Kushanda Nokuvimbika naJehovha
“Mwari, makandidzidzisa kubva paujaya hwangu, kusvikira zvino ndadudzira mabasa enyu anoshamisa.”—PISAREMA 71:17.
1. Neiko tichigona kutaura kuti basa chipo chakabva kuna Jehovha?
BASA ndichimwe chezvipo zvaMwari kumunhu. Kuvabereki vedu vapakuvamba, Adhama naEvha, Jehovha akati: “Zadzai pasi ndokurikurira.” Iwoyo wakanga uri mugove webasa unodenha asi uyo wavaigona kusanoita. Nhamburiko yomuviri neyendangariro zvaidikanwa zvaizowedzera mufaro wavo wokurarama, kupfuura chinhu chipi nechipi chakawanwa nemhuka idzo dzakagoverana musha wavo wapasi.—Genesi 1:28, NW.
2, 3. (a) Basa razovei nokuda kwavazhinji nhasi, uye nei? (b) Ibanzai rokuita basa chairo ratinofanira kurangarira?
2 Kunyange mumugariro wedu usina kukwana, “basa rakaoma” rinoguma ne“zvakanaka” “chipo chaMwari,” sokunyora kwakaita murume akachenjera Soromoni. (Muparidzi 3:13, NW) Munhu achiri kuda kubatikana mano ake endangariro nomuviri. Kusashanda kunoodza mwoyo. Bva, harisati riri basa rose rakanaka kana kuti rakafanira. Nokuda kwavazhinji, basa rakaoma, rinoitwa nokuda kwokuwana chokurarama nacho.
3 Zvisinei, kune basa rinotusa zvirokwazvo umo vose vanokokwa kugoverana. Asi kune vashori vazhinji nezvinetso zvokukurira nokuda kwaavo vanotora rutivi mariri. Neiko kuchikosha kuti tikwanirise nokuda kweiri basa? Tinoita sei saizvozvo? Tisati tapindura iyi mibvunzo, ngatitangei kurangarira:
Tiri Kushandira Ani?
4. Ibasa rorudzii rakaunza mufaro negutsikano kuna Jesu?
4 Jesu Kristu akati: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwowakandituma nokupedza basa rake.” (Johane 4:34) Kushandira Jehovha nokuvimbika kwakaunzira Jesu mufaro mukuru negutsikano. Kwakamupa donzo muupenyu, uye pamugumo woushumiri hwake hwamakore matatu nehafu, aigona nenzira yechokwadi kutaura kuna Baba vake vokudenga, kuti: “Ndakakukudzai panyika, ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite.” (Johane 17:4) Sezvo zvokudya zvokunyama zvichitsigira, ndizvo zvinoitawo basa rine ukoshi hwomudzimu. Jesu akasimbisa ikoku pane imwe nhambo apo akapa zano, kuti: “Musabatira zvokudya zvinopera, asi zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi.” (Johane 6:27) Mukupesana, basa risingabereki zvibereko mumudzimu rinotungamirira kuvhiringidziko norufu.
5. Ndiani akashora basa rakanaka rakaitwa naJesu, uye nei?
5 “Baba vangu vakaramba vachishanda kusvikira zvino, uye ini ndinoramba ndichishanda.” Jesu akataura iyi tsinhiro kuvaJudha avo vakanga vachimutsoropodza nemhaka yokuti pazuva reSabata akarapa munhu akanga ave achirwara kwamakore 38. (Johane 5:5-17, NW) Kunyange zvazvo Jesu akanga achiita basa raJehovha, vashori vorudzidziso vakaramba kubvuma idi iroro uye vakaita chinhu chiri chose chavaigona kuti vamumise. Neiko? Nemhaka yokuti vakanga vachibva kuna baba wavo, Satani Dhiabhorosi, uyo akashora nguva dzose basa raJehovha. (Johane 8:44) Sezvo Satani achigona ‘kuzvishandura amene kuva ngirozi yechiedza,’ achishandisa “kunyengera kwose kwokusarurama,” tinoda nzwisiso yomudzimu nokufunga kwakajeka kuti tizive mabasa ake nokuda kwezvaari. Tikasadaro, tingazviwana timene tichishanda tichishora Jehovha.—2 VaKorinte 11:14; 2 VaTesaronika 2:9, 10, NW.
Vashori Vanoshanda
6. Neiko vawi pakutenda vari “vashandi vanonyengera”? Enzanisira.
6 Vamwe, kufanana navawi pakutenda vakati nhasi, vari kushanda nokusavimbika savashandiri vaSatani vokunetesa kutenda kwemitezo ichangobva kusonganirana yeungano yechiKristu. (2 VaKorinte 11:13) Panzvimbo pokungoshandisa Bhaibheri sohwaro hwedzidziso dzechokwadi, vanopa ngwariro pakuedza kuzvidza New World Translation of the Holy Scriptures, sokunge Zvapupu zvaJehovha zvinotsamira chose chose pariri nokuda kwetsigiro. Asika ikoku hakuna kudaro. Kworutivi rwukurusa rwezana ramakore, Zvapupu zvakashandisa zvikurukuru King James Version, Douay Version yeRoma Katurike, kana kuti shanduro dzipi nedzipi dzakanga dzichiwanika mumutauro wazvo, kudzidza zvokwadi pamusoro paJehovha namadonzo ake. Uye zvakashandisa idzi shanduro dzekare mukuzivisa zvokwadi pamusoro pomugariro wavakafa, ukama pakati paMwari noMwanakomana wake, uye chikonzero nei boka duku bedzi richienda kudenga. Vanhu vanoziva vanozivawo kuti Zvapupu zvaJehovha zvinopfuurira kushandisa shanduro zhinji dzeBhaibheri mubasa razvo rokuparidzira evhangeri munyika yose. Chifo cha 1961, zvisinei, zvakafarikanya nenzira yakawedzerwa kushandiswa kweNew World Translation, neshanduro yayo yazvino uno, yakarurama nokuravika kwakaisvonaka.
7. (a) Neiko Jesu achiramba vazhinji avo vanotaura kutenda maari? (b) Neiko kuchikosha kuteerera zano riri pana 1 Johane 4:1?
7 Jesu akati aizoramba vazhinji avo vanotaura kuti vanotenda maari. Iye akabvuma kuti vangaporofita, kudzinga madhemoni, uye “kuita mabasa mazhinji esimba” muzita rake. Bva, anozivisa iwaya samabasa “okusateerera mutemo.” (Mateo 7:21-23) Neiko? Nemhaka yokuti havasati vari kuita kuda kwaBaba vake vokudenga uye havana kufanira kana toreva nezvaJehovha Mwari. Mabasa echienzi, kunyange anoratidzika kuva enenji nhasi, anogona kungobva kunomunyengeri mukuru, Satani. Muapostora Johane, achinyora tsamba yake yokutanga yavose anopfuura makore 60 pashure porufu rwaJesu norumuko, akapa zano rokuti maKristu “haafaniri kudavira shoko riri rose rakafuridzirwa, asi kuedza mashoko akafuridzirwa kuona kana achibva kuna Mwari.” Tinofanira kuita zvimwe chetezvo.—1 Johane 4:1, NW.
Mabasa Asingatusi
8. Tinofanira kunzwa sei pamusoro pamabasa enyama?
8 Kunyange kana tisingapindi mubasa risingabereki zvibereko mumudzimu, mabasa edu haana maturo kana akapfuurira kutarisira zvishuvo zvenyama yedu yakawa. Muapostora Petro akataura kuti takapedza nguva refu yakaringana tichiita “kuda kwavahedheni . . . nokufamba noutere, kuchiva, kunwa waini, kutamba kwakaipa, mabira, uye kunamata zvifananidzo zvisakafanira.” (1 Petro 4:3, 4) Ikoku hakusati kuchireva, chokwadika, kuti vose avo zvino vari maKristu akazvitsaurira vakapinda mumibato yakadaro, asi kunoreva kuti chimiro chaavo vakaita saizvozvo chinofanira kuva chakachinja nokukurumidza sezvo chiono chavo chomudzimu chakakura. Nyika ichavatuka nemhaka yokutendeuka kwavo; ikoko kunofanira kukarirwa. Bva, vanofanira kuchinja kana vachizova vashandi vakavimbika mubasa raJehovha.—1 VaKorinte 6:9-11.
9. Tinodzidzei muchinoitika cheChapupu icho chakavamba kurovedza somuimbi wenziyo dzemitambo?
9 Jehovha akatipa zvipo zvizhinji nokuda kwokufarikanya kwedu, nziyo dziri pakati pazvo. Zvisinei, sezvo “nyika yose iri musimba rowakaipa,” Satani Dhiabhorosi, ko ikoku hakubatanidzi nyika yenziyo here? (1 Johane 5:19, NW) Hungu, nziyo dzinogona kuva musungo wamanomano, sokuwana kwakaita Sylvana. Iye akava nebanza rokurovedza muFrance somuimbi wenziyo dzomutambo. “Ndakanga ndichine chishuvo chakasimba chokubatira Jehovha,” anotsanangura kudaro. “Ndakanga ndichifarikanya kuita upiona hwebetsero uye ndaikarira kubatanidza izvi zvinhu zviviri muupenyu hwangu. Asi chinetso chokutanga chandaifanira kutarisana nacho mukuronda basa rangu chakanga chiri utere. Pakutanga, vasonganiri vangu vaindirangarira sowechinyakare apo ndaisabvumirana nokutaura kwavo kwoutere nomuenzaniso. Gare gare, mhoteredzo yakaipa yakatanga kundigomadza, ichindiita kuti ndive anoshivirira zvinhu izvo Jehovha anovenga. Mumwe wavadzidzisi vangu akaramba achindikurudzira kuita rudzidziso rwangu rwokuimba, uye ndakadzidziswa kuva akashinga pachikuva uye kufunga kuti ndakanga ndiri mukuru kupfuura munhu ari wose zvake. Zvose izvozvi zvakandiita kuti ndive asina kusununguka zvikuru. Pakupedzisira, ndaifanira kugadzirira nokuda kwomuedzo chaiwo. Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andijekesere kuti inzira ipi yandinofanira kufamba nayo. Kunyange zvazvo ndaiimba zvakanaka uye ndainzwa ndine chivimbo, ndakanga ndisiri pakati paavo vakasarudzwa. Pakupedzisira, ndakaziva chikonzero nei—miuyo yakanga yadeya kusarudzwa pachine nguva mberi kare kare pamberi pamakwikwi acho. Asi ndakava nemhinduro yakajeka kumunyengetero wangu uye ndakasarudza kurega chikuva chemitambo yenziyo kuti ndidzidzise kuimba ndiri pamusha.” Iyi hanzvadzi gare gare yakaroorwa nomukuru muungano yechiKristu, umo vose vari vaviri vanobatira zvino nokuvimbika kufambisira mberi fariro dzoUmambo.
10. Chii chaunogumisa mumashoko aJesu ari pana Johane 3:19-21?
10 Jesu akati: “Nokuti mumwe nomumwe unoita zvakaipa unovenga chiedza haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena.” Pane rumwe rutivi, “unoita zvokwadi unouya pachiedza, kuti mabasa ake aonekwe kuti akaitwa naMwari.” (Johane 3:19-21) Chikomborero chakadini kuva anoshanda mutsinhirano nokuda kwaJehovha nedonzo! Asi kukuita nenzira inobudirira, tinofanira nguva dzose kubvumira mabasa edu kunzverwa muchiedza cheShoko raMwari. Hatina kukwegura zvikuru uye hakusati kuri kunyanyononoka zvokusagona kuchinja nzira yedu youpenyu uye kugamuchira kokero yokutanga kuita basa rakafanira raJehovha.
Kuita “Mabasa Akanaka” Nhasi
11. Chii icho vazhinji vanoronda sa“mabasa akanaka,” uye neiko akadaro achigona kutungamirira kukuvhiringidzika?
11 Basa rakafanira nhasi rinofanira kuratidzira kurumidziro yenguva dzedu. Vanhu vazhinji vapachokwadi vanobvuma uye vanozvibatikanisa vamene namabasa ayo kazhinji kazhinji anorondedzerwa sa“mabasa akanaka,” anoitwa nokuda kwebetserwo yorudzi rwose rwomunhu kana kuti nokuda kwedonzo rimwe rakananga. Bva, urwu rudzi rwebasa runogona kuva runovhiringidza sei! MuBritain, CAFOD (Catholic Fund for Overseas Development), ichishuma pamusoro penhimbe yayo yokubatsira vane nzara, yakati: “Makore matatu apfuura . . . mamirioni epondo akaunganidzwa nokuda kweyamuro yokubatsira. Zviuru zvoupenyu zvakaponeswa. Zvino upenyu ihwohwo hwava mungozi zvakare . . . Asi neiko? Chii chakaipa?” Ichipfuudzira nhauro yayo, CAFOD Journal inotsanangura kuti zvinetso zvenguva refu hazvina kutongotarisirwa uye kuti “mari yaidikanwa zvikuru kwazvo nokuda kwevandudziko yomunhu yakashandiswa kutsigira rwisano [hondo yavagari vemo].” Mukusapanikira, wakanzwa mifungo yakafanana inodzokororwa namasangano anobetsera anoita basa rakafanana.
12. Ndeipi iri mhinduro bedzi kuzvinetso zvakatarisana nenyika nhasi?
12 Nzara chinetso chekurumidziro. Bva, ndivanaani vari kuziva ngwavaira dzanhasi dzenzara nehondo sedziri kuzadzika uporofita hwaJesu Kristu, hunonongedzera kumugumo wetsika iripoyi yezvinhu? (Mateo 24:3, 7) Ndivanaani vakabudisa ufakazi hunobatanidza izvi zvinoitika nokutasva kwavatasvi vana vamabhiza vanoratidzirwa zvakajeka mubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa, ganhuro 6? Nguva dzose, Zvapupu zvaJehovha zvakaita saizvozvo nokuvimbika mumagazini ino. Neiko? Kuratidza kuti munhu haagoni kuita mushonga upi noupi unogarisa. Ikoku hakusati kuchireva kuti maKristu haakendengi kuzvinetso zvenyika. Nyangwe. Ane mutsa uye achaita zvose zvaanogona kuderedza kutambura. Bva, anotarisana zvapachokwadi neidi rokuti pasina kupindira kwoumwari, zvinetso zvenyika hazvisati zvichizotongopedzwa. Kufanana navarombo, izvi zvinetso zvicharamba zviripo chero bedzi Satani achibvumidzwa kupfuurira somutongi wenyika ino.—Marko 14:7; Johane 12:31.
Basa Roukoshi Hukurusa
13. Nderipi riri basa rekurumidziro zvikurusa nhasi, uye ndivanaani vari kuriita?
13 Chinodikanwa chekurumidziro zvikurusa nhasi kuparidzira mashoko akanaka okuti Umambo hwaJehovha Mwari huchakurumidza kutsiva hurumende dzose dzenyika ndokuunza nyaradzo iyo vanhu vanotya Mwari vanoshuva. (Dhanieri 2:44; Mateo 24:14) Jesu Kristu akaita kuparidzirwa kwoUmambo hwokudenga donzo rake guru muupenyu, kunyange zvazvo kuparidzira kwake kwakanga kwakaganhurirwa kunyika yeParestina. Nhasi, tambanuko youku kuparidzira ndeyenyika yose, kungofanana neizvo Jesu akataura kuti kwaizodaro. (Johane 14:12; Mabasa 1:8) Kuva negoverano, kunyange duku, mubasa raMwari, iropafadzo isingaenzaniswi. Varume navakadzi, vakuru navaduku zvakafanana, avo pane imwe nguva vasina kutongofungidzira kuva vaparidzi vamashoko akanaka vari pamberi pebasa rokuparidzira evhangeri riri kuitwa neZvapupu zvaJehovha nhasi. Kufanana naNoa nemhuri yake, vari kuita basa raMwari nokuvimbika mukutuma kunobva Kwaari, uye naizvozvo musimba Rake, samavambo kumugumo wetsika ino yezvinhu.—VaFiripi 4:13; VaHebheru 11:7.
14. Kuparidzira kunoponesa upenyu sei uye panguva imwe cheteyo taviridziro?
14 Basa rokupupurira rinoitwa neZvapupu zvaJehovha mukati maaya mazuva okupedzisira rinoponesa upenyu hwaavo vanoteerera uye vanoita chimwe chinhu pamashoko akanaka avanonzwa. (VaRoma 10:11-15) Itaviridzirowo nokuda kwaavo vanoparidzira. Kupfurikidza nokuva vanofarira zvapachokwadi kubetsera vanhu vane zvinetso zvikuru kupfuura zvedu timene, sezvingabvira tichava vanonyanyoitira hanya zvishoma zvinetso zvatingave nazvo. Tinoziva kuti nyika ino yemipimo iri kuderera ingazoita kuti tiwirirane nenzira dzayo. Naizvozvo kuzadza ndangariro dzedu nemifungo yaMwari mukati mokuparidzira kwedu kunopfuura zvikuru kusimbisa kutenda; kuri mufariro dzedu dzakanakisisa. Sokutaura kwakaita chimwe Chapupu, kuti: “Kana ndisati ndichiedza kuchinja vanhu vandinosangana navo, ivo vangagona kundichinja!”—Enzanisa na 2 Petro 2:7-9.
Kushanda Neungano
15. Mitoroi inova pavafudzi vaduku nhasi, uye mitezorume yeungano inofanira kunzwa sei nemhaka ya 1 Timotio 3:1?
15 Apo vachangobva kufarira vanouya kuungano, vanouya mutarisiro yoMufudzi Mukuru, Jehovha Mwari, uye Mufudzi wake Akaisvonaka, Jesu Kristu. (Pisarema 23:1; Johane 10:11) Ava Vafudzi vokudenga vanomirirwa pano pasi pano navafudzi vaduku vakavimbika veboka, varume vanogadzwa mukati meungano. (1 Petro 5:2, 3) Kuva nebasa rakadaro iropafadzo inokosha muano mazuva okupedzisira. Basa ravafudzi rinorema, kubatanidza kwete bedzi kutungamirira mukudzidzisa muungano nomukuparidzira evhangeri asiwo kudzivirira boka pavaparadzi vomudzimu nokurovanya kwemhepo dzakafanana nedutu dzenyika umo tinogara. Hakuna basa rakafanira zvikuru iro mitezorume yeungano ingaona kuva iri kusvasvavirira kupfuura iro rokubetsera kutarisira garikano yomudzimu yemitezo yeungano yechiKristu iri kukura.—1 Timotio 3:1; enzanisa naIsaya 32:1, 2.
16. Munzirai umo vafudzi vaduku vechiKristu vanokwanisa mumwe nomumwe?
16 Hatifaniri kutongokanganwa, zvisinei, kuti vafudzi vakadaro ndevehunhu, vane hunhu hwakasiana nokukundikana kwakafanana navasara vose veboka. Nepo mumwe angaita zvakanaka murutivi rwakati rwokufudza, zvipo zvomumwe zvichabetsera ungano murutivi rwakasiana. Mabasa avo savakuru vechiKristu anokwanisa mumwe nomumwe kuti vasimbise ungano. (1 VaKorinte 12:4, 5) Mudzimu wamakwikwi hautongofaniri kupinda pakati pavo. Vanoshanda pamwe chete kutaviridzira nokufambisira mberi fariro dzoUmambo, “vachisimudza maoko akavimbika” mumunyengetero kuna Jehovha, vachitsvaka chikomborero chake nenhungamiro parangariro dzavo dzose nezvisarudzo.—1 Timotio 2:8, NW.
17. (a) Musengwai watinawo? (b) Zvinhui zvatinofanira kudzivisa kana tichizoita musengwa wedu zvakakwana?
17 Basa rokuparidzira zvino riri kuva nekurumidziro yakawedzerwa sezvo mugumo woumambo hwaSatani unoswedera pedyo. Tine zvokwadi yeShoko raJehovha Mwari, seZvapupu zvake, tine musengwa wokuparadzira mashoko akanaka pabanza riri rose. Basa riripo rinopfuura rakakwana kutichengeta takabatikana, kusvikira kumugumo kumene. Hatitongofaniri kuzvibvumira timene kuti titsauswe nokutsvaka mufarwa kwakaipa, woutere kana kuti kuremekedzwa nokudisa zvenyika. Hatifaniri kubatanidzwa mukufunga kwokufungidzira, tichiitirana nharo pamusoro pamashoko, nokuti ikoku kunogona kubvumikisa kuva kusina maturo uye kunopambadza nguva. (2 Timotio 2:14; Tito 1:10; 3:9) Apo vadzidzi vakabvunza Jesu, kuti “Ishe, modzorera ushe kuna Israeri nenguva ino here?” Jesu akanangidzirazve kufunga kwavo kubasa rinokosha raivapo, achiti: “Muchava zvapupu zvangu paJerusarema napaJudhea napaSamaria nokusvikira kumugumo wenyika.” Basa iroro rinotambanukira kuzuva rino.—Mabasa 1:6-8.
18. Neiko kushanda naJehovha kuchitusa kwazvo?
18 Kushanda naJehovha, kuparidzira neungano yake yomunyika yose nhasi, kunounza mufaro, gutsikano, uye donzo chairoiro kuupenyu hwedu. Ibanza kuti mudi mumwe nomumwe waJehovha aratidzire kuzvipira noruvimbiko kwaari. Iri basa mumativi aro mazhinji harisati richizotongodzokororwa. Tine kariro youpenyu husingaperi yakajeka iri mberi, ngatipfuurirei nokuvimbika “kupa Mwari basa rinoyera norutyo rwoumwari norukudzo,” kurumbidzwo yake uye nokuda kworuponeso rwedu timene.—VaHebheru 12:28, NW.
Ndeipi Iri Mhinduro Yako?
◻ Jesu akawana mufaro negutsikano mubasai?
◻ Ndivanaani vanoshora basa raJehovha, uye nei?
◻ “Mabasa akanaka” enyika nokuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari zvinoenzana sei?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Jesu akatuma vadzidzi vake kundoparidzira