RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 11/15 p. 24
  • Chinzwano Ndechechokwadi Kupfurikidza naKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinzwano Ndechechokwadi Kupfurikidza naKristu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinzwano Idonzo raMwari
  • Zvinhu Zvinosimudzira Chinzwano
  • Kubatana kwevaKristu Kunokudza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 49—VaEfeso
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Mhuri yaJehovha Inofarikanya Chinzwano Chinokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Chengeta Chinzwano Mumazuva Ano Okupedzisira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 11/15 p. 24

Chinzwano Ndechechokwadi Kupfurikidza naKristu

Mapfundo Makuru Anobva Muna VaEfeso

PAKUVAMBA muna 52 N.V., muapostora Pauro akaparidzira muEfeso. Iri guta rakapfuma rezvokutengeserana reAsia Minor rakanga ririwo nzvimbo yapakati yorudzidziso rwenhema. Asi chiKristu chakabudirira imomo pashure pokunge Pauro adzokera kuEfeso, sezvingabvira pakasvika chando cha 52/53 N.V. Iye akapa hurukuro dzezuva nezuva munhandare yechikoro ndokupupurira paimba neimba mukati mokugara kwake kwamakore matatu.—Mabasa 19:8-10; 20:20, 21, 31.

Apinzwa mutorongo muRoma munenge muna 60-61 N.V., Pauro akanyorera maKristu eEfeso. Chinzwano naJesu Kristu uye kupfurikidza naye ndiwo musoro wetsamba yake. Kutaura idi, ine nongedzero 13 ku‘chinzwano naKristu,’ kupfuura imwe tsamba ipi neipi iyo Pauro akanyora. Kufanana naVvaEfeso, tinogona kubetserwa namashoko aPauro pamusoro penzvimbo yaKristu, kudzivisa utere uye kudzivisa masimba omudzimu akaipa.

Chinzwano Idonzo raMwari

Kutanga, Pauro akatsanangura maparire aizoita Mwari chinzwano kupfurikidza naKristu. (1:1-23) Jehovha akaronga kuunganidza zvinhu zvose mudenga napasi pano pamwe chete zvakare kupfurikidza no“udzori” (nzira yokutarisira nayo zvinhu). Kupfurikidza naKristu, Mwari aizobatanidza naye amene avo vanosarudzwa nokuda kwoupenyu hwokudenga navamwe vaizogara pasi pano. Nhasi, Mwari akabatanidza vakazodzwa ne“boka guru,” uye ‘kuunganidzwa kwezvinhu zvose zviri pasi pano’ kuchapfuurira kusvikira avo vari mumakuva echirangaridzo vanzwa inzwi raJesu ndokubuda. (Zvakazarurwa 7:9, NW; Johane 5:28, 29) Tinofanira kuva vanoonga nokuda kwaikoku, kunyange sezvo Pauro akanyengetera kuti vaEfeso vaizoonga gadziriro yaMwari nokuda kwavo.

Ngwariro yakatevera kunangidzirwa kumaKristu aVamarudzi, aimbova akafa muchivi. (2:1–3:21) Kupfurikidza naKristu, Mutemo wakaparadzwa uye hwaro hwakavanzarikwa hwokuti vaJudha naVamarudzi vabatanidzwe ndokuva tembere yokuti Mwari agare kupfurikidza nomudzimu. Utariri hwaPauro hwakanga huri hwokuzivisa chakavanzika chinoyera chokuti Vamarudzi vangapinda muchinzwano naKristu, uyo vanogona kusvika Mwari kupfurikidza naye norusununguko rwokutaura. Pauro akanyengetererazve vaEfeso, nguva ino achikumbira kuti Jehovha avaparire kuva vakasimba zvikuru kupfurikidza nokutenda norudo.

Zvinhu Zvinosimudzira Chinzwano

Pauro akaratidza kuti Mwari akagovera zvinhu zvinobatanidza. (4:1-16) Pakati paizvozvi pane muviri mumwe womudzimu uyo uri ungano. Uyu muviri unoshanda muchinzwano pasi poumusoro hwaKristu. Uye iye anogovera zvipo muvarume kuti abetsere vose kusvika kuhumwe mukutenda.

Jehovha anokuitawo kuti kubvire kuratidzira mavara echiKristu anosimudzira chinzwano. (4:17–6:9) Apfeka “hunhu hutsva,” maKristu anodzivisa kusava noumwari kwakadai sokutaura kwoutere. Anofamba nenzira yokuchenjera, anoratidza ruremekedzo nokuda kwaKristu, uye anoratidzira kuzviisa pasi kwakafanira.

Mukuwedzera, Mwari anogonesa maKristu kudzivisa masimba omudzimu akaipa anotsvaka kuparadza chinzwano chedu. (6:10-24) Chidzitiro chomudzimu chinobva kuna Mwari chinogovera dziviriro yakadaro. Naizvozvo ngatichishandisei ndokunyengetera nenzira yapachokwadi, tichibatanidza vatendi biyedu mumikumbiro yedu.

Izano rakaisvonaka zvakadini iro Pauro akapa vaEfeso! Ngatiriteererei kupfurikidza nokudzivisa utere nokudzivisa masimba omudzimu akaipa. Uye ngationgei zvikuru chinzwano chatinofarikanya kupfurikidza naJesu Kristu.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24]

Miseve Yomwoto: Chidzitiro chomudzimu chinobatanidza “nhovo huru yokutenda” yokudzima nayo, kana kuti kuita kuti isakuvadze “miseve yomwoto” yaSatani. (VaEfeso 6:16) Mimwe miseve yaishandiswa navaRoma yakanga iri tsanga dzine mwena dzaiva nehomwe yesimbi pasi pomuromo yaizadzwa nenaphtha inobvira. Yaipfurwa neuta hwakadhamba kudzivisa kudzima mwoto wacho, uye kuinyika mumvura kwaingowedzera bedzi ukuru hwamarimi. Asi nhoo huru dzaidzivirira varwi pamiseve yakadaro, kunyange sezvo kutenda muna Jehovha kuchigonesa vabatiri vake “kudzima miseve yose yomwoto yowakaipa.” Hungu, kutenda kunotibetsera kudzivisa zvinhu zvakadai sedenho dzinoitwa nemidzimu yakaipa pamwe chete nemiedzo yokuita zvisina kururama, kuronda nzira yokudisa zvenyika youpenyu, uye kutera kurutyo nepanikiro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe