Kuparadzira Kunhuhwira Kwezivo yaMwari
“Mwari ngaaongwe, unotikundisa nguva dzose muna Kristu, unoratidza nesu kwose kwose hwema hwokuziva kwake!”—2 VAKORINTE 2:14.
1. Kunhuhwirai kwatiri kukurukura pano, uye ropafadzo yokukuparadzira inofanira kurangarirwa sei?
NHUHWIDZA, nhuhwidza! M-m-m-m! Ko unonhuhwidza kunhuhwira kwakanaka here? Pano hatinongedzeri kukunhuhwira kwamaruva ari kutumbuka asi, panzvimbo pezvo, kukunhuhwira kwokufananidzira kunobva mumanyoro akaisvonaka pasi pano. Aya manyoro haasati ari aye anovambwa navanhuwo zvavo asi idumbu muunganidzwa rokufananidzira rakafuridzirwa noUyo akasikawo maruva anonhuhwira ayo anoshongedza pasi. Ropafadzo yokuparadzira kunhuhwira uku kwezivo yaMwari ipfuma huru. Hungu, ibasa rinokosha zvikuru—risina vose, risati richigoveranwa norudzi rwose zvarwo rwomunhu.
2. Vadzidzi vaKristu vakatanga rini kuparadzira kunhuhwira kwokufananidzira, uye nomuuyoi?
2 Iyi ipfuma inokosha yakapiwa vadzidzi vaKristu apo vakasumwa kubasa rokushingaira kuna Jehovha Mwari pazuva rePentekosta mugore ra 33 reNguva yedu yaVose. Vazadzwa nomudzimu mutsvene, vakavamba kuparadzira kunhuhwira kwokufananidzira, vachitsanangura “mabasa makuru aMwari.” (Mabasa 2:1-4, 11) Kupfurikidza navo kunhuhwira kwezivo yaMwari kwaizoenda kuna vamwe, kwete bedzi kuvaJudha vokunyama vakadzingiswa asiwo kumarudzi asina kudzingiswa, ndudzi, vanhu, uye ndimi. (Mabasa 10:34, 35) Vadzidzi vechokwadi vakarangarira iri basa serinokosha zvikuru kupfuura pfuma yose yokunyama iyo vanhu vanozviunganidzira vamene.
3. Basa rokuparadzira kunhuhwira kwezivo yaMwari riri kupfuuridzirwa kusvikira kutambanukoi, uye mubvunzoi watinofanira kuzvibvunza timene?
3 Nhasi, basa guru rokuparadzira kunhuhwira kwezivo yaMwari riri kupfuuridzirwa pasi pose—pamwero mukuru zvikuru kupfuura nakare kose munhau yomunhu. Rinobatanidza kupupurira kurudzi rwose rwomunhu pamusoro poUmambo hwaMwari hwakagadzwa zvino pasi paMambo wake akagadzwa, Jesu Kristu. (Mateo 6:10; Mabasa 1:8) Ko unorangarira basa rokuzivisa Mambo noUmambo hwake sepfuma inokosha here? Jesu Kristu, uyo akatungamirira kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo ihwohwo, akarinzwisisa nenzira iyoyo, achigadza muenzaniso.—Mateo 4:17; 6:19-21.
Kuita Kuti Nzira Yokufora Kworukundo Inhuhwire
4. Mukuwirirana na 2 VaKorinte 2:14, Mwari ari kutungamirira sei zvino vabatiri vake pasi pano, uye mashoko aPauro anonongedzera kumuitiroi wekare?
4 Neiko kubatira Mwari kuri chimwe chinhu chinofanira kukosheswa? Chimwe chikonzero ndechokuti kunyange zvino avo vanobatira Jehovha vane ropafadzo inoshamisa yokutungamirirwa naMwari mukufora kukuru kworukundo. Mukuwirirana neNew International Version, 2 VaKorinte 2:14 inoti: “Mwari ngaaongwe, uyo unotitungamirira nguva dzose mukufora kworukundo muna Kristu uye kupfurikidza nesu anoparadzira munzvimbo iri yose kunhuhwira kwezivo yake [“anoita kuti zivo yedu pamusoro pake ipararire munyika yose kufanana nepefiyumu yakaisvonaka!” Phillips].” Mashoko iwayo omuapostora Pauro anoratidzika kuva anonongedzera kumuitiro wekare wokuva nokufora kworukundo.a
5, 6. (a) Chii chaiitika mukati mokufora kworukundo kwekare kweRoma, uye chii icho kunhuhwira kwakanaka kwakaratidzira kuna vakasiana-siana? (b) Chii chiri kushanda kwomudzimu kwomuenzaniso uri pana 2 VaKorinte 2:14-16?
5 Mumazuva ehurumende yeRoma, rumwe rworukudzo rukurusa urwo Dare raigona kupa mutungamiriri wehondo anokurira rwaiva rwokumubvumira kuchengeta rukundo rwake nokufora kunodhura kworukundo. Kufora kweRoma kwaifamba zvishoma nezvishoma muVia Triumphalis ndokukwira mukwidza unomonereka kuenda kutembere yaJupiter pamusoro peCapitoline Hill. Madzimambo, machinda, uye vatungamiriri vehondo vakatapwa muhondo yacho, navana vavo navarindiri, vaitungamirirwa vakasungwa necheni, kazhinji kazhinji vasina kupfeka, kukudukupiswa kwavo nenyadzi.
6 Sezvo kufora kwaipfuura nomuguta reRoma, vanhu vaikandira maruva pamberi pengoro yomukundi, uye zvinonhuhwira zvinotsva zvaiita kuti nzira yose inhuhwire. Uku kunhuhwira kwakanaka kwairatidzira rukudzo uye upenyu hwakachengeteka zvikuru nokuda kwavarwi vanokurira. Asi kwairatidzira rufu kuvatapwa vasina kuregererwa avo vaizourawa kumugumo wokufora. Ikoku kunojekesa shandiso yomudzimu yaPauro yomuenzaniso uri pana 2 VaKorinte 2:14-16. Mufananidzo iwoyo unoratidzira Pauro namaKristu biyake savadzorwi vakazvipira vaMwari, “pamwe chete naKristu,” vose vachitevera munzira yorukundo yaMwari nokutungamirirwa Naye mukufora kukuru kworukundo munzira yakaitwa kuti inhuhwire.
Kunhuhwira Kwoupenyu Kana Kuti Hwema Hworufu
7, 8. (a) Zvapupu zvaJehovha zviri kuparadzira sei kunhuhwira kwakanaka kwezivo yaMwari? (b) Sezvo Zvapupu zvinoparadzira kunhuhwira kwokufananidzira, chii chiri kuita kwaavo vari kuponeswa? (c) Kuitai kuripo kunobva kuna avo vari kuparara?
7 Kupfurikidza nokuparadzira kwakafara munzvimbo iri yose zvokwadi dzeBhaibheri pamusoro poUmambo hwaMwari pasi paKristu, Zvapupu zvaJehovha zviri kuparadzira, kuratidzira, uye kuratidza munzvimbo iri yose kunhuhwira kwakanaka kwezivo yaMwari ane nyasha ane zvokwadi yakavasunungura murudzidziso rwenhema. Vanofora nenzira yokukunda mubasa raJehovha. Zvipiriso zvavo zvebasa seZvapupu zvake naMambo wake zvakafanana nezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. Nokudaro, tinogona kunzwisisa icho muapostora Pauro akareva apo akati: “Nokuti isu tiri hwema hwakanaka hwaKristu kuna Mwari, pakati paivo vanoponeswa navanoparara. Kuna vamwe tiri hwema hworufu hunoisa kurufu; kuna vamwe hwema hwoupenyu hunoisa kuupenyu [“kunhuhwira kunokosha uko kunounza upenyu,” The New English Bible; “kunhuhwira kunozorodza kwoupenyu humene,” Phillips].”—2 VaKorinte 2:15, 16.
8 Vanhu vakatendeseka vane chimiro chakafanana namakwai vanonzwa kunaka kwezivo yaJehovha seinoparadzirwa neZvapupu zvake. Kuvanhu vakadaro basa rokupupurira rine kunhuhwira kwougwinyi noupenyu, kwokurarama, zvokwadi inopa upenyu. Vanopa kuonga kuna Jehovha naMambo wake, ane kufora kworukundo vanokumbanira, uye vanodanidzira zvinonzwika, kuti: “Ruponeso ngaruve kuna Mwari, unogara pachigaro choushe, nokuGwaiana.” (Zvakazarurwa 7:10) Vanofema mhepo yezvokwadi yoUmambo, iyo iri kunhuhwira kunozorodza kwoupenyu kunotungamirira kuupenyu. Asi Satani namadhemoni ake vakashatsa masimba okunhuhwira aavo vakabatirira parudzidziso rwenhema, zvokuti vanovhara mhino dzavo ndokuramba zvokwadi nenzira yokuzvidza. Kuna “avo vanoparara,” zvokwadi navatakuri vayo vakatendeka vanoparadzira hwema hworufu hunotungamirira kurufu. Kana kuti sokutaura kunoita New International Version, kuti: “Kuno uyo tiri kunhuhwa kworufu.” Shanduro yePhillips inokushandura, kuti: “Kuvapashure kunoratidzika kuva kwakafanana nokunhuhwa kunouraya kworushambwa.”
9. Mubvunzoi Pauro zvino anobvunza, uye waizopindura sei, uye nei?
9 “Uye ndiani akakwaniriswa zvakakwana nokuda kweizvi zvinhu?” muapostora ipapo anobvunza kudaro. (2 VaKorinte 2:16, NW) Ndiko kutaura kuti, “uye ndianiko angagona kukwaniriswa nokuda kwebasa rakafanana nairori?” (The Jerusalem Bible) “Uye ndiani ari nyanzvi yebasa rakadai?” (Weymouth) Mhinduro yapaMagwaro ndeiyi: Zvapupu zvaJehovha! Neiko? Nemhaka yokuti vakazvitsaurira bedzi vakatendeseka, vapachokwadi, uye vasingatsvaki mhindu youdyire navanotaura zvokwadi, nenzira yakajeka uye vasingabvumirani pane zvisina kufanira norudzidziso rwenhema, vanokwaniriswa nokuda kweiri basa rokuparadzira kunhuhwira kwezivo yaMwari.—VaKorose 1:3-6, 13; 2 Timotio 2:15.
10. Neiko vakuru vorudzidziso vasingakwanirisi nokuda kwebasa rokuparidzira kunhuhwira kwezivo yaMwari?
10 Vakuru vechiKristudhomu, avo vanotsvaka chimiro chakanaka nenyika ino, vanokundikana kukwaniriswa ndokuva nyanzvi nokuda kweiri basa risati riri roudyire. Neiko? Nemhaka yokuti vanokundikana kusvitsa chinodikanwa chinoratidzirwa nokutaura kwaPauro, kunoti: “Nokuti hatifanani navamwe vazhinji vanokanganisa shoko raMwari, asi tinotaura muna Kristu nezvokwadi, sezvinobva kuna Mwari, pamberi paMwari.” (2 VaKorinte 2:17) Kana kuti sokutaura kunoita New International Version, kuti: “Kusafanana navazhinji zvikuru, hatitengesi shoko raMwari nokuda kwemhindu. Mukupesana, muna Kristu tinotaura pamberi paMwari noumachokwadi, kufanana navanhu vakatumwa kubva kuna Mwari.”
11, 12. (a) Neiko Zvapupu zvisiri “vatengesi veshoko raMwari” nemhaka yokugamuchira mipiro? (b) Mukupesana nechimiro chakashatswa chechiKristu chinotengwa navazhinji, chii chinopa Zvapupu zvaJehovha?
11 Zvapupu zvaJehovha zvinotumwa zvichibva kuna Mwari, uye zviri kuita basa razvo rokupupurira mukutarisira kwaMwari. Nepo zvichigovera vanhu vanofarira mabhuku anokosha nezvimwe zvinyorwa izvo zvinotsanangura Shoko raMwari ndokugamuchira mipiro yokuzvidira nokuda kwebasa rokuparidzira Umambo munyika yose, muitiro wakadaro hausati uri kutengesa kana kuti kushatsa Shoko raMwari. Kutaura idi, mipiro yakadaro inongova zvayo yamuro kukuparadzirwa kwezivo yaMwari kuvamwezve.
12 Vazhinji zvikuru nhasi, vachiziva kana kuti vasingazivi, vakatenga chimiro chakashatswa chechiKristu, nokuti chinokodzera zvishuvo zvavo zvoudyire uye hachiganhuriri mararamire avo. Vanodavira kuti Mwari anovagamuchira nemhaka yokutaura kwavo kwokuti vanomuda mumwoyo yavo. Zvisinei, apo Shoko raMwari rinoratidzwa kuti rinobonderana nezvitendero zvavo nomufambiro, vanomonyanisa Magwaro kuti vasimudzire mifungo yomunhu oga pamusoro penzwisiso yakafanira yeBhaibheri. (Mateo 15:8, 9; 2 Petro 3:16) Asi Zvapupu zvaJehovha zvinogovera zvokwadi yakachena, isina kushatswa inobva muBhaibheri, nokudaro zvichiparira kunhuhwira kwakanaka kunogamuchirika kuna Mwari nokuvanamati vake vechokwadi. Nomutoo iwoyo vanodzinga magamuchidzanwa orudzidziso nezvinodzivisa kuva nezivo yechokwadi yaMwari.
13. Ndivanaaniko, kunze kwamaKristu akazodzwa, vari mukufora kworukundo kwaMwari, uye chii chavari kuita munzvimbo iri yose mavanoenda?
13 Zvirokwazvo, kuva mukufora kworukundo kwaMwari pamwe chete naKristu iropafadzo isingaenzaniswi inofarikanywa kwete bedzi namaKristu akazodzwa asiwo ne“boka guru” ra“mamwe makwai” kunyange zvino, nokuti rukundo rwoUmambo rwava pedyo. (Zvakazarurwa 7:4, 9, NW; Johane 10:16) Sezvo tinokarira rumwe rukundo rwaMambo wedu anokurira, munzvimbo iri yose tinoenda tinoparidzira zivo inopa upenyu yaMwari yakafanana nepefiyumu, kana kuti zvinonhuhwira zvinokosha, kuna avo vane mwoyo inoshuva zvokwadi nokururama. Iropafadzo yakadini nokuda kwaavo vanokwaniriswa nokuda kweiri basa rinoshamisa!—Johane 17:3; VaKorose 3:16, 17.
Vakapiwa Chiremera Chokuva Vanhuhwidzi Nepefiyumu Vavanhu
14. Neiko avo vanoparadzira kunhuhwira kwezivo yaMwari vasingadi rugwaro rwokupa chiremera rwunobva kuna vanhu?
14 Asi avo vanoparadzira kunhuhwira kwezivo yaMwari neyoUmambo hwake vanoda dhipuroma kana kuti rugwaro rwokupiwa chiremera chinobva kuvanhu here? Aiwa! Takatotumwa kare, kana kuti kugadzwa, seZvapupu zvoMukuru wechisiko chapose pose. Nokudaro, hatifaniri kuzengurira kupinda mumunda tichiparadzira kunhuhwira kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Yeuka kuti Jehovha anotitungamirira. Ushumiri hwaJesu hwakaitwa mukunangana no“kukakavara kwakadai kwavatadzi.” (VaHebheru 12:3) Bva, chinyorwa chaJesu chomubato womumunda, sechinowanwa muBhaibheri, chichiri chechokwadi, uye basa rake romumunda rinomurumbidza uye rinotsigira kuva kwake mushumiri wechokwadi waJehovha Mwari.
15. Muapostora Pauro akaratidza sei kuti maKristu echokwadi haadi “tsamba dzerumbidzo”?
15 Muapostora Pauro akasangana nomugariro wakafanana unodenha muzuva rake kupfurikidza nokupa ichi chibvumikiso: “Tinotangazve kuzvirumbidza kwamuri here? Tinotsvaka here savamwe [tsamba, NW] dzinoenda kwamuri, kana dzinobva kwamuri, dzingatirumbidza? Imi muri [tsamba, NW] yedu yakanyorwa mumwoyo medu, inozivikanwa nokuraviwa navanhu vose; makaonekwa kuti muri [tsamba, NW] yaKristu, yakagadzirwa nesu, isina kunyorwa neingi, asi no[mudzimu, NW] waMwari mupenyu; isina kunyorwa pamahwendefa amabwe, asi pamahwendefa enyama omwoyo.”—2 VaKorinte 3:1-3.
16. Rudzii rwetsamba runopa Zvapupu zvaJehovha soufakazi hunopupurira kuti ushumiri hwazvo hunobva kuna Mwari?
16 Zviremera zvenyika hazvibvumi kutumwa kwedu seZvapupu zvaJehovha. Asi regai basa redu rokuparadzira kunhuhwira kwezivo yaJehovha rizvitaurire rimene! Iri basa harigoni kubviswa, kunyange zvazvo vamwe vanhu vachiramba kurava uhwu ufakazi hunopupurira hwoushumiri hwedu. Vakuru vorudzidziso vanopa magwaro avo esimbiso anobva kumitumbi inotonga yavafundisi. Akadaro, zvisinei, zvidimbu zvamapepa, shoko romunhu. Zvapupu zvaJehovha, kunze kwokunokora tsigiro inobva muShoko raMwari, zvinomira sezvipupuriro munyama nomuropa. Boka guru ramamwe makwai iro rakasvikwa namashoko akanaka oUmambo rakaunganidzwawo kurutivi rwakarurama rwaMambo waJehovha. (Mateo 25:33, 34) Vose ivava itsamba yedu yerumbidzo, tsamba iyo isu seZvapupu zvaJehovha tinotakura munzvimbo iri yose pamwoyo yedu nendangariro uye tinogona kuratidzira nechivimbo. Avo vanotsigira uchangamire hwaMwari hwapose pose ndokutora rutivi mukubatira Mwari pamwe chete neZvapupu zvaJehovha ivo vamene rugwaro rwerumbidzo urwo rusingagoni kunzvenga kuraviwa ndokuzivikanwa navanhu vose.
17. “Tsamba [yedu] yaKristu” inonyorwa sei, uye nei Pauro achitaura kuti yakanyorwa pamwoyo?
17 Chokwadika, ikoku kunotsamwisa nokuitisa shanje vezvorudzidziso venhema apo vanorwurava. Kunyanguvezvo, boka guru rinowedzera ramamwe makwai itsamba yerumbidzo inobva kuna Jesu Kristu, Mufudzi Akaisvonaka, uyo ari kushandisa vose veZvapupu zvaJehovha mubasa rake rokufudza. Isu tiri chinyoreso, kana kuti chishandiswa chohunhu, icho iye anoshandisa kunyora iyi tsamba. Tsamba yacho hainyorwi neingi iyo inogona kudzimwa, asi inonyorwa kupfurikidza uye nesimba rinobate basa, kana kuti mudzimu, waMwari uyo unoshanda matiri. Hakuna kuita waMwari somuchinoitika chaMosesi apo mutemo weMirairo Gumi wakanyorwa nomunwe pamahwendefa maviri ebwe. Tsamba yedu yakanyorwa pamahwendefa enyama omwoyo yavanhu, sezvo ushumiri hwedu hwomudzimu huchiparira chinjo yendangariro nomwoyo muvagamuchiri vamashoko akanaka anonhuhwira.
18. Muuyoi unoita kuti vagamuchiri vamashoko akanaka vave tsamba yerumbidzo?
18 Basa redu neShoko raMwari zvakaita muuyo pavagamuchiri vanoonga vamashoko akanaka uye rakaparira chinjo dzinoshamisa. Chisarudzo chavo chokubatira Mwari chakabvumikisa kusava nechimirowo zvacho chapanguvayo nemhaka yamanyemwe akanyandurwa mavari kupfurikidza nomuevhangeri anozhamba. Panzvimbo pezvo, chinomirira chinjo kushandurwa kwechigarire kwoupenyu hwavo kwakavakirwa pazvokwadi dzakajeka zvikuru dzeBhaibheri Dzvene. Rudo nokuda kwaMwari wechokwadi, Jehovha, runovasunda ku‘bvisa hunhu hwavo hwekare nezvishuvo zvahwo zvinonyengera ndokupfeka hunhu hutsva, uhwo hunoratidzira “chibereko chomudzimu.” (VaEfeso 4:20-24; VaGaratia 5:22, 23, NW) Muuyo wacho, naizvozvo, unovaita tsamba yerumbidzo. Inotaura zvakajeka zvikuru kupfuura tsamba ipi neipi yakanyorwa noruoko nesu kana kuti nesangano ripi neripi rinooneka iro ringagona kutituma.
19. Pauro anorondedzera sei zvikwaniriso zva“vashumiri vesungano itsva,” uye basa ravo rakava nomuuyoi paboka guru?
19 Pana 2 VaKorinte 3:4-6 (NW), Pauro anopfuurira, kuti: “Zvino kupfurikidza naKristu tino urwu rudzi rwechivimbo kuna Mwari. Kusati kuri kuti isu timene takakwaniriswa zvakakwana kuziva chinhu chipi nechipi sechinobva kwatiri timene, asi kuva kwedu takakwaniriswa zvakakwana kunobva kuna Mwari, uyo zvamazvirokwazvo akatikwanirisa zvakakwana kuva vashumiri vesungano itsva.” Kunyange zvazvo avo bedzi vavakasarira vakazodzwa vari “vashumiri vesungano itsva,” basa ravo rakava nomuuyo paboka guru ramamwe makwai, uye richandotapura zviverengero zvisingaverengeki zvamamwe makwai akadaro achaunganidzwa. Ichi ndicho chivimbo icho vose veZvapupu zvaJehovha vanacho kupfurikidza naKristu Jesu kuna Jehovha Mwari. Vakasarira vanokurudzira nokuonga boka guru ramamwe makwai kutora rutivi nomwoyo wose muushumiri hwo‘kunyora tsamba’ uhwo Jesu Kristu akadeya kutaura pana Mateo 24:14 naMateo 28:19, 20.
20. (a) Mushumo weYearbook unoratidzirei pamusoro paavo vari kuparadzira kunhuhwira kwezivo yaMwari? (b) Chii icho tose zvedu tinogona kutaura pamusoro pezvikwaniriso zvedu zvoushumiri hunonyora tsamba?
20 Izvozvo ndizvo zvazvakaita, sezviri pachena mumushumo wa 1990 Yearbook umo Zvapupu zvaJehovha zvinoratidzwa kuva zviri kuparadzira kunhuhwira kwezivo yaMwari munyika 212. Vanopfuura chiverengero chavaparidzi vanoshingaira vane 3 787 000, uye gore rapera roga vakapinza anenge maawa 835 000 000 mukuparidzira aya mashoko akanaka oUmambo. PaChirairo chaShe gore rapera, 9 479 064 vaivapo. Vose vari vaviri vakasarira vakazodzwa nemitezo yeboka guru ramamwe makwai vanogona kutaura, kuti: “Kuva kwedu vakakwaniriswa zvakakwana kunobva kuna Mwari.” Kana kuti sokutaura kunoita The Jerusalem Bible, kuti: “Zvikwaniriso zvedu zvose zvinobva kuna Mwari.”
21. Chii icho tose zvedu tinofanira kuva tiri kuita, uye nei?
21 Naizvozvo, paradzira kunhuhwira kwakanaka, kunopa upenyu kwezivo yaMwari munzvimbo iri yose! Ita kuti mugariro wendima yeungano yako uremerwe nokunhuhwira kwezivo yaJehovha. Ipapoka, soMutungamiriri wehondo anokurira woubati ushe hwoumwari, iye achakutungamirira mukufora kwake kworukundo sezvo vose veZvapupu zvake vanopfuurira mberi muuhwu ushumiri hwomuzuva razvino uno hwembiri!
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwohumwe udzame, ona Insight on the Scriptures, Volume 2, mapeji 1128-9, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Waizopindura Sei?
◻ Muenzanisoi uyo Pauro anoshandisa pana 2 VaKorinte 2:14-16?
◻ Chii chiri muuyo pana vamwe wokuparadzira kunhuhwira kwezivo yaMwari?
◻ Ndivanaani bedzi vakakwaniriswa nokuda kweiri basa, uye nei?
◻ Neiko vanhuhwidzi nepefiyumu vavanhu vasingadi tsamba dzakanyorwa noruoko dzerumbidzo nokuda kwebasa ravo?