RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 9/1 pp. 16-17
  • Ko Uchadzidza Mumwaka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ko Uchadzidza Mumwaka Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • B15 Karenda yechiHebheru
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Zvakaita Gore “Munyika Yakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Fundo Nhamba 2—Nguva naMagwaro Matsvene
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 9/1 pp. 16-17

Zviono zvomuNyika Yakapikirwa

Ko Uchadzidza Mumwaka Here?

JEHOVHA akamboti: ‘Mazuva ose pasi rinopfuurira, kudyara mbeu nokucheka, zhezha nenguva yechando, hazvisati zvichizotongoguma.’ (Genesi 8:22) Iye nokudaro akasimbisa mwaka yokurima.

Chiiko chaunoziva nezvemwaka noukama hwayo nokurima? Kunyange kana uchigara muguta kana kuti usingarimi, unofanira kudzidza nezvemwaka yaIsraeri nemibato yokurima. Neiko? Nemhaka yokuti ukaziva zvikuru pamusoro paizvozvi, uchanzwisisa zviri nani Shoko raMwari.

Varimi vanorima ivhu, vanodyara mbeu, uye ipapo vanocheka uye vanopura zvirimwa zvavo. Asi kunzwisisa zvakajeka zvikuru icho Bhaibheri rinotaura, tinofanira kuziva zvakawanda, kubatanidza apo mibato iyoyo yakaitika. Rangarira somuenzaniso kurima, kwakadai sokwatinoona kuchiitwa pamusoro apa panyika yakaitwa kuti iti sandara muyakanga iri Judhea yakare.a Mumwedzii maunofunga kuti iyi pikicha yakatorwa? Kuziva apo kurimwa kunoitwa munyika yenyu kungakutsausa. Nguva yokurima haisi imwe cheteyo muNorthern Hemisphere nomuSouthern Hemisphere; inosianawo paukwiriri hwakasiana-siana uye mukuwirirana nenguva yomwaka wemvura.

Ikoku kungatapura kurangarira kwaunoita zvinoitika zveBhaibheri. Ungarava nezvokugadza kwaEria mutsivi wake: “Iye . . . akawana Erisha mwanakomana waShafati achirima nenzombe dzakasungwa pamajoko ane gumi namaviri pamberi pake.” (1 Madzimambo 19:19, NW) Unofunga kuti ikoko kwakaitika mumwedzii, uye nyika ingave yakatarisika sei? Uye pana Johane 4:35, Jesu akati: “Ko imi hamuti: Kwasara mwedzi mina kucheka kwasvika? . . . Simudzai meso enyu, onai minda kuti yatoibvira kucheka.” Kunyange zvazvo iye akadudza nguva, unonzwisisa here kuti rini?

Chati inogovera kupetwa kwakaisvonaka kwemwaka nemibato yokurima muNyika Yakapikirwa. Denderedzwa rokunze rinopa mwedzi yekarenda inoyera yechiJudha.b Uchienzanisa iyoyi nemwedzi yedu, unocherechedza kupindira, zvakadai saNisani (kana kuti, Abib) achipinda mukupera kwaMarch nokuvamba kwaApril. Chikamu chinotevera nechapakati chinoratidza apo zvirimwa zvaiibva, uko kunokubetsera kuziva apo mibato yakati yokurima, yakadai sokucheka nokupura, yaiitika. Pakati pechati panoita kuti uenzanise chinjo dzomwaka mukati megore.

Shandisa chati kukudza nzwisiso yako nokuongwa kwenhauro dzeBhaibheri, zvakadai somuenzaniso miviri yatodudzwa.

Erisha akanga achitora rutivi mubasa guru rokurima apo akadanwa somuporofita. Ikoko sezvingabvira kunoisa nguva yacho muna Tishri (September-October), apo kupisa kukuru kwezhezha kwakanga kwapfuura. Mvura dzokutanga dzakanga dzavamba kupfavisa ivhu, kuchiita kubvire kurima, kuchiteverwa nokudyara.

Uye Jesu akataura mashoko ari pana Johane 4:35 rini? Kucheka kwakanga kuri kure nemwedzi mina. Cherechedza kuti kucheka gorosi kwaivamba muna Nisani (March-April), inenge nguva yePaseka. Verenga uchidzokera shure mwedzi mina. Ikoko kunokusvitsa kuna Kisrevhi (November-December). Mvura dzakanga dzichiwedzera, nemvura dzakasimba zvikuru nomwaka unotonhora zvikuru mberi. Naizvozvo Jesu nenzira yakajeka akareva kucheka kwokufananidzira paakati: “Simudzai meso enyu, onai minda, kuti yatoibvira kucheka.”

Inotevera ndimimwe mibvunzo yefundo yako yomunhu oga kana kuti yokushandisa munhambo yefundo inofadza nemhuri yako:

▪ Kuchekwa kwemiti yoruchinda muJeriko kwakanga kuri mumwedzi waAdhari; nokudaro, ko udzame huri pana Joshua 2:6 uye 3:15 hunosimbisa sei kururama kweBhaibheri?—Joshua 4:19; 5:11.

▪ Kupura kwaitevera kuchekwa kwezviyo, naizvoizvo chipikirwa chiri pana Revhitiko 26:5 chinoratidzira sei budiriro huru?

▪ Ko 2 Samueri 21:10 inokarakadza sei kuti Rizpa angave akarebesa ngwariro pavanakomana vake vaviri, avo vakabvumirwa kuurawa kubvisa mhaka yeropa pavanhu vaMwari?

▪ Neiko kutinhira nemvura zvinodudzwa pana 1 Samueri 12:17 zvakarangarirwa semhinduro youmwari?—Zvirevo 26:1.

▪ Chikonzeroi chaiva naRute chokugumisa kuti kubatwa kwake naBhoazi kwakanga kusati kuchingova zvako kuita kwechinguvana?—Rute 1:22; 2:23.

Huregererei kuchengeta iyi chati iri pedyo pakurava Bhaibheri?

KISREVHI NISANI

25 Mutambo 14 Paseka

weTsauriro 15-21 Zvingwa Zvisina Kuviriswa

16 Chipiriso chemichero yokutanga

IYA ADHARI

14 Kupera kwePaseka 14, 15 Purimi

(Numeri 9:10-13)

SIVHANI TISHRI

6 Mutambo waMavhiki 1 Kurira kwehwamanda

(Pentekosta) 10 Zuva Reyananiso

15-21 Mutambo waMatumba

22 Gungano dzvene

[Mashoko Omuzasi]

a Onawo 1990 Karenda yeZvapupu zvaJehovha.

b Mwedzi womuraudzo, kana kuti wakapinzwa, (Veadar) wakawedzerwa kanomwe mukati medenderedzwa ramakore 19.

[Mifananidzo iri papeji 17]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

NISANI (ABIB)

March-April

Bhaari

IYA (ZIV)

April-May

Gorosi

SIVHANI

May-June

Maonde Okutanga

TAMUZI

June-July

Mazambiringa Okutanga

AB

July-August

Michero yeZhezha

ERURI

August-September

Misi, Mazambi-ringa, Maonde

TISHRI (ETHANIM)

September-October

Kurima

HESHVAN (BUL)

October-November

Maorivhi

KISREVHI

November-December

Mapoka Amakwai

TEBHETI

December-January

Miti Inokura

SHEBHATI

January-February

Maanda anotungira

ADHARI

February-March

Michero

VEADAR

March

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 17]

Garo Nalbandian

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe