RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 9/15 pp. 3-4
  • Unogona Kuwana Pfuma Inokosha Kupfuura Ndarama!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kuwana Pfuma Inokosha Kupfuura Ndarama!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Nzvera, Uone”
  • Zvokwadi Yakashatiswa
  • Ivo Vanokundikana Kumusunga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • “Hapana Mumwe Munhu Akambotaura Saizvozvi”
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • “Tsvakai Jehovha Kuti Murambe Muchirarama”
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Dzidza Kubva Kuna Nikodhimo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 9/15 pp. 3-4

Unogona Kuwana Pfuma Inokosha Kupfuura Ndarama!

ZVOKWADI dziri muBhaibheri dzingafananidzwa nendarama, sirivha, kana kuti imwe pfuma yakavanzwa. Kunyange zvazvo iwe ungave usina kutongotsvaka ndarama chaiyoiyo kana kuti sirivha, sezvingabvira unoziva kuti kuita saizvozvo kunoda basa rakaoma rakawanda netsungiriro. Uye kazhinji kazhinji mutsvaki anosangana nokuora mwoyo.

Zvisinei, kuora mwoyo kwakadaro hakusati kuchitongovapo apo unotsvaka pfuma yakavanzwa muBhaibheri. Cherechedza ichi chipikirwa chinokurudzira: “Zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari.” (Zvirevo 2:4, 5) Asi unofanira kunzvera.

“Nzvera, Uone”

“Nzvera, uone kuti hakuno muporofita, unobva Garirea.” Iri rakanga riri zano iro vaFarise vechiJudha vakati vomuzana rokutanga ramakore vakapa kuna Nikodhimo, muFarisiwo. “Nzvera, uone.” Zano rakanaka, zvamazvirokwazvo. Kwakanga kuchibvira kunzvera ndokuwana zvokwadi—chimwe chinhu chinokosha zvikuru kwazvo kupfuura ndarama.

Muchinoitika ichocho chaicho, zvisinei, avo vakapa zano rokuti “nzvera, uone” vakakundikana kuita nenzira inowirirana. Seiko?

Vaprista vakuru navaFarise vakanga vatuma vakuru vakuru kuzosunga Jesu Kristu. Vaororwa zvikuru kwazvo nenzira yake yokudzidzisa, vakuru vakuru vakadzokera vasina kumusunga. Somuuyo, vaFarise vakavabvunza, kuti: “Nemiwo matsauswa kani?” Nikodhimo akataura ndokuti: “Murairo wedu unotonga munhu, usati wambomunzwa, nokuziva chaanoita here?” Aya mashoko akasunda zano rokuti “nzvera, uone.”—Johane 7:32, 45-52.

Vaprista navaFarise vakanga vakundikana sei? Ivo havana kuziva kana kuti kubvuma kuti kunyange zvazvo Jesu akarererwa muGarirea, iye akaberekerwa muBhetrehema. Muporofita Mika akanga adeya kutaura, kuti: “Mauri [Bhetrehema] muchandibudira uyo achava mutongi muna Israeri.” (Mika 5:2, NW) Naizvozvo varume ivavo vanotungamirira vakakundikana kunzvera ndokuona ufakazi hwaJesu somuporofita, uyo aizova mutongi muna Israeri. Ikoku kwakatungamirira kumiuyo ine ngwavaira, uye kunoenzanisira kuti kunokosha sei kunzvera ndokuwana zvokwadi yose pamusoro pezvinhu. Asi zvokwadi inowanzoonwa sei?

Zvokwadi Yakashatiswa

“Zvokwadi yakachena, kufanana nendarama yakachena, yakawanwa isina kukodzera kuparadzira, nemhaka yokuti vanhu vakawana kuti kwakakodzera zvikuru kwazvo kushatisa zvokwadi kupfuura kuzvinatsa vamene,” akadaro munyori womuzana ramakore rechi 19. Mashoko iwaya achiri akananga sei pamusoro porutivi rworudzidziso rwenyika! Anotsigira uku kushatiswa kwezvokwadi ndi“baba venhema,” Satani Dhiabhorosi. (Johane 8:44, NW; Zvakazarurwa 12:9) Iye anoshandisa rudzidziso rwenhema kushatisa dzidziso dzechokwadi pamibvunzo inokosha yakadai seiyi: Mwari ndiani? Ndohupi huri ukama hwaJesu naye? Chii chiri nguva yemberi yapasi norudzi rwomunhu?

Vaprista navaFarise vaigona kuva vakanzvera ndokuwana zvokwadi. Ivo vaigona kuva vakawana pfuma inokosha zvikuru kwazvo kupfuura ndarama. Hungu, ivo vaigona kuva vakawana zvokwadi yose pamusoro paJesu kupfurikidza no‘kunzwa kwaari nokusvika pakuziva zvaakanga achiita,’ sezvakakarakadza Nikodhimo. Kudai ivo vakanga vave vari vapachokwadi mukuita ikoku, pasina panikiro Jesu angadai akatsanangura zvinhu kwavari, sezvaakaita kuvadzidzi vake. (Marko 4:34) Asi ndokupi kwatinogona kuwana zvokwadi yakachena nhasi? Zvamazvirokwazvo, pane chipikirwa chipi nechipi here chokuti tinogona kunzvera nenzira inobudirira ndokuwana zvokwadi yose?

[Mufananidzo uri papeji 4]

Vatungamiriri vorudzidziso vaigona kuva vakawana zvokwadi yose pamusoro paJesu kupfurikidza ‘nokunzwa kwaari’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe