RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 8/1 pp. 16-21
  • Kudza Vamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudza Vamwe
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anokudza Vanhu
  • Jesu Akakudza Vamwe
  • Pauro Akaratidza Rukudzo
  • Kuratidza Kukudza Muzuva Redu
  • Kukudza Jehovha
  • Kudzai Vanhu Vamarudzi Ose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kudza Jehovha—Nei Uye Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Ipa Rukudzo Kune Vakakodzerwa Narwo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Unotanga Iwe Here Kukudza Vamwe vaKristu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 8/1 pp. 16-21

Kudza Vamwe

“Pakukudzana tungamiriranai.” —VAROMA 12:10.

1, 2. (a) Tinofanira kuitei kuti tiratidze kuti tine pfungwa dzinozvidukupisa? (b) Bhaibheri rinowanzoshandisa sei shoko rokuti “kudza,” uye ndiani anowana zviri nyore kuratidza rukudzo?

NYAYA yedu yakatangira ino yakasimbisa zano reShoko raMwari rokuti: “Pfekai [pfungwa dzinozvidukupisa, NW] mumwe kuno mumwe, nokuti Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.” (1 Petro 5:5) Imwe nzira yokuti tipfeke pfungwa dzinozvidukupisa ndeyokudzidzira kukudza vamwe.

2 Shoko rokuti “kudza” rinowanzoshandiswa muBhaibheri kuratidza kuremekedza, kukoshesa, nokufunga kwatinofanira kuita vamwe. Tinokudza vamwe nokuvaitira mutsa, kuremekedza chiremera chavo, kuteerera maonero avanoita, kugadzirira kuita zvinhu zvatinokumbirwa. Vaya vane pfungwa dzinozvidukupisa kakawanda havazooni izvi zvakaoma. Zvisinei, vaya vane mwoyo unozvikudza vangaona zvakaoma kuratidza rukudzo rwechokwadi uye panzvimbo pezvo vangaedza kuwana nyasha nokubatsirwa ivo kuburikidza nokubata kumeso.

Jehovha Anokudza Vanhu

3, 4. Jehovha akakudza sei Abrahama, uye nei?

3 Jehovha pachake anoratidza muenzaniso wokukudza. Akasika vanhu vakasununguka kuzvisarudzira uye haavabati semarobhoti zvawo. (1 Petro 2:16) Somuenzaniso, paakaudza Abrahama kuti Sodhoma raida kuparadzwa pamusana pokuipa kwaro, Abrahama akabvunza kuti: “Muchaparadza vakarurama pamwe chete navakaipa here? Zvimwe vangavapo vakarurama vane makumi mashanu muguta; muchaparadza nzvimbo iyo, mukasainzwira tsitsi nokuda kwavakarurama vane makumi mashanu varimo here?” Jehovha akapindura kuti aisazoparadza guta racho nokuda kwevakarurama 50. Abrahama akabva aramba achiteterera achizvininipisa. Ko kudai manga mune 45? 40? 30? 20? 10? Jehovha akavimbisa Abrahama kuti aisazoparadza Sodhoma kudai vanhu vakarurama gumi chete vaiwanikwa.—Genesi 18:20-33.

4 Jehovha aiziva kuti muSodhoma makanga musina vanhu gumi vakarurama, asi akakudza Abrahama nokuteerera maonero ake nokubata naye noruremekedzo. Nei? Nokuti Abrahama “akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake.” Abrahama akanzi “hama yaMwari.” (Genesi 15:6; Jakobho 2:23) Uyezve, Jehovha akaona kuti Abrahama aikudza vamwe. Pakamuka makakatanwa enzvimbo pakati pavafudzi vake nevemwana womunun’una wake Roti, Abrahama akakudza Roti nokumuudza kuti atange kusarudza nharaunda yaaida. Roti akasarudza yaakaona senyika yakanakisisa, uye Abrahama akaenda kumwe kwacho.—Genesi 13:5-11.

5. Jehovha akakudza sei Roti?

5 Jehovha akakudzawo Roti akarurama zvakafanana. Sodhoma risati raparadzwa, akaudza Roti kuti atizire kunharaunda yemakomo. Zvisinei, Roti akati akanga asingadi kuenda ikoko; akasarudza Zoari raiva pedyo, nyange zvazvo guta iroro rakanga riri munharaunda yaida kuparadzwa. Jehovha akati kuna Roti: “Tarira, ndakunzwira tsitsi pachinhu ichiwo, kuti handingaparadzi guta iri rawareva.” Jehovha akakudza Roti akatendeka nokuita zvaakakumbira.—Genesi 19:15-22; 2 Petro 2:6-9.

6. Jehovha akakudza sei Mosesi?

6 Jehovha paakadzosa Mosesi kuEgipita kuzotungamirira vanhu Vake kubuda muuranda uye kuti anotaura naFarao nezvekurega vanhu Vake vachienda, Mosesi akapindura kuti: “Haiwa, Jehovha, handizi munhu unogona kutaura zvakanaka.” Jehovha akavimbisa Mosesi kuti: “Ini ndichava muromo wako, ndikudzidzise zvaunofanira kutaura.” Asi Mosesi akanga achiri kungotya. Ipapo Jehovha akavimbisa Mosesi ndokuronga kumutuma naAroni, mukoma wake, somutauriri.—Eksodho 4:10-16.

7. Nei Jehovha akanga achida kukudza vamwe?

7 Muzviitiko zvose zvakadaro, Jehovha akaratidza kuda kwake kukudza vamwe, kunyanya vaya vaimushumira. Nyange zvazvo zvavakakumbira zvingadaro zvakanga zvakasiyana nezvakanga zvichidiwa naJehovha pakutanga, akafunga nezvezvavakakumbira ndokuzvibvumira chero bedzi zvakanga zvisingavhiringidzi chinangwa chake.

Jesu Akakudza Vamwe

8. Jesu akakudza sei mukadzi wakanga achirwara chaizvo?

8 Jesu akatevedzera Jehovha mukukudza vamwe. Pane imwe nguva ari muboka, paiva nomumwe mukadzi wakanga achirwara nekuyerera kweropa kwemakore 12. Vanachiremba vakanga vatadza kumurapa. MuMutemo waMosesi, ainzi haana kuchena uye aisafanira kuve aripo. Akauya shure kwaJesu, akabata nguvo yake, uye akaporeswa. Jesu haana kuomerera paMutemo, achimutukira zvaakaita. Asi, achiziva mamiriro acho ezvinhu, akamukudza, achiti: “Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa; enda norugare, upore pakurwara kwako.”—Marko 5:25-34; Revhitiko 15:25-27.

9. Jesu akakudza sei Wemamwe Marudzi?

9 Imwe nguva, mumwe mukadzi wokuFenikia akati kuna Jesu: “Ndinzwirei ngoni, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi; mwanasikana wangu wakabatwa kwazvo nomweya wakaipa.” Achiziva kuti akanga atumwa kurudzi rwaIsraeri uye kwete kune Vemamwe Marudzi, Jesu akati: “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana [vaIsraeri], ndokuchikandira imbwanana [Vemamwe Marudzi].” Mukadzi wacho akapindura achiti: “Kunyange nembwananawo dzinodya zvimedu zvinodonha patafura ravatenzi vadzo.” Ipapo Jesu akati: “Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, zvaunoda ngazviitwe.” Mwanasikana wake akaporeswa. Jesu akakudza Wemamwe Marudzi uyu pamusana pokutenda kwake. Nyange kushandisa kwake kutaura kwokuti “imbwanana,” panzvimbo pokutaura nezvemhumhi, kwakaita kuti nyaya yacho ireruke ndokuratidza tsitsi dzake.—Mateo 15:21-28.

10. Jesu akadzidzisa vadzidzi vake chidzidzo chipi chine simba, uye nei chakanga chichidiwa?

10 Jesu akaramba achidzidzisa vadzidzi vake nezvekudiwa kwepfungwa dzinozvidukupisa nokukudza vamwe, zvavakanga vachine dambudziko rokuti ini pakutanga. Pane imwe nguva pavakanga vaitirana nharo, Jesu akabvunza kuti: “Makanga muchiita nyaya yeiko munzira?” Vakaramba vakanyarara, nokuti “vakanga vaita nharo pakati pavo munzira, kuti mukuru ndiani.” (Marko 9:33, 34) Nyange usiku hwakatangira kufa kwaJesu, “nharo dzakamuka pakati pavo kuti ndiani kwavari uchanzi mukuru.” (Ruka 22:24) Saka pavaidya Paseka, Jesu “akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake.” Chidzidzo chine simba zvakadini! Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari, ane nzvimbo yechipiri bedzi kuna Jehovha pazvose zviripo. Asi, akadzidzisa vadzidzi vake chidzidzo chinokudzwa nokushambidza tsoka dzavo. Akati: “Ndakakuratidzai makwara kuti muite imi sezvandakakuitirai ini.”—Johane 13:5-15.

Pauro Akaratidza Rukudzo

11, 12. Pauro paakava muKristu, akadzidzei, uye akashandisa sei chidzidzo ichi kuna Firemoni?

11 Somutevedzeri waKristu, muapostora Pauro akakudza vamwe. (1 VaKorinte 11:1) Akati: “Tisingatsvaki kukudzwa navanhu . . . Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake.” (1 VaTesaronika 2:6, 7) Mai vanoyamwisa vane hanya nevana vavo. Pauro paakanga ava muKristu, akadzidza kuva nepfungwa dzinozvidukupisa uye akakudza vaKristu vaainamata navo nokuvabata nounyoro. Pakuita kudaro, akaremekedzawo rusununguko rwavo rwokuzvisarudzira, sezvakaratidzwa nechiitiko chakaitika paakanga ari musungwa muRoma.

12 Mumwe muranda akanga atiza ainzi Onesimo akateerera kudzidzisa kwaPauro. Akava muKristu uye shamwari yaPauro. Tenzi womuranda wacho akanga ari Firemoni, aivawo muKristu, aigara kuAsia Minor. Mutsamba yaakanyorera Firemoni, Pauro akanyora kuti Onesimo aimubatsira sei, achiti: “Ndaida kuti agare neni.” Asi, Pauro akadzorera Onesimo kuna Firemoni, nokuti akanyora kuti: “Asi ndakanga ndisingadi kuita chinhu, iwe usati watenda, kuti zvakanaka zvaungaita zvirege kuitwa nokurovererwa, asi nokuda kwako.” Pauro haana kuti zvaakanga ari muapostora dzakanga dzawira mutswanda, asi akakudza Firemoni nokusakumbira kuti arambe achigara naOnesimo muRoma. Uyezve, Pauro akarayira Firemoni kuti akudze Onesimo, achimubata so“munhu unopfuura muranda, ave hama inodikanwa.”—Firemoni 13-16.

Kuratidza Kukudza Muzuva Redu

13. VaRoma 12:10 inotiudza kuti tiitei?

13 Shoko raMwari rinopa zano rokuti: “Pakukudzana tungamiriranai.” (VaRoma 12:10) Izvi zvinoreva kuti hatifaniri kumirira vamwe kuti vatange kutikudza, asi tisu tinofanira kutanga. “Munhu ngaarege kuzvitsvakira zvake, asi zvomumwe.” (1 VaKorinte 10:24; 1 Petro 3:8, 9) Saka, vashumiri vaJehovha vanotsvaka mikana yokukudza vaya vari mumhuri, vaKristu vavanonamata navo vari muungano, uye nyange vaya vari kunze kweungano.

14. Murume nomudzimai vanokudzana sei?

14 Bhaibheri rinoti: “Musoro womumwe nomumwe ndiye Kristu; uye musoro womukadzi ndiye murume.” (1 VaKorinte 11:3) Jehovha anoda kuti murume abate mudzimai wake sezvakaita Kristu ungano. Pana 1 Petro 3:7, murume anorayirwa kupa mudzimai wake ‘rukudzo achiti ndiye mudziyo une simba duku.’ Anogona kuita izvi nokuratidza kuda zvechokwadi kuteerera uye nokufunga zvinonzi nomudzimai wake zvinogona kuitwa. (Genesi 21:12) Angamuti atange kusarudza kana pasina nheyo dzeBhaibheri dziri kuputswa, uye anomuitira zvinhu nokumubata nomutsa. Uyewo, “mukadzi ngaatye murume wake.” (VaEfeso 5:33) Anomuteerera, haagari achida kuti zvaanoda iye zviitwe, haamurerutsi kana kuti kugara achimushora. Anoratidza pfungwa dzinozvidukupisa kuburikidza nokusaedza kutonga murume wake, nyange aine mano anopfuura ake mune dzimwe nharaunda.

15. Vakura vanofanira kuonekwa sei, uye ivo vanofanira kuitawo sei?

15 Muungano yechiKristu, mune vaya vanonyanya kukodzerwa nokukudzwa, vakadai sevakura. “Unofanira kusimukira wachena bvudzi, nokukudza mutana [kana chembere].” (Revhitiko 19:32) Izvi ndizvo zvinonyanya kushanda kune vaya vakashumira Jehovha vakatendeka kwemakore akawanda nokuti “vhudzi rachena ikorona yakaisvonaka, inowanikwa panzira yokururama.” (Zvirevo 16:31) Vatariri vanofanira kuratidza muenzaniso nokuratidza kufunga zvakafanira vaKristu vavanonamata navo vakuru kwavari. Chokwadi, vakurawo vanofanira kuratidza pfungwa yokuremekedza vaduku, kunyanya vaya vanoitawo basa rokufudza boka.—1 Petro 5:2, 3.

16. Vabereki nevana vanofanira kukudzana sei?

16 Vaduku vanofanira kukudza vabereki vavo: “Vana, teererai vabereki venyu munaShe; nokuti ndizvo zvakarurama. Kudza baba vako namai—ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa—kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika.” Uyewo, vabereki vanokudza vana vavo, nokuti vanoudzwa kuti ‘varege kutsamwisa vana vavo asi kuti vavarere pakuranga nokurayira kwaShe.’—VaEfeso 6:1-4; Eksodho 20:12.

17. Ndivanaani vanofanira “kukudzwa kaviri”?

17 Vanofanirawo kukudzwa ndeavo vanoshanda zvakaoma pakushumira ungano: “Vakuru vanobata kereke zvakanaka ngavanzi vanofanirwa nokukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa.” (1 Timotio 5:17) Imwe nzira yatingavakudza nayo ndeyokuita zvinotaurwa naVaHebheru 13:17 kuti: “Teererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo.”

18. Chii chatinofanira kuitira vari kunze kweungano?

18 Tinofanira kukudza vari kunze kweungano here? Hungu. Somuenzaniso, tinorayirwa kuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru.” (VaRoma 13:1) Ava vatongi vanobvumirwa naJehovha kuti vashandise simba kusvikira Umambo hwake hwavatsiva. (Dhanieri 2:44) Saka tino‘ripira vose zvavanofanira kuripirwa: Mutero kune vanofanira kutererwa; muripo kune vanofanira kuripirwa; kutya kune vanofanira kutyiwa; kukudza kune vanofanira kukudzwa.’ (VaRoma 13:7) Tinofanira ku‘kudza vanhu vose.’—1 Petro 2:17.

19. Tinga‘itira vamwe zvakanaka’ sei ndokuratidza kuvakudza?

19 Nepo chiri chokwadi kuti tinofanira kukudza nyange avo vari kunze kweungano, cherekedza zvinosimbiswa neShoko raMwari: “Zvatine nguva, ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kune veimba yokutenda.” (VaGaratia 6:10) Chokwadi, nzira yakanakisisa yatinga‘itira vamwe zvakanaka’ ndeyokutsigira nokugutsa zvavanoda zvomudzimu. (Mateo 5:3) Izvi tinogona kuzviita nokuteerera chiyeuchidzo chomuapostora Pauro chokuti: “Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu wakatendeka, mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko razvokwadi.” Patinoshandisa mikana yose yokupupura nounyanzvi, ‘tichipedzisa basa redu kwazvo,’ hatisi kungoitira vose zvakanaka chete asi tiri kuratidza kuvakudzawo.—2 Timotio 2:15; 4:5.

Kukudza Jehovha

20. Chii chakaitika kuna Farao nemauto ake, uye nei?

20 Jehovha anokudza zvisikwa zvake. Saka zvine musoro kuti tinofanira kumukudzawo. (Zvirevo 3:9; Zvakazarurwa 4:11) Shoko raJehovha rinotaurawo kuti: “Vanondikudza ndichavakudzawo, vanondizvidza ndichavashorawo.” (1 Samueri 2:30) Farao weEgipita paakaudzwa kuti arege vanhu vaMwari vachienda, akapindura akaomesa mutsipa achiti: “Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere inzwi rake?” (Eksodho 5:2) Farao paakatuma mauto ake kuti andoparadza vaIsraeri, Jehovha akapatsanurira Israeri mvura yeGungwa Dzvuku. Asi vaEgipita pavakatevera, Jehovha akaita kuti mvura idzoke. “[Jehovha] wakakandira ngoro dzaFarao nehondo yake mugungwa.” (Eksodho 14:26-28; 15:4) Saka kuramba kwaFarao norudado kukudza Jehovha kwakaita kuti agume aparara.—Pisarema 136:15.

21. Nei Jehovha akanga achishora Bhershazari, uye chii chakaguma chaitika?

21 Mambo Bhershazari weBhabhironi akaramba kukudza Jehovha. Pane mumwe mutambo wokunwa, akazvidza Jehovha nokunwira waini mumidziyo mitsvene yendarama nesirivheri yakanga yatorwa mutemberi yaJehovha. Uye paakanga achiita izvi, airumbidza vanamwari vake vechihedheni. Asi muranda waJehovha Dhanieri akamuudza kuti: “Hamuna kuzvininipisa nomwoyo wenyu . . . asi makazvikudza pamberi paShe wokudenga.” Usiku ihwohwo, Bhershazari akaurayiwa, uye akatorerwa umambo hwake.—Dhanieri 5:22-31.

22. Nei Jehovha akatsamwira vatungamiriri vaIsraeri nevanhu vavo? (b) Jehovha wakaitira vanaani nyasha, uye zvakaguma nei?

22 Muzana ramakore rokutanga C.E., Mambo Herodhe akanga achitaura nevanhu, uye vakadanidzira vachiti: “Inzwi raMwari, harizi romunhu.” Mambo pasina haana kuzviramba asi aida mbiri yacho. Ipapo, “mutumwa waShe ukamurova, nokuti wakanga asina kukudza Mwari.” (Mabasa 12:21-23) Herodhe akazvikudza iye pachake, kwete Jehovha, uye akaurayiwa. Vatungamiriri vechitendero vepanguva iyoyo vakanga vasina kukudza Mwari nokuronga kuuraya Mwanakomana wake, Jesu. Vamwe vatongi vaiziva kuti Jesu aidzidzisa chokwadi asi havana kumutevera, “nokuti vakanga vachida kukudzwa navanhu kupfuura kukudzwa naMwari.” (Johane 11:47-53; 12:42, 43) Rudzi rwacho rwose haruna kukudza Jehovha kana Mumiririri wake akagadzwa, Jesu. Saka, Jehovha haana kuramba achivakudza, akavasiya ivo netemberi yavo kuti vaparadzwe. Asi akararamisa vaimukudza iye noMwanakomana wake.—Mateo 23:38; Ruka 21:20-22.

23. Chii chatinofanira kuita kuti tigare munyika itsva yaMwari? (Pisarema 37:9-11; Mateo 5:5)

23 Vose vanoda kurarama munyika itsva yaMwari kana gadziriro iripo yaparadzwa vanofanira kukudza Mwari noMwanakomana wake, Kristu Jesu, ndokuvateerera. (Johane 5:22, 23; VaFiripi 2:9-11) Avo vasingaratidzi rukudzo rwakadaro “vachaparadzwa panyika.” Asiwo, vakarurama vanokudza nokuteerera Mwari naKristu “vachagara panyika.”—Zvirevo 2:21, 22.

Kudzokorora

◻ Kukudza vamwe kunorevei, uye Jehovha akazviita sei?

◻ Jesu naPauro vakakudza sei vamwe?

◻ Ndivanaani vanofanira kukudzwa muzuva redu?

◻ Nei tichifanira kukudza Jehovha naJesu?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Jehovha akakudza Abrahama kuburikidza nokufunga nezvezvaakakumbira

[Mufananidzo uri papeji 18]

Mumhuri dzinobudirira, murume nomudzimai vanokudzana

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe