RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 7/1 pp. 26-29
  • Wakabatikana Mumabasa Akafa Here Kana Kuti Mubasa raJehovha?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wakabatikana Mumabasa Akafa Here Kana Kuti Mubasa raJehovha?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuziva Mabasa Akafa
  • Kudzivisa Mabasa Akafa
  • Ramba Wakabatikana Mubasa raJehovha
  • Betsero Dzokuva Akabatikana Mubasa raJehovha
  • Kutenda Nemabasa Zvinoita Kuti Tive Vakarurama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Iwe Unoonga Izvo Mwari Akaita Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kushanda Nokuvimbika naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kuponeswa, Kwete Nemabasa Oga, Asi Nomutsa Usina Kufanirwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 7/1 pp. 26-29

Wakabatikana Mumabasa Akafa Here Kana Kuti Mubasa raJehovha?

“NDINE urombo, asi ndakabatikana.” Ichi ndichimwe chezvirambidzo izvo Zvapupu zvaJehovha zvinosangana nazvo sezvazvinoparidzira pachena mashoko akanaka oUmambo. (Mateo 24:14) Uye nepo kutaura kuti “ndakabatikana” pane dzimwe nguva kuchiva chinhu chisingapfuuri pembedzo chaiyoiyo, zvokwadi ndeyokuti vanhu vazhinji vakabatikana. Vodokuva vapedzwa ne“funganyo dzetsika ino yezvinhu”—dzvinyiriro dzokuwana zvokurarama nazvo, kuripira zvikwereti, kuenda nokubva kubasa, kurera vana, kutarisira musha, motokari, uye zvimwe zvinhu.—Mateo 13:22, NW.

Zvisinei, nepo vanhu vangava vakabatikana zvamazvirokwazvo, vashomanene vakabatikana mumabasa anobetsera zvirokwazvo kana kuti anobudirira. Kwakaita seizvo murume akachenjera Soromoni akambonyora, kuti: “Nokuti munhu unowanei pamusoro pokubata kwake kwose, nokushingaira kwomwoyo wake, kwaanobata nako pasi pezuva. Nokuti mazuva ake ose inhamo bedzi, nokutambudzika kwake kuchema; zvirokwazvo kunyange usiku, mwoyo wake hauzorori. Naizvozvowo hazvina maturo.”—Muparidzi 2:22, 23.

Bhaibheri rinodanawo mubato usina maturo wakadaro kuti “mabasa akafa.” (VaHebheru 9:14) Mabasa akadaro anodzora upenyu hwako here? Ikoku kunofanira kuva kweitiro hanya huru kwauri somuKristu, sezvo Mwari acha“ripira kune mumwe nomumwe mukuwirirana nebasa rake.” (Pisarema 62:12, NW) Uye sezvo “nguva yasara yatapudzika,” tinofanira kuva vanoitira hanya zvikuru kuti hatisati tichipambadza nguva namabasa ayo ari akafa. (1 VaKorinte 7:29, NW) Asi ndeapi chaizvo ari mabasa akafa? Tinofanira kuarangarira sei? Uye tinogona sei kuva nechokwadi chokuti takabatikana namabasa ari oukoshi chaihwoihwo?

Kuziva Mabasa Akafa

Pana VaHebheru 6:1, 2 (NW), Pauro akanyora, kuti: “Nokuda kwechikonzero ichochi, zvino zvatakasiya dzidziso yapakuvamba pamusoro paKristu, ngatipfuurirei mberi kuukuru, tisingavanzarikizve hwaro, ndiko kuti, rupfidzo mumabasa akafa, uye kutenda kuna Mwari, dzidziso pamusoro porubhapatidzo uye kuiswa kwamaoko, rumuko rwavakafa norutongeso rusingaperi.” Cherekedza kuti “dzidziso yapakuvamba” yaibatanidza “rupfidzo mumabasa akafa.” SamaKristu, varavi vaPauro vakanga vatopfidza mabasa akafa akadaro. Seiko?

Vasati vagamuchira Kristu, vamwe muzana ramakore rokutanga vakanga vapinda mu“mabasa [akafa] enyama,” ndiko kuti, “ufeve, kusachena, mufambiro usingadzorwi, kunamata zvidhori, kushandiswa kwekurukurirano nemidzimu,” uye mamwe mabasa akaipa. (VaGaratia 5:19-21, NW) Asina kudzorwa, mabasa akadaro angadai akatungamirira kurufu rwavo rwomudzimu. Nenzira yengoni, kunyanguvezvo, maKristu iwayo akanga abva munzira yawo inoparadza, apfidza, uye a“shambidzwa.” Nokudaro akafarikanya chimiro chakachena naJehovha.—1 VaKorinte 6:9-11.

Haasati ari maKristu ose, kunyanguvezvo, aifanira kupfidza pamabasa ayo akanga ari akaipa kana kuti outere. Tsamba yaPauro yakanyorerwa zvikurukuru vatendi vechiJudha, vakawanda vavo pasina panikiro vakanga vasanonamatira kuMutemo waMosesi vasati vagamuchira Kristu. Mabasa akafa apiko, ipapoka, avakanga vapfidza? Zvirokwazvo pakanga pasina chinhu chakashata nokuva kwavo vakanga vatevera tsika nezvinodikanwa zvokudya zvoMutemo. Mutemo wakanga usati uri “mutsvene nowakarurama nowakanaka” here? (VaRoma 7:12, NW) Hungu, asi pana VaRoma 10:2, 3 (NW), Pauro akati pamusoro pavaJudha: “Ndinovapupurira kuti vane shingairo nokuda kwaMwari; asi kwete mukuwirirana nezivo yakarurama; nokuti, nemhaka yokusaziva kururama kwaMwari asi vachitsvaka kutanga kwavo vamene, havana kuzviisa vamene pasi pokururama kwaMwari.”

Hungu, vaJudha vaidavira nokukanganisa kuti kupfurikidza nokusanotevera Mutemo, vaigona kuwana ruponeso rwavo. Pauro, kunyanguvezvo, akatsanangura kuti “munhu anoruramiswa, kwete nemhaka yamabasa omutemo, asi bedzi kupfurikidza nokutenda kuna Kristu Jesu.” (VaGaratia 2:16, NW) Pashure pokunge rudzikinuro rwaKristu rwagoverwa, mabasa oMutemo—pasinei zvapo nokuti akanga ari matsvene kana kuti akaisvonaka sei—kunyange zvodini akanga ari mabasa akafa uye asina ukoshi mukuwana ruponeso. VaJudha vane mwoyo yakarurama nokudaro vakatsvaka nyasha dzaMwari kupfurikidza nokupfidza mabasa akafa akadaro nokubhapatidzwa kuratidzira tsauriro yavo.—Mabasa 2:38.

Tinodzidzei muna ikoku? Kuti mabasa akafa angabatanidza zvinopfuura mabasa akaipa kana kuti outere; anobatanidza basa ripi neripi rakafa mumudzimu, risina maturo, kana kuti risingabetseri. Asi maKristu ose haapfidzi mumabasa akafa akadaro pamberi porubhapatidzo rwavo here? Chokwadi, asi mamwe maKristu muzana rokutanga ramakore gare gare akawira mumufambiro woutere. (1 VaKorinte 5:1) Uye pakati pamaKristu echiJudha, pakanga pane kombamiro yokudzokera kukuita mabasa akafa oMutemo waMosesi. Pauro aifanira kuyeuchidza vakadaro kuti vasadzokere kumabasa akafa.—VaGaratia 4:21; 5:1.

Kudzivisa Mabasa Akafa

Vanhu vaJehovha nhasi naizvozvo vanofanira kuva vanongwarira kusawira mumusungo wamabasa akafa. Tinodenhwa parunodokuva rutivi rwuri rwose nedzvinyiriro dzokubvumirana pane zvisina kufanira mutsika, kuva asina kutendeseka, uye kupinda mumabasa omufambiro wakaipa wevatano. Kunosuruvarisa kutaura, zviuru zvamaKristu gore rimwe nerimwe zvinotera kudzvinyiriro dzakadaro uye, kana vasingapfidzi, vanodzingwa muungano yechiKristu. Kupfuura nakare kose, ipapoka, muKristu anofanira kuteerera pangiro yaPauro iri pana VaEfeso 4:22-24 (NW), inoti: “Bvisai hunhu hwekare hunowirirana nenzira yenyu yakare yomufambiro uye iri kushatiswa mukuwirirana noruchiva rwayo runonyengera; asi . . . munofanira kupfeka hunhu hutsva hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.”

Chokwadika, vaEfeso avo Pauro akanyorera vakanga vatopfeka hunhu hutsva kusvikira kutambanuko huru. Asi Pauro akavabetsera kunzwisisa kuti kuita saizvozvo kwakanga kuri muitiro unopfuurira! Pasina nhamburiko isingagumi, maKristu angagona kudzorerwazve kumabasa akafa kupfurikidza nezvishuvo zvinonyengera zvinopfuurira sepesvedzero inoshatisa. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nezvedu nhasi. Tinofanira kutamburira nguva dzose kupfeka hunhu hutsva, tisingahubvumiri kushatiswa namavara api naapi akawanwa munzira yedu yekare youpenyu. Tinofanira kudzivisa—kuvenga—chimiro chipi nechipi chamabasa akaipa enyama. “Vengai zvakaipa, imi munoda Jehovha,” anopangira kudaro wezvamapisarema.—Pisarema 97:10.

Nenzira inorumbidzwa, vazhinjisa vavanhu vaJehovha nhasi vakateerera iri zano ndokuramba vakachena mutsika. Vamwe, kunyanguvezvo, vakatsauswa namabasa asati ari hawo akaipa maari amene asi pakupedzisira asina maturo uye asingabetseri. Somuenzaniso, vamwe vakabatanidzwa chose chose mumazano okuita mari kana kuti mukuwanwa kwezvinhu zvokunyama. Asi Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Vanotsvaka kufuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa.” (1 Timotio 6:9) Nokuda kwavamwe, dzidzo yenyika yakabvumikisa kuva musungo. Chokwadi, mwero wakati wedzidzo yokunyika ungava uri madikanwa kuwana basa. Asi mukurondwa kunopedza nguva kwedzidzo yakakwirira yokunyika, vamwe vakazvikuvadza vamene mumudzimu.

Hungu, mabasa akawanda angasava akaipa mutsika maari amene. Asi kunyanguvezvo akafa kana asingawedzeri chaizvoizvo kuupenyu hwedu zvino kana kuti kutiwanira nyasha naJehovha Mwari. Mabasa akadaro anopedza nguva nesimba asi haapariri betsero dzomudzimu, haana kuzorodza kunogarisa.—Enzanisa naMuparidzi 2:11.

Pasina panikiro uri kutamburira zvakaoma kuva akabatikana mumibato yomudzimu yakafanira. Kunobetsera, kunyanguvezvo, kuzvinzvera umene nguva dzose. Nguva nenguva, ungazvibvunza umene mibvunzo yakadai sokuti: ‘Kutora rutivi kwangu mubasa nokupinda misangano kuri kutambura nemhaka yokuti ndakatora basa rokunyika risati riri madikanwa here?’ ‘Ndine nguva yenhandaro asi nguva shomanene yefundo yomunhu oga neyemhuri here?’ ‘Ndinoshandisa nguva yakawanda nesimba ndichitarisira zvinhu zvokunyama asi ndichikundikana kutarisira vanhu vanoshaiwa vari muungano here, vakadai savanorwara navakwegura?’ Mhinduro kumibvunzo iyoyi dzingazivisa dikanwo yako yokupa nzvimbo yokutanga huru zvikuru kumabasa omudzimu.

Ramba Wakabatikana Mubasa raJehovha

Sokutaura kunoita 1 VaKorinte 15:58 (NW), kune “zvakawanda zvokuita mubasa raShe.” Chokutangisisa ibasa rokuparidzira Umambo nokuita vadzidzi. Pana 2 Timotio 4:5, Pauro akakurudzira, kuti: “Ita kuparidzirwa kwaMashoko Akanaka basa roupenyu hwako, mubasa rinosanoitwa.” (Jerusalem Bible) Vakuru navabatiri vanoshumira vanewo zvakawanda zvokuita mukutarisira zvinodikanwa zveboka. (1 Timotio 3:1, 5, 13; 1 Petro 5:2) Misoro yemhuri—vazhinji vavo vari mubereki mumwe—vanewo mitoro inorema mukutarisira mhuri dzavo uye kubetsera vana vavo kukura muukama hwavo naMwari. Mabasa akadaro anogona kuva anonetesa, kunyange anorema, padzimwe nguva. Asi asati achitongova akafa, anounza gutsikano chaiyoiyo!

Chinetso ndeichi: Munhu anowana sei nguva yokuita mabasa ose iwaya ari madikanwa akafanira? Kuzviranga nokurongeka kwomunhu oga zvinokosha. Pana 1 VaKorinte 9:26, 27, Pauro akanyora, kuti: “Handimhanyi somunhu usingazivi; handirwi somunhu unorova mhepo; asi ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva akarashwa ndimene.” Imwe nzira yokushandisa nayo nheyo yourwu rugwaro yaizova yokunzvera panhambo nenhambo rudungwe rwako rwomunhu oga namararamire. Ungasanowana kuti unogona kubvisa chiverengero chakati chezvisati zviri madikanwa zvinopedza nguva yako nesimba.

Somuenzaniso, simba rako rakawanda nenguva zviri kupedzerwa pakutarira TV, nhandaro, kuravawo zvako, kana kuti mabasa okuzvifadza here? Mukuwirirana nenyaya iri muThe New York Times, mukuruwo zvake muUnited States anopinda mu“anopfuura zvishomanene maawa 30 pavhiki” okutarira TV. Zvirokwazvo, nguva yakadaro ingagona kushandiswa zviri nani! Mudzimai womumwe mutariri anofambira anoshuma, kuti: “Ndakadokuva akabvisa chose chose zvinopambadza nguva zvose, zvakadai sokutarira terevhizheni.” Muuyo wacho? Akakwanisa kurava enisaikoropedhia yeBhaibheri yamavhoriyamu maviri Insight on the Scriptures yose zvayo!

Ungafanirawo kurangarira kuti unogona kupfavisa mararamire ako kusvikira kutambanukoi. Soromoni akati: “Hope dzomunhu, unobata, dzakanaka, kana achidya zvishoma kana zvizhinji; asi kuguta kwomufumi hakumutenderi kuvata.” (Muparidzi 5:12) Yakawanda yenguva yako nesimba zvinopiwa kukutarisira zvinhu zvokunyama zvisati zviri madikanwa here? Chaizvoizvo, kana tikava nezvinhu zvakawanda, tinofanira kuchengeta zvinhu zvakawanda, kutorera inishuwarenzi, kugadziridza, uye kudzivirira. Kungava kukubetserwa kwako here kungozvibvisira umene zvinhu zvakati?

Kuva norudungwe chairwoirwo ndiimwe nzira yokushandisa nayo zviri nani nguva yako. Rudungwe rwakadaro runofanira kubatanidza kuda kwomunhu kufaranuka kana kuti nhandaro. Asi fariro dzomudzimu dzinofanira kupiwa nzvimbo yokutanga. Nguva inofanira kutsaurwa yokupinda misangano yose yeungano pahwaro hwenguva dzose. Ungasarudzawo pachine nguva mberi kuti mazuva api kana kuti manheru anogona kupiwa kubasa rokuparidza. Nokuronga kwokungwarira, ungatokwanisa kuwedzera goverano yako mubasa, zvichida kubatira sapiona webetsero nguva nenguva. Iva nechokwadi, kunyanguvezvo, chokuronga nguva nokuda kwefundo yomunhu oga neyemhuri, kubatanidza kugadzirira kwakakwana kwemisangano. Kupfurikidza nokuva akagadzirira, hausati uchizowana bedzi zvakawanda mumisangano iwe umene asi uchakwanisa zviri nani ku“nyandura kurudo namabasa akaisvonaka” kupfurikidza netsinhiro dzako.—VaHebheru 10:24, NW.

Kuwana nguva yokufunda kungada kurega zvimwe zvinhu kwakati. Somuenzaniso, mhuri dzeBheteri munyika yose dzinofumomuka mangwanani mamwe namamwe kuti dzive nekurukurirano yorugwaro rwezuva. Kungava kunobvira kuti iwe utenge nguva duku mangwanani mamwe namamwe nokuda kwefundo yomunhu oga here? Wezvamapisarema akati: “Ndakatangira mambakwedza, ndikadana; ndakatarira mashoko enyu.” (Pisarema 119:147) Chokwadika, kufumomuka kungada kuronga nguva ine mufungo yokundovata kuti ugone kuvamba zuva rinotevera wakasimba uye wakazorora.

Betsero Dzokuva Akabatikana Mubasa raJehovha

Kuva ne“zvizhinji zvokuita mubasa raShe” kunoda kuronga, chirango, uye kurega zvimwe zvinhu. Asi uchafarikanya betsero dzisingaverengeki somuuyo. Naizvozvo ramba wakabatikana, kwete mumabasa akafa kana kuti asina maturo ayo anounza kusagutsikana namarwadzo bedzi, asi mubasa raJehovha. Nokuti kuri kupfurikidza namabasa akadaro kuti unoratidzira kutenda kwako, unowana tendero yaMwari, uye, pakupedzisira, tuso youpenyu husingaperi!

[Mufananidzo uri papeji 28]

Kuita rudungwe chairwoirwo kunobetsera muKristu kushandisa nguva yake nokuchenjera zvikuru

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe