Zviono zvomuNyika Yakapikirwa
Samaria—Dzimbahwe Pakati Pamadzimbahwe Okuchamhembe
BHABHIRONI, Ninevhe, uye Roma. Iwo aiva madzimbahwe munguva dzeBhaibheri. Bva, kutaura nenzira yeBhaibheri, kunze kweJerusarema rimene, dzimbahwe rakakurumbira zvikurusa sezvingabvira rakanga risiri rimwe rawo asi, panzvimbo pezvo, Samaria. Kwaanenge makore 200, rakanga riri dzimbahwe roumambo hwamarudzi ane gumi aIsraeri, uye mashoko ouporofita akawanda akananga paSamaria. Asi chii chaunoziva nezveSamaria? Uye neiko rakanga riri dzimbahwe pakati pamadzimbahwe okuchamhembe?
Uchinongedzera kumapu, yeuka nhau pashure pokunge marudzi gumi echiIsraeri abva kuna mambo waJehovha netembere yapaJerusarema. Jerobhoami, uyo akatungamirira mukuumba umambo hwokuchamhembe, akatonga kwenguva pfupi kubva paShekemi, panzira yomumakomo inobva kuchamhembe ichienda kumaodzanyemba. Jerobhoami gare gare akatamisira dzimbahwe rake kuTirza, iro rakanga riri kumusoro kweWadi Far‛ah. Nzira inobva kuMupata waJoridhani yaipfuura Tirza ndokukumbanira nzira yomugomo. Waiziva here kuti Tirza rakanga riri dzimbahwe roumambo hwamarudzi gumi mukati mokutonga kwaNadhabhi, Bhaasha, Era, Zimri, uye kunyange Omri?—Genesi 12:5-9; 33:17, 18; 1 Madzimambo 12:20, 25, 27; 14:17; 16:6, 15, 22.
Pashure pamakore matanhatu, kunyanguvezvo, Omri akaita dzimbahwe itsva. Kupiko? Iye akatenga gomo raunoona kuruboshwe, Samaria. (1 Madzimambo 16:23-28) Kunyange zvazvo zvino ine nzvimbo huru dzokurima, Omri sezvingabvira akaisarudza nemhaka yokuti gomo rine pamusoro pakati sandara rinobuda mumupata raidzivirirwa nyore nyore. Mwanakomana wake Ahabhi akapfuurira kuvaka Samaria, sezviri pachena achikudza nhare dzaro dzine masvingo makobvu. Iye akavakawo tembere yaBhaari neimba yamambo yake amene nomudzimai wake weFenikia, Jezebheri. Kuchera matongo kwakazivisa matongo eimba yamambo yaAhabhi, inoratidzwa papeji inotevera. Imba yamambo iyoyo yaizivikanwa nokuda kwoumbozha nouipi hukuru. (1 Madzimambo 16:29-33) Isa muchiono muporofita Eria achikwira kuiri guta uye achifamba mumugwagwa wakafara achienda kuimba yamambo, ikoko kuzoshurikidza zvakaipa zvaAhabhi zvaBhaari.—1 Madzimambo 17:1.
Muna 1910 vacheri vamatongo vakawana imomo zvaenga zvine runyoro pazviri, zvine waini namafuta omuorivhi kana kuti mitero yakabhadharwa. Asi akawanda amazita avanhu pazviri aiva nebhaari. Kungava kwefariro kwauri kuti vacheri vamatongo vakawanawo zvisaririra zvezvakanatswa mukati nenyanga dzenzou, sezvinoratidzwa pano. Yeuka kuti 1 Madzimambo 22:39 kare kare yakadudza kuti Ahabhi akavaka “imba yenyanga dzenzou.” Zvichida ikoku kwakabatanidza fanicha yakavezwa yakanatswa nenyanga dzenzou, zvakadai se“mibhedha yenyanga dzenzou” yakaisvonaka iyo muporofita Amosi akanongedzera kwairi zana ramakore gare gare. (Amosi 3:12, 15; 6:1, 4) Pakati pezvinyeretedzo zviri pazviri pakanga pane zvikara zvine mapapiro nezvimwe zviratidzo zvakabva kungano dzeEgipita.
Kududzwa kwaAhabhi naJezebheri kungaunza kundangariro yako kuti vakafa sei. Ahabhi akarasikirwa noupenyu hwake muhondo youpenzi neSiria. Apo ngoro yake yakayeredzwa pedyo ne“dziva reSamaria . . . imbwa dzikananzva ropa rake,” mukuwirirana neshoko raEria. (1 Madzimambo 21:19; 22:34-38) Mambokadzi Jezebheri akakandirwa kurufu rwake achibva pawindo reimba yamambo. Kwakanga kuri kubva paiyi imba yamambo muSamaria here? Aiwa. Ahabhi aivawo neimba yamambo kuchamhembe mumupata waJezreeri. Iye akachiva munda wemizambiringa wapedyo waNabhoti. Kubva pakakwirira peimba yamambo iyoyo, varindiri vaitarira kumabvazuva vakaona Jehu achitasva zvinotyisa achikwira mumupata. Uye ikoko aimbova mambokadzi weSamaria akadonha kumugumo wake unotyisa asi wakaruramiswa.—1 Madzimambo 21:1-16; 2 Madzimambo 9:14-37.
Nepo Samaria yakapfuurira sedzimbahwe, haina kuva netendero yaMwari kana kuti chikomborero. Panzvimbo pezvo, yakaratidzira ruvengo noutsinye kudzimbahwe rake rokuchamhembe, Jerusarema. Pasina namaturo ose, Jehovha akatumira vaporofita vakawanda kuzonyevera vatongi veSamaria navanhu varo pamusoro pokunamata kwavo zvidhori, utere, uye kuzvidzwa kwemitemo yake. (Isaya 9:9; 10:11; Ezekieri 23:4-10; Hosea 7:1; 10:5; Amosi 3:9; 8:14; Mika 1:1, 6) Naizvozvo muna 740 P.N.V., Samaria yakazvidavirira, ichiparadzanywa navaAsiria. Vazhinji vavanhu vayo vakaendeswa vari nhapwa, uye ivo vakatsiviwa navokumwe.—2 Madzimambo 17:1-6, 22-24.
Gare gare, zvikurukuru munguva yaHerodhe Mukuru, vaGiriki navaRoma vakadzorera utanhamari hwakati kuSamaria. Naizvozvo kunyange Jesu navaapostora vakanga vakarovedzana neiri dzimbahwe pakati pamadzimbahwe okuchamhembe.—Ruka 17:11; Johane 4:4.
[Mepu iri papeji 16]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Jezreeri
Tirza
Samaria
Shekemi
Jerusarema
Rwizi rwaJoridhani
[Kwazvakatorwa]
Based on a map copyrighted by Pictorial Archive (Near Eastern History) Est. and Survey of Israel.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 17]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
Garo Nalbandian
Inset: Israel Department of Antiquities and Museums; photograph from Israel Museum, Jerusalem