RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 2/1 p. 29
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Teerera Shoko raMwari Rouprofita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Vanhu Vanoshingairira Mabasa Akaisvonaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Ngatibatisisei Kutenda Kwedu Kunokosha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Zvakafanoratidzwa nezvoUmambo hwaMwari Zvinova Zvechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 2/1 p. 29

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

■ Neiko kushandurwa kwa 2 Petro 1:19 muNew World Translation of the Holy Scriptures kwakasiana nouko kuri mumamwe maBhaibheri?

Achisimbisa ukoshi hweshoko rakafuridzirwa raMwari, muapostora Petro akanyora, kuti: “Naizvozvo tine shoko rouporofita rakaitwa rechokwadi zvikuru; uye muri kuita zvakanaka mukuripa ngwariro sokumwenje unopenya munzvimbo ine rima, kutozosvikira utonga huchitsvuka uye nyamasase ichibuda, mumwoyo yenyu.”—2 Petro 1:19, NW.

Cherechedza kuti chitsama chamashoko chinoti “kutozosvikira utonga huchitsvuka uye nyamasase ichibuda” chakaparadzaniswa namakoma. Shanduro zhinjisa dzeBhaibheri hadziiti ikoku.

Somuenzaniso, Dr. James Moffatt anoshandura rutivi rwapashure rwendima yacho, kuti: “ . . . rinopenya kufanana nemwenje mukati menzvimbo ine rima; kusvikira Utonga huchisvika uye nyamasase ichibuda mukati memwoyo yenyu.” Kushandura kwakafanana naikoku kunotungamirira kumurangariro wokuti kubuda kwenyamasase kunoitika mukati memwoyo yavatendi, zvakadai saapo ivo vanowana rudzi rwakati rwevhenekero yomudzimu.

Zvisinei, kunyange shure muzuva raMosesi, makanga mune ratidziro yokuti ‘nyeredzi inobva kuna Jakobho’ yaizobuda. (Numeri 24:17; enzanisa nePisarema 89:34-37.) Jesu nenzira yakajeka akazvizivisa amene so“mudzi [iwoyo] worudzi rwaDhavhidhi, nyamasase inopenya.”—Zvakazarurwa 22:16.

Iyi zivikanwo ye“nyamasase,” kana kuti “nyamatsatse,” inokodzera mashoko akapoteredza eizvo muapostora Petro akanga achikurukura. Iye akanga achangobva kunongedzera kuchiono chokushanduka chitarisiko icho iye akanga aona makore 30 pamberi pezvi. (Mateo 16:28–17:9) Chiono chinopenya ichocho chakanongedzera kunguva apo Jesu aizo‘uya muumambo hwake,’ kana kuti kupiwa mbiri musimba roUmambo. Icho Petro akanga aona chakasimbisa ukoshi hweshoko raMwari; nenzira yakafanana, maKristu nhasi anofanira kupa ngwariro kushoko iroro rouporofita.

Nepo mwoyo yorudzi rwose zvarwo rwomunhu yakanga—uye ichiri—murima, ikoko hakufaniri kuva kwakadaro namaKristu echokwadi. Kwakaita sokunge iwo ane mwenje unopenya muicho nezvisizvo chaizova chakasviba, mwoyo yavo. Petro aiziva kuti kupfurikidza nokupa ngwariro kushoko rouporofita rinovhenekera raMwari, maKristu aizoramba akasvinurira uye akavhenekerwa kukubuda kwezuva idzva. Iyoyo yaizova nguva apo “nyamasase,” kana kuti “nyamatsatse,” aizotonga zvomenemene musimba roUmambo.

Kunofadza kuti E. W. Bullinger akanyora pana 2 Petro 1:19, kuti: “Pano, kwakajeka kuti panofanira kuva namapereni, nokuti ndihwo uporofita huri chiedza chinopenya, uye Kristu nokuoneka Kwake ndizvo Nyamasase uye Utonga. Zvirokwazvo, revo haigoni kuva yokuti tinorairwa kuteerera shoko rouporofita kutozosvikira Kristu aziviswa mumwoyo yedu! Aiwa; asi tinofanira kuteerera mumwoyo yedu iri shoko rouporofita, kutozosvikira zadziko yasvika mukuoneka kwaKristu—kubuda Kwake uyo anonzi ‘Nyamasase.’”—Figures of Speech Used in the Bible, 1898.

Naizvozvo, chiverengero chakati cheshanduro dzeBhaibheri chinoshandisa mapareni pana 2 Petro 1:19.a New World Translation of the Holy Scriptures inochengeta nhevedzano yokutanga yokupiwa kunowanwa muchiGiriki chapakuvamba. Asi inoshandisa makoma kuparadzanisa chitsama chamashoko chokuti “kutozosvikira utonga huchitsvuka uye nyamatsatse achibuda” nezano rokupa ngwariro kushoko ‘sokumwenje unopenya munzvimbo ine rima, mumwoyo yenyu.’

[Mashoko Omuzasi]

a Ona somuenzaniso The Twentieth Century New Testament (chinyorwa cha 1904), The Emphatic Diaglott (chinyorwa cha 1942), Concordant Literal New Testament (1976).

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe