RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 1/1 pp. 10-15
  • “Handinyadziswi Namashoko Akanaka”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Handinyadziswi Namashoko Akanaka”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mashoko Akanaka Anoziviswa Munyika Yose
  • Mashoko Akanakisisa Angagona Kuziviswa
  • Havanyadziswi naJesu Kristu naJehovha
  • Hazvinyari Kutya Mwari Ndokumupa Mbiri
  • Pane Mashoko Akanaka Anofanira Kuzivikanwa Nevanhu Vose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • “Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Aya Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Ku“uya Namashoko Akanaka Ezvinhu Zvakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 1/1 pp. 10-15

“Handinyadziswi Namashoko Akanaka”

“Handinyadziswi namashoko akanaka; kutaura idi, iwo isimba raMwari roruponeso kumunhu ari wose ane kutenda.”—VAROMA 1:16, “NW.”

1. Mashoko akanaka anowanzogamuchirwa seiko, asi vanhu vasina kutenda venyika vaizorangarira sei mashoko akanaka oUmambo hwaMwari?

ICHO chinooneka kumunhu mumwe kuva mashoko akanaka chingasarangarirwa samashoko akanaka nomumwe. Kazhinji kazhinji, mutakuri wamashoko akanaka anogamuchirwa nekwaziso youshamwari, uye nzeve inodisa kunzwa mashoko ingatendeudzirwa kwaari. Zvisinei, Bhaibheri rakadeya kutaura kuti vanhu vasina kutenda venyika havasati vaizorangarira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari neshoko rahwo roruponeso saanofadza.—Enzanisa na 2 VaKorinte 2:15, 16.

2. Chii chakataura muapostora Pauro pamusoro pamashoko akanaka ayo akazivisa, uye neiko shoko raakazivisa richiri mashoko akanaka nhasi?

2 Muapostora Pauro akanga ari munhu akatumwa kuzopa mashoko akanaka kuvanhu. Iye akanzwa sei pamusoro pebasa rake? Iye akati: “Ndinodisa kuzivisawo mashoko akanaka kwamuri imomo muRoma. Nokuti handinyadziswi namashoko akanaka.” (VaRoma 1:15, 16, NW) Kuti mashoko ave achiri mashoko nhasi, anodokusvika makore 2 000 pashure pokunge muapostora Pauro anyorera maKristu shure ikoko muRoma, aizofanira chaizvoizvo kuva mashoko akanaka asingaperi. Kutaura idi, iwo “mashoko akanaka asingaperi.”—Zvakazarurwa 14:6, NW.

3, 4. Neiko muapostora Pauro akataura kuti akanga asinganyadziswi namashoko akanaka?

3 Neiko muapostora Pauro akataura kuti akanga asinganyadziswi namashoko akanaka? Neiko iye aigona kuva akanyadziswa nawo? Nemhaka yokuti rakanga risiri shoko rakakurumbira, nokuti iro raiva nechokuita nomunhu akanga arovererwa padanda rokutambudzira nomutoo wetsotsi rinozvidzwa, kuzvitarisiko zvose zvokunze kuchimuisa mumugariro wakashata zvikuru zvamazvirokwazvo. Kwamakore matatu nehafu, uyu murume akanga akwira achidzika muParestina ane mashoko akanaka uye akanga asangana nechishoro chakaoma chakabva kuvaJudha, zvikurukuru vatungamiriri vorudzidziso. Uye zvino Pauro, zvaiva nezita romurume iyeyo anoshorwa, akanga achitarisana noutsinye hwakafanana.—Mateo 9:35; Johane 11:46-48, 53; Mabasa 9:15, 20, 23.

4 Nemhaka yechishoro chakadaro, Pauro navadzidzi biyake vaJesu Kristu vangave vakarangarirwa savaiva nechimwe chinhu chokunyadziswa nacho. Zvamazvirokwazvo, Pauro zvino akanamatira kuchimwe chinhu icho iye amene kare airangarira sechinonyadzisa. Iye pachake akanga agoverana mukututira ruzvidzo pavateveri vaJesu Kristu. (Mabasa 26:9-11) Asi akanga arega nzira iyoyo yechiito. Somuuyo, iye, pamwe chete navamwe vakava maKristu, vakatambura chitambudzo chamasimba masimba.—Mabasa 11:26.

5. Pauro akatsanangura sei kutaura kwake pamusoro pokusanyadziswa namashoko akanaka?

5 Kana mumwe munhu akazvibvumira amene kunyadziswa nokuva muteveri waJesu Kristu, iye aizova achiva nomurangariro wohunhu wezvinhu. Muapostora Pauro akanga asina kudaro. Panzvimbo pezvo, mutsananguro yokusanyadziswa kwake namashoko akanaka ayo iye akaparidzira, akati: “Kutaura idi, iwo isimba raMwari roruponeso kumunhu ari wose ane kutenda.” (VaRoma 1:16, NW) Simba raMwari harisi chisakiso chamanyadzi kana richishanda kupfurikidza nomudzidzi waJesu nokuda kwokuitwa kwedonzo rinorumbidzwa raMwari ane mbiri uyo Jesu Kristu amene akanga ari munamati wake nomurumbidzi.—Enzanisa na 1 VaKorinte 1:18; 9:22, 23.

Mashoko Akanaka Anoziviswa Munyika Yose

6, 7. (a) Mutoroi pamusoro pamashoko akanaka uyo Zvapupu zvaJehovha zviri kuvavarira kurarama mukuwirirana nawo, uye nomuuyoi? (b) Kunyange zvazvo tisati tichitongoda kurega rutyo ruchitidzivisa kupa uchapupu, chii chingava chiri madikanwa padzimwe nguva? (Ona mashoko omuzasi.)

6 Kufanana naPauro, Zvapupu zvaJehovha nhasi vadzidzi voMwanakomana Wake akapiwa mbiri, Jesu Kristu. Kuizvi Zvapupu zvake, Jehovha akapa iyi pfuma ya“mashoko akanaka ane mbiri.” (1 Timotio 1:11, NW) Zvapupu zvaJehovha hazvina kukundikana kurarama mukuwirirana nouyu mutoro unorema, uye izvo zvinokurudzirwa kusanyadziswa nawo. (2 Timotio 1:8) Kunokosha kusatongorega rutyo kana kuti ruzazu zvichitidzivisa kupa uchapupu nokuzvizivisa timene seZvapupu zvaJehovha.a

7 Kupupurira kwakadaro kwoushingi nokwokusatya kwakaguma nokuziviswa kwezita raMwari Wokumusorosoro mupasi rose nokuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo hwake pamwero wenyika yose. Mwanakomana waMwari akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika,” uye kudeya kutaura kwake hakusati kwaizotongobvumidzwa kuwana kundikano. (Mateo 24:14, NW) Mashoko akanaka zvino ari kuparidzirwa munyika dzinopfuura 210, uye mugumo weiri basa rokuparidzira uchigere kusvikwa. Tisinganyadziswi namashoko akanaka nokutarisana nenguva yemberi noushingi, tinonyengetera sezvakaita vadzidzi vapakuvamba vaJesu Kristu: “Uye zvino, Jehovha, . . . bvumirai varanda venyu kuramba vachitaura shoko renyu noushingi hwose.”—Mabasa 4:29, NW.

8. Neiko Zvapupu zvaJehovha zvisingafaniri kuodzwa mwoyo nechishoro mumarudzi ose apasi?

8 Nepo kuri chokwadi kuti Zvapupu zvaJehovha zvinovengwa uye zvinoshorwa mumarudzi ose apasi, ikoku kuri muzadziko yezvakadeya kutaurwa kuva chiratidzo chinozivisa chavanamati vechokwadi vaMwari mumwe mupenyu nowechokwadi. (Johane 15:20, 21; 2 Timotio 3:12) Naizvozvo panzvimbo pokuodzwa mwoyo nokusvibiswa mwoyo naikoku, vazivisi vamashoko akanaka vanovimbiswa kuti vane tendero youmwari uye ndevesangano rakatenderwa raChangamire Wapose pose, Jehovha.

9. Neiko zvisinei kuti nyika yose inorwisana nesu?

9 Usatongokanganwa: Tine tsigiro yaMwari Wokumusorosoro wechisiko chose. Naizvozvo, zvineiko kana nyika namasekete ayo ose orudzidziso namapato ezvamatongerwe enyika ichirwisana nesu? Nyika yose yairwisana noMwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waMwari, uye hatinyadziswi nokuwanwa tiri mumugariro mumwe chetewo. Iye akati kuvaapostora vake: “Kana nyika ikakuvengai, zivai kuti yakandivenga isati yakuvengai. Kudai maiva rutivi rwenyika, nyika yaizoda chiri chayo imene. Zvino nemhaka yokuti hamusati muri rutivi rwenyika, asi ndakakusarudzai munyika, nokuda kwaikoku nyika inokuvengai.”—Johane 15:18, 19, NW.

10. Chakawanda chechitambudzo cheZvapupu zvaJehovha chakabva mumanyukoi, uye neiko zvisinganyadziswi nacho?

10 Zvapupu zvaJehovha nokudaro zvakatsungirira chitambudzo munyika yose asi zvakatanhamara zvikurusa mumarudzi aye anoumba chinonzi chiKristudhomu. Chitambudzo chakadaro chinoitwa nechiKristudhomu hachibvumikisi Zvapupu kuva zvisiri maKristu. Panzvimbo pezvo, chinotsigira kutaura kwazvo kwokuva maKristu echokwadi, Zvapupu zvaMwari naBaba vaJesu Kristu, ndiko kuti, Jehovha. Nemhaka yokuti izvo Zvapupu zvaMwari, hazvinyari apo zvinotambura chitambudzo pazvikonzero zvakadaro zvorudzidziso. Naizvozvo, pangiro yomuapostora Pauro kumaKristu omuzana rokutanga ramakore yokusanyara inoshanda zvakakodzera kuZvapupu zvaJehovha zvino.—Ona VaFiripi 1:27-29.

Mashoko Akanakisisa Angagona Kuziviswa

11. Kupfurikidza nokuva nezita rokuti Zvapupu zvaJehovha, neiko tisingaregi kuva vateveri vaJesu Kristu?

11 Zvapupu zvaJehovha zvakagamuchira noushingi zita razvo muzadziko yechipikirwa chaJehovha kuvanhu vake vesungano chiri pana Isaya 43:10. Ikoku hakurevi, zvisinei, kuti hazvisati zvichatevera Jesu Kristu. Jesu ndiye Mutungamiriri wazvo, uyo ane muenzaniso wazvinotevera. Iye amene ndimumwe wezvapupu zvaJehovha. Kutaura idi, iye ndiye Chapupu chikuru chaJehovha.—1 Timotio 6:13; Zvakazarurwa 1:5.

12. Rudzii rwamashoko rwunoparidza Zvapupu zvaJehovha munyika yose, uye neiko?

12 Shoko iro izvi Zvapupu zvaJehovha zvinoparidzira munyika yose mashoko akanakisisa angagona kuziviswa. Hakuna hurumende ingagona kuva iri nani nokuda kworudzi rwomunhu kupfuura Umambo hwaMesia uhwo Jehovha akagadza kuti hutonge pamusoro penyika yorudzi rwomunhu, iyo akatumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kuzodzikinura. (Isaya 9:6, 7) Vagari vapasi uko mashoko akanaka oUmambo ari kuparidzirwa vari kupiwa banza rokuagamuchira nokubvumikisa kuva vakafanirwa nechipo choupenyu husingaperi mukukwana kwohunhu muparadhiso yapasi.

13. Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti hurumende yoUmambo yaMesia ichava yakanakisisa zvikuru, uye chii icho Zvapupu zvinorumbidza zvisinganyari?

13 Zvirokwazvo, kana Jesu akanga achidisa kutambura rufu rwoutsinye kuti adzikinure avo vaizova vadzorwi vake, aizova nechokwadi chokusavapa imwe hurumende kunze kweyakanakisisa zvikuru. Tinorumbidza kuchisikwa chiri chose chiri pasi pano, kuti: Iva mudzorwi akatendeka, anoteerera wehurumende iyoyo. Hatinyadziswi nehurumende yatinorumbidza zvechokwadi kurudzi rwose rwomunhu. Hatiregi kuparidzira Umambo, kunyange zvazvo iyi nzira ingatiunzira chitambudzo. Kufanana nomuapostora Pauro, mumwe nomumwe wedu anoti: “Handinyadziswi namashoko akanaka.”

14. Mukuwirirana naJesu, kuparidzirwa kwoUmambo kwaizova kwakapararira sei muzuva redu?

14 Jesu akadeya kutaura kuti kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo kwaizova pamwero wenyika yose, uye uporofita ihwohwu hwakafara, hwakapararira hwakanga hwakakodzera nokuda kweshoko rakadaro. (Marko 13:10) Iye akanga asingazenguriri kudeya kutaura kuparidzirwa kwoUmambo hwaJehovha kusvikira kunzvimbo iri kuresa—hungu, kusvikira kumigumo imene yapasi. (Mabasa 1:8) Jesu aiziva kuti munzvimbo ipi neipi umo vanhu vaigona kuwanwa, vateveri vake vakatendeka vaizoita nhamburiko yechokwadi yokuvasvika namashoko akanaka oUmambo.

15, 16. (a) Ndivanaani vanofanirwa nokusvikwa namashoko akanaka? (b) Neiko basa rokuparidzira richapedzwa pasinei zvapo nechitambudzo chinoitwa nesangano raDhiabhorosi?

15 Vagari vapasi nhasi vanosvika muzviuru zvamamirioni uye vakapararira munyika dzose nezvitsuwa zvikuru zvamakungwa. Bva, hakuna rutivi rwapasi rinogarwa rwave rwuri kure zvikuru zvokusagona kuti Zvapupu zvaJehovha zviite nhamburiko yokurwusvika namashoko akanaka. Pasi rose rinogarwa chitsiko chetsoka chokufananidzira chaJehovha Mwari. (Isaya 66:1) Zvisikwa zvohunhu zvinogara murutivi rupi norupi rwechitsiko chetsoka dzake chinofanirwa nokusvikwa neiri shoko roruponeso.

16 Mashoko akanaka nhasi mashoko anofadza ehurumende youmambo iyo yakatogadzwa musimba raMesia. Jesu aiziva kuti pasinei zvapo nechishoro chinotyisa zvikurusa chinoitwa nesangano raDhiabhorosi, mudzimu waMwari waizosunda vateveri vechokwadi vaMesia kuenda kumigumo kumene kuti “aya mashoko akanaka oumambo” seidi rakasimbiswa “agoparadzirwa mupasi rose rinogarwa.”—Mateo 24:14, NW.

Havanyadziswi naJesu Kristu naJehovha

17. (a) Vanamati vechokwadi havanyadziswi nechii? (b) Mutemoi uyo Jesu akaonesa pana Marko 8:38, uye chii chiri revo yawo?

17 Mwari Wokumusorosoro haana kuzengurira kuzvipa amene zita, Jehovha; uyewo vanamati vake vakatendeka havafaniri kunyadziswa nezita iroro. Vanamati vechokwadi vanofara kuzivikanwa nokuzivikanwa saavo vanopa namato isina kukamuraniswa neteerero kwaari. Nezvake amene, Jesu akaonesa murairo, kana kuti nheyo, iri pana Marko 8:38: “Aninaani unonyara pamusoro pamashoko angu parudzi urwu rwoupombwe nokutadza, Mwanakomana womunhu uchanyarawo pamusoro pake, musi waanouya nokubwinya kwake naBaba vake navatumwa vatsvene.” Nenzira yakafanana, upi kana upi aizonyadziswa naMwari naBaba vaShe Jesu Kristu, Jehovha aizonyadziswa nowakadaro nenzira yakarurama. Uye chisikwa chipi nechipi icho Jehovha aizonyadziswa nacho nemhaka yenzira yacho yokusatendeka yechiito hachisati chaizofanirwa nokufarikanya kuvapo murutivi rupi norupi rwenzvimbo yaMwari mudenga kana kuti pasi pano.—Ruka 9:26.

18. (a) Neiko mashoko aJesu ari pana Mateo 10:32, 33 achifanira kurovererwa mumwoyo yedu nendangariro? (b) Chii chinoitika kuavo vanoramba Jesu naJehovha nemhaka yokutya vanhu? (Ipa mienzaniso yakavakirwa pamashoko omuzasi.)

18 Mashoko anotevera aJesu Kristu ngaarovererwe mumwoyo yedu nendangariro: “Mumwe nomumwe uchandipupura pamberi pavanhu, neni ndichamupupurawo pamberi paBaba vangu vari mudenga. Asi mumwe nomumwe unondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.” (Mateo 10:32, 33; Ruka 12:8, 9) Pahwaro humwe chetehwo, aninaani aizoramba Mwari naBaba vaShe Jesu Kristu aizorambwa Naye. Iye haasati aizorangarirwa kuva akafanirwa nokuva mutezo wemhuri iyo Jesu Kristu ari Mwanakomana wayo mukuru. Iye naizvozvo aizoparadzwa panguva yakagadzwa yaMwari.b

19, 20. (a) Neiko avo vakanyengetera kuti zita raJehovha ritsveneswe vasina chinhu chokunyadziswa nacho? (b) Chii icho vazivisi voUmambo vasingatyi vakaita, uye netsigiroi?

19 Munyengetero womuenzaniso uyo Jesu akadzidzisa vadzidzi vake uchapindurwa: “Baba vedu vari mumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, somudenga, napasi panowo.” (Mateo 6:9, 10, NW) Apo ikoko kunoitika, vadzidzi vano rudo vaJesu havasati vachizova nechinhu chokunyadziswa nacho. Zita raJehovha richarumbidzwa, kutsveneswa, kwete bedzi namamirioni ari kurarama zvino asingatongofaniri kufa asiwo nezviuru zvamamirioni zvorudzi rwomunhu izvo achadana zvichibuda mumakuva azvo mukati mokutonga kwoUmambo hwake kwamakore ane chiuru. Ivo vachava nebanza rokurarama muparadhiso yapasi nokusingaperi.

20 Pasina manyadzi, ava vazivisi vasingatyi vamashoko akanaka oUmambo vakakwanisa kupupurira munyika yose pasinei zvapo nechishoro chenyika yose nemhaka yokuti vane simba rinopfuura rohunhu shure kwavo—tsigiro yengirozi dzokudenga. Nokudaro, Zvapupu zvaJehovha “zvinotya Mwari ndokumupa mbiri.”—Zvakazarurwa 14:6, 7, NW.

Hazvinyari Kutya Mwari Ndokumupa Mbiri

21. Chii icho Zvapupu zvaJehovha zvisina kunyara kuita, uye nomuuyoi?

21 Zvapupu zvaJehovha zvakazvibvumikisa zvimene kuva zvisinganyari kutya Mwari ndokumupa mbiri, kunyange kushandisa zita rake amene chairo, Jehovha. Ikoku kwakaguma nezvikomborero zvisingatauriki nokuda kwazvo. Izvi zvikomborero zvakauya muzadziko yokutendeka yezvipikirwa zvaMwari Wokumusorosoro. Haiwa ikoku kwave kuri kurevererwa kwakadini kwake saMwari mumwe mupenyu nowachokwadi, Changamire wechisiko chapose pose!

22. Neiko Zvapupu zvaJehovha zvichatarisana nechishoro chinotyisa, asi mufaroi uchava wazvo?

22 Munguva yemberi iri kuuya, hurumende dzenyika dzichapandukira maumambo orudzidziso uye dzichaaparadza ose—kubatanidza chiKristudhomu—zvokusavapo. (Zvakazarurwa 17:16, 17) Somuuyo, Zvapupu zvaJehovha zvichatarisana nenhambo yechitambudzo chinotyisa chinoitwa namasangano enyika. Izvo hazvisati zvaizokwanisa kutsungirira ndokupukunyuka kudai Mwari asingaperi asati aizova nazvo. Asi iye anazvo, uye naizvozvo vachava nomufarwa wokuona vavengi vose vakadaro vanorwisana namaKristu, vanorwisana naJehovha vachiparadzanywa naMwari uyo Zvapupu zvinonamata zvakasimba. Izvo hazvisati zvichizotambura manyadzi okufumurwa ndokuparadzwa savavengi voumambo hwaMwari hwechokwadi asi vachawana mufaro usingatauriki pakuimbira Jehovha, kuti: “Kunyange kuvambira panguva isingazivikanwi kusvikira kunguva isingazivikanwi imi muri Mwari.”—Pisarema 90:2, NW.

23. Neiko Zvapupu zvaJehovha zvisina chinhu chokunyadziswa nacho, uye chii chichavapo?

23 Izvo zvicharumbidza Mwari, Baba vaJesu Kristu, kupfurikidza naye mhuri yavanhu inodzikinurwa kuti ifarikanye upenyu husingaperi mukukwana kwohunhu nomufarwa muparadhiso yapasi. Mwari Jehovha akazviraidza amene kuva ane simba sei kupfurikidza naKristu Jesu! Jehovha akazviratidzira amene nenzira yakaisvonaka sei kuva mushandisi akachenjera naane rudo, kwete mushatisi, wesimba rake guru! Nenzira inowirirana, hatina chinhu chokunyadziswa nacho pamusoro pake kana kuti Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, Jesu Kristu. Hatinyadziswi nokuva vazivisi vamashoko akanaka ane mbiri, ayo anoonesa simba rinokurira zvose raJehovha Mwari kupfurikidza naKristu Jesu, uyo akati mumaawa okupedzisira oupenyu hwake hwapasi: “Shingai! Ndakakunda nyika.” (Johane 16:33, NW) Mukutora iyi nzira, nguva dzose ngatiteverei muenzaniso womuapostora Pauro, uyo asina kutongonyadziswa namashoko akanaka. Kana tikaita ikoko, Mwari Wamasimba Ose haasati achizonyadziswa nesu.

[Mashoko Omuzasi]

a Kunyange zvazvo tisingadi kunyara kubvuma idi rokuti tiri Zvapupu, pane nguva apo tinofanira kuva “vakachenjera senyoka.” (Mateo 10:16) Zvapupu zvomuNazi Germany zvaiziva kuti kwaiva nenguva yokuzvizivisa zvimene nenguva yokusaita saizvozvo.—Enzanisa naMabasa 9:23-25.

b Nguva nenguva, avo vakaramba Jesu naJehovha nemhaka yorutyo rwavanhu havana kuwana nyasha dzakabva munyika. Somuenzaniso, ona Nharireyomurindi yaMay 1, 1989, peji 12; 1982 Yearbook, peji 168; 1977 Yearbook, mapeji 174-6; 1974 Yearbook, mapeji 149-50, 177-8. Pane rumwe rutivi, kunyange vashori vakasimba vamashoko akanaka vanokarira kuti Zvapupu hazvisati zvichizoramba Jesu naJehovha. (1989 Yearbook, mapeji 116-18) Onawo Mateo 10:39 uye Ruka 12:4.

Mibvunzo Mukupeta

◻ Kufanana nomuapostora Pauro, chimiroi chatinofanira kuva nacho pamusoro pokuzivisa mashoko akanaka, uye neiko?

◻ Neiko shoko iro Zvapupu zvaJehovha zvinozivisa ari mashoko akanakisisa?

◻ Inyeveroi yakapa Jesu pamusoro pomunhu upi noupi aizonyadziswa naye pakusvika kwake mumbiri yoUmambo?

◻ Chii chinoitika kuavo vanoramba Jesu naJehovha?

◻ Chii icho vazivisi vamashoko akanaka vave vachikwanisa kuita pasina manyadzi, uye nei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe