Mutsigiri Wehondo Here Kana Kuti Mutsigiri Worugare?
NOMUNYORI WEMUKAI! MUSWEDEN
Gore negore, mubayiro weNobel unopiwa kune vanhu kana masangano anenge abatsira zvinooneka pakugara zvakanaka kwevanhu muzvinhu zvakasiyana-siyana. Izvi zvakatanga rini, uye zvinei chokuita norugare rwepasi pose?
ZITA rake rine chokuita nokuvandudza upenyu hwevanhu, asi iye akaunganidza mazimari nokutengesa zvombo zvehondo. Akanga ari ani? Alfred Bernhard Nobel, muzvinabhizimisi uye nyanzvi yekemesitiri yokuSweden. Nobel akarumbidzwa nokuedza kwake kuvandudza upenyu hwevanhu, asiwo akadanwa kuti “mutengesi wezvombo zvinouraya.” Nei? Nokuti Nobel akagadzira madharameti (dynamite), uye muupenyu hwake akakumba mazakwatira emari nokugadzira nokutengesa zvombo zvinoputika zvinouraya.
Zvisinei, Nobel afa muna 1896, pakaonekwa chimwe chinhu chinoshamisa. Chido chake chenhaka chaiti mari inokwana mamiriyoni 9 emadhora okuUnited States [Z$495 000 000] iiswe padivi uye kuti gore roga roga mari yainenge yabereka ipiwe vanhu vanenge vabudirira zvikuru mune zvefizikisi, kemisitiri, zvokurapa, zvokunyora mabhuku uye zvokuunza rugare.
Pakutanga vanhu vakawanda vakashamiswa. Nei mugadziri wezvombo zvinoputika angada chaizvo kupa mibayiro kune vanenge vaita zvinhu zvinobatsira uye vanenge vaunza rugare? Vamwe vakafunga kuti Nobel akanga achinetswa nehana yake nezvokuparadza kwezvinhu zvaakagadzira muupenyu hwake. Zvisinei, vamwe vakasvika pakuona sokuti Nobel akanga achishanda kuti aunze rugare nguva dzose. Chaizvoizvo, zvinoita sokuti aifunga kuti kana zvombo zvikanyanya kuva zvinoparadza, hondo hayaizoitika. “Zvichida fekitari dzangu dzichapedza hondo pasina nguva refu kupfuura mitemo yenyu,” anonzi akaudza mumwe munyori kudaro, achiwedzera kuti: “Pazuva iro mativi maviri ari kurwisana angagona kuparadzana zvachose musekondi rimwe, zvichida nyika dzose dzakabudirira dzichatya kurwisana dzobvisa mauto adzo.”
Zvaifungidzirwa naNobel zvakazoitika here? Zvidzidzo zvipi zvakadzidzwa muzana remakore rakauya pashure pokunge Nobel afa?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]
“Ndinoda kugadzira chimwe chinhu kana kuti muchina une simba rokuparadza rakaipisisa zvokuti hondo inobva yarega kuvapo zvachose”—ALFRED BERNHARD NOBEL
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Peji 2: Chombo: U.S. Navy photo; ungwanda-ngwanda hwakadhirika: UN PHOTO 158178/J. Isaac; peji 3: Nobel: © Nobelstiftelsen