RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 9/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Chinorehwa Nomutemo waMosesi Kwauri
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Mutemo waKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • VaRoma Vanowana Mashoko Akanakisisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 9/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ Zvii zvakanga zviri “zvakanaka” izvo muapostora Pauro aisagona kuita, sezvaakadudza pana VaRoma 7:19?

Zvikurukuru, Pauro akanga achinongedzera kukusakwanisa kwake kuita zvinhu zvakanaka zvose zvakarongwa muMutemo waMosesi. Ikoko kwakanga kusingabviri nokuda kwaPauro navamwe vose, kubatanidza isu, nemhaka yokusakwana nokutadza. Asi hapana dikanwo yokuora mwoyo. Chibairo chaKristu chakazarura nzira yekanganwiro inoitwa naMwari nechimiro chakanaka Naye.

VaRoma 7:19 inorava, kuti: “Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita.” Mashoko akapoteredza anoratidza kuti Pauro akanga achitaura zvikurukuru pamusoro pe“zvakanaka” mupfungwa yechakanga chataurwa muMutemo. VaR 7 Mundima 7 iye akanga ati: “Murairo zvivi here? Haisva! Asi handizaiziva zvivi kana murairo usaivapo; nokuti handizaiziva kuchiva, kana murairo usina kuti: ‘Usachiva.’” Hungu, Mutemo wakajekesa kuti sezvo ivo vaisagona kuuchengeta zvakakwana, vanhu vose vaitadza.

Pauro akapfuurira kududza kuti iye akanga ari “mupenyu kare kunze kwomurairo.” Ndirini pakwakanga kwakadaro? Eya, apo iye akanga ari muhudyu dzaAbrahama Jehovha asati agovera Mutemo. (VaRoma 7:9; enzanisa naVaHebheru 7:9, 10.) Kunyange zvazvo Abrahama akanga asina kukwana, Mutemo wakanga uchigere kupiwa, naizvozvo akanga asingayeuchidzwi nezvokutadza kwake kupfurikidza nokukundikana kuchengeta mirairo yawo yakawanda. Ikoko kunoreva here kuti apo bedzi Mutemo wakapiwa ndokuratidza kusakwana kwavanhu, iwo wakabudisa miuyo yakashata? Aiwa. Pauro akapfuurira, kuti: “Naizvozvo murairo mutsvene, nomutemo mutsvene, wakarurama, wakanaka.”—VaRoma 7:12.

Cherekedza kuti Pauro akarondedzera Mutemo so“mutsvene” uye “wakanaka.” Mundima dzinotevera, iye akatsanangura kuti “zvakanaka”—Mutemo—wakajekesa kuti akanga ari mutadzi, uye ichi chivi chakamuita akafanirwa norufu. Pauro akanyora, kuti: “Zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.”—VaRoma 7:13-20.

Muaya mashoko akapoteredza, ipapoka, Pauro akanga asiri kutaura nezvezvakanakawo zvose, kana kuti mabasawo zvawo omutsa. (Enzanisa naMabasa 9:36; VaRoma 13:3.) Iye akanga achinongedzera zvikurukuru kukuita (kana kuti kusaita) zvinhu izvo zvaitsinhirana noMutemo wakanaka waMwari. Kare iye akanga ashandisa nokushingaira rudzidziso rwechiJudha uye—achienzaniswa navamwe—akanga “asina mhaka.” Kunyanguvezvo, kunyange zvazvo mundangariro yake akanga ave ari muranda anoshingaira kuMutemo iwowo wakanaka, iye akanga achiri asingararami mutsinhirano nawo zvizere. (VaFiripi 3:4-6, NW) Mutemo wakaratidzira mipimo yakakwana yaMwari, uchiratidza muapostora kuti munyama yake akanga achiri muranda kumutemo wechivi uye nokudaro akashurikidzirwa kurufu. Zvisinei, Pauro aigona kuva anoonga kuti kupfurikidza nechibairo chaKristu akaruramiswa—akanunurwa mumutemo wechivi nomuuyo wawo wakafanira, tongero yorufu.—VaRoma 7:25.

MaKristu nhasi haasi pasi poMutemo waMosesi, nokuti wakarovererwa kudanda rokutambudzira. (VaRoma 7:4-6; VaKorose 2:14) Bva tinoita zvakanaka kuziva kuti rakanga risiri bumbiro remitemo rinorema ratingakanganwa zvedu. Aiwa, zvikurukuru Mutemo wakanga wakanaka. Isu nokudaro tine chikonzero chokurava mabhuku eBhaibheri ane Mutemo nokudzidza icho waida kuna Israeri. Zvapupu zvaJehovha kupota pasi zvichakurumidza kuva zvichiita izvozvo, kuomerera kukurava kwazvo Bhaibheri kwevhiki nevhiki.

Sezvatinorava Mutemo, tinofanira kurangarira nheyo dzinosimbisa mirairo yawo yakasiana-siana nebetsero vanhu vaMwari vaiwana sezvo vaiedza kutevera mirairo iyoyo yakanaka. Tinofanira kunzwisisawo, kuti hatina kukwana uye nokudaro hatikwanisi kutevera zvakakwana zvakanaka izvo tinodzidza muShoko raMwari. Asi tichirwisana nomutemo wechivi, tinogona kufara pamusoro pekariro yokusunungurwa kupfurikidza nokushanda kwechibairo chaKristu kwatiri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe