RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 3/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Rambai ‘Muchimuteerera’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Umambo hwaMwari—Uri Kuhunzwisisa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • “Nzira Yakafara Uye Iri Nyore”
    Mukai!—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 3/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ Tinofanira kugumisa here kubva muna Mateo 7:13, 14 naRuka 13:24 kuti kunyange murumuko, vanhu vazhinjisa vacharamba kunamata kwechokwadi?

Aiwa, idzi ndima hadzitsigiri mhedziso iyoyo. Panzvimbo pezvo, idzo dzine chokuita zvikurukuru nokuwana upenyu muUmambo hwokudenga.

Mashoko aJesu ari pana Mateo 7:13, 14 rutivi rweMharidzo yapaGomo. Iye akati: “Pindai nesuo rakamanikana nokuti suo rakafara, nenzira yakapamhama, inoenda kukuparadzwa; vanopinda naro vazhinji. Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.”

Zvakawanda zveizvo Jesu akataura panhambo iyoyi zvakava nechokuita zvikuru muno Umambo hwokudenga. Somuenzaniso, iye akavamba namashoko, anoti: “Vanofara ndivo avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu, sezvo umambo hwamatenga huri hwavo.” Iye akataura kuti vakachena mumwoyo vaizo“ona Mwari” uye kuti “umambo hwamatenga” ndohwaavo “vanotambudzwa nokuda kwokururama.” (Mateo 5:3, 8, 10, NW) Gare gare muhurukuro imwe cheteyo, Jesu akataura nezvenzira yakafara inotungamirira muruparadziko nenzira yakamanikana inotungamirira kuupenyu. Murutivi, iye akawedzera, kuti: “Haasati ari munhu ari wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwamatenga, asi uyo anoita kuda kwaBaba vangu vari mumatenga.”—Mateo 7:13, 14, 21, NW.

Revo yaRuka 13:24 yakafanana, sezvinoratidzwa namashoko akapoteredza. Jesu akapa mienzanisiro miviri pamusoro po“umambo hwaMwari.” Gare gare, iye akabvunzwa, kuti: “Ishe, avo vanoponeswa vashoma here?” Jesu akapindura, achiti: “Zvishandisei mumene nesimba kuti mupinde nesuo rakamanikana, nemhaka yokuti vazhinji, ndinokudzai, vachatsvaka kupinda asi havasati vachizokwanisa.” “Vazhinji” vanonongedzera kuvanhu vakakumbira kupinzwa pashure pokunge suo rapfigwa uye rakiiwa. Ivava vakanga vari “vaiti vokusarurama” avo vasina kukwanirisa kuva na“Abrahama naIsaka naJakobho navaporofita vose muumambo hwaMwari.” “Vazhinji” vakanga vafunga kuti vaizova vokutanga “muumambo hwaMwari,” asi ivo zvomenemene vaizova vokupedzisira, sezviri pachena kureva kuti ivo havasati vachizotongovamo.—Ruka 13:18-30.

Mashoko akapoteredza anoratidza kuti Jesu akanga achibata nokupinda muUmambo hwokudenga hwaMwari. Vatungamiriri vechiJudha shure panguva iyeyo vakanga vanguve vafarikanya nzvimbo yakaropafadzwa, vachiwana Shoko raMwari. Ivo vairangarira kuti vakanga vakapfuma mumudzimu uye vakarurama pamberi paMwari, mukupesana navanhuwo zvavo, avo ivo vaideredza. (Johane 9:24-34) Bva, Jesu akataura kuti vateresi nemhombwe vakagamuchira shoko rake ndokupfidza vaigona kuva netendero yaMwari.—Enzanisa naMateo 21:23-32; Ruka 16:14-31.

Vanhuwo zvavo vakava vadzidzi vaJesu vakanga vari mumutsara wokugamuchirwa savanakomana vomudzimu apo danidzo yokudenga yakazaruka paPentakosta ya 33 N.V. (VaHebheru 10:19, 20) Kunyange zvazvo mapoka makuru akanzwa Jesu, avo vakagamuchira uye gare gare vakawana tariro yokudenga vakanga vari vashoma. Asi boka duku ravanhu vakaberekwa nomudzimu rinogamuchira tuso iyoyo raigona kuenzanisirwa naJakobho akatsenhama patafura mudenga naJehovha (Abrahama Mukuru) uye Mwanakomana wake (akafananidzirwa naIsaka). Ikoko zvamazvirokwazvo kwakanga kwakafanira nokuzvishandisa umene nesimba, asi vazhinjisa vakanzwa Jesu havana kuita saizvozvo.

Somuuyo, tinogona kuona mumashoko akapoteredza muzvinoitika zvose zviri zviviri kuti tsinhiro dzaJesu (pamusoro pavashomanene vari munzira yakamanikana inotungamirira kuupenyu ndokuponeswa) vakava nechokuita zvikurukuru nokuva netendero yaMwari panguva iyoyo apo Iye akanga achipa tariro youpenyu hwokudenga. Vashomanene zvikuru vakanzwa shoko rezvokwadi ndokudzidza zvaidikanwa vakagamuchira ndokubvumikisa kuva vakatendeka.—Mateo 22:14; 24:13; Johane 6:60-66.

Kunofadza kuti kunyange nhasi, apo Bhaibheri rose rinowanika uye kune zadziko huru yamauporofita oumwari pamusoro pamazuva okupedzisira, vashomanene zvikuru vanogamuchira shoko rechiKristu ndokutsungirira mukubatira Jehovha. Ikoku kunotsinhirana nomuenzanisiro waJesu pamusoro pamavhu akasiana-siana. Iye akataura kuti vamwe vaizonzwa “shoko roumambo,” asi Satani aizobvuta chakanga chakushwa. Vamwe vaizogamuchira shoko nomufaro asi pashure penguva yakati vaizokundikana nemhaka yedambudziko kana kuti chitambudzo. Bva vamwe vaizobvumikisa kuva vasingabudiriri nemhaka ye“funganyo yetsika ino yezvinhu nesimba rinonyengera repfuma.”—Mateo 13:18-23, NW.

Tinogona kuva nechokwadi chokuti kuchava kwakasiana zvikuru apo mamirioni pamusoro pamamirioni anomutswa mukati meZuva roRutongeso. Ipapo Satani haasati achizova akasununguka kubvuta mbeu dzezvokwadi dzakadyarwa mumwoyo yavo. Ivo havasati vachizofanira kugonana nechitambudzo kana kuti funganyo dzetsika yazvino yakaipa. Ivo vachadzidziswa mumhoteredzo yakarurama, vakapoteredzwa nebasa ramanenji raMwari, kubatanidza rumuko rwavakafa nokuporeswa kwamarudzi. Sezvinobvumwa, vamwe havasati vachizogamuchira kunyange panguva iyeyo. (Enzanisa naJohane 11:45-53.) Asi kune chikonzero chakanaka chokufunga kuti voruzhinji vachawana pfungwa yeshoko, kurigamuchira, uye kuponeswa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe