungwa kana kuti donzo rokuparadza iri bindu rakarongedzerwa nounyanzvi reEdheni. Iye anofanirireiko kuparadza basa rake amene, apo rakanga rakanaka kwazvo uye richiratidzira kusika kwake kwounyanzvi? Nenzira ine mifungo, iye haasati aizoronga kuita saizvozvo. (Isaya 45:18) Uye sezvo iri bindu risingaenzaniswi raifanira kuramba richirimwa, raizoda murimi nomutarisiri akafanana nomunhu akakwana, Adhama. Uye kudai munhu anotarisira asina kutongodya muchero wakarambidzwa “muti wezivo yechakanaka nechakashata,” iye haasati aizotongofa. Munhu akakwana aigona kurarama nokusingaperi!

14. Adhama aigona sei kuva noupenyu husingaperi muParadhiso?

14 Upenyu husingaperi mubindu reParadhiso reEdheni hwakaiswa pamberi paAdhama! Hwaigona kufarikanywa nokusingagumi, chero bedzi iye akaramba achiteerera zvakakwana kuMusiki wake, asingatongodyi muchero wakarambidzwa noMusiki womunhu. Chakanga chiri chishuvo Chake kuti munhu akakwana arambe achiteerera uye arambe achirarama nokusingaperi. Kurambidzwa kwomuchero wo“muti wezivo yechakanaka nechakashata” kwakanga kusingaurayisi. Wakanga uchingova zvawo muedzo weteerero yakakwana yomunhu kuna Baba vake. Kwakagovera banza rokuti munhu abvumikise rudo rwake nokuda kwaMwari, Musiki wake.

15. Neiko Adhama aigona kutarira mberi kunguva yemberi yakajeka, nezvakanaka pamaoko oMusiki wake?

15 Negutsikano yechokwadi yokuti iye akanga asiri zvake tsaona isina kurongwa asi aiva naBaba vokudenga, ndangariro yake yakaziviswa kunzwisiswa kwedonzo rake muupenyu, achirangarira upenyu husingagumi muParadhiso, munhu akakwana akatarira mberi munguva yemberi yakajeka. Iye aidya zvemiti zvakanga zvakanaka nokuda kwozvokudya, achidzivisa “muti wezivo yechakanaka nechakashata.” Iye aida kuziva zvakanaka pamaoko oMusiki wake. Basa, kwete rorudzi runoparadza, asi rokurima bindu reEdheni rakanga rakanaka, uye munhu akakwana akashanda.

Hapana Musengwa Wakanzwiwa Wokutsanangura Zvinhu

16-18. Zvii zvinonzi zvakavanzika izvo Adhama asina kunzwa achisundwa kupedza, uye nei?

16 Chiedza chezuva chakaderera sezvo chivheneko chikuru chezuva, icho iye aigona kuona mukufamba kwacho chichigura denga, chakavira. Rima rakasvika, usiku, uye mwedzi wakava unooneka kwaari. Hauna kumuzadza nepfungwa yorutyo; chakanga chiri chivheneko chiduku icho chakatonga usiku. (Genesi 1:14-18) Sezvingabvira, zvin’ain’ai zvakabhururuka-bhururuka mubindu, chiedza chazvo chinotonhora chichipenya nokudzima kufanana nemwenje miduku.

17 Sezvo usiku hwakasvika uye rima rakamufukidza, akanzwa kudikanwa kwokuvata kufanana nemhuka dzakanga dzakamupoteredza. Pakumuka akavamba kunzwa nzara, uye akadya nechishuvo chakanaka pamiti yemichero yakabvumidzwa, kuva nechinganzi chisvusvuro.

18 Amutsidzirwa musimba uye asanozorodzwa nezororo rousiku, iye akatendeudzira ngwariro yake kubasa rezuva. Sezvo akacherechedza zvakasvibirazve zvose zvakamupoteredza, haana kunzwa kuti anofanira kuongorora chakavanzika cheicho vanhu zviuru zvamakore gare gare vaizodana kuti photosynthesis, uku kushanda kwakaoma kunzwisisa kupfurikidza nako chinoitisa girini chemiti, chlorophyll yayo, inobata nayo simba rechiedza chezuva kubudisa zvokudya zvomunhu nemhuka zvokudya, panguva imwe cheteyo kupinza carbon dioxide iyo munhu nemhuka zvinobudisa nokupa oxygen yokuti zvifeme. Munhu angachidana kuti chakavanzika, asi kwakanga kusina kudikanwa kwokuti Adhama achipedze. Rakanga riri nenji roMusiki womunhu. Iye airinzwisisa uye akaita kuti rishande nokuda kwokubetserwa kwoupenyu hwechisikwa pasi pano. Nokudaro, kwakanga kwakakwana nokuda kwoungwaru hwomunhu wokutanga akakwana kuti Mwari, Musiki, akaita kuti zvinhu zvikure, uye basa rakapiwa naMwari romunhu raiva rokutarisira izvi zvimiro zvemiti inokura mubindu reEdheni.—Ona Genesi 1:12.

Oga—Asi Asingashaiwi Mufaro

19. Kunyange zvazvo aiziva kuti akanga ari oga, pasina munhu upi noupi zvake akafanana naye pasi pano, chii chisina kuita Adhama?

19 Dzidzo yomunhu pamaoko aBaba vake vokudenga yakanga isina kupera. Munhu akatarisira bindu reEdheni pasina mumwe munhu upi noupi akafanana naye pasi pano wokumukumbanira kana kuti kumubetsera. Kana toreva nezvorudzi rwake, rudzi rwomunhu, akanga ari oga. Iye haana kuenda kundotsvaka kuti awane mumwe munhu akafanana naye wokuva nesonganirano naye yapasi. Iye haana kukumbira Mwari, Baba vake vokudenga, kuti vamupe munun’una kana kuti hanzvadzi. Kuva kwake oga somunhu hakuna kumupengesa pakupedzisira uye kubvisa mufaro mukurarama nokushanda. Iye aiva noushamwaridzani naMwari.—Enzanisa nePisarema 27:4.

20. (a) Ndoupi waiva mufaro nomufarwa mukurusa zvaAdhama? (b) Neiko kupfuurira muiyi nzira youpenyu kungadai kusina kuva nhamo inouraya pana Adhama? (c) Chii chichakurukura nyaya inotevera?

20 Adhama aiziva kuti iye nebasa rake vaiongororwa naBaba vake vokudenga. Mufaro wake mukurusa wakanga uri mukufadza Mwari wake noMusiki, ane kushamisa kwakaziviswa namabasa ose akaisvonaka echisiko akapoteredza munhu. (Enzanisa naZvakazarurwa 15:3.) Kupfuurira muiyi nzira youpenyu kungadai kusina kuva nhamo inouraya kana kuti basa rinofinha rouyu munhu akadzikama zvakakwana uyo aigona kukurukura naMwari. Uye Mwari akanga aisa pamberi paAdhama basa, basa rinonakidza, iro raizomuunzira gutsikano huru nomufarwa. Nyaya inotevera ichataura zvakawanda pamusoro pezvikomborero zveParadhiso nekariro idzo Adhama akafarikanya pamaoko oMusiki wake ane rudo.

[Mashoko Omuzasi]

a Iri ndiro shoko riri mumutauro wapakuvamba wenhauro yechisiko muBhaibheri Dzvene.—Genesi 1:26, New World Translation Reference Bible, mashoko omuzasi.

b Muporofita Mosesi, uyo akanyora mashoko ari mubhuku raGenesi muzana ramakore rechi 16 pamberi peNguva yedu yaVose, akawedzera mashoko anotevera pamusoro porwizi urwu rweEdheni, mukuwirirana nezivo yezuva rake:

“Zita rorwokutanga ndiPishoni; ndirwo rwunopoteredza nyika yose yeHavhira, pane ndarama ipapo; ndarama yenyika iyeyo yakanaka; uyewo pane dheriumu nebwe reoniksi. Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yaKushi. Zita rorwizi rwechitatu ndiHidhekeri; ndirwo runoyerera kumabvazuva kweAsiria. Rwizi rwechina ndiYufratesi.”—Genesi 2:11-14.

Ndedzipi Dziri Mhinduro Dzako?

◻ Neiko Adhama asina kushamiswa pamusoro pokuvapo kwake kwenguva refu?

◻ Ibasai rakapa Mwari Adhama, uye iye anofanira kuva akaita sei?

◻ Ikariroi yakafarikanya munhu akakwana, uye nei?

◻ Neiko Adhama asina kukuita basa roupenyu hwake kupedza zvakavanzika?

◻ Neiko kuva oga kwaAdhama somunhu kusina kutora mufaro mukurarama?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 10]

NASA photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe