RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 1/15 p. 30
  • Iva Nokutenda Nehana Yakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Nokutenda Nehana Yakanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zano Kukutenda
  • Zano Pakunamata
  • Kuzvipira Kwoumwari Negutsikano
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 54—1 Timotio
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Timotio—“Mwana Wangu Chaiye Pakutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Chii Chingatibatsira Kubata Shoko Rechokwadi Zvakarurama?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 1/15 p. 30

Iva Nokutenda Nehana Yakanaka

Mapfundo Makuru Anobva Muna Timotio Wokutanga

RINENGE gore ra 56 N.V., muapostora Pauro akanyevera vakuru veungano yeEfeso kuti “mapere anoparadza” aizomuka pakati pavo ndoku“taura zvinopesanisa kuti vatsause vadzidzi vavatevere.” (Mabasa 20:29, 30) Mumakore mashomanene, dzidziso yokuwa pakutenda yakanga yava yakakomba zvikuru zvokuti Pauro akakurudzira Timotio kurwa hondo yomudzimu mukati meungano kuti achengete rucheno rwayo ndokubetsera vatendi biyake kuti varambire mukutenda. Ichocho chakanga chiri chikonzero chikuru nei Pauro akanyora tsamba yake yokutanga kuna Timotio ari muMakedhonia munenge muna 61-64 N.V.

Timotio akaraidzwa pamusoro pamabasa omukuru, nzvimbo yakagoverwa naMwari yavakadzi, zvikwaniriso zvavakuru navabatiri vanoshumira, uye dzimwe nhau. Muraidzo wakadaro unobetserawo nhasi.

Zano Kukutenda

Pauro akatanga nezano rokuva nokutenda nehana yakanaka. (1Ti 1:1-20) Akakurudzira Timotio kuramba ari muEfeso ndoku“raira vamwe varege kudzidzisa dzimwe dzidziso.” Pauro akaonga nokuda kwoushumiri hwakagoverwa kwaari, achibvuma kuti akanga aita mukusaziva uye nokushaiwa kutenda apo iye akatambudza vateveri vaJesu. Muapostora akaraira Timotio kuti apfuurire kurwa hondo yomudzimu, a“kabata kutenda nehana yakarurama” uye kusava akafanana naavo “vakarasikirwa nokutenda.”

Zano Pakunamata

Tevere, Pauro akapa zano so“mudzidzisi wavahedheni pakutenda nezvokwadi.” (2:1-15) Minyengetero yaifanira kupiwa pamusoro paavo vari munzvimbo yakakwirira kuti maKristu agorarama nenzira ine rugare. Kuda kwaMwari kuti marudzi ose avanhu aponeswe, uye dzidziso inokosha ndeyokuti Kristu “wakazvipa iye, kuti ave rudzikinuro rwavose.” Pauro akaratidza kuti mukadzi anofanira kuzvishongedza amene nomwero uye haafaniri kushandisa simba pamurume.

Ungano inofanira kusanorongwa. (3:1-16) Naizvozvo Pauro akaronga zvikwaniriso zvavatariri navabatiri vanoshumira. Kubva muzvinhu zvakanyorwa nomuapostora, Timotio aizoziva nzira yokuzvibata amene nayo muungano, “mbiru nechitsigiro chezvokwadi.”

Pauro akapa Timotio zano romunhu oga rokumubetsera kudzivisa dzidziso yenhema. (4:1-16) Munguva dzapashure vamwe vaizowa pakutenda. Asi kupfurikidza nokuramba achipa ngwariro kwaari amene uye kudzidziso yake, Timotio aizo‘zviponesa amene naavo vanomuteerera.’

Timotio akagamuchirawo zano pakubata navanhu vamwe navamwe, vaduku navakuru. (5:1-25) Somuenzaniso, gadziriro dzakakodzera dzaifanira kuitwa nokuda kwechirikadzi dzakura dzine mukurumbira wakaisvonaka wechiKristu. Panzvimbo pokuita makuhwa, chirikadzi duku dzinofanira kuroorwa ndokubereka vana. Varume vakuru vanotungamirira munzira yakaisvonaka vaifanira kurangarirwa kuva vakafanirwa norukudzo rwakapetwa kaviri.

Kuzvipira Kwoumwari Negutsikano

Zano pakuzvipira kwoumwari rakagumisa tsamba yaPauro. (6:1-21) “Kuzvipira kwoumwari pamwe chete negutsikano” mutoo wemhindu huru, asi kutsunga kuva akapfuma kunotungamirira kuruparadziko nokuparadzwa. Pauro akakurudzira Timotio kuti arwe kurwa kwakaisvonaka kwokutenda ndoku‘batisisa upenyu husingaperi.’ Kuti vabate paupenyu chaihwoihwo ihwohwo, vapfumi vaifanira kusa“vimba nefuma isingagari, asi naMwari.”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 30]

Kuponeswa Kupfurikidza Nokubereka Vana: Pauro akanga asiri kukurukura ruponeso rwokuupenyu husingagumi asi basa rakakodzera romukadzi woumwari apo akanyora, kuti: “Uchaponeswa nokubereka vana, kana vachirambira mukutenda norudo, noutsvene pamwe chete nokuzvidzora.” (1 Timotio 2:11-15) Kupfurikidza nokubereka vana, kutarisira vana vake, uye kutarisira imba, mukadzi aizo“chengetwa akakotsekana” pakuva muiti wamakuhwa asina zvokuita uye mupindiri munhau dzavamwe vanhu. (1 Timotio 5:11-15, NW) Mibato yake yapamba yaizokwanisa basa rake kuna Jehovha. Chokwadika, maKristu ose anofanira kudzivirira mufambiro wavo ndokushandisa nguva yavo nokuchenjera.—VaEfeso 5:15, 16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe