Vazivisi Voumambo Vanoshuma
“Rugwaro Rwuri Rwose Rwachakarava Rwakaorora Mwoyo Wangu”
“SHOKO raMwari ibenyu uye rinoshandisa simba,” akadaro muapostora Pauro. (VaHebheru 4:12, NW) Ikoku kwakabvumikisa kuva kwechokwadi muupenyu hwomukadzi anobva Vietnam uyo akarerwa somuBuddha. Iyi ndiyo nhau yake.
“Vabereki vangu, avo vachiri muVietnam, vaBuddha nezita, naizvozvo ndakarerwa somuBuddha kusvikira paroorano yangu pazera ramakore 22. Mhuri yomurume wangu yakaedza kundimanikidza kuti ndibhapatidzwe muChechi yeKaturike. Ivo vakataura kuti vamwene vangu vakafa vakanga vari kudziviswa kuenda kudenga nemhaka yokuti ndaiva muBuddha! Pakutanga ndakaramba kuita saizvozvo, asi gare gare ndakabhapatidzwa kuti ndivafadze. Zvisinei, pasi mumwoyo mangu, ndainzwa ndiri benzi nemhaka yokuti ndaivenga unyengeri huri muChechi yeKaturike. Yakanga isina kusiana norudzidziso rwechiBuddha. Yakanga ichibatanidzwa zvakafanana muhondo nezvamatongerwe enyika, uye marudzidziso ose ari maviri aikurudzira kunamatwa kwavakare.
“Kudai ndakanga ndagara muVietnam, ndingadai ndakava nebanza duku zvikuru rokudzidza zvokwadi. Ndakakura panguva apo kumukira kwezvamatongerwe enyika kwakakukura South Vietnam, uye ndaigara mutaundi nhambwe huru kubva kuSaigon. Naizvozvo chakanga chiri chikomborero kukwanisa kunzvengera kuAustralia.
“Ndaiva mumwe wavanhu vari muigwa vane rombo rakanaka zvikuru. Ndiine mwana wangu ane mwedzi miviri yokukura mumaoko angu, ndaifanira kumhanya murima kuti ndinzvenge mapurisa ndokukwira muigwa duku rokuredzesa hove. Pashure pamazuva manomwe mugungwa, takasvika muMalaysia, umo takagara mwedzi mishomanene mumusasa wavapoteri tisati tauya kuAustralia.
“Pashure pamakore maviri nehafu muAustralia, ndakasvikwa neZvapupu zvaJehovha muushumiri hwazvo hwapaimba neimba. Pashanyo yokutanga, ndakabvuma fundo yeBhaibheri yenguva dzose nemhaka yokuti ndakaona ikoku sebanza rakanaka rokudzidza chiNgezi. Asi mufambiro weChapupu chakandiwana nezvokwadi yachakandidzidzisa zvakandiorora zvikuru. Rugwaro rwuri rwose rwachakarava rwakaorora mwoyo wangu, uye ndaisagona kuona unyengeri musangano raJehovha. Pashure pokufunda Bhaibheri kwegore rimwe nehafu, ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha uye ndakabhapatidzwa.
“Ndinofanira kutaura kuti zvokwadi yakachinja murangariro wangu wose woupenyu. Murume wangu haatendi, asi Jehovha akandibetsera nokunditsigira, pamwe chete nemhuri yangu duku. Ave ari Murairidzi Mukuru wangu uye akandidzidzisa kuva mukadzi naamai ari nane. Ndinopfuurira kutenda Jehovha kuti iye akandibetsera kubuda murima romudzimu ndokupinda muchiedza chezvokwadi yeBhaibheri.”
Zvirokwazvo, Shoko rakafuridzirwa raMwari rakashandisa simba rezvakanaka muichi chinoitika. Kufunda Bhaibheri nokushandisa zvinodzidzwa zvinopa revo nedonzo kuupenyu uye kunotungamirira kuupenyu husingagumi munyika itsva yaMwari. Sezvo Mwari akafuridzira Mosesi kududza, kuti “hachizi chisina maturo kwamuri, asi ndihwo upenyu hwenyu.”—Dheuteronomio 32:47.