Jehovha Anoita Nokuvimbika
YAKATAURWA NAPETER PALLISER
Akanga ari December 1985. Mufaro wakawedzera sezvo takavamba kudzika kwedu panhandare yamarudzi akawanda muNairobi, Kenya. Pakutyaira tichipinda muguta, yeuko dzakawanda dzakadzoka, dzamutswa nezviono zvakarovedzeka uye ruzha.
TAKAUYA kuKenya kuzopinda Kokorodzano Yoruwa ya“Vachengeti Veperero” yeZvapupu zvaJehovha. Makore gumi namaviri nguva ino isati yasvika, mudzimai wangu neni takanga tamanikidzwa kubuda muKenya nemhaka yechirambidzo pabasa redu rokuparidza. Takanga tagara imomo paBheteri, zita rinopiwa zvivako zvebazu reZvapupu zvaJehovha. Chishamiso chinofadza zvakadini chakatimirira apo takadzokerako kunoshanya!
Chaibetsera kugadzirira kudya kwamasikati paBheteri chakanga chiri Chapupu chiduku chatakanga taziva kubvira chichine makore maviri okukura. Inenge mitezo mitanhatu yemhuri yeBheteri vakanga vari vanhu vataiziva apo vakanga vari vana. Wakanga uri mufaro wakadini kuvaona zvino vayaruka, pamwe chete nemhuri dzavo, vose vachiri kushingaira muushumiri! Mwari wedu, Jehovha, akanga avatarisira maererano nechipikirwa cheBhaibheri: “Muchaita nokuvimbika kune akavimbika.” (2 Samueri 22:26, NW) Musiyano wakadini wandakawana pakati poupenyu hwangu hwapakuvamba noupenyu hunotusa uhwo ava vaduku vakanga vachirarama!
Upenyu Hwapakuvamba Husina Donzo
Ndakaberekerwa muScarborough, England, pana August 14, 1918. Makore maviri gare gare mai vangu nehanzvadzi yangu kuna mai vakaenda kuCanada, naizvozvo ndakapedza makore matatu akatevera ndichigara nababa vangu, mai vavo, uye hanzvadzi yavo. Pandakanga ndava namakore mashanu, Mai vakandiba ndokundiendesa kuMontreal, Canada. Makore mana gare gare vakandidzorera kuEngland kuti ndinogara naBaba uye kuenda kuchikoro.
Mai vangu nehanzvadzi yangu kuna mai vakandinyorera inenge mwedzi mitanhatu iri yose. Pakupera kwetsamba dzavo, vaitaura chishuvo chokuti ndive mugari wemo akanaka, akavimbika kuna Mambo uye kunyika. Mhinduro dzangu zvimwe dzaivaodza mwoyo nemhaka yokuti ndakanyora kuti ndaidavira kuti urudzi nehondo zvakanga zvakaipa. Bva, ndisina nhungamiro ipi neipi yakajeka, mukati mamakore angu ouduku, ndaisava nedonzo.
Ipapo muna July 1939, vhiki nhanhatu Hondo Yenyika II isati yavamba, ndakanyoreswa muuto reBritain. Ndakanga ndichingova namakore 20 bedzi. Uto rangu rakatumirwa nokukurumidza kuchamhembe kweFrance. Apo ndege dzeGermany dzakatidenha, isu majaya takatendeka pfuti dzedu ndokudzipfura. Hwakanga huri upenyu hwaityisa. Takatiza pamberi pamauto eGermany akanga ari kuuya, uye ndakanga ndiri pakati paavo vakaendeswa kuDunkirk mukati mevhiki yokutanga yaJune 1940. Ndichiri kuyeuka nokutya kuona uto rose ravakafa rakapararira mhiri kwemhenderekedzo yegungwa. Ndakapukunyuka mamiriro ezvinhu asingafadzi iwayo ndokusvika paHarwich kumabvazuva kweEngland ndiri mundege duku inotakura zvinhu.
Gore rakatevera racho, muna March 1941, ndakatumirwa kuIndia. Ikoko ndakarovedzwa somugadziri womuchina wokutungamirira ndege. Pashure penhambo yakati ndiri muchipatara somugumisiro wechirwere, ndakatamisirwa kuchikamu cheuto raiva muDelhi, dzimbahwe reIndia. Ndiri kure nomusha uye ndichiri asiri kunzwa zvakanaka, ndakavamba kufunga pamusoro penguva yemberi. Zvikurukuru ndakashamisika pamusoro pokuti chii chinoitika kwatiri apo tinofa.
Kushandisa Kuvimbika Kutsva
Mumwe murume biyangu wokuEngland, Bert Gale, akanga ari shamwari yangu yomukamuri muDelhi. Rimwe zuva akataura kuti “rudzidziso rwakanga rwuri rwaDhiyabhorosi,” tsinhiro yakamutsa fariro yangu. Mudzimai wake akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye panguva nenguva, aimutumira zvinyorwa zveBhaibheri. Chimwe chaizvozvi, bhukwana raHope, chakandifadza. Kukurukura kwaro tariro yorumuko kwakandigovera pfungwa chaiyoiyo yedzikamo.
Pane imwe nguva pakuvamba muna 1943, Bert akataura kuasiri murwi ane hama dzokunyama dzeBritain neIndia, Teddy Grubert, uyo aishanda nesu panzvimbo yamauto. Takashamiswa nokuziva kuti Teddy akanga ari Chapupu. Kunyange zvazvo muna 1941 zvinyorwa zveZvapupu zvaJehovha zvakanga zvarambidzwa, akatiendesa kumisangano yaiitwa neZvapupu muDelhi. Muungano iyoyo duku, ndakawana ushamwari hwapachokwadi, hunofadza kwenguva yokutanga muupenyu hwangu. Basil Tsatos, imwe hama yakura yeChikristu yaibva kuGreece, yakandifarira ndokupindura mibvunzo yangu. Akagovera mhinduro dzakajeka dzeBhaibheri kumibvunzo pamusoro pechikonzero nei tichikwegura ndokufa, rumuko, uye nyika itsva yaMwari yakapikirwa yokururama.—Mabasa 24:15; VaRoma 5:12; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Bhukwana raPeace—Can It Last?, rakabudiswa muna 1942, rakandifadza zvikuru. Rakazivisa Chinzwano Chamarudzi se“chikara chitsvuku.” (Zvakazarurwa 17:3) Richinokora mashokoZva ganhuro 17, ndima 11, yaZvakazarurwa, bhukwana racho rakati: “Kunogona zvino kutaurwa kuti Chinzwano ‘chakanga chiri, uye hachisi.’” Richipfuurira, rakati: “Sangano ramarudzi enyika richamuka zvakare.” Muna 1945, anopfuura makore matatu gare gare, izvozvo ndizvo chaizvoizvo zvakaitika apo Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose rakaumbwa!
Mukati mokurambidza mabhuku eZvapupu, ndakakwanisa kubetsera shamwari dzangu dzakanga dzichangobva kuwanwa. Apo katoni remabhukwana aPeace—Can It Last? raisvika, ungano yaindipa kuti ndirichengete zvakachengeteka. Ndiani aizofunga zvokutsvaka mabhuku akarambidzwa mukamba yemauto? Nguva imwe neimwe yandaipinda misangano, ndaienda nemabhukwana mashomanene kuti ndirambe ndichigovera hama. Ndakatoviga mabhuku eBhaibheri adzo omunhu oga apo dzaitya kunzverwa kwemisha yadzo. Pakupedzisira, pana December 11, 1944, chirambidzo chakabviswa.
Kuvimbika kwangu kudzidziso dzeChikristu kwakaedzwa mukati mokupembererwa kweKirisimasi ya1943 kwakanga kwarongerwa kuenda kweuto redu. Ndakaramba kutora rutivi, sezvo ndakanga ndadzidza kuti Jesu haana kuzvarwa muchando chaDecember uye kuti Vakristu vapakuvamba havana kupemberera Kirisimasi.—Enzanisa naRuka 2:8-12.
Apo kokorodzano ye“Vazivisi Vakabatana” yakaitwa muJubbulpore (Jabalpur) pana December 27 kusvikira ku 31, 1944, ndakanga ndiri pakati pavane 150 vaivapo. Nhume dzakawanda dzekokorodzano dzakafamba nechitima kubva kuDelhi, rwendo rweanosanopfuura makiromita 600. Handisati ndichizotongokanganwa mamiriro ezvinhu akaisvonaka munzvimbo iyoyo yepachena, uko ndakaona sangano raJehovha richishanda.
Nhume dzekokorodzano dzakagara mumadhomitari ezvikoro, umo takaimba nziyo dzoUmambo ndokufarikanya kuwadzana kweChikristu kunofadza. Mukati mekokorodzano iyoyo ndakavamba kugoverana mubasa rokuparidza pachena, basa iro kubva panguva iyoyo rakaramba richidiwa nomwoyo wangu.
Ushumiri Hwenguva Yakazara muEngland
Ndakadzokera kuEngland muna 1946 uye nokukurumidza ndakavamba kusonganirana neUngano yeWolverton. Kunyange zvazvo takanga tichingova nevaparidzi voUmambo vanenge gumi bedzi, ivava vakandiita kuti ndinzwe ndakasununguka, uye ndakawana gutsikano imwe cheteyo yandakanga ndinayo pakati pehama dzangu muIndia. Vera Clifton akatanhamara muungano macho somunhu wapachokwadi, ane mwoyo wakanaka. Apo ndakaziva kuti aigoverana chishuvo changu chokuva piyona, seizvo vashumiri venguva yakazara vanodanwa, takaroorana, pana May 24, 1947. Ndakagadzira karavhani, kana kuti musha unofambiswa, uye gore rakatevera racho, takagamuchira mugove wedu wokutanga woupiyona, taundi rokumaruwa reHuntingdon.
Mumazuva iwayo taienda nemabhasikoro edu kundima yokumaruwa mumangwanani-ngwanani. Zuva redu rakazara rokuparidza raidzonyongedzwa bedzi nokuzorora kupfupi kwamasikati nokuda kwemasangweji. Pasinei zvapo nokuti mhepo yaibva mberi yakanga yakasimba sei kana kuti mvura yakanga yakawanda sei mataichovha tichienda kumba, takanga tichifara uye tichigutsikana mubasa raShe.
Pashure penguva yakati takapanga kuwedzera ushumiri hwedu uye kugoverana “mashoko akanaka” navanhu vedzimwe nyika. (Mateo 24:14, NW) Naizvozvo takakumbira kupinda chikoro chavafundisi cheGilead muSouth Lansing, New York, U.S.A. Pakupedzisira, takagamuchirwa kukirasi yechi26 yeGilead iyo yakapedza kufunda muna February 1956.
Ushumiri Hwakakudzwa muAfrica
Mugove wedu woufundisi wakanga uri Northern Rhodesia (zvino Zambia) muAfrica. Nokukurumidza pashure pokusvika, takadanwa kuti tibatire paBheteri yenyika iyoyo. Sorutivi rwebasa rangu rapaBheteri, ndaitarisira kunyorerana neEast Africa. Muna 1956, Kenya—imwe yenyika dzeEast Africa—yakanga ichingova neZvapupu zvina bedzi, nepo makanga mune vanosanopfuura 24 000 muNorthern Rhodesia. Vera neni takavamba kufunga kuti kwaizova kwakaisvonaka sei kubatira kwakanga kune kushayiwa kukuru.
Ipapo, ndisingakariri, ndakagamuchira imwe kokero yokuChikoro cheGilead, nguva ino nokuda kwekosi yemwedzi gumi yavatariri. Ndichisiya Vera muNorthern Rhodesia, ndakaenda kuNew York City, kwakanga kune Chikoro cheGilead panguva iyoyo. Pashure pokupedza kosi yacho muna November 1962, ndakagoverwa kuKenya kunotanga hofisi yebazu ikoko. Panguva ino Kenya yakanga yava neZvapupu zvinopfuura zana.
Pakudzokera kwangu kuNorthern Rhodesia kunosangana naVera, ndakanga ndichifanira kumira kwenguva pfupi muNairobi, Kenya. Asi apo ndakasvika, Bill Nisbet, akapedza kufunda weGilead wekirasi yechi25, akandiudza kuti pakanga pane mukana wokuwana mvumo yehurumende yokupinda muKenya pakarepo. Takasvika zviremera zvinotarisira kupinda munyika, uye mumaminiti mashomanene, ndakanga ndawana mvumo yokushanda yamakore mashanu. Naizvozvo handina kuzotongodzokera kuNorthern Rhodesia; panzvimbo pezvo, Vera akandikumbanira muNairobi.
Pashure pokupinda kosi yakarongwa yomutauro weSwahili, takakumbanira ungano duku yeNairobi muushumiri. Pane dzimwe nguva pashure pokunge tarava mharidzo yedu yechiSwahili, saimba aidanidzira kuti, “Handinzwisisi chiNgezi!” Pasinei zvapo naikoku, takatsungirira uye zvishoma nezvishoma takakurira mhinganidzo yomutauro.
Ndima yedu yaibatanidza zvivako zvikuru zvinogarwa zvaiva nemazita omuBhaibheri akadai seJerusarema kana kuti Jeriko. Fariro yakakurumidza kutangwa, uye vaparidzi voUmambo vatsva vakawanda vakabva munharaunda idzodzi. Itapuro inoshamisa zvakadini iyo chokwadi cheBhaibheri chakava nayo paava vanhu! Mirangariro youkuru hwedzinza yakapera sezvo kuvimbika kuUmambo kwakaunza chinzwano pakati pavanhu vaJehovha. Kunyange kuroorana kwemadzinza kwakaitika, chimwe chinhu chechienzi zvikuru pakati pevasiri Zvapupu.
Vazivisi voUmambo vatsva vakagamuchira chokwadi nokushingaira. Samson, somuenzaniso, akanga achidisa kwazvo kuti chokwadi cheBhaibheri chipinde munharaunda yomumusha make zvokuti akaramba achikumbira kuti mapiyona atumirwe ikoko. Kutaura idi, akawedzera imba yake munharaunda yeUkambani kuti aagovere pokugara. Nokukurumidza ungano itsva yavazivisi voUmambo yakatangwa ikoko.
Kanoverengeka ndakashanyira hama dzedu munyika iri muEast Africa yeEthiopia. Dzakanga dzichipedzera avhareji yemaawa anopfuura 20 pamwedzi muushumiri, pasinei zvapo nokuiswa mutorongo, kurohwa, uye kuongororwa nguva dzose. Kamwe mabhazi maviri akazara hama nehanzvadzi dzokuEthiopia akafamba kwevhiki imwe, achiyambuka mipata yemakomo ine ngozi, kuti vanopinda kokorodzano yoruwa muKenya. Kuchenjera kwavo mukuronga kuti mabhuku oUmambo awanike munyika yavo kwakanga kuchishamisa. Isu muKenya takanga tichifara kuvabetsera kuti varambe vachigoverwa.
Basa redu muKenya rakarambidzwa nehurumende muna 1973, uye vafundisi vakamanikidzwa kuenda. Pakasvika nguva iyoyo takanga tine Zvapupu zvaipfuura 1 200 muKenya, uye zvakawanda zvaizvozvi zvakanga zviri panhandare yendege kuzotioneka zvisingakanganwiki. Kuvapo kwazvo kwakakurudzira mumwe wataifamba naye kuti abvunze kana takanga tiri vanhu vaiva nemukurumbira wakati. Vera neni takadzokera kuEngland uye takapiwa mumwe mugove ikoko, asi takashuva kudzokera kuAfrica.
Kudzokera kuAfrica
Nokudaro, mwedzi mishomanene gare gare, takagamuchira mugove wedu mutsva, kuBheteri muAccra, dzimbahwe renyika yokumadokero kweAfrica reGhana. Kuno mumwe wemigove yangu wakaita kuti nditarisane nenhamo idzo hama dzedu ikoko dzakanga dzichinangana nadzo. Sezvandaitarisira kutengwa kwezvokudya uye migove yemhuri yeBheteri, ndakashamiswa nemitengo yakakwira kwazvo yezvokudya. Kazhinji kazhinji munhu akanga asingagoni kutenga zvinhu zvaidikanwa. Kuperevedza kwepeturu uye kushomeka kwemapati kwakaunza zvinetso zvakawedzerwa.
Ndakasvika pakuziva kukosha kwokushivirira, chimwe chinhu icho hama dzedu dzokuGhana dzakanga dzatanga. Kwakanga kuchikurudzira kwazvo kuona chimiro chendangariro chokufara chadzakachengeta sezvadzairamba muedzo wokuwana zvinodikanwa zvoupenyu kupfurikidza nokupfumbamuromo. Somugumisiro, vanhu vaJehovha muGhana vakasanozivikanwa nokuda kwokuvimbika kwavo uye vakasvika pakufarikanya zita rakanaka navakuru vakuru vakawanda.
Pasinei zvapo nokuperevedza kwezvokunyama, zvisinei, pakanga pane kubudirira kwomudzimu kwaikura. Munyika macho mose, zvinyorwa zvedu zveBhaibheri zvakawanwa muunodokuva musha uri wose. Uye takaona nhamba yavazivisi voUmambo muGhana ichikura kubva pa17 156 muna 1973 patakasvika kusvikira kuvanopfuura 23 000 muna 1981. Mugore iroro kutambura kwangu nekenza yeganda, pasina mubvunzo kwakaipiswa nemakore okuva muzuva muIndia neAfrica, kwakatimanikidza kubva muGhana ndokudzokera kuEngland nokuda kwokurapwa nguva dzose.
Mamiriro Ezvinhu Matsva muEngland
Nokuda kwangu kudzoka kwedu kwakareva kugadziridza kwakati muushumiri hwangu. Ndakanga ndajaira kwazvo kutaura ndakasununguka navanhu vairemekedza Mwari neBhaibheri. Asi muLondon, handiwanzowana chimiro chendangariro chakadaro. Ndinoshamiswa nokutsungirira kwehama dziri muBritain. Ikoku kwakandiita kuti ndione kudikanwa kwokunzwira tsitsi zvikuru vanhu vaka“neta, varashwa” mumudzimu.—Mateo 9:36.
Pashure pokudzoka kwedu tichibva kuAfrica, Vera neni takabatira pamwe chete paBheteri yeLondon kusvikira kunguva yorufu rwake muna September 1991 pazera ramakore 73. Zvave zvisiri nyore kurasikirwa neshamwari yakatendeka yakadaro iyo yakashanda neni muushumiri kwamakore akawanda kwazvo. Ndiri kumusuwa zvikuru. Asi ndinofara nokuda kwetsigiro yakaisvonaka yandinogamuchira kumhuri yedu yeBheteri yemitezo 250.
Zvirokwazvo ndinoirangarira seropafadzo kucherekedza kufambira mberi kwesangano raJehovha uye kuona vakawanda kwazvo vachiita ushumiri hwenguva yakazara mararamire avo. Ndinogona kukuvimbisai, hapana mararamire ari nani kupfuura aya, nokuti “Jehovha . . . haasiyi vatsvene vake.”—Pisarema 37:28.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Takapayona muEngland kubva muna 1947 kusvikira muna 1955
[Mufananidzo uri papeji 23]
Nguva yokutanga muushumiri mukati mekokorodzano muIndia
[Mufananidzo uri papeji 23]
Apo takanga tiri vafundisi muNorthern Rhodesia
[Mufananidzo uri papeji 23]
Muna 1985, neshamwari dzatakanga tisati taona kwamakore 12