RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 5/1 p. 15
  • Chii “Chinodikanwa”?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii “Chinodikanwa”?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Vatican Codex—Nei Ichikosha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Fundo Nhamba 6—Rugwaro rwechiKristu rwechiGiriki rweMagwaro Matsvene
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Codex Bezae—Manyoro Echienzi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Ndakatenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 5/1 p. 15

Chii “Chinodikanwa”?

IYI W Codex yeEvhangeri yakaita rutivi mukushandurwa kwetsinhiro yakaitwa naJesu kuna Marta, hanzvadzi yeshamwari yake yapedyo Razaro. Apo Jesu akashanyira mhuri yacho, Marta akakurangarira kuva kunokosha zvikurusa kugadzirira Jesu zvokudya zvakaisvonaka, asi iye akakarakadza nomutsa kuti atevere muenzaniso womunun’una wake Maria, uyo akagara pasi patsoka dzake kuti amuteerere. Iye akati: “Asi chinhu chimwe chinodikanwa; nokuti Maria wakasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.”—Ruka 10:42.

Aya mashoko anoshandura rugwaro rwechiGiriki rwa 1881 rwakagadzirirwa naWestcott naHort, hwaro hweNew World Translation. Mashoko omuzasi ku 1984 Reference Edition yeiri Bhaibheri inoratidza kuti uku kurava kwakabva mumanyoro eSinai (א) uye Vatican (B), ose ari maviri anomirira rudzi rumwe cheterwo rworugwaro. Asi manyoro aAlexandria (A) anorava, kuti: “Chinhu chimwe, kunyanguvezvo, chiri madikanwa. Nokuda kwake . .” Sezvinoonesa mashoko omuzasi, Codex W, pamwe chete nepapyrus yeChester Beatty (P45) nepapyrus yeBodmer (P75), ose ari maviri ezana ramakore rechitatu N.V., anobvumirana noukukushandura kwapashure. Asi aya manyoro ose akajeka kare kare pashure pokunge Westcott naHort vabudisa rugwaro rwavo mugore ra 1881, zvokuti vakanga vasina banza rokurangarira uku kushandura kwakasiana. Shanduro ipi kana ipi yorugwaro yatinosarudza kuziva nhasi, zvisinei, Jesu anotiudza nenzira yakajeka kuisa zvinhu zvomudzimu pakutanga muupenyu hwedu—zano ratinoita zvakanaka kutevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe