Iwe Unoonga Izvo Mwari Akaita Here?
“Kana munhu upi noupi achida kunditevera, ngaazvirambe amene ndokutakura danda rake rokutambudzira zuva nezuva ndokupfuurira kunditevera.”—RUKA 9:23, “NW.”
1. Ndezvipi zviri zvimwe zvezvipo zvinoshamisa izvo Mwari akagovera?
TINOONGA Mwari nokuda kwoupenyu hwedu. Kudai akanga asina kusika rudzi rwomunhu, tingadai tisina kutongoberekwa. Asi Mwari akasika zvinopfuura upenyu. Akatiita kuti tigone kufarikanya zvinhu zvizhinji: kunaka kwezvokudya, kudziya kwechiedza chezuva, kurira kwenziyo, kutonhorera kwezuva rechirimo, unyoro hworudo. Zvinotopfuura, Mwari akatipa ndangariro nechishuvo chokudzidza pamusoro pake. Iye akafuridzira Bhaibheri, iro rinotipa nhungamiro yakanaka, anotiratidza mararamire atingaita upenyu hunofadza zvikuru, uye anogovera tariro yokurarama nokusingaperi munyika yake itsva yakarurama. Mwari anogoverawo mudzimu wake mutsvene, tsigiro yeungano yomunzvimbomo, uye varume vakuru navakadzi vane rudo avo vanogona kutibetsera kuramba takasimba mubasa rake.—Genesi 1:1, 26-28; 2 Timotio 3:15-17; VaHebheru 10:24, 25; Jakobho 5:14, 15.
2. (a) Ndechipi chiri chinhu chakatanhamara zvikurusa icho Mwari akatiitira? (b) Tinogona kuwana ruponeso kupfurikidza namabasa here?
2 Mukuwedzera kuzvose izvozvo, Mwari akatumira Mwanakomana wake amene wedangwe kuzotiudza zvizhinji pamusoro peizvo Baba vanokarira kwatiri nokugovera “rununuro kupfurikidza norudzikinuro” nokuda kwomunhu ari wose acharugamuchira. (VaEfeso 1:7, NW; VaRoma 5:18) Mwanakomana iyeyo, Jesu Kristu, akati: “Mwari akada nyika kwazvo, zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti ani naani unotenda maari asafanire kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16, King James Version) Ruponeso runobviriswa norudzikinuro irworwo nderwoukoshi hukurusa hwakadaro zvokuti hapana chose chose nzira iyo munhu upi noupi angagona kuita nayo mabasa kuti aruwane, zvamazvirokwazvo kwete mabasa aisiitwa muMutemo waMosesi. Nokudaro, Pauro akanyora, kuti: “Munhu haaruramiswi namabasa omurairo, asi nokutenda muna Kristu Jesu.”—VaGaratia 2:16; VaRoma 3:20-24.
Kutenda Namabasa
3. Chii icho Jakobho akataura pamusoro pokutenda namabasa?
3 Ruponeso runouya kupfurikidza nokutenda, asi kutenda nokuonga zvose izvo Mwari akaita zvinofanira kutisundira kuchiito. Kunofanira kutisunda kuita zvinhu zvinoratidza kutenda kwedu. Munun’una kuna mai waJesu Jakobho akanyora, kuti: “Kutenda, kana kusina mabasa, kwakafa.” Iye akatizve: “Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, neni ndigokuratidza namabasa angu kutenda kwangu.” Jakobho akaonesa kuti kunyange madhemoni “anotenda uye anodedera,” asi sezviri pachena madhemoni haasati achiita mabasa oumwari. Abrahama, pano rumwe rutivi, akanga ane zvose zviri zviviri kutenda namabasa. “Kutenda kwake kwakabata pamwe chete namabasa ake uye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa.” Jakobho akadzokorora, kuti: “Kutenda kusina mabasa kwakafa.”—Jakobho 2:17-26.
4. Chii icho Jesu akataura kuti avo vanoda kumutevera vanofanira kuita?
4 Jesu akaratidzawo ukoshi hwamabasa akarurama, achiti: “Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.” “Kana munhu upi noupi achida kunditevera, ngaazvirambe amene ndokutakura danda rake rokutambudzira zuva nezuva ndokupfuurira kunditevera.”a Kana tichi“zviramba” timene, tinorega zvisarudzo zvedu zvomunhu oga zvakawanda. Tinoziva kuti tinoonga Mwari nokuda kwechinhu chiri chose, naizvozvo tinozvipa timene kwaari savaranda vake, tichitsvaka kudzidza nokuita kuda kwake, sezvakaita Jesu.—Mateo 5:16; Ruka 9:23, NW; Johane 6:38.
Upenyu Hunotapurwa
5. (a) Chii icho Petro akaratidza kuti chinofanira kutapura nzira yedu yose youpenyu? (b) Mabasai akaisvonaka ayo akarumbidza?
5 Petro akaonesa kuti “ropa rinokosha” raKristu, rakapiwa nokuda kwedu, nderoukoshi hukuru hwakadaro zvokuti kurionga kwedu kunofanira kuva pachena munzira yedu yose youpenyu. Muapostora akaronga zvinhu zvizhinji izvo kuonga kwedu kunofanira kutisunda kuita. Iye akapa zano, achiti: “Rashai zvakaipa zvose.” “Pangai mukaka womweya usina kushatiswa.” “Kuti muparidze kunaka kwaiye wakakudanai kuti mubve parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa.” “Ngaanzvenge zvakaipa aite zvakanaka.” “Mugare makazvigadzirira kupindura mumwe nomumwe unokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu.” “Kuti panguva [yenyu] yakasara panyama, arege kuva nokuchiva kwavanhu, asi nokuda kwaMwari.”—1 Petro 1:19, NW; 1Pe 2:1, 2, 9; 3:11, 15; 4:2.
6. (a) MaKristu omuzana rokutanga ramakore akaratidzira sei kutenda kwawo? (b) Ikoku kunofanira kutigadzira muenzanisoi?
6 MaKristu omuzana rokutanga ramakore akararama mukuwirirana nokutenda kwawo. Kwakachinja chitarisiko chavo nohunhu hwavo, kuchivasunda kupinza upenyu hwavo mutsinhirano nokuda kwaMwari. Vakatambura kuendeswa kune dzimwe nyika, kutakwa namabwe, kurohwa, kupinzwa mutorongo, uye kunyange rufu panzvimbo pokuputsa kutenda kwavo. (Mabasa 7:58-60; 8:1; 14:19; 16:22; 1 VaKorinte 6:9-11; VaEfeso 4:22-24; VaKorose 4:3; Firemoni 9, 10) Wezvenhau weRoma akakurumbira Tacitus, akaberekwa munenge muna 56 N.V., anotaura kuti maKristu “akashurikidzirwa kumarimi ndokupiswa, kuti abatire sechiedza chousiku, apo chiedza chamasikati chakanga chapera.” Bva haana kuzununguka!—The Annals, Book XV, ndima 44.
7. Mumugariroi umo vamwe vanhu vangazviwana vamene vari mauri?
7 Mune dzimwe ungano ungawana vanhu avo vakapinda misangano kwamakore. Vanoda sangano raJehovha, vanofunga kuti vanhu vake vanhu vakaisvonakisisa vavati vasangana navo, vanoita tsinhiro dzakaisvonaka pamusoro pezvokwadi, uye vanodzivirira zvokwadi kune vokunze. Asi chimwe chinhu chinomira munzira yavo, chimwe chinhu chinovadzivisa. Havana kutongoita nhano yakaisvonaka iyo vane 3 000 vakaita pazuva rePentekosta, iyo muEtiopia anotenda akabvunza pamusoro payo, kana kuti iyo Ananiasi akakurudzira Sauro kuita nokukurumidza apo aichimbova mutambudzi iyeyo akaziva kuti Jesu chaizvoizvo akanga ari Mesia. (Mabasa 2:41; 8:36; 22:16) Chii chiri kushaikwa muvakadaro nhasi? Nei vasina kuita nhano iyo Bhaibheri rinodana kuti “chikumbiro chinoitwa kuna Mwari nokuda kwehana yakanaka”? (1 Petro 3:21, NW) Kana uchizviwana umene uri mumugariro iwoyu—uchiziva zvokwadi asi uchizengurira kuita chimwe chinhu pamusoro payo—rangarira iyi nhau seyakagadzirirwa nokuda kworudo chairwo nokuda kwako.
Kukurira Mhinganidzo Dzokurubhapatidzo
8. Kana usina kutongova mudzidzi akanaka, ndeipi ingava nzira yokuchenjera kuita zvino?
8 Chii chingagona kumira munzira yako? Nyaya yapfuura yakaratidza kuti vamwe vangawana fundo yomunhu oga kuva chinetso. Mwari akatipa ndangariro dzinoshamisa, uye anotikarira kudzishandisa mukumubatira. Vamwe vanhu vakanga vasina kumbodzidza kurava vakazvishandisa vamene kubasa iroro kuti vadzidze zvakawanda pamusoro paMwari namadonzo ake. Zvakadiniko newe? Kana uchitoziva kurava, unofunda chaizvoizvo here, sezvakaita vaBherea, “kunzvera nokungwarira Magwaro zuva nezuva” kuona kana izvi zvinhu zvakadaro? Wakanzvera here “kufara nokureba nokukwirira nokudzika” kwezvokwadi? Ko wakachera here zvakadzama zvakaringana muShoko raMwari? Ko wakawana here kuti kunofadza sei chaizvoizvo? Ko wakatanga here chishuvo chaichoicho chokuziva kuda kwaMwari? Ko une nzara yechokwadi yezvokwadi here?—Mabasa 17:10, 11, NW; VaEfeso 3:18.
9. Chii chiri chinhu chakarurama chokuita kana une chinetso nomumwe nomumwe muungano?
9 Pane dzimwe nguva vanhu vanorega nemhaka yechinetso chaichoicho kana kuti chinofungidzirwa chavakava nacho nomumwe munhu muungano. Ko mumwe munhu akakugumbura zvakakomba here? Ipapo tevera nhungamiro inoratidzirwa namashoko aJesu: “Enda umuudze mhosva yake iwe naiye muri moga.” (Mateo 18:15) Ungashamiswa nokuwana kuti munhu wacho akanga asingatongozivi kuti wakagumburwa. Asi kunyange kana achiziva, ungango‘wana hama yako,’ sokutaura kwakaita Jesu. Ungamubetserawo kudzivisa kugumbura mumwe munhuzve. Uyezve, apo unofunga pamusoro pako, ndiani chaizvoizvo wauri kubatira—munhu iyeyo kana kuti Mwari here? Ko rudo rwako nokuda kwaMwari rwakaganhurirwa zvikuru zvokuti waizorega chikanganiso chipi nechipi chomunhu asina kukwana chichivhiringidza rudo rwako nokuda Kwake here?
10, 11. Chii chaunofanira kuita kana chivi chakavanzika chave chichikudzivisa?
10 Chivi chakavanzika chingadzivisa munhu kubhapatidzwa. Ichochi chingagona kuva chimwe chinhu chakaitika munguva yakapfuura, kana kuti chingava muitiro wakaipa unopfuurira. Kana ikoku kuri chinetso chako, haisati iri nguva yokururamisa nhau yacho here? (1 VaKorinte 7:29-31) Vazhinji vavanhu vaJehovha vaitofanira kuita chinjo muupenyu hwavo. Bhaibheri rinoti: “Naizvozvo, tendeukai mudzoke kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokusimbiswa dzinobva kuna [Jehovha, NW] dzisvike.”—Mabasa 3:19.
11 Pasinei zvapo nechaungave wakaita munguva yakapfuura, unogona kupfidza, kuchinja, uye kukumbira kukanganwira kwaMwari. “Naizvozvo, urayai mitezo iri panyika inoti upombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa . . . Bvisai munhu wekare, namabasa ake, uye fukai munhu mutsva, unovandudzwa pakuziva akafanana noUyo wakamusika.” Unogona kupinza upenyu hwako mutsinhirano nenzira dzake, kufarikanya hana yakachena, uye kuva netariro youpenyu husingaperi munyika itsva yake yakarurama. Ko ikoko hakuna kufanira nhamburiko ipi kana ipi yakungaita here?—VaKorose 3:5-10; Isaya 1:16, 18; 1 VaKorinte 6:9-11; VaHebheru 9:14.
12. Chii chaunofanira kuita kana fodya, kushandiswa kusakafanira kwezvinodhaka, kana kupindwa muropa nemirimo zvichimira pakati pako nehana yakachena?
12 Ko kushandisa fodya, kushandiswa kusakafanira kwezvinodhaka, kana kupindwa muropa nemirimo zvinomira pakati pako nehana yakachena here? Ko tsika dzakadaro dzinotyisidzira upenyu hadziratidzi kusaremekedzwa kwechipo chinoshamisa chaMwari choupenyu here? Kana tsika dzakadaro dzichimira munzira yako, zvirokwazvo inguva yokudziruramisa. Ko idzi tsika dzakafanirwa noupenyu hwako here? Pauro akati: “Ngatizvinatse pamatsvina ose enyama no[mudzimu, NW], tikwanise utsvene pakutya Mwari.” Ko unoonga nzira dzakachena nedzakarurama dzaMwari zvakakwana zvokugona kuita ikoko here?b—2 VaKorinte 7:1.
Zvinhu Zvokunyama
13, 14. (a) Magwaro anotii pamusoro penharidzano dzokunyama? (b) Neiko kuchikosha kuisa zvinhu zvokudenga pakutanga?
13 Nyika yanhasi inoisa budiriro no“kuzvikudza kwoupenyu” pamberi pechinenge chinhu chiri chose zvacho. Asi Jesu akafananidza “funganyo dzetsika ino yezvinhu nesimba rinonyengera repfuma” ne“minzwa” iyo inovhunga shoko raMwari. Iye akabvunzawo, kuti: “Nokuti munhu uchabatsirweiko kana akawana nyika yose akarashikirwa noupenyu hwake?”—1 Johane 2:16; Marko 4:2-8, 18, 19; Mateo 16:26.
14 Jesu akaonesa kuti Mwari akaronga kuti shiri dziwane zvokudya namaruva kuti atunge zvakaisvonaka. Ipapo akabvunza, kuti: “Imi munokunda shiri zvikuru sei? . . . [Mwari] haangakupfekedzei nokupfuurisa here!” Nenzira yokuchenjera, Jesu akatiudza ku“rega kufunganya” pamusoro pezvinhu zvokunyama. Iye akati: “pfuurirai kutsvaka umambo [hwaMwari], uye izvi zvinhu zvichawedzerwa kwamuri.” Iye akaonesa kuti tinofanira kuisa zvinhu zvokudenga pakutanga nemhaka yokuti ‘pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo.’—Ruka 12:22-31, NW; Mateo 6:20, 21.
Basa Roumwari Nebetsero yaMwari
15. Ikurudziroi yakaisvonaka iyo muenzaniso wamaKristu omuzana ramakore rokutanga unotipa?
15 Ko kupupurira kuna vamwe kunoratidzika kuva kunokupa chinetso here? Ko kunyara kunokuparira kurega here? Kana kwakadaro, kunokosha kuyeuka kuti maKristu omuzana ramakore rokutanga akanga ane rudzi rumwe cheterwo rwokunzwa rwatinarwo nhasi. Mwari haana kusarudza vazhinji vakachenjera navane simba, asi iye akasarudza “zvinhu zvoupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera.” (1 VaKorinte 1:26-29) Vatungamiriri vorudzidziso vane simba vakashora ava vanhu “venhando” ndokuvaraira kurega kuparidzira. MaKristu akaiteiko? Akanyengetera. Akakumbira Mwari nokuda kwoushingi, uye akahupa kwavari. Somuuyo, shoko ravo rakazadza Jerusarema uye gare gare rakazunungusa nyika yose!—Mabasa 4:1-4, 13, 17, 23, 24, 29-31; 5:28, 29; VaKorose 1:23.
16. Chii chatinodzidza ku“gore [guru] rezvapupu” rinorondedzerwa muna VaHebheru ganhuro 11?
16 Nokudaro, kutya vanhu hakutongofaniri kumira pakati pedu nebasa kuna Mwari. VaHebheru ganhuro 11 inotaura nezve“gore rezvapupu” izvo zvakatya, kwete vanhu, asi Mwari. Tinofanira kuratidza kutenda kwakafanana. Muapostora akanyora, kuti: “Zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, uye ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa.”—VaHebheru 12:1.
17. Ikurudziroi iyo Mwari akapa kupfurikidza naIsaya?
17 Mwari anogona kugovera vabatiri vake betsero huru. Musiki wechisiko chapose pose akaudza Isaya, kuti: “Vanomirira Jehovha vachawana simba idzva. Vachabhururuka namapapiro samakondo. Vachamhanya vasinganeti; vachafamba vasingaziyi.”—Isaya 40:31.
18. Ungakurira sei rutyo kuti ugoverane mukuparidzira Umambo?
18 Zvapupu zvine ushingi uye zvinofara zvaunoona muungano yomunzvimbomo zvinongova chikamu chiduku bedzi chavabatiri vanoshingaira vanopfuura mamirioni matatu nehafu pasi pose. Vanofara kuva norutivi mubasa iro Jesu Kristu amene akadeya kutaura muaya mashoko: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” Kana kutora rutivi mukuparidzira Umambo kuchipa chinetso kwauri kunyange zvazvo uchikwanirisa kuita saizvozvo, huregerereiko kukumbira Chapupu chinoita zvakanaka muushumiri kukurega uchienda nacho kuti ugoverane mubasa rokuparidzira? Mwari anogovera chaizvoizvo “simba rinopfuura renguva dzose,” uye ungashamiswa kuwana kuti mufaro wakadini uyo iri basa roumwari riri chaizvoizvo.—Mateo 24:14, NW; 2 VaKorinte 4:7; onawo Pisarema 56:11; Mateo 5:11, 12; VaFiripi 4:13.
19. Ibasai rokudzidzisa iro Jesu akaraira vateveri vake kuita?
19 Jesu anokarira avo vanoonga shoko roUmambo kuita chimwe chinhu pariri. Iye akati: “Endai naizvozvo muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai imi.”—Mateo 28:19, 20, NW.
20. Kana uri kufambira mberi mumudzimu, mubvunzoi ungakurumidza kuva wakakodzera?
20 Ko kuonga kwako zvikomborero zvaMwari, “ropa rinokosha” raJesu, uye tariro inoshamisa youpenyu husingaperi hakukusundiri kuchiito here? (1 Petro 1:19) Ko wakapinza upenyu hwako mutsinhirano nezvinodikanwa zvakarurama zvaMwari here? Ko unogoverana nguva dzose mukuita vadzidzi here? Ko wakazviramba umene ndokutsaurira upenyu hwako kuna Mwari here? Kana mhinduro kumibvunzo iyi yose iri hungu wechokwadi, ingava nguva yokubvunza mumwe wavakuru muungano yaunopinda mubvunzo mumwe cheteyo uyo muEtiopia anotenda akabvunza Firipo, kuti: “Chiiko chingandidzivisa ndirege kubhapatidzwa?”—Mabasa 8:36.
[Mashoko Omuzasi]
a The Jerusalem Bible rinokushandura ikoku kuti “kuzviramba amene.” Shanduro yakanyorwa naJ. B. Phillips inoti “kurega maruramiro ose kwaari amene.” The New English Bible rinoti “kuzviisa amene shure.”
b Nokuda kwamashoko anotaura pamusoro pokurega tsika dzakadaro, ona Nharireyomurindi, August 1, 1981, mapeji 3-13; December 1, 1973, mapeji 542-49; uye Awake!, July 8, 1982, mapeji 3-12; May 22, 1981, mapeji 3-11. Idzodzi dzingawanikwa muraibhurari kuHoro yoUmambo yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha.
Unoyeuka Here?
◻ Zvikonzeroi chaizvo zvatinazvo zvokuva vanoonga kuna Mwari?
◻ Kutenda nokuonga zvinofanira kutisunda kuitei?
◻ Zvinetsoi zvingamira pakati pedu neteerero kuna Mwari, uye chii chatingagona kuita pamusoro pazvo?
◻ Mibvunzoi iyo vanhu vasati vabhapatidzwa vangazvibvunza vamene?
[Bhokisi riri papeji 18]
‘Ndiri Rudzii Rwe“vhu?”’
Jesu akapa muenzanisiro womunhu akabuda kundokusha mbeu. Dzimwe mbeu dzakawira munzira uye dzakadyiwa neshiri. Dzimwe dzakawira parukangarabwe pakanga pasina ivhu rakawanda. Idzodzi dzakamera, asi apo zuva rakabuda, dzakauna ndokufa. Dzimwezve mbeu dzakawira pakati peminzwa uye dzakavhungwa. Jesu akataura kuti aya mapoka matatu akamirira: rokutanga, munhu “anonzwa shoko roumambo asi asingawani mufungo waro”; rechipiri, munhu anogamuchira shoko asi anotsauswa nokupisa kwe“dambudziko kana kuti chitambudzo”; uye rechitatu, munhu uyo “funganyo yetsika ino yezvinhu nesimba rinonyengera repfuma zvinovhunga shoko.”
Asi Jesu akataurawo nezveimwe mbeu yakawira pavhu rakaisvonaka. Iye akati: “Ndiye unonzwa shoko akarinzwisisa, ndiye unobereka zvibereko.”—Mateo 13:3-8, 18-23.
Kungava kwakanaka kuzvibvunza timene, kuti: ‘Ndiri rudzii rwe“vhu”?’
[Bhokisi riri papeji 19]
Vakafira Kutenda Kwavo
Ko unoziva munhu upi noupi aizosva afa zvake panzvimbo pokuputsa kutenda kwake here? Zviuru zveZvapupu zvaJehovha zvakadaro. MuThe Nazi State and the New Religions: Five Case Studies in Non-Conformity, Dr. Christine E. King akanyora, kuti: “Chimwe muZvapupu zviviri zviri zvose zveGermany chakapinzwa mutorongo, chimwe muvana chakarashikirwa noupenyu hwacho.”
Apo kutyisa kwemisasa pakupedzisira kwakaguma muna 1945, “zviverengero zveZvapupu zvakanga zvawedzera uye hapana kubvumirana pane zvisina kufanira kwakanga kwaitwa.” MuThe Nazi Persecution of the Churches, J. S. Conway akanyora nezveZvapupu, kuti: “Hakuna rimwe sekete rakaratidzira chinhu chipi nechipi chakafanana nokutsunga kumwe cheteko mukutarisana nesimba rakazara retyisidziro yeGestapo.”
Zvapupu zvaJehovha hazvina kutambudzwa nemhaka yezvamatongerwe enyika kana kuti dzinza. Panzvimbo pezvo, zvakatambura chose chose nemhaka yorudo rwazvo rwaMwari nokuramba kwazvo kuputsa hana dzazvo dzakavakirwa paBhaibheri.