Teerera Shoko raMwari Rouprofita
“Tine shoko rouprofita rakaitwa kuti rive rechokwadi zvikuru; uye muri kuita zvakanaka kuriteerera.”—2 PETRO 1:19.
1, 2. Muenzanisoi wamesiya wenhema waungarondedzera?
KWEMAZANA emakore, vanamesiya venhema vakaedza kufanotaura nguva yemberi. Muzana remakore rechishanu C.E., mumwe murume aizviti Mosesi akaita kuti vaJudha vaiva pachitsuwa cheKrete vatende kuti aiva mesiya uye kuti aizovanunura pakudzvinyirirwa. Pazuva rakagadzwa nokuda kwokusunungurwa kwavo, vakamutevera kunzvimbo yakakwirira yakatarisana neGungwa reMediterranean. Akati vaifanira kuzviwisira mugungwa, uye raizoparadzana pamberi pavo. Vazhinji vakawira mumvura vakanyura, uye mesiya iyeye wenhema akatiza panzvimbo yacho.
2 Muzana remakore rechi12, mumwe “mesiya” akabuda muYemen. Mambo wacho, kana kuti mutongi, akamubvunza chiratidzo chokuva kwake mesiya. “Mesiya” uyu akataura kuti mambo aite kuti agurwe musoro. Akaprofita rumuko rwokukurumidza rwaizoshanda sechiratidzo. Mambo wacho akabvumirana nezano racho—uye ndipo pakaperera “mesiya” iyeye.
3. Mesiya wechokwadi ndiani, uye ushumiri hwake hunoratidzei?
3 Vanamesiya venhema nouprofita hwavo vanokundikana chose chose, asi kuteerera shoko raMwari rouprofita hakumboodzi mwoyo. Mesiya wechokwadi, Jesu Kristu, aiva kuzadzika kwouprofita hwakawanda hweBhaibheri. Somuenzaniso, achidzokorora uprofita hwaIsaya, munyori weEvhangeri Mateu akanyora kuti: “‘Haiwa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, iri nechomumugwagwa wegungwa, mhiri kweJodhani, Garireya yemamwe marudzi! vanhu vagere murima vakaona chiedza chikuru, uye kana vari avo vagere munzvimbo yomumvuri worufu, chiedza chakavabudira.’ Kubvira panguva iyoyo Jesu akatanga kuparidza achiti: ‘Pfidzai, nokuti umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’” (Mateu 4:15-17; Isaya 9:1, 2) Jesu ndiye aiva “chiedza chikuru,” ichocho uye ushumiri hwake hwakaratidza kuti aiva Muprofita akafanotaurwa naMosesi. Vaya vairamba kuteerera Jesu vaizoparadzwa.—Dheuteronomio 18:18, 19; Mabasa 3:22, 23.
4. Jesu akazadzika sei Isaya 53:12?
4 Jesu akazadzikawo mashoko ouprofita hwaIsaya 53:12 anoti: “Akadurura mweya wake pakufa, akaverengwa pamwe chete navadariki; kunyange zvakadaro akatakura zvivi zvavazhinji, akanyengeterera vadariki.” Achiziva kuti nokukurumidza aizopa upenyu hwake hwomunhu sorudzikinuro, Jesu akasimbisa kutenda kwevadzidzi vake. (Mako 10:45) Akazviita munzira inokosha zvikuru yokushanduka chitarisiko.
Kushanduka Chitarisiko Kunovaka Kutenda
5. Mumashoko ako oga, ungarondedzera sei kushanduka chitarisiko?
5 Kushanduka chitarisiko kwaiva chiitiko chouprofita. Jesu akati: “Mwanakomana womunhu anofanira kuuya ari mumbiri yaBaba vake ane ngirozi dzake . . . Zvechokwadi ndinoti kwamuri pane vamwe vevamire pano vasingazomboraviri rufu kusvikira vatanga vaona Mwanakomana womunhu achiuya muumambo hwake.” (Mateu 16:27, 28) Vamwe vevaapostora vakaona chaizvoizvo Jesu achiuya muUmambo hwake here? Mateu 17:1-7 inoti: “Mazuva matanhatu gare gare Jesu akaenda naPetro naJakobho naJohani munun’una wake akakwira navo mugomo refu refu vari voga. Zvino akashanduka chitarisiko pamberi pavo.” Chiitiko chinoshamisa zvakadini! “Chiso chake chikapenya sezuva, uye nguo dzake dzokunze dzikachena sechiedza. Uye, tarira! Mosesi naEriya vakaoneka kwavari, vachikurukura naye.” Uyewo, “gore raipenya rakavafukidza,” uye vakanzwa inzwi raMwari pachake richiti: “‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera; muteererei.’ Vadzidzi vachinzwa izvi vakawira pasi nezviso zvavo vakatya zvikuru kwazvo. Ipapo Jesu akaswedera pedyo uye, achivabata, akati: ‘Simukai uye musatya.’”
6. (a) Nei Jesu akadana kushanduka chitarisiko kuti kuratidzwa? (b) Kushanduka chitarisiko kwaiva kufanoonwa kwechii?
6 Ichi chiitiko chinoshamisa zvimwe chakaitika pamusoro peGomo reHermoni, uko Jesu nevaapostora vatatu vakapedzera usiku. Sezviri pachena kushanduka chitarisiko kwacho kwakaitika usiku, kuchiita kuti kuve kwakanyanyojeka. Chimwe chikonzero nei Jesu akakudana kuti kuratidzwa chaiva chokuti Mosesi naEriya vakanga vafa kare vakanga vasipo chaizvoizvo. Kristu bedzi ndiye aivapo chaizvoizvo. (Mateu 17:8, 9) Kuratidzwa kunoshamisa kwakadaro kwakaita kuti Petro, Jakobho, uye Johani vafanoona zvinoshamisa kuvapo kune mbiri musimba roUmambo kwaJesu. Mosesi naEriya vakafanana nevanogara nhaka pamwe naJesu vakazodzwa, uye zvakaratidzwa zvacho zvakasimbisa zvikuru uchapupu hwake pamusoro poUmambo uye kuva mambo kwake kwomunguva yemberi.
7. Tinoziva sei kuti Petro aiyeuka zvakajeka kushanduka chitarisiko?
7 Kushanduka chitarisiko kwakabetsera kusimbisa kutenda kwevaapostora vatatu vaizova nebasa guru rokutungamirira muungano yechiKristu. Chiso chaipenya chaKristu, nguo dzake dzain’aima, uye inzwi raMwari pachake raizivisa kuti Jesu aiva Mwanakomana Wake anodiwa wavaifanira kuteerera—zvose izvi zvakashandira chinangwa chazvo zvinobudirira zvikuru. Asi vaapostora vaisafanira kurondedzera zvakaratidzwa izvi kune mumwe munhu kusvikira Jesu amutswa. Makore 32 gare gare, zvakaratidzwa izvi zvakanga zvichakangojeka mupfungwa dzaPetro. Achitaura nezvazvo uye zvazvaireva, akanyora kuti: “Aiwa, hatina kukuzivisai simba nokuvapo kwaShe wedu Jesu Kristu nokutevera ngano dzakanyatsorukwa, asi kwaiva nokuva zvapupu zvakaona ukuru hwake. Nokuti akagamuchira kukudzwa nembiri kubva kuna Mwari Baba, apo mashoko akadai seaya akataurwa kwaari nembiri huru: ‘Uyu ndiye mwanakomana wangu, anodiwa wangu, wandatendera ini.’ Hungu, mashoko aya takaanzwa achitaurwa achibva kudenga patakanga tinaye mugomo dzvene.”—2 Petro 1:16-18.
8. (a) Kuzivisa kwaMwari maererano neMwanakomana wake kwakasimbisa chii? (b) Chii chairatidzwa negore rakaonekwa mukushanduka chitarisiko?
8 Kwaikosha zvikuru kwaiva kuzivisa kwaMwari kuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera; muteererei.” Kutaura uku kunoisa pfungwa pana Jesu saMambo waMwari akagadzwa pachigaro, uyo marudzi ose anofanira kuteerera. Gore rakafukidza rairatidza kuti kuzadzika kwezvakaratidzwa izvi kwaizova kusingaonekwi. Kwaizonzwisiswa bedzi nemaziso okunzwisisa kune vaya vanoziva “chiratidzo” chokuvapo kusingaonekwi kwaJesu musimba roUmambo. (Mateu 24:3) Chokwadi, murayiridzo waJesu wokusataura zvakaratidzwa kunoupi noupi kusvikira amuka kuvakafa unoratidza kuti kukudzwa kwake uye kupiwa mbiri zvaizouya amutswa.
9. Nei kushanduka chitarisiko kuchifanira kusimbisa kutenda kwedu?
9 Ataura nezvokushanduka chitarisiko, Petro akati: “Naizvozvo tine shoko rouprofita rakaitwa kuti rive rechokwadi zvikuru; uye muri kuita zvakanaka kuriteerera serambi rinopenya munzvimbo ine rima, kusvikira ave mambakwedza uye nyamasase ichibuda, mumwoyo menyu. Nokuti kutanga munoziva izvi, kuti hapana uprofita hwoRugwaro hunobva mukududzira kupi nokupi kwakazvimirira kwoga. Nokuti hapana nguva apo uprofita hwakambouya nokuda kwevanhu, asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaisundwa nomudzimu mutsvene.” (2 Petro 1:19-21) Kushanduka chitarisiko kunosimbisa kuvimbika kweshoko raMwari rouprofita. Tinofanira kuteerera shoko iroro uye kwete “ngano dzakanyatsorukwa” dzisingatsigirwi kana kuti kutenderwa naMwari. Kutenda kwedu shoko rouprofita kunofanira kusimbiswa nokushanduka chitarisiko nokuti kufanoonwa ikoko kwembiri nesimba roUmambo zvaJesu mukuratidzwa ikoko kwazova chinhu chaichoicho. Hungu, tine uchapupu husingarambiki hwokuti Kristu aripo nhasi saMambo wokudenga ane simba.
Mabudire Anoita Nyamasase
10. Ndiani kana kuti chii chiri “nyamasase” yakataurwa naPetro, uye nei uchipindura kudaro?
10 Petro akanyora kuti: “Muri kuita zvakanaka kuriteerera [shoko rouprofita] serambi rinopenya munzvimbo ine rima, kusvikira ave mambakwedza uye nyamasase ichibuda.” Ndiani kana kuti chii chiri “nyamasase”? Shoko rechiNgezi rakashandurwa kuti “nyamasase” rinongowanikwa kamwe muBhaibheri, uye rinoreva zvakafanana nerechiNgezi rakashandurwazve kuti “nyamasase” pana Zvakazarurwa 22:16. Pano Jesu Kristu anonzi “nyamasase.” Pane mimwe mwaka yegore, nyeredzi dzakadaro ndidzo dzinopedzisira kubuda kumabvazuva. Dzinobuda zuva rava kuda kubuda, saka dzinozivisa mambakwedza erimwe zuva. Petro akashandisa shoko rokuti “nyamasase” kureva Jesu Agamuchira simba roUmambo. Panguva iyoyo, Jesu akabuda mune zvose zvakasikwa, kusanganisira pasi redu! SeNyamasase Mesiya, anomirira mambakwedza ezuva idzva, kana kuti nguva, yevanhu vanoteerera.
11. (a) Nei 2 Petro 1:19 isingarevi kuti “nyamasase” inobuda mumwoyo yavanhu chaiyo? (b) Ungatsanangura sei 2 Petro 1:19?
11 Shanduro dzakawanda dzeBhaibheri dzinotsigira pfungwa yokuti mashoko omuapostora Petro akanyorwa pana 2 Petro 1:19 anoreva mwoyo womunhu chaiwoiwo. Mwoyo womunhu mukuru unongorema magiramu 250-300. Jesu Kristu—uyo zvino ava chisikwa chomudzimu chisingafi chine mbiri chiri mudenga—angabuda sei munhengo idzi duku dzevanhu? (1 Timoti 6:16) Chokwadi, mwoyo yedu yokufananidzira inobatanidzwa munhau iyi, nokuti nayo tinoteerera shoko raMwari rouprofita. Asi nyatsotarira pana 2 Petro 1:19, uye uchaona kuti Shanduro Yenyika Itsva inoshandisa makoma kuparadzanisa mashoko okuti “kusvikira ave mambakwedza uye nyamasase ichibuda” kubva mumashoko okutanga mundima yacho uye mashoko okuti “mumwoyo menyu.” Ndima iyi ingaraviwa seizvi: ‘Naizvozvo tine shoko rouprofita rakaitwa kuti rive rechokwadi zvikuru; uye muri kuita zvakanaka kuriteerera serambi rinopenya munzvimbo ine rima, ndiko kuti, mumwoyo menyu, kusvikira ave mambakwedza uye nyamasase ichibuda.’
12. Mwoyo yevanhu vosewo zvavo yakaita sei, asi chii chiri chechokwadi nezvevaKristu vechokwadi?
12 Mwoyo yokufananidzira yavanhu vosewo zvavo vanotadza yakaita sei? Chokwadi, mwoyo yavo iri murima romudzimu! Zvisinei, kana tiri vaKristu vechokwadi, zvinoita sokuti tine rambi rinopenya mumwoyo yedu, iyo yaizodai ine rima. Sezvakaratidzwa nemashoko aPetro, vaKristu vechokwadi vaizoramba vakasvinurira uye vakavhenekerwa kusvikira mambakwedza ezuva idzva nokuteerera shoko raMwari rouprofita rinovhenekera. Vaizoziva chokwadi chokuti Nyamasase yakanga yabudira zvose zvakasikwa, kwete mumwoyo yavanhu yenyama.
13. (a) Nei tingava nechokwadi chokuti Nyamasase yakatobuda? (b) Nei vaKristu vangatsungirira mamiriro ezvinhu akafanotaurwa naJesu nokuda kwezuva redu?
13 Nyamasase yakatobuda! Tinogona kuva nechokwadi chaizvozvo nokuteerera uprofita hukuru hwaJesu maererano nokuvapo kwake. Nhasi, tiri kuona kuzadzika kwahwo muzviitiko zvakadai zvisina kumboitika sehondo, nzara, kudengenyeka kwapasi, uye kuparidzwa kwemashoko akanaka pasi rose. (Mateu 24:3-14) Kunyange zvazvo mamiriro ezvinhu akafanotaurwa naJesu achitibatawo sevaKristu, tinokwanisa kutsungirira norugare uye mufaro zvomwoyo. Nei? Nokuti tinoteerera shoko raMwari rouprofita uye tinotenda zvaanopikira zvenguva yemberi. Tinoziva kuti tiri pamusuo chaipo penguva yakanakisisa nemhaka yokuti tatonyura mu“nguva yokupedzisira”! (Dhanieri 12:4) Nyika yapererwa nezano rose zvakafanotaurwa pana Isaya 60:2 kuti: “Tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu.” Munhu upi noupi angawana sei nzira yake murima iri? Munhu anofanira kuteerera shoko raMwari rouprofita nokuzvininipisa iye zvino, kusati kwava kunyanyononoka. Vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanofanira kuenda kuna Jehovha Mwari, Mupi woupenyu nechiedza. (Pisarema 36:9; Mabasa 17:28) Munhu upi noupi angavhenekerwa zvechokwadi uye angava netariro yokuva nenguva yemberi inoshamisa yakaitwa chinangwa naMwari nokuda kwevanhu vanoteerera nokungoita izvi chete.—Zvakazarurwa 21:1-5.
“Chiedza Chakauya Munyika”
14. Tinofanira kuitei kuti tione kuzadzika kwouprofita hunoshamisa hweBhaibheri?
14 Magwaro anojekesa kuti Jesu Kristu zvino ari kutonga saMambo. Nemhaka yokutanga kwake kutonga muna 1914, uprofita hunoshamisa huchazadzika. Kuti tione kuzadzika kwahwo, tinofanira kuva vanyoro vanotenda Jesu Kristu, tichipfidza mabasa ezvivi uye ezvivi zvinoitwa nokusaziva. Chokwadi, vaya vanoda rima havazowani upenyu husingaperi. Jesu akati: “Kutongwa kunovakirwa pachinhu ichi kuti chiedza chakauya munyika asi vanhu vakada rima panzvimbo pechiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa. Nokuti uyo ane tsika yokuita zvakaipa anovenga chiedza uye haauyi kuchiedza, kuti mabasa ake arege kutsiurwa. Asi uyo anoita zviri zvechokwadi anouya kuchiedza, kuti mabasa ake aoneswe seakaitwa maererano naMwari.”—Johani 3:19-21.
15. Chii chichaitika kana tikaramba ruponeso rwakaitwa naMwari kuti rwuvepo nokuMwanakomana wake?
15 Chiedza chomudzimu chakauya munyika naJesu, uye kumuteerera kunokosha. Pauro akanyora kuti: “Mwari, uyo akataura kare kare panguva dzakawanda uye nenzira dzakawanda kumadzitateguru edu achishandisa vaprofita, akataura kwatiri pakuguma kweaya mazuva achishandisa Mwanakomana, waakagadza kuva mugari wenhaka yezvinhu zvose.” (VaHebheru 1:1, 2) Chii chingaitika kana tikaramba ruponeso rwakaitwa naMwari kuti rwuvepo nokuMwanakomana wake? Pauro akapfuurira achiti: “Kana shoko rakataurwa nengirozi rakanga rakasimba, uye kudarika kwose nokusateerera zvakagamuchira kutsiva maererano nokururamisira; tichapukunyuka sei kana taregeredza ruponeso rwakakura zvakadai pakuti rwakatanga kutaurwa nokunaShe wedu uye rukasimbiswa nokuda kwedu nevakamunzwa, Mwari paakapindira achipupurira nezviratidzo nemanenji nemabasa esimba akasiyana-siyana uye nokugovera mudzimu mutsvene maererano nokuda kwake?” (VaHebheru 2:2-4) Hungu, Jesu ndiye musimboti wokuziviswa kweshoko rouprofita.—Zvakazarurwa 19:10.
16. Nei tingava nokutenda kwakazara muuprofita hwose hwaJehovha Mwari?
16 Sezvambotaurwa, Petro akati: “Hapana uprofita hwoRugwaro hunobva mukududzira kupi nokupi kwakazvimirira kwoga.” Vanhu voga havangatangi uprofita hwechokwadi, asi tinogona kuva nokutenda kwakazara muuprofita hwose hwaMwari. Uhwu hunobva kuna Jehovha Mwari pachake. Nomudzimu mutsvene akaita kuti vashumiri vake vakwanise kunzwisisa kuti uprofita hweBhaibheri huri kuzadzika sei. Chokwadi, tinoonga Jehovha kuti takaona kuzadzika kwouprofita hwakawanda hwakadaro kubva mugore ra1914. Uye tine chokwadi chaizvoizvo chokuti uprofita hwasara pamusoro pokuguma kwegadziriro ino yezvinhu yakaipa huchazadzika hwose. Zvinokosha kuti tirambe tichiteerera zvinofanotaurwa naMwari tichiita kuti chiedza chedu chipenye. (Mateu 5:16) Tinoonga sei kuti Jehovha ari kuita kuti ‘chiedza chitipenyere murima guru’ rakafukidza pasi nhasi!—Isaya 58:10.
17. Nei tichida chiedza chomudzimu chinobva kuna Mwari?
17 Chiedza chokunze chinoita kuti tikwanise kuona. Chinoitawo kuti zvirimwa zvinotipa zvokudya zvakasiyana-siyana zvikuru zvikure. Hatingararami pasina chiedza chokunze. Zvakadini nechiedza chomudzimu? Chinotitungamirira uye chinotiratidza nguva yemberi sezvakafanotaurwa muShoko raMwari, Bhaibheri. (Pisarema 119:105) Norudo Jehovha Mwari ‘anotuma chiedza chake nechokwadi chake.’ (Pisarema 43:3) Zvechokwadi tinofanira kuratidza kuonga kukuru gadziriro dzakadaro. Saka ngatiitei zvose zvatinogona kupinza chiedza che“zivo ine mbiri pamusoro paMwari” kuti chivhenekere mwoyo wedu wokufananidzira.—2 VaKorinde 4:6; VaEfeso 1:18.
18. Nyamasase yaJehovha zvino yagadzirira kuitei?
18 Takakomborerwa sei kuziva kuti muna 1914, Jesu Kristu, Nyamasase, akabuda mune zvose zvakasikwa ndokutanga kuzadzika kuratidzwa kwokushanduka chitarisiko! Nyamasase yaJehovha yavapo, yagadzirira kuita chinangwa chaMwari mune kumwezve kuzadzika kwokushanduka chitarisiko—“hondo yezuva guru raMwari Wemasimba Ose.” (Zvakazarurwa 16:14, 16) Pashure pokunge gadziriro ino yekare yaparadzwa, Jehovha achazadzika chipikirwa chake che“matenga matsva nepasi idzva” matingamurumbidza nokusingaperi saChangamire Ishe wezvose zvakasikwa uye Mwari wouprofita hwechokwadi. (2 Petro 3:13) Kusvikira pazuva iroro rakaisvonaka, ngatirambe tichifamba muchiedza chaMwari nokuteerera shoko rake rouprofita.
Ungapindura Sei?
• Ungarondedzera sei kushanduka chitarisiko kwaJesu?
• Kushanduka chitarisiko kunovaka sei kutenda?
• Ndiani kana kuti chii chiri Nyamasase yaJehovha, uye yakabuda rini?
• Nei tichifanira kuteerera shoko raMwari rouprofita?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Ungatsanangura zvinoreva kushanduka chitarisiko here?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Nyamasase yakatobuda. Unoziva kuti sei uye rini here?