RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 2/1 pp. 10-14
  • Kudza Jehovha—Nei Uye Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudza Jehovha—Nei Uye Sei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinoreva Kupa Rukudzo
  • Chikonzero Nei Jehovha Achifanirwa Norukudzo
  • Makudzire Atingaita Jehovha
  • Kudzai Vanhu Vamarudzi Ose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Ipa Rukudzo Kune Vakakodzerwa Narwo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Kudza Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Unotanga Iwe Here Kukudza Vamwe vaKristu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 2/1 pp. 10-14

Kudza Jehovha—Nei Uye Sei?

“Vanondikudza ndichavakudzawo, vanondizvidza ndichavashorawo.” —1 SAMUERI 2:30.

1. Ndivanaani vanopiwa mibairo yeNobel yakakurumbira munyika yose, uye vazhinji vanorangarira sei tuso idzodzi?

GORE rimwe nerimwe masangano mana eScandinavia anopa mibairo yeNobel kuavo va‘kapa betsero hurusa kurudzi rwomunhu mukati megore rapfuura.’ Mibairo yacho inopiwa nokuda kwezviitwa mumativi matanhatu akasiana-siana ebasa. Mubairo weNobel unorangarirwa navazhinji kuva rukudzo rukurusa runogona kupiwa pamunhu upi noupi.

2. Vapi vemibairo yeNobel vanofuratira ani, uye neiko Iye zvikurukuru achifanirwa norukudzo?

2 Nepo pasina chinhu chakaipa nokupa rukudzo kuvanhu vakafanirwa, avo vanopa urwu rukudzo vanombofunga here kukudza Mubetseri mukurusa worudzi rwomunhu? Mubetseri iyeyo ndiye akapa betsero dzisingaverengeki parudzi rwomunhu chifo chokusika kwake murume wokutanga nomukadzi anenge makore 6 000 apfuura. Kukundikana nguva dzose kumukudza kungatiyeuchidza nezvamashoko aErihu, shamwari yaJobho wekare, uyo akati: “Asi hapana unoti, ‘Mwari Muiti wangu uripiko? Iye unotiimbisa usiku.’” (Jobho 35:10) Mubetseri wedu mukuru anopfuurira kuita ‘zvakanaka, achipa mvura inobva kudenga nemwaka inobereka zvibereko, achizadza mwoyo zvakazara nezvokudya nomufaro.’ (Mabasa 14:16, 17; Mateo 5:45) Zvirokwazvo Jehovha ndiye Mupi we“chipo chiri chose chakanaka nechipiwa chiri chose chakakwana.”—Jakobho 1:17, NW.

Chinoreva Kupa Rukudzo

3. Mashokoi makuru echiHebheru neechiGiriki anoshandurwa kuti “rukudzo,” uye ndedzipi dziri revo dzawo?

3 Shoko guru rechiHebheru nokuda kworukudzo, ka·vohdhʹ, chaizvoizvo rinoreva “kurema.” Naizvozvo munhu anokudzwa anorangarirwa seanorema, anoorora, kana kuti anosvika pachimwe chinhu. Nenzira inokosha, iri shoko rechiHebheru, ka·vohdhʹ, rinoshandurwawo kazhinji kazhinji muMagwaro se“mbiri,” richiratidzirazve kuti uyo ari kukudzwa anorangarirwa seanoorora sei kana kuti anokosha sei. Rimwe shoko rechiHebheru, yeqarʹ, rinoshandurwa kuti “rukudzo” muMagwaro, rinoshandurwawo kuti “anokosha” uye “zvinhu zvinokosha.” Naizvozvo muMagwaro echiHebheru, shoko rokuti rukudzo rinowirirana nembiri noukoshi. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “rukudzo” muBhaibheri nditi·meʹ, uye irowo rinopa pfungwa yorukudzo, ukoshi, uye kukosha.

4, 5. (a) Kupa rukudzo pamunhu kunorevei? (b) Mugariroi unorondedzerwa muna Estere 6:1-9 unoenzanisira chinobatanidzwa mukupa rukudzo?

4 Nokudaro mumwe anokudza mumwe kupfurikidza nokuratidza munhu iyeyo ruremekedzo rukuru norukudzo. Somuenzanisiro, rangarira mugariro unorondedzerwa muBhaibheri pamusoro pomuJudha akatendeka Mordhekai. Pane imwe nhambo Mordhekai akanga aratidza rangano yokurwisana noupenyu hwaMambo Ahashvheroshi wePersia yekare. Gare gare, mukati mousiku apo mambo aisagona kurara, chiito chaMordhekai chakasvitswa kungwariro yamambo. Naizvozvo akabvunza varindiri vake, kuti: “Mordhekai wakakudzwa nokurumbidzwa seiko pamusoro pechinhu ichi?” Vakapindura, kuti: “Haana chaakaitirwa.” Kunoshungushidza sei! Mordhekai akanga aponesa upenyu hwamambo, asi mambo akanga akundikana kuratidza kuonga.—Estere 6:1-3.

5 Naizvozvo, panguva yakafanira, Ahashvheroshi akabvunza gurukota rake guru, Hamani, nzira yakanakisisa yokukudza nayo uyo mambo akanga afarira. Nokukurumidza Hamani akarangarira mumwoyo make: “Mambo angada kukudza aniko, asi ini?” Naizvozvo Hamani akati munhu wacho anofanira kupfekedzwa “nguvo dzoushe” ndokukwira “bhiza rinositasviwa namambo.” Iye akagumisa, kuti: “Vagomufambisa munzira dzomuguta, akatasva bhiza, vadanidzire pamberi pake, vachiti: ‘Munhu mambo waanoda kukudza ngaaitirwe saizvozvo.’” (Estere 6:4-9) Uyo anokudzwa kudaro aizokosheswa zvikuru navanhu vose.

Chikonzero Nei Jehovha Achifanirwa Norukudzo

6. (a) Ndiani kupfuura vamwe vose anofanirwa norukudzo rwedu? (b) Neiko shoko rokuti “mukuru” richirondedzera Jehovha zvakafanira?

6 Munhau yose vanhu vave vachipiwa rukudzo, kazhinji kazhinji saizvozvo nenzira isakafanirwa. (Mabasa 12:21-23) Bva ndiani kupfuura vamwe vose anofanirwa norukudzo? Chokwadi, ndiJehovha Mwari, chokwadika! Anofanirwa norukudzo rwedu nemhaka yokuti iye mukuru zvirokwazvo. Kazhinji kazhinji shoko rokuti “mukuru” rinoshandiswa kwaari. Iye ndiye Mukuru, Muiti Mukuru, Musiki Mukuru, Mambo Mukuru, Muraidzi Mukuru, Tenzi Mukuru. (Pisarema 48:2; Muparidzi 12:1; Isaya 30:20; 42:5; 54:5; Hosea 12:14) Iye uyo ari mukuru mukuru, ane chiremera, akakwirira, anoremekedzwa, ane mbiri, uye anotyisa. Jehovha haaenzaniswi, iye haana muenzani, haapfuurwi. Iye amene anopupurira idi iroro, achiti: “Muchandifananidza naaniko, nokundienzanisa naani, nokunditi ndakaita saani, wandingafanana naye?”—Isaya 46:5.

7. Kunogona kutaurwa kuti Jehovha Mwari ndowechienzi mudzinenge nzira ngani dzakasiana-siana, uye neiko kuchigona kutaurwa kuti iye haaenzaniswi kana toreva nezvechiremera?

7 Jehovha Mwari haaenzaniswi mudzinenge nzira nomwe dzakajeka, idzo dzinogovera zvikonzero zvakananga zvokumukudza. Kutanga, Jehovha Mwari anofanirwa norukudzo rukurusa nemhaka yokuti iye haaenzaniswi muchiremera. Ishe Jehovha ndiChangamire Wechisiko Chapose pose—iye mukurusa. Ndiye Mutongi wedu, Mupi weMitemo, uye Mambo. Vanhu vose mudenga napasi pano vanozvidavirira kwaAri; bva iye haana waanozvidavirira kwaari. Anosanorondedzerwa so“mukuru, ane simba uye anotyisa.”—Dheuteronomio 10:17; Isaya 33:22; Dhanieri 4:35.

8. Neiko kuchigona kutaurwa kuti Jehovha haaenzaniswi (a) pamusoro penzvimbo yake? (b) pamusoro pokuvapo kwake kusingagumi?

8 Chechipiri, Jehovha Mwari anofanirwa norukudzo rukurusa nemhaka yokuti haaenzaniswi kana toreva nezvenzvimbo yake. Iye ndiye “Wakakwirira Uri Kumusoro,” Wokumusorosoro. Anotanhamara zvisingafungidziriki pamusoro zvikuru pezvisikwa zvake zvose zvapasi! (Isaya 40:15; 57:15; Pisarema 83:18) Chechitatu, Jehovha Mwari anofanira kukudzwa kupfuura vamwe vose nemhaka yokuti haaenzaniswi pamusoro pokuvapo kwake kusingagumi. Iye oga haana kutongova namavambo, achiva akabva kukusingaperi kusvikira kukusingaperi.—Pisarema 90:2; 1 Timotio 1:17.

9. Jehovha haaenzaniswi munzirai (a) pamusoro pembiri yake? (b) pamusoro pamavara ake makuru?

9 Chechina, Jehovha Mwari anofanirwa norukudzo rukurusa nemhaka youkuru hwembiri yake yomunhu oga. Iye ndi“Baba vezviedza.” Hunhu hwake hune rubwinyo rwakadaro zvokuti hapana munhu anogona kumuona ndokurarama. Zvirokwazvo iye anotyisa. (Jakobho 1:17; Eksodho 33:22; Pisarema 24:10) Chechishanu, tine musengwa kuna Jehovha Mwari worukudzo rukuru nemhaka yamavara ake anoshamisa. Iye ndowamasimba ose, haaganhurirwi musimba; anoziva chinhu chiri chose, haaganhurirwi muuchenjeri; akakwana chose chose mururamisiro; uye iye ndiye rudo rumene runotaurwa somunhu.—Jobho 37:23; Zvirevo 3:19; Dhanieri 4:37; 1 Johane 4:8.

10. Munzirai umo Jehovha asingaenzaniswi (a) pamusoro pamabasa echisiko nezvinhu? (b) pamusoro pezita rake nembiri?

10 Chechitanhatu, Jehovha Mwari anofanirwa norukudzo rukurusa runobvira nokuda kwamabasa ake makuru echisiko. SoMusiki wezvinhu zvose mumatenga napasi pano, panguva imwe cheteyo iye ndiye Muridzi Mukuru wezvinhu zvose. Tinorava paPisarema 89:11, kuti: “Kudenga denga ndokwenyu, napasi ndopenyuwo.” Chechinomwe, Jehovha Mwari wedu anofanirwa norukudzo kupfuura vamwe vose nemhaka yokuti haaenzaniswi, haana chakaenzana naye pamusoro pezita rake nembiri. Iye oga ane zita rinonzi Jehovha, rinoreva kuti “Iye Anoparira Kuvapo.”—Ona Genesi 2:4, mashoko omuzasi.

Makudzire Atingaita Jehovha

11. (a) Ndidzimwe nzirai dzatinogona kukudza nadzo Jehovha? (b) Tinogona sei kuratidza kuti tiri kukudza Jehovha chaizvoizvo kupfurikidza nokuvimba naye?

11 Nemhaka yamavara ose aJehovha, tinogona sei kumukudza? Sezvatichaona, tinogona kumukudza kupfurikidza nokumuratidza rutyo noruremekedzo, kupfurikidza nokumuteerera, kupfurikidza nokumuziva munzira dzedu dzose, kupfurikidza nokuita zvipo, kupfurikidza nokumutevedzera, uye kupfurikidza nokuita zvikumbiro kwaari. Tinogonawo kumukudza kupfurikidza nokuisa kutenda maari, kupfurikidza nokumuvimba pasinei zvapo nechingaitika. “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose,” tinokurudzirwa kudaro. Naizvozvo tinokudza Jehovha Mwari kupfurikidza nokudavira zvaanotaura. Somuenzaniso, iye anoti: “Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka [murutyo], nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira.” (Zvirevo 3:5; Isaya 41:10) Kukundikana kumuvimba chose chose kwaizova kumuzvidza.

12. Teerero norutyo zvinoita rutivii mukukudza Jehovha?

12 Nzira inosanowirirana yatinokudza nayo Jehovha Mwari iri kupfurikidza nokumuteerera. Uye chinokosha kuteerero rutyo rwoumwari, hungu, rutyo rwokusafadza Mwari. Anoratidza ukama huri pakati pokutya nokuteerera mashoko aJehovha kuna Abrahama pashure pokunge Abrahama aedza nenzira yokuteerera kubaira Isaka, mwanakomana wake. “Zvino ndinoziva kuti unotya Mwari,” Jehovha akadaro. (Genesi 22:12) Pakukurukura musengwa uyo vana vanawo kuvabereki vavo, muapostora Pauro akaratidzawo kuti teerero norukudzo zvinofambidzana. (VaEfeso 6:1-3) Naizvozvo kupfurikidza nokuteerera mirairo yaMwari, iyo isingaremi, tinokudza Jehovha. Nenzira isingapanikirwi, kusateerera Jehovha Mwari kwaizova kumuzvidza.—1 Johane 5:3.

13. Kukudza Mwari kuchatiparira kuva nechimiroi chendangariro pamusoro pemibato yedu nerongedzero?

13 Uyezve, tinogona kuunza rukudzo rwakafanira kuna Jehovha Mwari kupfurikidza nokuteerera zano riri pana Zvirevo 3:6: “Umutende panzira dzako dzose, [hungu, kumuziva], agoruramisa makwara ako ose.” Mudzidzi Jakobho anotipa pangiro yakanaka muna ikoku. Panzvimbo pokupfuurira nokuzvivimba zuva nezuva, tichivimba namano edu timene, tinofanira kuti: “Kana Jehovha achida, tichararama uyewo kuita izvi kana kuti izvo.” (Jakobho 4:15, NW) Makore apfuura yakanga iri tsika yeInternational Bible Students kuwedzera kukutaura kupi nokupi kune chokuita nenguva yemberi mashoko akapfupikiswa D.V., ayo anomirira Deo volente, kureva kuti “kana Mwari achida.”

14. (a) Chimiroi pamusoro penhamburiko dzedu chatinofanira kuva nacho kana tichizorumbidza Mwari? (b) Chimiroi chinoratidzirwa pamusoro pokubudiswa kwamabhuku eWatch Tower Society?

14 Tinokudzawo Jehovha Mwari kupfurikidza nokuratidzira chimiro chokuzvininipisa, tichipa mbiri Mwari nebudiriro dzipi nedzipi dzatingafarikanya. Muapostora Pauro akataura zvakafanira pamusoro poushumiri hwake, kuti: “Ini ndakasima, Aporo wakadiridza; asi Mwari wakameresa. Naizvozvo unosima haazi chinhu, kana unodiridza; asi Mwari unomeresa.” (1 VaKorinte 3:6, 7) Zvirokwazvo, Pauro akanga achiitira hanya kuunza rukudzo rwakafanira kuna Mwari, kwete kwaari amene kana kuti kuno mumwe munhu upi noupi. Nokudaro, nhasi, zvinyorwa zveWatch Tower Society hazvizivisi avo vanozvinyora uye vanyori vanodzivisa kuita kuti vamwe vazive izvo vakagovera. Neiyi nzira, ngwariro inonangidzirwa pamashoko, ayo anorongedzerwa kukudza Jehovha, uye kwete pamunhu upi noupi.

15. Ndichinoitikai chinoenzanisira chinetso icho vamwe vanhu vanacho mukunzwisisa kuzvininipisa kweZvapupu zvaJehovha?

15 Uyu muitiro wokunangidzira ngwariro pana Jehovha, nokudaro kumukudza, unoshamisa kuna vamwe. Makore mashomanene apfuura, pakugadzira gudzanzwi nokuda kwehurukuro yavose muNew York City’s Central Park, Zvapupu zvakanga zvichiridza imwe yetepi dzeKingdom Melodies kuedza gudzanzwi racho. Varoorani vaviri vakapfeka zvakaisvonaka vakabvunza mumwe weZvapupu chakanga chiri nziyo dzacho. Achifunga kuti varoorani vacho vakanga vari Zvapupu, iye akapindura, kuti: “Iyoyo iKingdom Melodies No. 4.” “Hungu, asi ndiani akanyora nziyo idzodzo? vakabvunza kudaro. Chapupu chacho chakapindura, kuti: “Haiwa, munyori wacho haazivikanwi.” Varoorani vakapindura, kuti: “Vanhu vanonyora rudzi irworwo rwenziyo havasati vachiita vasingazivikanwi.” Chapupu chacho chakapindura, kuti: “Asi Zvapupu zvaJehovha zvinodaro.” Hungu, zvinoita ikoku kuti rukudzo rwose rwuende kuna Jehovha Mwari!

16. Tinogona kushandisa manzwi edu kuunza rukudzo kuna Jehovha Mwari munzirai dzakasiana-siana?

16 Imwe nzira yokukudza nayo Jehovha iri kupfurikidza nokushandisa miromo yedu kupupurira pamusoro pake. Kana tichiitira hanya zvirokwazvo kumupa rukudzo, ipapo tichava vanongwarira mukuparadzira mashoko akanaka oUmambo. Tinogona kuita ikoku kupfurikidza nokuenda paimba neimba uye kupfurikidza nemimwe mitoo ipi neipi inowanika kwatiri, tisingafuratiri mabanza okupupurira nenzira yamasanga. (Johane 4:6-26; Mabasa 5:42; 20:20) Mukuwedzera, tine mabanza okukudza nawo Mwari wedu namanzwi edu pamisangano yedu yeungano, kwose kuri kuviri kupfurikidza nokuita tsinhiro uye kupfurikidza nokukumbanira mukuimbwa kwomwoyo wose kwenziyo dzoUmambo. (VaHebheru 2:12; 10:24, 25) Mukurukurirano yedu yezuva nezuva, tinogonawo kukudza Jehovha Mwari nemiromo yedu. Nenhamburiko duku, tinogona kuparira kurukurirano kupinda munzira dzinovaka mumudzimu, uye ikoku kuchaguma nokuunza rukudzo kuna Jehovha Mwari.—Pisarema 145:2.

17. (a) Mufambiro wakarurama unei chokuita nokukudza kwedu Jehovha? (b) Mufambiro usina kururama unei chokuita?

17 Sezvo kukudza Jehovha Mwari nemiromo yedu kwakaisvonaka, kuri madikanwawo kumukudza kupfurikidza nomufambiro wedu. Jesu akashurikidza avo, vachikudza Mwari nemiromo yavo, vakanga vane mwoyo iri kure Naye. (Marko 7:6) Mufambiro usina kururama unosungirwa kuunza ruzvidzo kuna Jehovha Mwari. Somuenzaniso, pana VaRoma 2:23, 24, tinorava, kuti: “Iwe unozvirumbidza nomurairo, unoshora Mwari unodarika murairo neiko? Nokuti, sezvazvakanyorwa, ‘zita raMwari rinomhurwa pakati pavahedheni nokuda kwenyu.’” Mumakore achangobva kupfuura zviuru zvakawanda zvakadzingwa gore negore muungano dzavanhu vaJehovha. Sezvingabvira, kunyange zviverengero zvikuru zvikuru zvakapinda mumufambiro unozvidzika hazvina kudzingwa nemhaka yokuti zvakaratidzira chimiro chokupfidza zvirokwazvo. Vanhu ava vose vakanga vachikudza Jehovha nemiromo yavo, asi vakakundikana kuita saizvozvo kupfurikidza nomufambiro wavo.

18. (a) Iitiro hanyai inofanira kuva navakaropafadzwa zvikuru kana vachizoratidza rukudzo rwakafanira kuna Jehovha? (b) Mugariro wavamwe vaprista muzuva raMaraki unoenzanisira sei kudikanwa kweitiro hanya?

18 Avo vanobatikana mumativi akasiana-siana ebasa renguva yakazara—pangava paBheteri, mubasa rokufambira kana kuti roufundisi, kana kuti samapiona—vakaropafadzwa zvikuru pamusoro pamabanza avo okupira kurukudzo rwaJehovha. Wavo musengwa wokuita unani hwavo zvikuru mubasa ripi kana ripi ravanogoverwa, vachiva ‘vakatendeka muzvinhu zviduku pamwe chete nomuzvizhinji.’ (Ruka 16:10) Munzira dzakati mugariro wavo unokudzwa wakaenzanisirwa, kunyange zvazvo usina kufananidzirwa, navaprista navaRevhi muna Israeri wekare. Zvisinei, nemhaka yokuregeredza kwavamwe vaprista muzuva raMaraki, Jehovha akati kwavari: “Kana ndiri baba venyu, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripiko?” (Maraki 1:6) Vaprista ivavo vakanga vachizvidza zita raMwari kupfurikidza nokupa mhuka dzisingaoni, dzakaremara, uye dzinorwara sezvibairo. Kutoti avo vane maropafadzo chaiwo ebasa nhasi vakavavarira kuita unani hwavo zvikuru, ivo vanogona zvikurukuru kuva vakafanirwa netsiuro iyo Jehovha Mwari akapa vaprista ivavo. Vaizova vachikundikana pamusoro pokukudza Mwari.

19. (a) Sezvinodudzwa pana Zvirevo 3:9, ndeipi iri nzira yokuwedzera yokukudza nayo Jehovha? (b) Ndeipi iri imwe nzira inokosha yokukudza nayo Jehovha?

19 Imwe nzira tinogona kukudza nayo Jehovha Mwari iri kupfurikidza nokuita mipiro yemari kubasa renyika yose rokuparidzira iro iye akabvumira. “Kudza Jehovha nezvaunazvo, uye nezvitsva zvose zvawakawana,” tinokurudzirwa kudaro. (Zvirevo 3:9) Ropafadzo yokuita mipiro yakadaro ibanza rokukudza Jehovha Mwari iro munhu upi noupi asingafaniri kufuratira. Tinogonawo kukudza Jehovha Mwari muminyengetero yedu, tichimurumbidza nokumuonga. (1 Makoronike 29:10-13) Kutaura idi, nemhaka yokuti tinouya kwaari nokuzvininipisa uye noruremekedzo rukuru, kuuya kwedu kumene kuna Mwari mumunyengetero kumupa rukudzo.

20. (a) Ndivanaani vanowanzokudzwa navanhu venyika, uye sei? (b) Tinogonazve kukudza Jehovha kupfurikidza nokuteerera murairoi?

20 Nhasi vanhu vazhinji, zvikurukuru pwere, vanokudza avo vanoyemura kupfurikidza nokuvatevedzera—kupfurikidza nokutaura saivo uye kupfurikidza nokuita saivo. Kazhinji kazhinji vanhu vavanotevedzera magamba emitambo kana kuti nyanzvi mune zvevaraidzo. Mukupesana, samaKristu, tinofanira kukudza Jehovha Mwari kupfurikidza nokuedza kumutevedzera. Muapostora Pauro akakurudzira kuti tiite saizvozvo, achinyora, kuti: “Ivai vatevedzeri vaMwari, savana vanodiwa, uye rambai muchifamba murudo.” (VaEfeso 5:1, 2, NW) Hungu, kupfurikidza nokuvavarira kutevedzera Jehovha, tinomukudza.

21. (a) Chii chichatishongedzera kupa Jehovha mbiri norukudzo? (b) Ndedzipi dziri tuso Jehovha anopa kuna avo vanomukudza?

21 Zvirokwazvo, kune nzira zhinji dzatinogona uye dzatinofanira kupa nadzo Mwari mbiri norukudzo. Ngatiregei kutongokanganwa kuti kupfurikidza nokudya nguva dzose paShoko rake uye kuva vakarovedzana nguva dzose zviri nani naye, tichava vanokwanisa zvikuru kumukudza. Chii chiri tuso dzokuita saizvozvo? “Avo vanondikudza,” anodaro Jehovha, “ndichavakudzawo.” (1 Samueri 2:30) Pakupedzisira Jehovha achakudza vanamati vake kupfurikidza nokuvapa upenyu husingaperi mumufaro, mungava mudenga savatongi pamwe chete noMwanakomana wake, Jesu Kristu, kana kuti muParadhiso yapasi.

Unoyeuka Here?

◻ Vanhu vanokudza vanaani kazhinji kazhinji, uye ndiani wavanowanzoregeredza kukudza?

◻ Kukudza mumwe munhu kunorevei, uye ndedzipi dziri nzira makunogona kuitwa?

◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvezvikonzero zvikuru nei Jehovha Mwari achifanirwa norukudzo?

◻ Ndedzimwe nzirai dzatinogona kukudza Jehovha nadzo?

◻ Jehovha anotusa avo vanomukudza munzirai?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe