RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 11/15 p. 23
  • Mirai Makasimba Murusununguko rwechiKristu!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mirai Makasimba Murusununguko rwechiKristu!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Pauro Anodzivirira Huapostora Hwake
  • Akaruramiswa Sei?
  • Mirai Makasimba!
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 48—VaGaratia
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Rudzi Rwakasununguka Asi Runozvidavirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mira Wakasimba Nokuda Kworusununguko Runopiwa naMwari!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Shumira Jehovha, Mwari Werusununguko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 11/15 p. 23

Mirai Makasimba Murusununguko rwechiKristu!

Mapfundo Makuru Anobva Muna VaGaratia

JEHOVHA ndiMwari worusununguko. (2 VaKorinte 3:17) Mwanakomana wake, Jesu Kristu, akati: “Muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.” (Johane 8:32, NW) Uye mukutevedzerwa kwaKristu, muapostora Pauro akaparidzira mashoko akanaka orusununguko.—VaRoma 6:18; 8:21.

Kupfurikidza nokuzivisa shoko iroro rinopa rusununguko, Pauro akatanga ungano dzeGaratia (ruwa rweRoma muAsia Minor) mukati morwendo rwake rwokutanga rwoufundisi (47-48 N.V.). VaGaratia vaiziva nezvechisarudzo chomutumbi unodzora chokuti kudzingiswa hakusati kuchidikanwa nokuda kwamaKristu. (Mabasa 15:22-29) Asi vaiti vavaJudha vakanga vachitsvaka kuvapinza muubatwa kupfurikidza nokutaura kuti vadzingiswe. Naizvozvo Pauro akasimbisa rusununguko rwechiKristu mutsamba yaakanyorera vaGaratia ari muKorinte kana kuti Antiokia yeSiria munenge muna 50-52 N.V. Somuenzaniso, iye akati: “Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka, naizvozvo mirai nesimba, murega kusungwazve nejoko rouranda.”—VaGaratia 5:1.

Pauro Anodzivirira Huapostora Hwake

Pauro akatanga kuratidza kuti huapostora hwake hwakanga huri “kupfurikidza naJesu Kristu naMwari.” (1:1–2:14, NW) Nemhaka yechizaruro, Pauro (naBharnabhasi naTito) vakaenda kuJerusarema pamusoro pomubvunzo wokudzingiswa. Ikoko Jakobho, Kefasi (Petro), uye Johane vakaziva kuti iye akanga apiwa simba rokuva muapostora kumarudzi. Uye apo Petro akaparadzana gare gare navatendi vaVamarudzi paAntiokia nemhaka yokuti aitya maKristu echiJudha akabva Jerusarema, Pauro akamutsiura.

Akaruramiswa Sei?

Muapostora akaitawo pfundo rine simba rokuti munhu upi noupi anogona kururamiswa kupfurikidza bedzi nokutenda muna Jesu Kristu. (2:15–3:29) VaGaratia vakagamuchira mudzimu waMwari, kwete nemhaka yamabasa omutemo, asi nemhaka yokugamuchira mashoko akanaka mukutenda. Vanakomana vechokwadi vaAbrahama vane kutenda, asi vanhu vamwe navamwe vari kuedza kuzvibvumikisa vamene savakarurama kupfurikidza “namabasa omutemo vakatukwa.” Neiko? Nemhaka yokuti havagoni kuchengeta Mutemo zvakakwana. Zvomenemene, Mutemo wakaita kuti kudarika kuonekwe uye wakanga uri “murairidzi anotungamirira kuna Kristu.”

Mirai Makasimba!

Kupfurikidza norufu rwake, Kristu ‘akasunungura avo vari pasi pomutemo.’ Asi vateveri vake vanofanira kumira vakasimba murusununguko rwechiKristu. (4:1–6:18) Naizvozvo vaGaratia vaidikanirwa kudzivisa ani naani aiedza kuvanyengedza kugamuchira joko rouranda. Uyezve, vaisafanira kushatisa rusununguko rwavo asi vaifanira kudzivisa “mabasa enyama” ndokuratidzira chibereko chomudzimu waMwari. Avo vaitsvaka kuvapinza muubatwa hwoMutemo vaida “kunzi vakanaka pane zvinoonekwa panyama,” kudzivisa chitambudzo, uye kuva nechikonzero chokuganza. Zvisinei, Pauro akaratidza kuti kudzingiswa kana kuti kusadzingiswa hakusati kuri chinhu. Panzvimbo pezvo, “chisiko chitsva chimwe chinhu.” Iye akanyengeterera rugare nengoni kuti zvive pana Israeri womudzimu, avo vechisiko ichocho chitsva.

Tsamba yaPauro kuvaGaratia yakavabetsera kudzivisa avo vaitsvaka kuvaita varanda mumudzimu. Ngaitibetserewo kuratidzira chibereko chomudzimu ndokumira takasimba murusununguko rwechiKristu.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 23]

Mavanga Anozivisa: “Ngakurege kuva nomunhu unonditambudza,” akanyora kudaro Pauro, “nokuti ndakatakura pamuviri wangu mavanga anozivisa omuranda waJesu.” (VaGaratia 6:17, NW) Pakati pavahedheni vekare, varanda vaiiswa chiratidzo kuzivisa varidzi vavo. Mitoo yakasiana-siana yaipiswa kana yainyorwa munyama yavo. Pasina panikiro, kushatiswa kuzhinji kwomuviri kwakaitwa kumuviri waPauro nemhaka yebasa rake rechiKristu kwakasiya mavanga akati, achipupurira kutaura kwake somuranda wakatendeka waKristu, uyo akatambudzwa nokuda Kwake. (2 VaKorinte 11:23-27) Iwaya angave akava “mavanga anozivisa” ayo Pauro akanongedzera kwaari, kana angave akanga achifunga nezvoupenyu hwaairarama somuKristu, achiratidzira chibereko chomudzimu waMwari nokuita ushumiri hwake.

[Mufananidzo]

Varanda veRoma vaimanikidzwa kubatira vatenzi vavo, asi Pauro aiva muranda anodisa naanofara waJesu Kristu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe