VaRoma Vanowana Mashoko Akanakisisa
MUNHU anotadza anogona sei kuva akarurama mumeso aMwari nokudaro ndokuwana upenyu husingaperi? Uyu mubvunzo wakaparira kurukurirano dzakasimba muzana rokutanga ramakore reNguva yedu yaVose. Unoziva mhinduro yacho here? Kana uchiziva kana kuti kwete, unofanira kuzviravira umene kurukurirano younyanzvi huru yomuapostora Pauro yechinetso chacho mubhuku reBhaibheri raVaRoma. Kuita saizvozvo kuchakubetsera kunzwisisa ukama hunokosha huripo pakati pokutenda, mabasa, kururama, uye upenyu.
PAURO NAVAROMA
Bhuku raVaRoma itsamba yakanyorwa naPauro munenge muna 56 N.V. kumaKristu aiva muRoma. Neiko akanyora tsamba yacho? Kunyange zvazvo Pauro muna 56 N.V. akanga asati ashanyira Roma, iye sezviri pachena akanga achiziva maKristu mazhinji aiva imomo, sezvo mutsamba yake akadudza chiverengero chakati chavo nezita. Mukuwedzera, Pauro aida zvikuru kwazvo kuenda kuRoma kuti ape kurudziro kuhama dzake dzechiKristu imomo, uye anoratidzika kuva akaronga kuita Roma nzvimbo yokuzororera murwendo rwake rwakarongwa rwoufundisi kuSpain.—VaRoma 1:11, 12; 15:22-24.
Zvisinei, donzo guru raPauro mukunyora tsamba iyi rakanga riri rokupindura mubvunzo wokuti: Vanhu vanogona sei kuwana kururama kunotungamirira kuupenyu? Mhinduro yacho inova mashoko akanakisisa. Kururama kunorangarirwa pahwaro hwokutenda. Pauro anosimbisa iri pfundo uye anotaura musoro wetsamba yake apo anonyora kuti: “Handinyadziswi namashoko akanaka; iwo kutaura idi, isimba raMwari roruponeso kumunhu ari wose ane kutenda, kumuJudha kutanga uyewo kumuGiriki; nokuti maari kururama kwaMwari kunoratidzwa kupfurikidza nokutenda uye kukutenda, sezvakwakanyorwa, kuchinzi: ‘Asi wakarurama—uchararama kupfurikidza nokutenda.’”—VaRoma 1:16, 17, NW.
KUTENDA NOMUTEMO
Muzana rokutanga ramakore, haasati ari munhu ari wose akabvuma kuti kururama kwairangarirwa pahwaro hwokutenda. Vashomanene vanotaura vakataura kuti zvakawanda zvaidikanwa. Jehovha akanga asina here kugovera Mutemo waMosesi? Munhu upi noupi aigona sei kuva akarurama uyo asina kuzviisa pasi pegadziriro iyoyo yakafuridzirwa? (Ona VaGaratia 4:9-11, 21; 5:2.) Mugore ra 49 N.V., mubvunzo wokuomerera kuMutemo wakakurukurwa nomutumbi unodzora muJerusarema, uye vakagumisa kuti Vamarudzi vakagamuchira mashoko akanaka havafaniri kuti vadzingiswe ndokuzviisa pasi pemirairo yoMutemo wechiJudha.—Mabasa 15:1, 2, 28, 29.
Anenge makore manomwe gare gare, Pauro akanyora tsamba yake kuVaRoma achitsigira chisarudzo chinokosha ichocho. Zvamazvirokwazvo, iye akapfuurira mberi. Mutemo wakanga uri usiri madikanwa bedzi kumaKristu aVamarudzi asi vaJudha vaitsamira pakuteerera kwauri havasati vaizoruramiswa nokuda kwoupenyu.
KURURAMA KUPFURIKIDZA NOKUTENDA
Sezvaunorava bhuku raVaRoma, uchacherechedza kuti Pauro anosanovaka sei chinoitika chake, achitsigira kutaura kwake nokunokora mashoko kuzhinji muMagwaro echiHebheru. Pakutaura kuvaJudha, vangave vaiva chinetso chokugamuchira dzidziso yake yakafuridzirwa, iye anoratidza rudo neitiro hanya. (VaRoma 3:1, 2; 9:1-3) Kunyanguvezvo, iye anopa chinoitika chake norujeko runoshamisa nokuva nomufungo kusingapikiswi.
Muna VaRoma ganhuro 1 kusvikira kuganhuro 4, Pauro anovamba nezvokwadi yokuti munhu ari wose ane mhaka yechivi. Nokudaro, nzira bedzi iyo vanhu vanogona kururamiswa nayo iri pahwaro hwokutenda. Chokwadi, vaJudha vakaedzwa kuva vakarurama kupfurikidza nokuchengeta Mutemo waMosesi. Asi vakakundikana. Nokudaro, Pauro anoti noushingi: “VaJudha pamwe chete navaGiriki vose vari pasi pechivi.” Iye anobvumikisa iyi zvokwadi isina kukurumbira nechiverengero chakati chokunokora Magwaro.—VaRoma 3:9.
Sezvo “kusina nyama icharuramiswa namabasa omutemo,” itariroi iripo? Mwari acharuramisa vanhu sechipo chapachena pahwaro hwechibairo chorudzikinuro chaJesu. (VaRoma 3:20, 24, NW) Kuti vazviyamure vamene naikoku, vanofanira kuva nokutenda muchibairo ichocho. Ko iyi dzidziso yokuti vanhu vanoruramiswa pahwaro hwokutenda chimwe chinhu chitsva here? Nyangwe. Abrahama amene akaruramiswa nemhaka yokutenda kwake Mutemo usati wambotangwa.—VaRoma 4:3.
Asimbisa ukoshi hwokutenda, Pauro muganhuro 5 anokurukura hwaro hwokutenda kwechiKristu. Ihwohwu ndiJesu, uyo ane nzira yokururama inobvisa tapuro dzakaipa dzechivi chaAdhama nokuda kwaavo vane kutenda Maari. Nokudaro, “kupfurikidza nokururamiswa kumwe,” kwete nokuteerera Mutemo waMosesi, “vanhu vose vakaruramiswa nokuda kwoupenyu.”—VaRoma 5:18.
KUPINDURA ZVIRAMBIDZO
Kana, kunyanguvezvo, maKristu asiri pasi poMutemo, chii chinofanira kuadzivisa kufambira mberi nokuita zvivi nokuvimba nokururamiswa zvawo, kuonga kutsitsi dzisakafanirwa dzaMwari? Pauro anopindura ichi chirambidzo muna VaRoma ganhuro 6. MaKristu akafa kunzira yawo yomunguva yakapfuura yechivi. Upenyu hwavo hutsva muna Jesu hunovapa musengwa wokurwisa utera hwavo hwenyama. Iye anokurudzira, kuti: “Musarega chivi chichipfuurira kutonga samambo mumiviri yenyu inofa.”—VaRoma 6:12, NW.
Asi vaJudha, zvavo voga, havafaniri kungonamatira kuMutemo waMosesi here? Muganhuro 7, Pauro anosanotsanangura kuti ikoku hakuna kudaro. Kungofanana nomukadzi akaroorwa anosunungurwa mumutemo womurume wake apo anofa, naizvozvo rufu rwaJesu rwakasunungura vaJudha vanotenda mukuzviisa pasi poMutemo. Pauro anoti: “Imi makaitwa vakafa kuMutemo nomuviri waKristu.”—VaRoma 7:4.
Ikoku kunoreva here kuti pakanga pane chimwe chinhu chakashata noMutemo? Nyangwe napaduku pose. Mutemo wakanga wakakwana. Chinetso chakanga chiri chokuti vanhu vasina kukwana vaisagona kuteerera Mutemo. “Tinoziva kuti Mutemo ndowomudzimu,” akanyora kudaro Pauro, “asi ini ndiri wenyama, akatengeswa muzvivi.” Munhu asina kukwana haagoni kuchengeta Mutemo wakakwana waMwari naizvozvo anoshurikidzwa nawo. Kunoshamisa sei, ipapoka, kuti “avo vari muhumwe naKristu Jesu havashurikidzwi”! MaKristu akazodzwa akasarudzwa nomudzimu kuva vanakomana vaMwari. Mudzimu waJehovha unovabetsera kurwisana nokusakwana kwenyama. “Ndianiko achakwirira vasanangurwa vaMwari? Mwari ndiye unovaruramisa.” (VaRoma 7:14; 8:1, 33) Hapana chinhu chinogona kuvaparadzanisa norudo rwaMwari.
KURURAMA NAVAJUDHA VOKUNYAMA
Kana Mutemo usisiri madikanwa, ikoku kunosia papi rudzi rwaIsraeri? Uye zvakadiniko namagwaro ose iwayo anopikira kudzorerwa kwaIsraeri? Iyi mibvunzo inokurukurwa muna VaRoma ganhuro 9 kusvikira ku 11. Magwaro echiHebheru akadeya kutaura kuti vashomanene bedzi vavaIsraeri vaizoponeswa uye kuti Mwari aizotendeudzira ngwariro yake kumarudzi. Mutsinhirano naikoku, mauporofita pamusoro pokuponeswa kwaIsraeri anozadzikwa kwete naIsraeri wokunyama asi neungano yechiKristu, iyo inoumbwa nomusimboti wavaJudha vokunyama vanotenda ndokuzadzwa naVamarudzi vane mwoyo wakarurama.—VaRoma 10:19-21; 11:1, 5, 17-24.
NHEYO DZOKURURAMA
Muna VaRoma ganhuro 12 kusvikira ku 15, Pauro anopfuurira kutsanangura nzira dzinoshanda idzo maKristu akazodzwa anogona kurarama nadzo mutsinhirano nokururamiswa kwawo. Somuenzaniso, iye anoti: “Ipai miviri yenyu chive chibairo chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, basa rinoyera nesimba renyu rokufunga. Uye musaenzaniswa netsika ino yezvinhu, asi shandurwai kupfurikidza nokuvandudza ndangariro yenyu.” (VaRoma 12:1, 2, NW) Tinofanira kuvimba nesimba rezvakanaka ndokurega kurwisa chakaipa nechakaipa. “Musakundwa nezvakaipa,” akanyora kudaro muapostora, “asi kundai zvakaipa nezvakanaka.”—VaRoma 12:21.
Roma yakanga iri nzvimbo yezvamatongerwe enyika muzuva raPauro. Nokudaro, Pauro akapa zano nokuchenjera maKristu, achiti: “Mweya yose ngaizviise pasi pamasimba makuru, nokuti hakuna simba riripo risina kuiswa naMwari.” (VaRoma 13:1) Kubata kwamaKristu nomumwe nomumwe kuriwo rutivi rwokurarama mutsinhirano nokururama. “Musava nechikwereti nomunhu,” anodaro Pauro, “asi mudane, nokuti unoda hama yake, unozadzisa murairo.”—VaRoma 13:8.
Kupfuurirazve, maKristu anofanira kurangarira hana yomumwe nomumwe ndokusava anotonga. Pauro anokurudzira, kuti: “Naizvozvo ngatitsvake izvo zvinouyisa rugare nezvatingasimbisana nazvo.” (VaRoma 14:19) Izano rakaisvonaka zvakadini rokushandisa murutivi rwuri rwose rwoupenyu hwomuKristu! Ipapo, VaR muganhuro 16, Pauro anogumisa nekwaziso dzomunhu oga namashoko okupedzisira ekurudziro nezano.
NOKUDA KWAVAKAZODZWA NAMAMWE MAKWAI
Musoro unokurukurwa muna VaRoma wakanga uchikosha muzana rokutanga ramakore uye uchiri weitiro hanya huru nhasi. Kururama noupenyu husingaperi ndezvefariro huru kuvabatiri vose vaJehovha. Chokwadi, VaRoma akanyorwa kuungano yamaKristu akazodzwa, nepo nhasi vazhinji veZvapupu zvaJehovha vari ve“boka guru” uye vane tariro yapasi. (Zvakazarurwa 7:9, NW) Kunyanguvezvo, iyi tsamba ine shoko rinokosha zvikuru nokuda kwaivavawo. Chii?
Bhuku raVaRoma rinobvumikisa kuti maKristu anoruramiswa kupfurikidza nokutenda. Nokuda kwavakazodzwa, ikoku kuri nomurangariro wokuva kwavo vabati ushe pamwe chete naJesu muUmambo hwokudenga. Zvisinei, mitezo yeboka guru inoruramiswawo, asi se‘shamwari dzaMwari,’ sezvakanga zvakaita tateguru Abrahama. (Jakobho 2:21-23) Kururama kwavo kuri nomurangariro wokupukunyuka kwavo dambudziko guru, uye kunotsamira pakutenda muropa raJesu, kungofanana nezvazvakaita navakazodzwa. (Pisarema 37:11; Johane 10:16; Zvakazarurwa 7:9, 14) Nokudaro, kurangarira kwaPauro muna VaRoma ndokweitiro hanya huru kumamwe makwai pamwe chete navakazodzwa. Uye zano rakaisvonaka rebhuku racho rokurarama mutsinhirano nokururamiswa kwedu rinokosha nokuda kwamaKristu ose.
The Book of Life, rakarongwa navanaChiremba Newton Marshall Hall naIrving Francis Wood, rinoti: “Pamusoro porutivi rwenharo nedzidziso [VaRoma] anosvika mwero mukurusa wedzidziso yakafuridzirwa yaPauro. Iye anoremekedza, anongwarira pakutaura, asi kunyanguvezvo ane chiremera. . . . Fundo yeiyi tsamba inounza tuso yayo imene yakapfuma nehuru.” Huregererei kuzviravira umene iri bhuku ndokufarira “mashoko akanaka” arinawo, ayo ari “simba raMwari roruponeso.”—VaRoma 1:16, NW.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24]
“Hakune simba [renyika] risina kubva kuna Mwari.” Ikoku hakurevi kuti Mwari anoisa mutongi mumwe nomumwe munzvimbo. Panzvimbo pako, vatongi venyika varipo bedzi kupfurikidza nemvumo yaMwari. Muzvinoitka zvakawanda, vatongi vavanhu vaideya kuonwa ndokudeya kutaurwa naMwari nokudaro “akaiswapo naMwari.”—VaRoma 13:1.
[Kwazvakatorwa]
Museo della Civiltá Romana, Roma
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]
MaKristu anoudzwa kuti: “Pfekai Ishe Jesu Kristu.” Ikoku kunoreva kuti anofanira kusanotevera makwara aJesu, achimutevedzera kupfurikidza nokuisa fariro dzomudzimu panzvimbo pedzenyama pakutanga muupenyu hwavo, nokudaro, “havasati . . . vachitsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.”—VaRoma 13:14.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]
Pauro akaudza VaRoma ku“kwazisana nokusveta kutsvene.” Zvisinei, pano akanga asati ari kutanga tsika itsva yechiKristu kana kuti muitiro worudzidziso. Muzuva raPauro, kutsvoda pahuma, miromo, kana kuti ruoko kwaiwanzoitwa sechiratidzo chokukwazisa, chidakadaka, kana kuti ruremekedzo. Nokudaro, Pauro aingonongedzera zvake kutsika yakanga ichizivikanwa navose muzuva rake.—VaRoma 16:16.