Vazivisi Voumambo Vanoshuma
◻ MUAPOSTORA Johane akati: “Ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi nebasa nezvokwadi.” (1 Johane 3:18) Jesu akataura kuti ‘tinofanira kuda muvakidzani wedu sesu timene.’ (Mateo 22:39) Kuratidza rudo nebasa kunorumbidza zvokwadi, seizvo chinoitika chinotevera chakabva Britain chinoratidza.
Apo Pauline akashanyira amai vake, avo vaiva nemultiple sclerosis, pakanga pasati pachitongova naani naani zvake ipapo. Asi panguva ino, sezvo akapinda mumba, aigona kunzwa muchina wokugezesa uchirira uye mumwe munhu ari pauriri hwapamusoro achishandisa vacuum cleaner. “Chii chiri kuitika, ndiani ari pano?” akabvunza amai vake kudaro. Amai vake vakatsanangura kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvauya kusuo rake, zvakaona mugariro wake wakashata, uye zvakamira kuti zvibetsere. Pashure pokunge vaita basa romumba ndokugadzirira zvokudya, vakagara pasi ndokuti: “Magadzirira here?” “Kugadzirira nokuda kweiko?” akabvunza Pauline. Amai vake vakatsanangura kuti vakanga vabvuma fundo yeBhaibheri. Pauline aizengurira pamusoro pokugara, asi sezvo akanga auya achibva kure, akabvunza kana kwaizova kwakarurama kuti iye akumbanire mufundo. Akaifarikanya zvikuru kwazvo zvokuti akaronga kuuya zuva rimwe chetero vhiki riri rose kuti agogona kupinda nguva dzose. Pakupedzisira, shamwari yakamuperekedza, uye zvino vose vari vaviri vakabhapatidzwa. Somuuyo weiyi fundo yapakuvamba, mitezo gumi yemhuri imwe cheteyo zvino Zvapupu zvaJehovha! Hungu, betsera “namabasa”!
Mufudzi muNew Guinea Anogamuchira Zvokwadi
◻ Muzuva raJesu vamwe vaprista vakagamuchira dzidziso yaJesu. Vakuru vorudzidziso vane mwoyo wakatendeseka nhasi vanoitawo saizvozvo, sezvinoratidzwa nechinoitika chakabva munzvimbo dzakakwirira dzeNew Guinea, chakashumwa nomumwe mutariri wedunhu. Iye anorondedzera, kuti: “Murume muduku akasanodzidza, mufudzi wePentecostal, akanga achivaka chechi duku pedyo zvikuru neHoro yoUmambo. Imwe hama yomuungano iyoyo yakapupurira kwaari, uye iye akaratidzika kuva ane ushamwari. Nokukurumidza pashure paikoku, ndakashanyira ungano ndokugara nehama yacho pazasi pomugwagwa kubva paimba yomufudzi. Madekwana okutanga pashure pokunge ndasvika, uyu murume muduku akauya kusuo redu neBhaibheri rake, pamwe chete neboka guru rokuungano yake. Vose vaida kunzwa shoko roUmambo. Iye akabvunza mibvunzo yakawanda, uye kurukurirano yakapinda muusiku. Madekwana mamwe namamwe eshanyo yangu, iye navamwe vanofarira vaiuya kuzoita kuti mibvunzo yavo yakawanda ipindurwe. Ndakamukoka kugungano redunhu vhiki rakatevera racho, uye iye akapinda pamwe chete nehama yakanga yapupurira kwaari pakutanga. Uyu murume akapfuuridzira fundo yake yeBhaibheri, akabuda muChechi yePentecostal, uye zvino muparidzi wenguva dzose wamashoko akanaka.”
Zvirokwazvo, kuda kwaMwari “kuti marudzi ose avanhu anofanira kuponeswa ndokusvika pazivo yakarurama yezvokwadi.”—1 Timotio 2:4, NW.