RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 9/1 pp. 10-14
  • Kuvimba naJehovha Kunounza Mufarwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuvimba naJehovha Kunounza Mufarwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuwana Donzo Muupenyu muIndia
  • Kudzokera muEngland
  • Ushumiri Hwakakudzwa muCanada
  • Makore Murambidzo
  • Upenyu Somutariri Anofambira
  • Maropafadzo Okuwedzera Ebasa
  • Upenyu Hwangu Musangano Rinotungamirirwa Nomudzimu raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kukudzwa Kwechimiro Chesangano
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Jehovha Anoita Nokuvimbika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 9/1 pp. 10-14

Kuvimba naJehovha Kunounza Mufarwa

YAKATAURWA NAJACK HALLIDAY NATHAN

Iwe zvichida wakanzwa kutaura kwokuti, “Kuberekerwa mumhuri yakapfuma.” Eya, apo ndakaberekwa shure muna 1897, ikoko kwakanga kuchidokuva chaikoiko kwandiri.

RAKANGA riri gore rechi 60 rokutonga kwaMambokadzi Victoria, chengeto yake yegore negore yechi 60. Vana vakaberekwa gore iroro muEngland vakapiwa chipunu chesirivha. Umambo hweBritain hwakanga huri mumbiri yahwo, huchiwana betsero yeIndustrial Revolution kumusha uye kutengeserana kunobudirira nenyika dzahwaitonga dzaiva kure.

Sekuru vangu vakanga vari muJudha, uye baba vangu vakava nyanzvi yechiHebheru, yaisanoziva muMagwaro echiHebheru. Asi ambuya vangu vakanga vari mwanasikana wabhishopu weAnglican, uye nemhaka yepesvedzero yavo, baba vangu vakagamuchira Jesu Kristu saMesia. Manyoro aCharles Taze Russell akapesvedzera vabereki vangu vose vari vaviri, naizvozvo hatina kutongodavira Utatu kana kuti dzidziso yehero yomwoto.

Mukati mouhwana hwangu, mabhiza akanga achiri mutoo mukuru wokufambisa muEngland, uye kwakanga kune zvokutakura zvishomanene zvisina mabhiza kana kuti motokari. Muna 1913, nemhaka yorudo rwangu rwamabhiza, ndakakumbanira boka rinofamba namabhiza ravarwi (militia) renyika. Nokutanga kweHondo yeNyika I, ndakachinjirwa kuvarwi venguva dzose ndokuendeswa kumuganhu weGirisi, uko ndakabata mararia. Gare gare, ndakatumirwa kumuganhu wokumadokero muFrance somuridzi wechigwagwagwa uye pakupedzisira ndakapinzwa mutorongo muna 1917 navaGermany.

Kuwana Donzo Muupenyu muIndia

Pashure pokunge hondo yaguma muna 1918, muEngland makanga musina basa rinowanika, naizvozvo ndakakumbanirazve varwi ndokuenda kuIndia sorutivi rwavarwi vanorinda guta munguva yorugare. Muna May 1920 mararia yakamukazve, uye ndakakwidzwa mumakomo kuzonaya. Ikoko ndakarava mabhuku ose andaigona kubata, kubatanidza Bhaibheri. Kurava Magwaro kwakasimbisa fariro yangu mukudzoka kwaShe.

Mwedzi yakati gare gare, zasi kuKanpur, ndakatanga boka refundo yeBhaibheri, ndichikarira kudzidza zvakawanda pamusoro pokudzoka kwaShe. Kwakanga kuri ikoko kwandakasangana naFredrick James, aichimbova murwi weBritain uyo zvino akanga ava Mudzidzi anoshingaira weBhaibheri. Iye akatsanangura kwandiri kuti Jesu akanga ave aripo chibviro cha 1914, asingaoneki kumunhu. Aya akanga ari mashoko anofadza zvikurusa andakanga ndisati ndambonzwa. Sundo yangu yokutanga yakanga iri yokubuda muvarwi. Kudeura ropa norufu zvehondo yeEurope zvakanga zvandisemesa. Ndakanga ndichida kuva mufundisi ane rugare ndokuparidzira aya mashoko akanaka pamusoro pokuvapo kwaKristu.

Zvisinei, varwi havana kubvuma kundisunungura. Panzvimbo pezvo, ivo vakanditumira kumadokero kweIndia, zvino Pakistan. Ndiri ikoko, ndakarava Studies in the Scriptures, rakanyorwa naCharles Taze Russell, uye ndakava anopwiswa zvikuru kupfuura nakare kose kuti ndinofanira kugamuchira danidzo yokuparidzira. Ndakavamba kuva nezviroto zvinotyisa izvo zvakandisiya ndaora mwoyo. Mukupererwa nezano rose ndakanyorera Hama James, uyo akandikoka kumba kwake muKanpur. Zuva randakasvika rakanga riri Chirangaridzo chorufu rwaShe. Zuva iroro rakava nesimba guru paupenyu hwangu—ndakasarudza zvose zviri zviviri kuramba ndisina kuroora nokuita ushumiri hwenguva yakazara nharidzano yangu muupenyu.

Kudzokera muEngland

Mukupera kwa 1921, ndakadzorerwa kuEngland, uye muchirimo cha 1922, ndakabudiswa muvarwi. Zhezha iroro J. F. Rutherford, purezidhendi wechipiri weWatch Tower Society, akauya kuEngland, uye ndakaenda navabereki vangu kunonzwa hurukuro yake paRoyal Albert Hall, London. Pashure payo, ndakasundwa kupa mabasa angu kuBheteri, seizvo hofisi dzamabazu dzeWatch Tower Society dzinodanwa, asi ndakakurudzirwa nomutsa kuita basa recolporteur (kuparidzira nguva yakazara) pakutanga. Naizvozvo ndakarega basa rangu ndokugamuchira mugove wendima kumaodzanyemba kweEngland. Pasina ruzivo rwokuzviwanira, koroni ($1,20) muhomwe yangu, uye chivimbo muna Jehovha, ndakatanga basa rangu somushumiri wenguva yakazara. Munenge muna March 1924, ndakakokwa kuBheteri.

Gore rakatevera racho, kunyanguvezvo, ndakakumbirwa kubva paBheteri, uye ndakakuvadzwa, ndichinzwa kuti ndakanga ndichirangwa nokuda kwechimwe chinhu chandakanga ndisina mutoro nokuda kwacho. Munguva pfupi iyoyo, Bheteri yakanga yava upenyu hwangu. Asi kupfurikidza nokuisa chinetso pamberi paJehovha mumunyengetero nokuvimba kuti kuda kwake kwaizoitwa, ndakakwanisa kupfuurira nomufaro mumugove woupiona wandakapiwa. Muna May 1926, ndakakokwa kudzokera kuBheteri, uko ndakagara kwamakore 11 akatevera.

Hama Rutherford akashanyira England zvakare muna 1936 uye akandikoka kuenda kuCanada kuzogoverana mubasa roUmambo ikoko. Zvisinei, nemhaka yokusanzwisisana, ndakawana kusatendera kwaHama Rutherford kupfurikidza nokubudisa mashoko akavanzika. Ndichiri kuyeuka mashoko ake chaiwoiwo: “Jack, handigoni kukuvimba. Tsemura matikiti ako!” Ndichinoitika chinoderedza zvakadini! Asi chakanga chiri chirango chinodikanwa zvikuru, uye pashure pacho, neimwe hama, ndakagoverwa sapiona kwemwedzi misere yakatevera. Iyi ropafadzo yebasa yakandibvisa mukuora mwoyo kwangu, uye ndakadzidza muchirango chacho.

Ushumiri Hwakakudzwa muCanada

Rinenge gore rimwe gare gare, mukati meshanyo yake yakatevera kuEngland, Hama Rutherford akamutsa zvakare nhau yeCanada. Ndakanga ndichidisa banza racho uye nokudisa ndakagamuchira mugove ikoko. Pashure pokubatira mwedzi mishomanene paBheteri yeCanada, ndakagoverwa somumiriri anofambira weSosaiti kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweOntario. Zhinjisa dzeungano ikoko dzakanga dziri duku uye dzaida kurudziro huru. Asi makore apakuvamba iwayo akanga ari mufaro wakadini, pasinei zvapo nenhamo dzomuviri dzakabva kumigariro yomugariro wokunze yakakomba nezvokufambisa zvisina chokwadi!

Handisati ndichizotongokanganwa ushamwari nokuonga kwomudzimu zveungano imwe duku yavaIndia vemo pedyo neBrantford. Yakanga iri nguva yechando, uye sinou yakanga yakadzama, kuchiita kuti kuve kwakaomera Model T Ford yangu kupfuura. Hakuna munhu akanga achindikarira, uye pandakasvika, ndakawana kuti hama dzakanga dzapinda mumiti kundotsvaka huni. Naizvozvo ndakaenda kundodzitsvaka, sinou yakasvika muchiuno. Apo pakupedzisira ndakadziwana, dzakashamiswa, bva dzakafara, kundiona. Dzakadonhedza chinhu chiri chose, dzakauya kumusha, uye dzakaronga musangano madekwana iwayo amene.

PaBeamsville iri pedyo, hama dzakatendeka neni takaparapatika kwemwedzi yakawanda navakuru vakasarudzwa navawi pakutenda. Yakanga iri ropafadzo yakadini kuona kuti mudzimu waJehovha wakashanda sei kupedza mugariro wacho! Chivimbo muna Jehovha noruvimbiko kusangano rake zvakaguma nezvikomborero zvakawanda nokuda kweungano mukati mamakore iwayo apakuvamba. Vana vazhinji vakabva kuungano idzodzo vakakura ndokupinda muupiona, kuenda kuBheteri, kufarikanya migove youfundisi, uye kuva vatariri vanofambira. Handina kutongokanganwa mifaro yokugara nemhuri dzechiKristu dzakavimbika idzo dzakabudisa vanhu vaduku vakaisvonaka vakadaro. Idzi mhuri dzakava mhuri yangu, uye vana vavo vakava vana vangu.

Makore Murambidzo

Mukati moupengo hwehondo hwa 1940, basa reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa. Ikatyamadzo yakadini! Ziviso dzenhepfenyuro dzaitsigirwa nehurumende dzakatiraira kupa kumapurisa mabhuku edu, zvinyorwa zvedu zveungano, uye kiyi dzeHoro yedu yoUmambo. Ndichiziva ukoshi hwomugariro wacho, ndakaenda kuungano ndokudzikurudzira kuvanza mabhuku avo nezvinyorwa. Hama dzakakurudzirwa kusangana mudzimba dzavanhu, pamusha wakasiana vhiki rimwe nerimwe. Pashure penguva yakati ungano dzakatangazve ushumiri hwapasuo nesuo, dzichishandisa Bhaibheri bedzi. Ikoku kwakabvumikisa kuva chikomborero, sezvo tose zvedu takadzidza kushandisa maBhaibheri edu zviri nani.

Gare gare gore iroro takagamuchira mugove mukuru wekabhukwana End of Nazism kubva kuUnited States. Kupinza iri bhuku rakarambidzwa muCanada kwakada unyanzvi hukuru. Dzimwe hama dzaitakura varwi vaitsvaka zvokufambisa, avo vaigara pamakatoni, vasingazivi vachigovera chifukidzo nokuda kwebhukwana rakarambidzwa. Ipapo mamwe mangwanani muna November, pakati penguva yechitatu neyechitanhatu, nyika yose yakadenhwa neZvapupu izvo zvakasiya kopi yaaka kabhukwana pachikumbaridzo chemisha mizhinjisa muCanada.

Mukati mamakore iwayo erambidzo, ndakapfuurira muushumiri hwoupiona muruwa rwokumadokero rweCanada rweBritish Columbia. Pamberi perambidzo, hama dzaishandisa igwa pakushanyira vanhu mumisha mumativi egungwa anopinda munyika ari oga kuvambira kuVancouver kusvikira kuAlaska. Apo rambidzo yakatanga kushanda, mabhuku akawanda akanga ari mugwa, naizvozvo Zvapupu zvakaadonhedzera vanhu vano ushamwari zvichienda kunomira igwa uko igwa raifanira kusungwa. Gare gare, ndakatora igwa rokuredza naro kunowana iri bhuku, uye ipapo, mukati menguva yokuredza salmon, ndakaronga kuti hama dzianhonge kuava vanhu vanofarira. Pashure penguva yakati mabhuku akaunzwa kuVancouver nokuda kweparadzirwo yakafara zvikuru, akavanzwa muzvokuchengetera zvamagwa okuredzesa.

Mukupera kwa 1943, takagamuchira mashoko okuti rambidzo paZvapupu zvaJehovha yakanga yabviswa. Zvisinei, haina kubviswa paWatch Tower Society. Naizvozvo takapfuurira sakare, tichishandisa bedzi Bhaibheri muushumiri hwedu hwapaimba neimba. Asi zvino taigona kuzvizivisa timene pachena seZvapupu zvaJehovha. Apo rambidzo yakatanga, taiva nezvinenge Zvapupu 6 700; apo yakabviswa, takanga tiri 11 000!

Upenyu Somutariri Anofambira

Somumiriri anofambira weSosaiti, ndakafukidza mamaira asingaverengeki mukati mamakore mashomanene akatevera, ndichishanda nokukurudzira ungano. Munguva yechando, ndaiperekedza hama mumotokari yechienzi yainzi caboose. Ichochi chakanga chiri chireyi chaidhonzwa namabhiza, chakafukidzwa, chakakwana nechitofu chehuni chaisapinda mhepo nechimbini. Kazhinji kazhinji, tichitanga zuva risati rabuda navazhinjisa savatanhatu vakakwira, taifamba nomusinou yakadzama makiromita 35 kana kuti kupfuura, tichishanyira mapurazi aiva munzira. Muchairi aifanira kungwarira nemhaka yokuti mazaya esinou aigona kubheura caboose ndokurara norutivi rwayo, ichirasira kunze vagari vayo pamwe chete namazimbe anopisa omuchitofu chehuni.

Muna 1947, ndakagadzwa kutarisira ruwa rwokutanga rwenyika, iro rakabatanidza nyika yose. Ndaiva negungano redunhu rokubatira rinodokuva vhiki riri rose. Magungano aiitirwa munzvimbo dzine uriri hweaizi isiri chaiyoiyo, nhandare dzenhabvu, nzvimbo dzenhangemutange, horo dzamasangano, uye horo dzenzanga. Gadziriro dzouku kuungana dzaida ngwariro huru purogiramu isati yagona kuvamba. Muna 1950, Frank Franske akagadzwa somutariri woruwa wechipiri muCanada, uye gare gare vamwe vashanu vaava vatariri vanofambira vakawedzerwa.

Mumakore ose, ndakafamba nendege duku, namagwa okuredzesa, nemotokari hombe dzinofamba musinou, nendege dzinomhara musinou (motokari dzine chinokwasva shure namapuranga pamberi okutungamirira), uye nemitoo yazvino zvikuru—chitima, bhazi, uye motokari. Pane dzimwe nguva, mundege taifamba napamusoro pamaRocky Mountains akaisvonaka, ipapo kupinda zvakananga mumipata yakavanzwa kusvika mapoka akaparadzana ehama.

Ndakakwira nokudzika muCanada kakawanda. Ndakagara mudzimba dzemiti dzaitonhora kwazvo zvokuti taigona kuona mweya wedu mumagwanani nomudzimba dzapapurazi dzisina zvakanaka zvazvino uno. Bva, mose, ndaiva nepfungwa huru yegutsikano, ndichiziva kuti ndakanga ndichiita basa raJehovha, kukurudzira vanhu vaJehovha.

Maropafadzo Okuwedzera Ebasa

Kwamakore 33 apfuura, ndakava neropafadzo yokuva mutezo wemhuri yeBheteri yeCanada, pamwe chete nokubatira somukurukuri wekokorodzano muEngland, Europe, Africa, Australia, New Zealand, uye Far East. MuAustralia, ndakasangana nomwanasikana waHama James, uyo akanga ave ari anokurudzira kwazvo kwandiri muIndia. Hama James haana kutongova mufundisi, asi akapfuudza nhaka yomudzimu yakaisvonaka kumhuri yake.

Nhasi takakombwa namazana avarume navakadzi vaduku muBheteri yeCanada. Nzira yavanoshandisa nayo simba ravo roupwere mubasa raJehovha inokurudzira uye inonyandura. Meso angu haachaona zvakanaka, asi ava vaduku vanondiravira. Makumbo angu aneta, asi anondipinza pamwe navo muushumiri hwomumunda. Vamwe vanobvunza kuti ndinogonana sei nezvinetso zvoutano zvinobatanidzwa noukweguru. Eya, kutanga, ndinofunda Shoko raMwari zuva riri rose. Ikoku kunochengeta ndangariro yangu nomwoyo zviri pazvinhu zvomudzimu.

Zvirokwazvo, yave iri ropafadzo huru kufamba nokutaura naBaba vangu vokudenga, Jehovha, kwamakore 69 oupenyu hwokuzvitsaurira, 67 awo akapedzerwa mubasa renguva yakazara. Nguva dzose ndakawana Jehovha kuva Mwari ane rudo, ane tsitsi, anokanganwira utera hwavanhu nokupa simba noumhare kuavo vanovimba naye. Kariro yangu kuchengeta perero yangu noruvimbiko kuna Jehovha nesangano rake kusvikira kumugumo, ndichivimba nechipikirwa chokuti munguva yakafanira ndichabatanidzwa naShe wangu anodiwa, Jesu Kristu, uye navazhinji vehama nehanzvadzi dzangu dzakatendeka mumbiri yokudenga.—Pisarema 84:12.

[Mufananidzo uri papeji 12]

Ndege dzinomhara musinou dzaifamba dzichigura nyika pasipidhi inosvika kumakiromita 80 paawa

[Mufananidzo uri papeji 13]

Mukati menguva yechando, “caboose” inodhonzwa namabhiza yaishandiswa mukupupurira munzvimbo dzine uswa dzisina miti dzeCanada

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe