RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 7/1 pp. 10-13
  • Chikomborero chaJehovha Chakandipfumisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikomborero chaJehovha Chakandipfumisa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kusangana Nekokero Yechirambidzo
  • Kuwana Nharidzano Yedu
  • Kuzarura Ndima Itsva
  • Kufanana naMadokero Anopenga
  • Denho—Asi Ndichakapfuma
  • Mabhisikiti Embwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Jehovha Akandidzidzisa Kuita Kuda Kwake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Chinoita Kuti Ndifarire Basa Rokuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Kuchengeta Meso Nemwoyo Zvakanangidzirwa Pamubayiro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 7/1 pp. 10-13

Chikomborero chaJehovha Chakandipfumisa

Yakataurwa naElsie Meynberg

“CHIKOMBORERO chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri marwadzo nacho.” (Zvirevo 10:22, NW) Ini pachangu ndakawana umazvokwadi hweichi chirevo cheBhaibheri. Ndibvumirei kukuudzai kuti sei.

Apo ndaingova bedzi namakore matanhatu, ndakateerera kurukurirano dzaamai vangu nomumwe mudzidzisi weBhaibheri aitishanyira, uye ndakacherekedza kuti amai vangu vaifadzwa zvikuru sei neizvo vakanga vachidzidza. Humwe usiku hunotonhora hwechando, ndakaburuka pasi nokuda kwegirazi remvura ndokuwana Amai vachirava pedyo nesuo rakavhurika reovhoni. Panzvimbo pokundipopotera sezvandakakarira, vakaisa ruoko rwavo pandiri ndokutsanangura kuti zita raMwari ndiJehovha. Kudziya kwaiva munzwi ravo kwakandiudza kuti icho vakanga vadzidza chaikosha zvikuru kwavari.

Pashure pedzimwe kurukurirano shomanene nomudzidzisi weBhaibheri, Amai vakatanga kuenda netsoka kuzogoverana navavakidzani mashoko akanaka avakanga vadzidza. Zvisinei, vaisagamuchirwa zvakanaka nguva dzose. Taigara munyika pedyo neBeatty, Saskatchewan, Canada, uye vavakidzani vedu vakanga vari zvikurukuru hama dzedu dzokunyama, vaLutheran vakavimbika kana kuti vaEvangelist. Kunyanguvezvo, Amai vakapfuurira kuvashanyira.

Ndaitarira napamawindo ane chando sezvo Amai vaiparapatika kuunza mabhiza vachibva mubhani, ndichiziva kuti vakanga vasina kujaira kuasunga. Padzimwe nguva ivo vaienda kumisangano kana kuti kuushumiri hwomumunda pasinei zvapo nenyunyuto dzaBaba. Ivo vakanga vasingabvumirani nokutenda kutsva kwaAmai, asi vakanga vakatsunga. Ivo nguva dzose vaidzokera nomufarwa womukati uyo wakanga uri pachena kuvose. “Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa,” ivo vaidaro. Ndaishamisika neizvo vaireva naizvozvo. Kunyange zvazvo ndaingova bedzi namakore matanhatu, iniwo ndaida kubatira Jehovha.

Rimwe zuva ndakanga ndiri padenga nababa vangu, apo vakanga vachigadzira mataera. Amai namukoma vangu Eileen vakanga vachienda neboka muModel T Ford kuzotora rutivi mu“kufamba kwamashoko.” Ivo vakanga vachienda kunofamba mutaundi nezvikwangwani zvinozivisa hurukuro yeBhaibheri.

“Hausati uchizotongova benzi kudaro, uchadaro here?” Baba vakandibvunza. Asi kunyange zvazvo ndakanga ndiri musikana aifarira zvake kukwira, ndaizoisva zvangu ndava mukufamba kwamashoko ikoko kupfuura padenga. Zvisinei, ivo vakati ndakanga ndiri mupfupi zvikuru zvokusagona kutakura chikwangwani.

Kusangana Nekokero Yechirambidzo

Pakupedzisira, banza rangu rokutanga kugoverana mukuparidzira Umambo rakasvika muna November 1940. Mufaro wakadini! Sezvo basa rokuparidzira reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa muCanada panguva yacho, taibuda pakati pousiku ndokusiya kabhukwana kaEnd of Nazism pasuo reimba iri yose.

Apo ndakanga ndava namakore mapfumbamwe okukura, ndakasarudza kutsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha ndokubhapatidzwa. Nemhaka yechitambudzo, hatina kuudzwa nzvimbo yomusangano, asi takatungamirirwa kunzvimbo musango uko boka guru reZvapupu rakanga richifarikanya “pikiniki.” Ikoko mukoma wangu Eleanor neni takanga tiri pakati pavazhinji vakabhapatidzwa mumvura dzinotonhora dzenyanza iri pedyo.

Chikoro mumazuva iwayo chaivamba nekirasi inokwazisa mureza nokuimba rwiyo rworudzi. Pasinei zvapo nokuringa kunopomera mhaka kwomukirasi biyedu, tairamba nenzira yokuremekedza kutora rutivi nemhaka yedzidziso yeBhaibheri pamusoro pokunamata zvidhori. (Dhanieri, ganhuro 3) Hama yangu yokunyama Elaine Young, uyo akanga ariwo Chapupu, aifanira kufamba makiromita matanhatu kuenda kuchikoro, asi zuva rimwe nerimwe aidzingwa nokuda kwokusakwazisa mureza. Pashure pezvo aifamba nzira yose achienda kumba zvakare. Iye akaita ikoku kwehafu yegore rechikoro kuti agorega kunyorwa saarovha ndokukundikana kosi.

Pashure pokubva pachikoro, ndakashanda mubhangi. Asi muedzo wakauya apo ndakanyimwa chikumbiro changu chokupinda kokorodzano yamarudzi ose yeZvapupu zvaJehovha muNew York muna 1950. Ndaiva nemari yakati uye ndakasarudza kurega ndokutanga muushumiri hwenguva yakazara. Naizvozvo Elaine neni takatamira kuguta reRegina. “Achadzokera kumba achikumbira panosvika chimiro,” vanonyomba kudaro vamwe. Zvisinei, ndakakwanisa kuzvigovera ndimene kupfurikidza nokushanda somushandi womumba wenguva isina kuzara. Kupfuma kwezvikomborero zvaJehovha kwandichengeta ndiri muushumiri hwake hwenguva yakazara chifo chenguvayo.

Kuwana Nharidzano Yedu

Muna 1955 Elaine neni takafadzwa nokukokwa kukirasi yechi 26 yeGilead uye gare gare nokugamuchira migove yokuBolivia, South America. Ikoko kwaingova neZvapupu zvinenge 160 bedzi munyika yose panguva yacho. Pakupedzisira, takananga kuTarija kuzokumbanira vamwe vafundisi vaviri mumugove wedu wokutanga.

Tarija rakanga riri taundi rakaisvonaka. Kwakanga kuchifadza kwazvo kuona vakadzi vakapfeka mupfekero wavo wamagamuchidzanwa vakatakura mitoro pamisoro yavo. Vanhu vacho vaifadza uye havasati vatongotiudza kuti vakanga vasingafariri. Ivo sezviri pachena vainzwa kuti kwakanga kuri kupfava zvikuru kutiudza kushanyazve pane imwe nguva apo ivo vakaziva kuti vakanga vasati vachizova pamusha. Kwakatora nguva kujaira ikoko.

Rimwe zuva takanga tichitaura kumumwe murume pasuo rake apo jipi yakamira uye muprista akashatirwa, ane chiso chakatsvuka akasvetuka achibuda mairi. “Kana musingaregi kutaura kuvasikana ivavo, muchadzingwa!” iye akashevedzera kumurume wacho. Achitendeukira kwatiri, iye akatyisidzira, kuti: “Imi hamuna maruramiro okuparidzira muno. Kana musingaregi, ndichaita zvimwe.” Panguva ino vavakidzani vazhinji vakanga vabuda kuzotarira. Naizvozvo takangopfuurira zvedu nebasa redu, tichigovera mabhuku akawanda namaBhaibheri kuvaoni vanoda kunzwa.

Tapedzera makore maviri muuyu mupata wakaisvonaka umo mapichisi, nzungu, uye magirepi zvakawanda, pakutanga hatina kufara kugamuchira chinjo yomugove kuenda kuPotosí, guta romugodhi rinotonhora zvikuru riri paurefu hwamamita anopfuura 4 000. Takanga tajaira nguva dzechando dzinotonhora zvikuru dzeCanada, asi musiano wakanga uri wokuti muPotosí misha kazhinji kazhinji yakanga isingadziyi. Zvisinei, muPotosí makanga mune songanirano inodziya yeungano yechiKristu, nepo kwakanga kusina ungano yakanga yaumbwa muTarija.

Kuzarura Ndima Itsva

Tevere, Elaine neni takagoverwa kuVillamontes kuzozarura basa rokuparidzira ikoko. Rori yatakakwira yakanga yakazadzwa neshuga yakabhinyaidzwa, naizvozvo kudzivisa zvinetso namapurisa panzvimbo dzinobhadharwa mari, muchairi haana kutanga kufamba kutozosvikira pakatanga usiku. Takashuva sei kuti kudai takanga tauya netochi, nokuti kamwe kamwe chimwe chinhu chakadenheka parutivi pedu pasi petende! Akanga ari mubatsiri womuchairi werori.

Panguva yeshanu mumangwanani, takamira. Tichirwara noutsi hunonetesa uye tazadzwa neguruva, takagwambaira tichibuda. Ivhu rakakoromoka rakanga ravhara nzira yedu. Pakupedzisira, pashure pamaawa mana ebasa rakaoma, muridzi akaita kuti mubetseri wake ayambutse motokari napanzvimbo yakasunha yakanga yagadzirwa. Muridzi haana kumbotarira sezvo rori yakayambuka napamucheto mavhiri ayo maviri okunze achitenderera mumhepo pamusoro pegomba rairatidzika kuva risingagumi parutivi pomugwagwa. Elaine neni takayambuka netsoka. Sezvatakapfuurira takananga kuVillamontes tiri murori, makona omumikana yegomo akanga ari maduku kwazvo zvokuti muchairi aimanikidzirwa amanikidzirwazve kuruvhesa ndokuakona. Pakupedzisira, pashure pamaawa 35 anonetesa, takasvika.

Chakanga chiri chinoitika chitsva nokuda kwaElaine neni kuva toga zvedu chose chose. Uyewo chitsva kwatiri zvakanga zviri zvipembenene zvomunzvimbo dzapasi dzinopisa. Zvinyamudzunge zvihombe zvaidonhera patiri pashure pokurovera muchiedza pamusoro pemisoro yedu. Nhunzi duku dzaitiruma zvinorwadza, kuchiparira mapundu anovava ayo aisininika mvura yakajeka. Usiku hwokutanga mumusha wedu mutsva, ndakabuda kuzoshandisa chimbudzi chokunze. Asi apo ndakabatidza tochi yangu, uriri hwose hwakaratidzika kuva hupenyu namapete. Madzamba akatiza nokukurumidza, uye vanamugufu vakuru vakandiona vari mumakona. Ndakasarudza kuti ndaigona kumira kutozosvikira mangwanani.

Gare gare, takanga tiri parutivi porwizi uye takafunga kuti taizozorora padanda ratakaona ipapo. Zvisinei, takasarudza kuti taizotanga kuita shanyo yedzokerero pedyopo. Apo takadzokera, danda rakanga raenda. Vapfuuri vane manyemwe vakatiudza kuti nyoka hombe yakanga iripo. Ndinofara kuti hatina kuedza kugara pa“danda” iroro!

Icho takafarikanya zvikurusa pamusoro peVillamontes kwakanga kuri kushanyira vanhu mumadekwana. Taivawana vakagara muzvigaro zvakarukwa panze murutivi menzira, vachisvuta chinwiwa chemiti chinonzi maté. Taipedza maawa akawanda anofadza tichitsanangura zvipikirwa zvoUmambo mumhoteredzo dzakadaro. Asi nguva dzakaoma zvikuru dzakasvika pashure pokunge Elaine aroorwa uye ndakagoverwazve kuVallegrande nomukutsirani mutsva.

Kufanana naMadokero Anopenga

Kusvika Vallegrande, rumwe rwendo rwunonetesa rwamazuva matatu rwaidikanwa, uye nguva ino ndakanga ndiri ndoga. Migwagwa yakasunha ine guruva yakaratidzika kuva inomonereka nokusingaperi ichipinda murenje. Pakupedzisira ndakasvika sezvo zuva rakanga rovira. Bhazi rakakangaidza runyararo rwetaundi umo mabhiza aizivikanwa navose zvikuru kupfuura motokari. Vanhu vakatarira vari pasi pamaberere, ayo akabuda murutivi menzira uye akanga akatsigirwa namapango. Vamwe vavarume vakanga vakazendamira pamapango vakanga vakapfeka mabhande epfuti ane marivhorovha. Anodokuva munhu ari wose akaratidzika kuva akapfeka zvitema. Ndakafunga, kuti: ‘Chokwadi uku kwakafanana chaizvo naMadokero anopenga!’

Uye kwakanga kwakadaro, chaizvoizvo. Magakava aipedzwa nepfuti. Kunyange zvazvo rakanga riri taundi ravanhu vane zviuru gumi chete, kuponda namasimba masimba zvaizivikanwa navose panguva iyoyo. Chiverengero chavagari vemo chaidzorwa negen’a iro rakatora nzvimbo inobhadharirwa mari panzira inopinda mutaundi. Mitezo yegen’a yaiwana mari yokurarama nayo kupfurikidza nokumisa mabhazi nokuabira. Varimi vaibirwawo sezvo vaipinza zvirimwa zvavo mutaundi. Vasikana vaduku vaibatwa chibharo vakanongedzerwa pfuti vabereki vavo vachiona. Vanamai havasati vaimborega vanasikana vavo vachienda kukona vari voga kundotenga.

Fungidzira mifungo yedu apo mutungamiriri wegen’a akapinda muHoro yoUmambo rimwe zuva. Iye akanga akadhakwa. Mutariri wedunhu, uyo akanga achipa hurukuro, akachenuruka. “Ndinodavira!” akashevedzera kudaro mutungamiriri wegen’a sezvo airova shure kwebheji nesimba rakadaro zvokuti rakaguka. Ipapo iye akabata mutariri wedunhu. Asi kamwe kamwe akaterema, uye shamwari yekare yokuchikoro yake yaiva muvateereri yakakwanisa kumuendesa.

Pakupedzisira, mutungamiriri wehondo akadenha mutungamiriri wegen’a kukurwa. Mutungamiriri wehondo akaita kuti imbwa yakafa iturikwe munzvimbo yavose ine chiratidzo chinoti: “Buda mutaundi, kana kuti zvimwe chetezvi zvichaitika kwauri.” Mutezo wegen’a akaenda, uye migariro yakavandudzika muVallegrande.

Pane dzimwe nguva taifamba kwamaawa 12 takatasva mabhiza kundoparidzira mumisha iri kunze. Mumwe mudzidzisi wechikoro mumumwe wemisha akatigamuchira nomutsa uye gare gare akava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Imwe nguva ndakakwereta nyurusi kuti ndiende ikoko, asi nguva iri yose rakapfuura musha womumwe wevaichimbova vene vayo, yakananga ikoko, uye ivo vaifanira kutitungamirira kupinda munzira zvakare.

Denho—Asi Ndichakapfuma

Sezvakuri kwechokwadi nezvavamwe vafundisi vazhinji, ndakawana kuti denho hurusa ingasava kupisa kana kuti zvipembenene, kutonhora kana kuti kureba, kana kuti kunyange hosha nourombo. Panzvimbo pezvo, inogona kuva rwisano yohunhu. ‘Neiko zvitambudzo zvakadaro zvichimuka musangano raJehovha?’ Ndakashamisika, uye ndakatovamba kupanikira kuti Jehovha akanga achindipfumisa nezvikomborero. Ipapo ndakayeuka rugwaro pamusoro pechikomborero chaJehovha rwuri pana Zvirevo 10:22. Rutivi rwechipiri rwendima yacho runoti, “Uye iye haawedzeri marwadzo nacho.” Naizvozvo hatifaniri kushora Jehovha nokuda kweizvi zvitambudzo. Ndakasvika pakuziva kuti izvo rutivi rweizvo Adhama akapfuudza kwatiri uye zvinobatanidzwa muizvo Pauro anorondedzera pana VaRoma 8:22 (NW): “Chisiko chose chinoramba chichigomera pamwe chete uye chichiva mumarwadzo pamwe chete.”

Ndakanga ndave ndichinyorerana naWalter Meynberg weBheteri yeCanada, uye apo ndakanga ndiri pazororo muCanada muna 1966, takaroorana uye takagoverwa kuLa Paz, guta guru reBolivia. Chave chiri chikomborero chakadini kuona ungano muno dzichiwedzera kuvambira paimwe chete pandakasvika muBolivia kusvikira ku 24, mukona riri rose reguta. Kwave kwakafanana mumamwe maguta enyika yacho. Zvamazvirokwazvo, boka ravanenge vaparidzi 160 vakanga vachiparidzira mashoko akanaka muBolivia pandakatanga kusvika muna 1955 rakura kusvika ku 7 000!

Muenzaniso wokutsunga waamai vangu uyo vakagadza kare kare kwazvo wakaguma navanopfuura gumi vemhuri yangu yapedyo vachiva mubasa renguva yakazara. Ndinofadzwa kutaura kuti baba vangu vakava Chapupu chakazvitsaurira, uye vanhu vanopfuura 30 avo ndakaropafadzwa kufunda navo Bhaibheri vakabhapatidzwa. Idzodzi hadzisati dziri pfuma here? Hungu, ndinodavira kuti ndidzo. Zvamazvirokwazvo, ‘chikomborero chaJehovha—ndicho chakandipfumisa.’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe