Unorangarira Sei Mirairo Ine Gumi?
VANHU vanorangarira Mirairo Ine Gumi yeBhaibheri munzira dzakasiana-siana. VaSeventh-Day Adventist vanotaura kuti Mirairo Ine Gumi inokosha pavanhu vose. VaLutheran vanoirangarira kuva “mitemo yakanakisisa yati yapiwa iyo munhu anogona kuvakira pairi upenyu hwake.” “Ikanzwisiswa nenzira yakarurama,” anotsanangura kudaro mumwe mutauriri weKaturike, “Mirairo Ine Gumi ichiri kugovera hwaro hwokurarama kwechiKristu.”
Nokudaro, nepo mamwe mapoka orudzidziso achidavira kuti tinofanira kuteerera Mirairo Ine Gumi kusvikira kuudzame huri hwose, mamwe anoirangarira kuva zvayo nhungamiro yomufambiro wakanaka wetsika. Zvamazvirokwazvo, mukuwirirana neEncyclopædia of Religion and Ethics, “zvimwe hakuna chinyorwa chavanhu chakashandisa pesvedzero huru paupenyu hworudzidziso nohwetsika kupfuura Decalogue [Mirairo Ine Gumi].” Neiko ikoku kwakadaro? Rangarira pakutanga chainotaura. Iyo mipfupi, inobatanidza zvose, uye ine simba. Asika unofanira kurangarira sei Mirairo Ine Gumi? Chii chainoreva kwauri?
[Bhokisi riri papeji 3]
MIRAIRO INE GUMI
1. Usava navamwe vamwari kunze kwangu.
2. Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira . . .
3. Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina . . .
4. Rangarira zuva resabata, kuti urichengete rive dzvene. Ubate mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose; . . . Usatongobate basa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana zvipfuwo zvako, kana mweni wako uri mukati mamasuo ako . . .
5. Kudza baba vako naamai vako . . .
6. Usauraya.
7. Usaita upombwe.
8. Usaba.
9. Usapupurira wokwako nhema.
10. Usachiva imba yowokwako, usachiva mukadzi wowokwako, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwe chowokwako.—Eksodho 20:3-17.