“Vanofara Ndivo Vane Rugare”
MUNA 1901 Nobel Prize yoRugare, yakapiwa kwenguva yokutanga, yakagoverwa naJean-Henri Dunant, muvambi weRed Cross, uye nyanzvi yezvepfuma Frédéric Passy. Chibviro chenguva iyeyo yakapiwa ka 69, ka 55 kuvanhu 71 vakasiana-siana, somunhu mumwe kana kuti zvimwe pamwe chete, uye ka 14 kumapoka 16 kana kuti masangano. Mamwe mapoka akaiwana kanopfuura kamwe, zvakadai seInternational Red Cross Committee (1917, 1944, uye 1963) uye Hofisi yeUnited Nations High Commissioner for Refugees (1954 na 1981). Sezviri pachena nokuda kwokushaikwa kwomugamuchiri akafanira, dare romubairo weNobel rakaramba kuita tuso ka 19.
Sezvo munhu aizofungidzira, vazhinjisa vavawani vomubairo vari vezvamatongerwe enyika, vamiriri vehurumende, kana kuti vanhu vanobatanidzwa nenzira yakati nezvamatongerwe enyika. Asi vanyori venhau, vatongi, vazivi vamagariro avanhu, nyanzvi dzezvepfuma, uye vachinji venzanga vakaugamuchirawo. Kunyange masayendisiti, pakati pavo Linus Pauling muna 1962 uye Andrey Sakharov muna 1975, vakakudzwa saizvozvo, sezvakaitwawo vatungamiriri vamabasa, zvikurukuru Lech Wałesa muna 1983. Uye muna 1970 mubairo wakapiwa kunyanzvi yezvokurima Norman E. Borlaug.
Munhu wokutanga worudzidziso kupiwa mubairo wacho akanga ari achibhishopi weLutheran weSweden Nathan Söderblom, akasarudzwa muna 1930. Muna 1946 munhuwo zvake weMethodist nomuparidzi weevhangeri John R. Mott vakagoverana mubairo wacho, vachiteverwa muna 1952 nomufundisi nomuzivi Albert Schweitzer uye muna 1958 nomufundisi weBelgium Dominique Georges Pire. Muna 1964 chisarudzo akanga ari mutungamiriri wamaruramiro avagari vemo nomufundisi weBaptist Martin Luther King, Jr.
Asi mumakore achangobva kupfuura aya, rudzidziso rwave ruchiita basa rakatanhamara zvikuru mukutsvaka kwenyika rugare. Mukuwirirana neiyi kombamiro, vatatu vavanhu vapfumbamwe vokupedzisira kupiwa Nobel Prize yoRugare vave vari vanhu vorudzidziso: Munani weKaturike Amai Teresa weCalcutta muna 1979, bhishopi weAnglican Desmond Tutu weSouth Africa muna 1984, uye gore rapera “mwari mambo” wechiBuddha wechiTibet akaendeswa kune imwe nyika, Dalai Lama.
Ichokwadi kuti Jesu Kristu akati: “Vakakomborerwa ndivo vawadzanisi.” (Mateo 5:9, King James Version) Asi ko nhamburiko dzorudzidziso—dzingava dzeKaturike, dzePurotesitendi, dzeBuddha, kana kuti dzimwe—dzokubatira savawadzanisi munyika ino dzichabudirira here?
Bhaibheri rinotiudza kuti nyika ino yakaipa yazvino yakabva kuna Mwari haisati ichizotongowana rugare rusingagumi, idi iro kubatanidzwa kworudzidziso muzvinhu zvenyika zvomutsa, zvenzanga, uye zvamatongerwe enyika risingagoni kuchinja. Kupfurikidza nokutsiva hurumende dzomuzuva razvino noUmambo pasi paKristu Jesu, “Muchinda woRugare,” Musiki amene achakurumidza kukomborera rudzi rwomunhu runotenda norugare.—Isaya 9:6, 7; 57:21; Pisarema 46:9; Dhanieri 2:44.
Vanhu vane rugare vanoziva iyi zvokwadi uye vanoronga upenyu hwavo nenzira inowirirana vachava vanofara zvamazvirokwazvo. New World Translation inoshandura mashoko aJesu, kuti: “Vanofara ndivo vane rugare.”