RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 3/15 p. 31
  • Ngwarirai Shoko raMwari Rouporofita!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngwarirai Shoko raMwari Rouporofita!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vimbai Neshoko Rouporofita
  • Dzivisai Vawi Pakutenda
  • Zuva raJehovha Riri Kuuya!
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba yaJakobho uye dzaPetro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Vanhu Vanoshingairira Mabasa Akaisvonaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Zviri Mubhuku ra2 Petro
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 61—2 Petro
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 3/15 p. 31

Ngwarirai Shoko raMwari Rouporofita!

Mapfundo Makuru Anobva Muna Petro Wechipiri

SHOKO raJehovha rouporofita, kana kuti dama, rakafanana nomwenje unovheneka munzvimbo ine rima, uye maKristu echokwadi anofanira kupa ngwariro chaiyo kwariri. Ikoko hakusi nyore apo vadzidzisi venhema vanoedza kusimudzira kuwa pakutenda. Asi kunogona kuitwa nebetsero youmwari. Uye tinofanira kunamatira zvakasimba kushoko raMwari kana tichizopukunyuka zuva riri kukurumidza kusvika raJehovha.

Tsamba yechipiri yakafuridzirwa yomuapostora Petro inogona kutibetsera kuti tipe ngwariro kushoko raMwari rouporofita. Petro akanyora iyi tsamba zvichida ari muBhabhironi munenge muna 64 N.V. Mutsamba yake iye anotsigira zvokwadi yaMwari, anonyevera vatendi biyake nezvokuuya kwakafanana nokwembavha kwezuva raJehovha, uye anobetsera varavi vake kuti vasatsauswa nechikanganiso chavanhu vanoshatisa mutemo. Sezvo zuva raJehovha rodokutisvikira, tinogona kubetserwa zvikuru namashoko aPetro akafuridzirwa.

Vimbai Neshoko Rouporofita

SamaKristu, tinofanira kuzvishandisa timene kuti tiratidzire mavara oumwari uye tinofanira kungwarira shoko rouporofita. (2Pe 1:1-21) Kuti tidzivise kuva vasingashingairi kana kuti vasingabereki zvibereko, tinofanira ku‘govera kukutenda kwedu runako, zivo, kuzvidzora, tsungiriro, kuzvipira kwoumwari, chidakadaka chehama, uye rudo.’ Apo Petro akaona Jesu achishandurwa ndokunzwa Mwari achitaura pamusoro paKristu panhambo iyoyo, shoko rouporofita rakaitwa kuti rive rechokwadi zvikuru. (Marko 9:1-8) Tinofanira kupa ngwariro kushoko iroro rakafuridzirwa nenzira youmwari.

Dzivisai Vawi Pakutenda

Kupfurikidza nokupa ngwariro chaiyo kushoko raMwari rouporofita, tinogona kudzivisa vawi pakutenda navamwe vanhu vakaipa. (2:1-22) Petro akanyevera kuti vadzidzisi venhema vaizopinda muungano. Zvisinei, Jehovha aizoita rutongeso rwakaipa pavawi pakutenda ivava, kunyange sezvaakatonga ngirozi dzisingateereri, nyika isina umwari yomuzuva raNoa, uye maguta eSodhoma neGomora. Vadzidzisi venhema vanoshora chiremera chakapiwa naMwari uye vanonyengera vakaneta kuti vavakumbanire mukuita zvakaipa. Kungadai kwakava kuri nani kuti vawi pakutenda vakadaro vave vasina kuziva “nzira yokururama, pakuti vadzoke pamurairo mutsvene wavakapiwa, wavakanga vambouziva havo.”

Zuva raJehovha Riri Kuuya!

Saavo vari kungwarira shoko rouporofita muano mazuva okupedzisira, hatifaniri kuzvibvumira timene kupesvedzerwa navanyombi vanoseka shoko pamusoro pokuvapo kwaJesu. (3:1-18) Vanokanganwa kuti Mwari uyo akaronga kuparadza tsika ino yezvinhu akaparadza nyika yapamberi paMafashamo. Shiviriro yaJehovha haifaniri kurangarirwa sokunonoka, nokuti iye anoda kuti vanhu vapfidze. Tsika ino ichaparadzwa mu“zuva ra[Jehovha,” NW] uye ichatsiviwa na‘matenga matsva napasi idzva umo muchagara kururama mazviri.’ Naizvozvo, tinofanira kuita unani hwedu kuva “vasina ruvara uye vasina chavangapomerwa uye murugare.” (NW) Panzvimbo pokutsauswa navadzidzisi venhema, ngatikure muzivo yaJesu Kristu.

Ngatifungisisei mashoko aPetro. Tisatongokundikana kudzivisa vadzidzisi venhema. Ngatirarame tichiziva kuti zuva raJehovha riri kuuya nokukurumidza. Uye nguva dzose ngatingwarire shoko raMwari rouporofita.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 31]

Kukandirwa MuTartaro: Jehovha “haana kurega vatumwa vakatadza, asi wakavakandira muTartaro nokuvaisa kumakomba erima, kuti vachengeterwe kutongwa.” (2 Petro 2:4) Iyi haisi Tartaro yengano inomirirwa muIliad yaHomer senzvimbo iri pasi pevhu uko vamwari venhema vaduku, Cronus nemimwe midzimu yeTitan, vakaiswa mutorongo. Tartaro yeBhaibheri mugariro wokuderedzwa, wakafanana netorongo umo Mwari akakandira ngirozi dzisingateereri muzuva raNoa. (Genesi 6:1-8; 1 Petro 3:19, 20; Judhasi 6) “Rima” rinobva mukuva kwadzo dzakabviswa muchiedza chomudzimu naMwari sedzakaraswa kubva mumhuri yake. Seidzo dzakachengeterwa rutongeso rwake rwakaipa, dzinongova bedzi nomurangariro wakasviba. Tartaro inotangira kukandwa mugomba rakadzika-dzika uko Satani namadhemoni ake vachawana pamberi pokutanga kwoKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu. Ruparadziko rwavo ruchaitika pashure poKutonga kweMireniyumu kwaJesu.—Mateo 25:41; Zvakazarurwa 20:1-3, 7-10, 14.

[Mufananidzo]

Zeus aikandira vamwari vaduku muTartaro yengano

[Kwazvakatorwa]

National Archaeological Museum, Athens, Greece

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe