RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 6/1 pp. 21-25
  • Kubatira Jehovha Munguva Yakanaka Neinotambudza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatira Jehovha Munguva Yakanaka Neinotambudza
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Neiko Takanga Tiri muMalawi?
  • Mukwanyina Woupenyu Anondikumbanira
  • Kukudza Basa Redu
  • Ndakabvumira Jehovha Kuti Anditungamirire Muupenyu Hwangu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Mwari ave Achitibetsera
    Mukai!—1999
  • Jehovha Anotitarisira Nguva Dzose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • “Upenyu Huno”—Kunakidzwa Nahwo Zvizere!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 6/1 pp. 21-25

Kubatira Jehovha Munguva Yakanaka Neinotambudza

Yakataurwa naHal Bentley

GADZIRIRO dzakanga dzaitwa dzegungano redunhu reZvapupu zvaJehovha mumusha muduku weNyasaland (zvino Malawi). Mutariri wedunhu noweruwa vakanga vachiita nzvero yavo yokupedzisira yechikuva chouswa namasengere yedzimba dzouswa dzokurara. Kamwe kamwe, ivo vakapoteredzwa nenyongori yakanga yave yakavanda musango pedyopo. Nyongori yakapisa dzimba nechikuva ndokumanikidzira hama mbiri kunanga kudzimba kwadzakanga dzichigara.

Mudzimai womutariri woruwa, Joyce Bentley, akauya achimhanya kuzoona chakanga chichiitika. Iyewo akadzoswa nokukurumidza. Mutungamiriri wenyongori akadanidzira kuti mzungu (muchena) anofanira kuenda nokukurumidza. Nyongori haisati yaizotibvumidza kutora zvinhu zvedu uye yakatimanikidzira kupinda muLand-Rover yedu. Ivo vakamomotera motokari yacho—varume, vakadzi, uye vana—vachizhamba kuti “Pitani mzungu” (Enda, muchena) uye kuti “Kwacha” (Rusununguko). Takavakarira kupidigura Land-Rover, uye naizvozvo takanyengetera chinyararire kuna Jehovha. Asi boka rakashomeka, uye takaenda kukamba yamapurisa yaiva pedyosa, paMzimba, kure namakiromita 50.

Gare gare takadzokera, tichiperekedzwa nomupurisa mumwe. Nemhaka yechinetso mudzimwe nzvimbo, iye ndiye akanga ari mumwe bedzi aigona kupiwa. Pakusvika panzvimbo patakanga tadenhwa nenyongori, takawana mureza weMalawi Congress Party waturikwa kunze uye mabhii M.C.P. abharangadzwa pamadziro edhaka. Zvisinei, pashure pokunge mupurisa ataura kuvanhu vomunzvimbomo, vakatibvumira kukwidza zvinhu zvedu muLand-Rover.

Takawanawo mutariri wedunhu, Rightwell Moses, pamwe chete nomudzimai wake. Iye akanga amhanyira musango mukati mechiito chenyongori. Asi Rightwell akanga adokunyura murwizi rwuri pedyopo. Nyongori yakanga yatorawo zvokudya zvose zvegungano. Ivo ipapo vakaita kuti hama dzifambe munzira imwe uye hanzvadzi navana munzira yakapesana kwamamaira anoverengeka kutozosvikira nyongori yaneta ndokuvasia.

Ichi chinoitika chakanga chiri chimwe chezvakawanda zvakaguma nokurambidzwa kwebasa muMalawi, uko kwakatungamirira kuchitambudzo chakakomba cheZvapupu zvaJehovha, kubatanidza kuuraya, kurova kunotyisa, kubatwa zvibharo kwavakadzi, uye kuiswa mutorongo.

Neiko Takanga Tiri muMalawi?

Pana June 28, 1916, ndakaberekerwa muguta reLeeds, muYorkshire, England, mudukusa wemhuri yavana vashanu. Takanga tisiri mhuri yorudzidziso uye taisapinda chechi.

Pakasvika 1939, apo Hondo yeNyika II yakatanga, vabereki vangu vose vari vaviri vakanga vafa. Muna June 1940, apo ndaingova namakore 24 chete, ndakanga ndakapfeka yunifomu, uye kwamakore mashanu akatevera, ndakabatira mumapoka akasiana-siana akashongedzwa nezvombo. Mukati mamakore iwayo, sezvandaigara munzvimbo dzezvigwagwagwa pamhenderekedzo yegungwa yokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva yeEngland ndokutarira kumusoro kwedenga rine nyeredzi, ndaiwanzova nenguva yokufunga pamusoro paMwari nokushamisika chikonzero nei Muiti worunako urwu runotyisa aizobvumira masimba masimba akadaro, kudeurwa kweropa, uye kutambura pakati porudzi rwomunhu. Kwakanga kusati kuri kutozosvikira ndabudiswa muhondo apo ndakawana mhinduro kumibvunzo yakawanda yakanga yanguve yandikatyamadza.

Mamwe madekwana anotonhora echando egore iroro, mumwe munhu akagogodza pasuo rangu. Pakurizarura ndakawana murume akwegura uyo akavamba kutaura pamusoro peBhaibheri. Ikoku kwakatungamirira kufundo yeBhaibheri uye nokukurumidza kurubhapatidzo rwangu muna April 1946. Muna 1949 ndakarega basa rangu ndokuva mushumiri piona weZvapupu zvaJehovha.

Ipapo ndakabatira paBheteri yeLondon kwamakore anopfuura matatu, uye muna 1953 ndakakokwa kuzopinda kirasi yechi 23 yeWatchtower Bible School of Gilead muSouth Lansing, New York, kuzorovedzwa somufundisi. Munguva yakafanira, ndakatanga mugove woufundisi muyaiva panguva iyeyo Nyasaland. Gare gare ndakatumirwa mubasa reruwa. Kwamakore mashanu ndakafamba ndichikwira ndichipota munyika iyoyo yakaisvonaka sejaya risina kuroora. Ndakasvika pakuda vanhu, avo vaifara uye vaiva nomutsa kunyange zvazvo vazhinjisa vaiva nezvinhu zvokunyama zvishomanene kunze kweminda yavo yechibage, huku shomanene, uye mbudzi kana kuti nguruve. Vamwe vakanga vari varedzi vakaisvonaka. Ndakagoverana dzimba dzavo dzino mwero dzedhaka namapango uye ndaifamba navo mubasa rokuparidzira pamusha nomusha. Ndakafarikanyawo songaniro yavo pamagungano avo apanze, apo vaigara nemhuri dzavo vachipa ngwariro huru kuvakurukuri, kunyange zvazvo mvura pane dzimwe nguva yainaya zvikuru!

Pandaigara mumusha, munhu ari wose, vaduku navakuru, vaiuya ndokundikwazisa somunhu mumwe nomumwe, vachiti: “Moni, muli bwanji?” (Kwaziwai, makadini?) Kunyange apo ndaifamba pamusha nomusha, vanhu vairega kurima minda yavo ndokudanidzira kwaziso.

Ungano imwe neimwe yandakashanyira pamwe chete nomutariri wedunhu yaivaka imba yedu zvikurukuru. Pane dzimwe nguva yaiva yakasimba yakaitwa namapango nedenga rakapfirirwa, yandaionga zvikuru kwazvo. Asi ndakawana kuti kunotora nguva yakati denga richangobva kupfirirwa risati ragona kusapindwa nemvura!

Hama dzakambondivakira imba yakaitwa chose chose nouswa hukobvu. Yaiva namativi matatu, uye Land-Rover yangu sorutivi rwechina. Imomu makanga muri munhika yoRwizi rwaShire, umo munopisa gore rose, uye umhutu hunoshanda mumadzoro, sokunge zvakadaro, kusingapi munhu zororo masikati kana kuti usiku! Pasina mambure oumhutu nezvinodzinga, kwaidokuva kusingabviri kupfuurira.

Mukwanyina Woupenyu Anondikumbanira

Muna 1960 ndakakumbanirwa nomudzimai wangu, Joyce Shaw, uyo akanga ave achibatira somufundisi muEcuador. Hungu, pashure pokufarikanya chipo chokusaroora kwamakore akati, ndakakomborerwa nechimwe chipo—roorano—icho ndichiri kuonga zvikuru pashure pamakore 30. Joyce neni takakomborerwa nezvinoitika zvinofadza pamwe chete.

Pane imwe nhambo, dzichishandisa mapango nouswa, hama dzakavaka bhiriji parwizi. Ikoku kwakaitwa kuti ndigogona kuyambukira kumumwe musha uko vaida kuti ndiratidze firimu yeSosaiti “The New World Society in Action.” Asi turera yeLand-Rover yakabatwa nedanda pabhiriji. Dzisingatyi, hama dzakahakanura turera, kuchindibvumira kuchaira ndichibva pabhiriji, ipapo kuyambutsa turera. Takava nokuratidzwa kwefirimu kunobudirira.

Pane dzimwe nguva nzizi dzakanga dzakafara zvikuru zvokusagona kuiswa bhiriji. Hama panguva iyeyo dzaibvisa chinhu chiri chose muLand-Rover—jenareta inotakurika, purojekita, mafirimu, mubhedha—uye kuyambuka rwizi, apo ini ndaitakurwa pamapfudzi akasimba eimwe yehama. Hanzvadzi mbiri dzaiyambutsa Joyce. Dzimwe nzizi dzakanga dzakanyanyodzama. Idzodzi dzaiyambukwa tiri mugwa rechinguvana rakaitwa nechikuva chamapuranga chakasimba chiri pamadhiramu makuru masere kusvikira kugumi. Vayambutsi vaviri ipapo vaitikweva netambo kuti tiyambuke.

Hama dzeMalawi dzakanga dzichibetsera zvikuru kwazvo uye dzaiva nomutsa uye dzaitibata noruremekedzo rukuru. Pane imwe nzvimbo vanhu vomunzvimbomo vakanga vatyisidzira kupisa imba patakanga tichigara, naizvozvo hama dzakarinda usiku hwose kuva nechokwadi chechengeteko yedu. Kunyange rambidzo paZvapupu zvaJehovha isati yaiswa muna 1967, makanga mune migariro ine ngozi, kubatanidza mumwe warondedzerwa pamavambo enyaya ino. Zhinji dzehama dzeMalawi nehanzvadzi vangadai vakapa upenyu hwavo nokuda kwedu.

Pane imwe nhambo ndakashanda paimba neimba neimwe hama yaiva nebundu guru pahuma yayo. Iye akanga arohwa zvinotyisa mazuva mashomanene pamberi pezvi. Pane imwe imba iye akapa nenzira yakaterama uchapupu hwakaisvonaka kuna saimba. Pashure pokusimuka, hama yacho yakati: “Iyeyo ndiye munhu akandirova izvi zvinotyisa!” Ndakayeuka mashoko aPauro: “Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa . . . Mukunde zvakaipa nezvakanaka.”—VaRoma 12:17-21.

Kukudza Basa Redu

Tichiri muMalawi, Joyce neni taiita shanyo dzenguva dzose kuMozambique iri pedyo. Zivo yake yechiSpain, yakawanwa achibatira muEcuador, yakanga ichibetsera, sezvo vanhu vechiPutukezi vaigona kumunzwisisa. Pashure penguva yakati tose tiri vaviri takanga tokwanisa kukurukura muchiPutukezi. Takapfuurira kushanyira Mozambique tiri mumugove wedu unotevera, Zimbabwe. Chechi yeKaturike yaishora zvikuru basa rokuparidzira ndokunyandura nhamo. Asi mukati mamakore gumi akatevera, taiwanzowana tarisiro yorudo yaJehovha nedziviriro sezvataitsvakako vanhu vakafanana namakwai.

Mukati meimwe yeshanyo dzedu kuMozambique, takashanyira mukadzi anofarira kuchamhembe kwechiteshi chengarava cheBeira. Mukoma wake muPortugal akanga amunyorera ndokurondedzera zvakati kuti zvezvinhu zvinoshamisa zvaakanga adzidza kupfurikidza nokufunda neZvapupu zvaJehovha. Mukadzi wacho akanga anzvera izvozvi muBhaibheri rake uye akanga atovamba kuudza vavakidzani vake pamusoro pazvo. Bva, kero bedzi yataiva nayo rakanga riri zita regaraji kwaishanda murume wake.

Sezvo takasvika suo rechapu, mumwe murume akabvunza kana aigona kutibetsera. Takakumbira kuona murume womukadzi wacho. Iye akanongedza kuna makanika aishanda pamotokari ndokutisiya kamwe kamwe. Takazvisuma timene kuna makanika ndokuti tingada kushanyira mudzimai wake. Aitya zvikuru. Achitiperekedza kumba kwake, iye akatsanangura kuti murume watakanga tatanga kutaura kwaari pakutanga akanga achienda kundosuma kusvika kwedu kumukuru womunzvimbomo weP.I.D.E. (masiyaidhi). Takanga tapinda mumusungo! Iye akatsanangurawo kuti mudzimai wake, nemhaka yomubato wake wokuparidzira, akanga ave achinzverwa namapurisa kwenguva yakati uye kuti iwo akanga abata tsamba yaimuudza kuti takanga tichiuya kuzomushanyira. Iwo akanga atora Bhaibheri rake, asi iye nokuchenjera akanga avanza rimwe Bhaibheri! Iwo akanga aunzawo bhishopi weKaturike kuzoedza kumunyengetedza kurega kutaura pamusoro paJehovha noUmambo!

Apo takasangana nomukadzi anofarira, akakurirwa namanyemwe ndokumbundira Joyce. Akateterera murume wake kutibvumira kugara navo, asi akaramba ndokudzokera kubasa. Takashandisa zvakanakisisa shanyo duku yacho, tichimupa kurudziro inobva muBhaibheri nokumurumbidza nokuda kwokutora chimiro chakasimba chakadaro. Kudzivisa kumuparira zvimwe zvinetso, ipapo takabva asi takavimbisa kudzokera gare gare apo mugariro waizenge wavandudzika. Sezvatakabva pamba pacho uyewo takazadza tangi redu regasi pagaraji, takacherechedza kuti takanga tichitarirwa, asi hatina kusungwa. Ipapo takapfuurira kuBeira ndokushanyira ungano duku imomo tisati tadzokera kuZimbabwe. Mwedzi yakati gare gare takadzokera uye takakwanisa kufarikanya zvokudya nomukadzi anofarira pamwe chete nomurume wake nomwanasikana. Pakupedzisira akabhapatidzwa mukati meshanyo yokuPortugal ndokuva muparidzi anoshingaira woUmambo.

Kure kuchamhembe taiwanzoita shanyo dzokunzvimbo dzakadai seQuelimane, Nampula, uye Nacala, chiteshi chiduku chengarava. KuNacala taiwanzoshanyira mhuri yaSoares. VaSoares vakanga vatanga kunzwa nezvezvokwadi muPortugal. Asi apo akatamira kuMozambique, hama dzomuLourenço Marques (zvino Maputo), dzimbahwe reMozambique, dzakafunda naye nemhuri yake. Vaionga zvikuru kuti takanga takagadzirira kufamba mazana amakiromita kuzoshanyira mhuri iri yoga. Ivo vakaita fambiro mberi yakanaka. Gare gare vakatamira kuSouth Africa, uko mwanasikana, Manuela, ari kubatira paBheteri somushanduri wechiPutukezi.

Takashanyira ungano yokuLourenço Marques kakawanda. Ikoku kwakabatanidza rwendo rwamakiromita anopfuura 1 100 kubva Blantyre nomumigwagwa yakashata. Kaviri takava nezvinetso zvemotokari zvakakomba uye taitofanira kudhonzerwa kuSalisbury (zvino Harare). Zvisinei, wakanga uri mufaro mukuru kuona boka duku muLourenço Marques richikura kuva ungano yakaisvonaka pasinei zvapo nokushanda kwavo vakarambidzwa. Magungano edunhu maduku aiitwa nguva dzose. Asi aifanira kuitirwa musango sokunge hama raingova zvaro boka guru rinofarikanya pikiniki. Panhambo dzinoverengeka gungano rairongwa mhiri kwomuganhu kuNelspruit muSouth Africa. Ikoku kwakabetsera hama dzeMaputo kunzwisisa sangano raJehovha nokukura mumudzimu.

Ungano yeBeira yakasimbawo. Nemhaka yechinjo dzezvamatongerwe enyika muMozambique, hama dzakabva munyika iyoyo zvino dzakapararira muPortugal, South Africa, Canada, Brazil, United States, uye dzimwe nzvimbo. Mbiri yose inoenda kuna Jehovha, uyo ‘akaita kuti mbeu ikure.’ (1 VaKorinte 3:6, 7) Hungu, kwamakore gumi takava neropafadzo yokubatsira hama muMozambique muhurumende yePortugal. Tichitarira shure, tinoshamiswa nenzira iyo Jehovha akazarura nayo suo rokuti tiite ikoku.

Pane imwe nhambo, apo takanga tichishanyira Nampula muchamhembe, takasungwa nomutezo weP.I.D.E. Mabhuku edu ose, kubatanidza maBhaibheri, zvakatorwa, uye takaudzwa kuti hatisati taizotongobvumidzwazve kudzokera muMozambique. Pasinei zvapo naikoko, nebetsero yaJehovha takakwanisa kuita dzimwe nzendo dzakawanda dzokupinda munyika macho. Nguva iri yose takasvika muganho, taisikumbira betsero yake nenhungamiro kuti tigogona kuita kuda kwake ndokupa kurudziro yaidikanwa zvikuru nerovedzo kuhama dzedu munyika iyoyo.

Muna 1979 takachinjirwa kuBotswana. Ine nharaunda yenyika yakakura, inenge hafu yohukuru hweSouth Africa. Sezvo nharaunda huru iri renje, Kalahari, mune vagari vemo vari pasi pemirioni imwe. Muno takava neropafadzo dzakadai sokubetsera kuvaka Horo yoUmambo nomusha wavafundisi muGaborone, dzimbahwe. Imwe ropafadzo yave iri yokubetsera vapoteri vanotaura chiPutukezi vakabva Angola ndokufunda Bhaibheri navo.

Takakwanisawo kubetsera varoorani vaduku vakabva Zimbabwe. Kunoratidzika muiyi nyika iri pedyo, Zvapupu zvaJehovha, kupfurikidza negadziriro chaiyo, zvakabvumirwa kufundisa Rugwaro muzvikoro. Ikoku kwakanyandura fariro muava vaduku. Apo gare gare vakatamira kuBotswana, takavawana, uye ivo vakakumbira fundo yeBhaibheri. Vabereki vavo, zvisinei, vaishora, naizvozvo vaifanira kuuya kumusha wavafundisi kuzofunda. Ivo vakaita fambiro mberi yakaisvonaka ndokuva Zvapupu zvakabhapatidzwa.

Sezvandinotarira shure pamakore 41 ebasa renguva yakazara munyika sere, ndinonzwa ndichionga zvikuru kuna Jehovha nokuda kwezvikomborero zvakawanda zvakafarikanywa. Kwave kusiri nyore, asi wave uri mufaro mukuru nokuda kwaJoyce neni kubetsera vazhinji kutsigira zvakatsiga Umambo nokuona fambiro mberi yakaisvonaka pasinei zvapo nezvinetso zvakawanda nechishoro chakasimba. Zvamazvirokwazvo chave chiri chinoitika cho‘kuparidzira shoko, uye kurikurumidzira munguva yakanaka nomunguva inotambudza.’ Hungu, basa renguva yakazara ndichinoitika chakapfuma neropafadzo huru yatinorumbidza nomwoyo wose kuavo vanogona kugadziridza upenyu hwavo kuti varifarikanye.—2 Timotio 4:2.

[Mepu iri papeji 21]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

ANGOLA

ZAMBIA

MALAWI

Mzimba

Blantyre

MOZAMBIQUE

Macala

Beira

Maputo

ZIMBABWE

Harare

NAMIBIA

BOTSWANA

Gabarone

SOUTH AFRICA

INDIAN OCEAN

600 km

400 mi

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Apo nzizi dzakanga dzakanyanyodzama, vayambutsi vaviri vaitikweva netambo kuti tiyambuke

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe