RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 5/1 p. 29
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Iva Nokutenda Nehana Yakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kubereka Vana Pakati Pavanhu vaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 54—1 Timotio
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Murume Nomukadzi—Mumwe Nomumwe Ane Basa Rinokudzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 5/1 p. 29

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei Pauro akanyora nezvomudzimai wechiKristu achiti: “Achava akachengeteka nokubereka vana”?—1 Timoti 2:15.

Mashoko akapoteredza ndima iyi anoratidzei pamusoro pezvairehwa naPauro? Afuridzirwa, akanga achipa zano pamusoro pebasa romukadzi wechiKristu muungano. Akanyora kuti: “Ndinoda kuti vakadzi vashonge nguo dzakagadzirwa zvakanaka, vane mwero nokunaka kwepfungwa, kwete nemagadzirirwe okuruka bvudzi nendarama kana nemaparera kana nguo dzinodhura kwazvo, asi nenzira inokodzera vakadzi vanoti vanotya Mwari, naiwo mabasa akanaka.” (1 Timoti 2:9, 10) Pauro akanga ari kukurudzira hanzvadzi dzake dzechiKristu kuti dzive nomwero, kuti dzive nemaonero akanaka pakusarudza zvokuzvishongedza nazvo uye kuti ‘dzipfeke’ mabasa akanaka.

Zvadaro, Pauro akatsanangura urongwa hwokuti musoro ndiani muungano, achiti: “Handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamurume, asi kuti anyarare.” (1 Timoti 2:12; 1 VaKorinde 11:3) Anotsanangura panobva urongwa uhwu nokuratidza kuti nepo Adhamu asina kunyengedzwa naSatani, Evha “akanyengerwa kwazvo akasvika pakudarika.” Mukadzi wechiKristu angadzivirirwa sei pachivi chaEvha? Pauro anopindura kuti: “Zvisinei, achava akachengeteka nokubereka vana, chero bedzi vakarambira mukutenda norudo noutsvene pamwe nokunaka kwepfungwa.” (1 Timoti 2:14, 15) Pauro airevei nemashoko aya?

Vamwe vashanduri vanoita sevanoti zvakakosha kuti mukadzi ave nevana kuitira kuti agoponeswa. Somuenzaniso, Bhaibheri Rinoyera rinoti: “Munhukadzi achaponeswa nokuda kwokubereka vana kwaanoita.” Zvisinei dudziro iyi yemashoko aPauro haina kururama. Magwaro akawanda anoratidza kuti, munhu anofanira kuziva Jehovha, kudavira muna Jesu, kuva nokutenda, uye kuratidza kutenda kwacho nemabasa, kuitira kuti aponeswe. (Johani 17:3; Mabasa 16:30, 31; VaRoma 10:10; Jakobho 2:26) Uyezve, Pauro akanga asiri kureva kuti vakadzi vanotenda vaizosununguka vana zvakanaka. Vakadzi vakawanda vakasununguka zvakanaka pasinei nokuti vatendi here kana kuti kwete. Uye zvinosuruvarisa kuti vamwe vakafa vachisununguka, pasinei nokuti vatendi here kana kuti kwete.—Genesi 35:16-18.

Zano rakazowedzerwa naPauro maererano nevakadzi mutsamba iyoyo rinotibatsira kunzwisisa zvaaireva. Anonyevera nezvechirikadzi duku “dzisina basa, dzichifamba-famba nedzimba; hungu, kwete bedzi kuva dzisina basa, asiwo dzinoita makuhwa nedzinopindira munhau dzevamwe vanhu, dzichitaura zvinhu zvadzisingafaniri kutaura.” Pauro akapa zano rei? Anoenderera mberi achiti: “Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi duku dziroorwe, dzibereke vana, dzitarisire imba, kuti dzisape mudzivisi chisakiso chokutuka.”—1 Timoti 5:13, 14.

Pauro anosimbisa basa rakanaka rinoitwa nevakadzi muurongwa hwemhuri. Zvaainge akabatikana nemabasa akadai ‘sokubereka vana uye kutarisira imba,’ mukadzi, ai“rambira mukutenda norudo noutsvene pamwe nokunaka kwepfungwa,” aisazofarira mufambiro usingavaki. Aizoramba achifarira zvinhu zvokunamata, kana kuti ‘aizova akachengeteka.’ (1 Timoti 2:15) Kuita kudaro kwaizobatsira vakadzi vaduku vakawanda kudzivisa misungo yaSatani.

Mashoko aPauro kuna Timoti anotiyeuchidza tose, varume nevakadzi, kuti tibatikane muzvinhu zvinobatsira. Shoko raMwari rinokurudzira vaKristu vose kuti: “Rambai muchinyatsongwarira kuti kufamba kwenyu kurege kuva sevanhu vasina kuchenjera asi sevakachenjera.”—VaEfeso 5:15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe