Unogona Kuwana Mufaro Munyika Inoodza Mwoyo!
MARIE ane chimiro chendangariro chakajeka, chinofara. Kwakaoma kudavira kuti makore mashomanene chete apfuura, uyu mukadzi ane makore 32 okukura akazvirondedzera amene saakafa mukati. Marie akanga ave ari nyajambwa wokuora mwoyo kwakakomba. “Kwakanga kwakafanana negore dema guru iro rakasimuka pashoma napashoma,” iye anotsanangura kudaro. Hungu, nomufaro iye akanaya uye akawanazve mufaro wake.
Gore rimwe nerimwe vanhu vane mirioni ine zana rimwe munyika yose vanokuvadzwa nokuora mwoyo kwakakomba! Ichi chirwere hachisati chichingova zvacho chimiro chendangariro chokuora mwoyo chechinguvana icho vazhinjisa vedu tinotambura panguva nenguva. Kuora mwoyo kwakakomba kunobatanidza rusuruvaro runopfuurira. Munhu akaora mwoyo anorasikirwa nefariro muupenyu, haawani mufarwa muchinhu chipi nechipi, uye ane mirangariro yokusava netariro uye yokusava namaturo. Muna 1983 World Health Organization yakati: “Panguva ino pane panikiro duku yokuti zvirwere zvinoodza mwoyo zvinoitika mumativi ose enyika.”
Vadzidzi veBhaibheri vanongwarira havashamiswi nouyu mushumo. Bhaibheri rinozivisa nguva yedu sa“mazuva okupedzisira,” anoratidzirwa ne“nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timotio 3:1-5, NW) Gadziriro dzenzanga idzo munguva yakapfuura dzaitsigira munguva dzenjodzi yendangariro dzakaipa. Munyaya inoti “Zera Rokuora Mwoyo?”, Dr. Gerald Klerman anoti wedzero yazvino yokuora mwoyo inoparirwa neiyi chinjo. Iye anotsanangura, kuti: “Masangano anotsigira enzanga matatu anozivikanwa zvikurusa ave ari mhuri, chechi, uye nharaunda yapedyo yakapoteredza. . . . Chiratidzo chenguva yazvino kuti matatu ose amasangano iwayo enzanga anotsigira ari mumwero yakasiana-siana yenyongano.”
Kwakanga kuri kuparadzwa kwemhuri yaMarie uko kwakatungamirira kukupera mwoyo kwake. “Apo amai vangu kuna baba vakabva pasina shoko, ndakanzwa ndasiiwa uye ndiri ndoga. Ndakanga ndine makore 12 okukura, uye kamwe kamwe nyika yangu yakaratidzika kuva yasunikwa,” anoyeuka kudaro Marie. Nokukurumidza pashure paizvozvo aitofanira kubva pamusha nemhaka yokuti baba vake vakaita zvikarakadzo zvoutere kwaari, uye iye anobvuma, kuti: “Ndakanzwa ndisiri munhu kwaye, uye ndakarasikirwa nechivimbo chose mandiri ndimene.” Nokudaro kupinda kwake mukuora mwoyo kwakakomba kwakavamba.
Rimwe zuva apo Marie akanga aora mwoyo zvikuru kwazvo, vaviri veZvapupu zvaJehovha vakashanyira musha wake. Nokukurumidza iye akaratidza fariro huru mushoko ravo rinofadza reBhaibheri. “Kare, ndaingoona chete kusabetsera chose chose kwoupenyu nezvinhu zvakawanda kwazvo zvakaipa, asi zvino ndakapwiswa kuti ndaigona kurarama munyika itsva umo Mwari aizoruramisa kusaruramisira kwose ikoku. Nebetsero yaMwari ndaigona kukwanirisa nokuda kwechikomborero chakadaro; nokudaro, upenyu hwangu hwakava nerevo chaiyoiyo.” Sezvo akapinda misangano yeZvapupu, akawana rudo rwechokwadi netsigiro yendangariro. (Johane 13:34, 35) Kupa zano kwounyanzvi kwavakuru veungano kwakamubetserawo kuvamba kuchinja kufunga kwake kwakaipa. (Jakobho 5:14) Kuora mwoyo kwake kwakavamba kuderera. Vazhinji vavamwe vanhu avo, kufanana naMarie, vakaodzwa mwoyo nemigariro yenyika vakawana “mufaro waJehovha” kupfurikidza nokusvika pazivo yakarurama yezvokwadi yeBhaibheri.—Nehemia 8:10; 1 Timotio 2:4.
Bva, ko kuora mwoyo kwaMarie kwakapera pakare pakarepo here? Tinofanira kurangarira here kuti maKristu haaori mwoyo? Kuti tipindure iyi mibvunzo, tinofanira kuita inopfuura nzvero yapamusoro paichi chirwere nezvisakiso zvacho zvakaoma kunzwisisa. Kuziva mavambo chaiwoiwo okuora mwoyo kunogona kukuita kuti uve anobudirira zvikuru mukubata nako mauri umene kana kuti mukubetsera mumwe munhu anotambudzwa nako.
Mavambo Okuora Mwoyo Kwakakomba
Muzvinoitika zvakati kuora mwoyo kune zvisakiso zvendangariro, zvakadai sehosha, kusakwana kwezvokudya zvinovaka muviri, uye zvinetso zvamahormone. Kungavawo kuita kuzvinhu zvine chepfu, zvinoshatisa, mishonga, uye zvinorambwa nomuviri.a Zvisinei, Bhaibheri rinozivisa kuti “mifungo inonetsa” yomunhu amene ingavawo chisakiso.—Pisarema 94:19, NW.
Vanhu vazhinjisa vanoora mwoyo, kufanana naMarie, vakasangana nechiverengero chakati chezvinoitika zvisingafadzi zvikuru kana kuti migariro inotambudza. Vazhinji vanonzwa sowezvamapisarema: “Mweya wangu uzere namadambudziko . . . Zvakandikomberedza zuva rose semvura; zvakandipoteredza pamwe chete. Iye, [Jehovha] unondida, neshamwari yangu, makavaisa kure neni, nomuzivikanwi wangu uri murima.” (Pisarema 88:3, 17, 18) Naizvozvo kufanana nowezvamapisarema, ivo vanonzwa vakurirwa nezvinetso kana kuti nokurasikirwa uye vanorangarira upenyu hwavo hwose sohusina tariro. Ivo vanganzwa sokunge vari voga zvavo munzvimbo ine rima uye kuti kunyange Mwari avarasha.
Neiko vachisvika mhedziso inoodza mwoyo yakadaro, chaizvoizvo kutanga mudzimu unotambudzika? Hakusati kuchingova chete nemhaka yezvinetso zvavo zvokunze; imhakawo yemirangariro inorwadza kana kuti panikiro pamusoro pavo vamene. Ivo vanonzwa vasina kukwana kubata nechinetso chacho kana kuti kurasikirwa. “Nemhaka yamarwadzo omwoyo kune mudzimu unonetseka,” inotsanangura kudaro Zvirevo 15:13. (NW) Marwadzo akadaro omwoyo angabatanidza kunzwa kuti munhu anokundikana kana kuti vamwe vanofunga saizvozvo. Kunyange Epafrodhito wechiKristu womuzana rokutanga ramakore, pashure pokunaya muchirwere chakakomba mukati morwendo rwakarongwa neungano yokumusha kwake, akava “anoora mwoyo nemhaka yokuti [ungano] yakanzwa kuti arwara.”—VaFiripi 2:25-30, NW.
Sezvo ‘mudzimu unotambudzika uchiomesa mafupa,’ kana kuti uchisekesa munhu amene, mirangariro yokuzvideredza kazhinji kazhinji ndiyo mavambo okuora mwoyo kwakakomba. (Zvirevo 17:22) Marwadzo omwoyo angaunzwawo neitiro hanya huru zvikuru pamusoro pokuti vamwe vanotirangarira sei, murangariro wokukwana, kushatirwa kusingapedzwi, pfundepfunde, rwisano dzisingapedzwi navamwe, kana kuti kuva nemhaka (chaikoiko kana kuti kunokatutsirwa).
Naizvozvo zvisakiso zvokuora mwoyo kwakakomba zvakawanda. Bva, Marie akawana mufaro chaiwoiwo pashure pokuva muKristu. “Ipapo ndakava netariro,” iye akadaro. Asi iye aingofanira kutsungirira kuora mwoyo kwenguva yakati. Vanhu vakadaro vanogona sei pakupedzisira kukukurira?
[Mashoko Omuzasi]
a Ona “Depression: All in One’s Head?” muchinyorwa chaMukai! wechiNgezi chaOctober 22, 1987.