RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 7/15 p. 7
  • Hondo yeJeriko—Ingano Kana Kuti Idi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hondo yeJeriko—Ingano Kana Kuti Idi Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • “Testamente Yekare” Yakavimbika Zvakadini?
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raJoshua
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 6—Joshua
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 7/15 p. 7

Hondo yeJeriko—Ingano Kana Kuti Idi Here?

KWAMAKUMI amakore, vacheri vamatongo vakaedza kuisa panikiro panhauro yeBhaibheri yaJoshua nehondo yeJeriko. Mukuwirirana neBhaibheri, Joshua nehondo yechiIsraeri vakafora vachipoterera Jeriko kwamazuva manomwe, kutozosvikira Mwari aita kuti masvingo akasimba eguta akoromoke. Ikoku kwakabvumira vaIsraeri kupinda ‘ndokupisa guta nomwoto nechinhu chiri chose chakanga chiri mariri.’—Joshua 6:1-24.

Asi vacheri vamatongo vazhinji, vachipesvedzerwa nebasa rinoremekedzwa zvikuru raKathleen Kenyon muma 1950, vakapwiswa kuti Jeriko harina kumbovapo mukati menguva yevhozhokero yavaIsraeri. Chokwadi, ivo vakarangarira kuti guta racho rakanga raparadzwa rinosanopfuura zana rimwe ramakore pamberi pezvi! Nokudaro, nhauro yeBhaibheri yaJoshua navaIsraeri yakarambwa zvakafara. Misi ichangobva kupfuura iyi, kunyanguvezvo, Dr. Bryant G. Wood, mucheri wamatongo wokuUniversity of Toronto, Canada, akaita nzvero itsva paufakazi hwakabva Jeriko. Mukuwirirana neThe New York Times, iye akagumisa kuti Dr. Kenyon “akanga ave achitsvaka rudzi rwakaipa rwezviumbwa, uye munzvimbo isina kururama,” uye kuti ufakazi huri zvomenemene “mubvumirano inoshamisa” neBhaibheri.

Dr. Wood anodudza rukoko rwakakora mita imwe rwamadota akazara nezvaenga, zvisaririra zvezvidhina zvorusvingo rwakakoromoka, uye mapuranga, zvose zvakasvibiswa sokunge nomwoto weguta rose. Zvisaririra zvezviumbwa zvakarongwa musi (nemitoo isina kururama sezvinobvumwa inowanika) pana 1410 pamberi peNguva yedu yaVose, kuwedzera kana kuti kubvisa makore 40—kusati kuchitongova kure kubva ku 1473 P.N.V., musi wehondo yeJeriko wakatorwa muBhaibheri.

Vacheri vakawana kuti dzimba dzomuJeriko rakare dzaiva nemigove yakawanda yezviyo zvakachengetwa. Ikoku kunofadza, sezvo Bhaibheri richiratidzira kuti Jeriko rakawira nokukurumidza pashure pokukohwa kwomuchirimo uye pasina komberedzo refu yokurumwa nenzara. (Joshua 3:14-16) Zvose zviri zviviri zvikonzero zvakanaka nei dzimba dzeJeriko dzaizova dzakasanozadzwa nezviyo apo guta racho rakaparadzwa.

Masayendisiti anoti shatirwei pakunouya kukubvuma ururami hweBhaibheri. Nokudaro, Times inonokora mashoko imwe nyanzvi yakatanhamara seinoti mukupindura kuzviwanwa zvaWood: “Hapana panikiro yokuti mashoko akawanda zvikuru anowanwa muBhaibheri ane chokwadi maari.” Bva, sezvo nhauro dzapaMagwaro dzakawanda dzichitsigirwa nezviwanwa zvazvino uno zvesayenzi nezvokuchera matongo, kuri pachena kune vasina kwavakarerekera kuti Bhaibheri harisati richitongova muunganidzwa wenhema dzakavhengana nezvokwadi dzapanhambo nenhambo. Bhaibheri rimene rinoti: “Mwari ngawanike ari wechokwadi, kunyange zvazvo munhu ari wose achiwanika ari murevi wenhema.”—VaRoma 3:4, NW.

Nepo dudziro dzazvino uno dzokuchera kwavanochera matongo paJeriko dziri dzefariro, maKristu echokwadi ‘anofamba nokutenda, kwete nokuona.’ (2 VaKorinte 5:7) Kutenda kwavo hakutsamiri pazivo yokuchera matongo. Pane kana kuti pasina ufakazi hwokuchera matongo, Bhaibheri rinobvumikisa rabvumikisazve kuva manyuko akavimbika amashoko pamusoro penguva yakapfuura, nguva ino, uye nguva yemberi.—Pisarema 119:105; 2 Petro 1:19-21.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Matongo eJeriko, apo Jehovha akapa vaIsraeri rukundo

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe