Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
Nei murume airaramira kushandisa midhudhudhu, madhiragi, uye kuita zvemitambo akasarudza kuva mushumiri wenguva yakazara? Chii chakaita kuti nyanzvi yokubhejera irege katsika kayo kakanga kapinda muropa ikava nebasa rakatsiga kuti itsigire mhuri? Chii chakaita kuti mukadzi wechiduku akanga arerwa seChapupu chaJehovha asi akarega kurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri afungezve nezvemararamiro ake? Ona zvinotaurwa nevanhu ava.
NHOROONDO YOUPENYU
ZITA: TERRENCE J. O’BRIEN
MAKORE: 57
NYIKA: AUSTRALIA
ZVAKAMBOITIKA: AISHANDISA MADHIRAGI, AIDA MIDHUDHUDHU CHAIZVO
UPENYU HWANGU KARE: Ndakakurira muguta raiva nevanhu vakawanda rinonzi Brisbane, guta guru reQueensland. Vemhuri yangu vaiva vechechi yeRoma, asi pandakasvitsa makore masere, takarega kuenda kuchechi uye taisambokurukura zvechitendero. Ndava nemakore gumi, mhuri yedu yakatamira kuGold Coast iri muAustralia. Taigara pedyo nemhenderekedzo, uye mumakore angu okuma13 ndainyanya kuita zvokushambira uye kutamba mumasaisai ndiri papuranga.
Kunyange zvakadaro, makore angu ouduku aisafadza. Baba vakasiya mhuri yedu pandaiva nemakore masere. Amai vakaroorwazve, uye mumba medu kunwa doro nokupopotedzana ndiwo aiva magariro. Mamwe manheru, vabereki vangu pavakapopotedzana zvisingaiti, ndakanga ndakagara pamubhedha wangu ndichipika kuti kana ndikazoroora, handizombopopotedzani nemudzimai wangu. Pasinei nematambudziko ataiva nawo mumhuri yedu yevana vatanhatu, amai, nababa vakatirera, takaramba takabatana.
Ndava nemakore ari kuma19, vakawanda vezera rangu vakapandukira chiremera. Vakatanga kusvuta mbanje, fodya, uye kushandisa mamwe madhiragi nokunyanyisa kunwa doro. Ndaiitawo zvaiitwa nevamwe vangu. Ndainakidzwawo nokukwira midhudhudhu. Kunyange zvazvo ndakaita tsaona dzakakomba mbiri, ndakaramba ndichifarira midhudhudhu uye ndakafunga zvokufamba nemudhudhudhu wangu kubva kune rimwe divi reAustralia kuenda kune rimwe.
Pasinei norusununguko rwose rwandaiva narwo, kakawanda ndainzwa ndakaora mwoyo pandaifunga nezvezvaiitika munyika uye kusava nehanya kwevanhu vakawanda nematambudziko evanhu. Ndainzwa ndine chido chokuziva chokwadi chine chokuita naMwari, chitendero, uye mamiriro ezvinhu enyika. Asi pandakabvunza vapristi vaviri veRoma, ndakaodzwa mwoyo nemhinduro dzavo. Ndakakurukura nyaya idzodzo nevafundisi vakasiyana-siyana vemachechi akabuda muRoma asi ndakaodzwawo mwoyo nemhinduro dzavo. Zvadaro, imwe shamwari yangu yakaronga kuti ndionane naEddie, mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakakurukura naEddie kanokwana kana, uye pose pataikurukura aishandisa Bhaibheri kupindura mibvunzo yangu. Kubvira patakatanga kukurukura chaipo, ndakaziva kuti ndakanga ndawana chimwe chinhu chinokosha. Asi panguva iyoyo, handina kuona ndichifanira kuchinja mararamiro angu.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Pandaibva kune rimwe divi reAustralia ndichienda kune rimwe divi, ndakakurukura nechimwe Chapupu chandakasangana nacho parwendo urwu. Asi pandakadzokera kuQueensland, handina kuzoonanazve neZvapupu kwemwedzi mitanhatu.
Asi rimwe zuva ndichienda kumba ndichibva kubasa, ndakaona varume vaviri vakanga vakapfeka zvakanaka vaine mabhirifikesi, vachifamba mumugwagwa uye ndakafunga kuti vaiva Zvapupu zvaJehovha. Ndakaenda kwavaiva, uye chokwadi vaiva Zvapupu. Ndakabva ndavakumbira kuti vadzidze neni Bhaibheri. Ndakabva ndatanga kupinda misangano yaiitwa neZvapupu zvaJehovha uye ndakatopinda gungano guru rakaitirwa muSydney muna 1973. Asi vemhuri yangu, kunyanya amai vangu, pavakaziva zvandaiita, vakanetseka chaizvo. Pamusana paizvozvo nezvimwe zvikonzero, ndakarega kushamwaridzana neZvapupu. Kwegore, ndakanga ndakabatikana nechimwe chinhu chandaifarira chaizvo, kutamba kiriketi.
Asi ndakazoona kuti nguva chete yandainzwa ndichifara yaiva paya pandaidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ndakaonanazve nazvo ndikatanga kupinda misangano. Ndakaregawo kushamwaridzana neshamwari dzangu dzaishandisa madhiragi.
Zvandakadzidza nezvaJobho anotaurwa muBhaibheri ndizvo zvakanyatsoita kuti ndichinje. Chimwe Chapupu chati kurei chaiva nemutsa asi chakatsiga chainzi Bill chaigara chichikurukura neni Bhaibheri. Pashure pokudzidza nyaya yaJobho, Bill akandibvunza kuti ndiani mumwe uyo Satani akapomera kuti anongoshumira Mwari nemwoyo miviri. (Job. 2:3-5) Ndakataura vanhu vose vanotaurwa muBhaibheri vandaiziva, uye Bill akapindura akadzikama zvake kuti, “Ehe, naivowo vakapomerwa.” Akabva anditarira kuchiso ndokuti, “Satani ari kutaurawo izvozvo nezvako!” Ndakashamisika zvisingaiti. Izvi zvisati zvaitika, ndaiziva kuti dzidziso dzandaidzidza dzaiva dzechokwadi. Asi zvino ndakanzwisisa nei ndaifanira kushandisa zvandaidzidza. Kwapera mwedzi mina, ndakabhabhatidzwa ndikava Chapupu chaJehovha.
KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ndinonetseka chaizvo pandinofunga zvingadai zvakaita upenyu hwangu iye zvino kudai ndisina kudzidza kurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri. Zvimwe ndingadai ndakafa. Shamwari dzangu dzakawanda dzandaitamba nadzo dzakafa pamusana pemadhiragi kana kuti doro. Vaivawo nemhuri dzisingafari. Ndinongofunga kuti izvozvo zvingadai zvakaitikawo kwandiri.
Iye zvino ndakaroora, uye ini nemudzimai wangu Margaret, tinoshanda pabazi reZvapupu zvaJehovha riri muAustralia. Hapana kana mumwe chete wemumhuri yangu ari kunamata Jehovha pamwe chete neni. Asi kwemakore akawanda, ini naMargaret takafara kudzidza Bhaibheri nevanhu vanoverengeka nevamwe vakaroorana avo vakachinja upenyu hwavo sezvandakaita. Pataiita izvozvo, takava neshamwari dzakawanda dzakanaka chaizvo. Uyewo, Margaret, uyo akarerwa seChapupu, akandibatsira kuchengeta mhiko yangu yandakaita makore anenge 40 apfuura. Kwemakore anopfuura 25, tave takaroorana uye tichifara. Pane dzimwe nguva pane zvatisingabvumirani, asi kusvika iye zvino hatisati tambopopotedzana. Tinofunga kuti tinofanira kuonga Bhaibheri nokuti ndiro riri kuita kuti zvidaro.
NHOROONDO YOUPENYU
ZITA: MASAHIRO OKABAYASHI
MAKORE: 39
NYIKA: JAPAN
ZVAKAMBOITIKA: AIITA ZVOKUBHENJERA
UPENYU HWANGU KARE: Ndakarererwa muIwakura, nzvimbo duku chaizvo inotora hafu yeawa nechitima kuti usvike ikoko uchibva kuNagoya. Ndinoyeuka kuti amai vangu nababa vaiva vanhu vane mutsa chaizvo. Asi ndakazoziva pava paya kuti baba vangu vaiva nhengo yechikwata chematsotsi chinonzi yakuza. Kwenguva yakati vairaramisa mhuri yedu yevanhu vashanu nouguruvha. Zuva rega rega vaigara vachinwa zvokuti huya uone, uye pandaiva nemakore 20, vakafa nechirwere chechiropa.
Baba vangu vaiva vokuKorea, saka kakawanda mhuri yedu yaisarurwa nevamwe vose vaiva kwataigara. Izvozvo pamwe nemamwe matambudziko zvakaita kuti makore angu okuyaruka asafadze. Ndakanyoresa pachikoro chesekondari asi ndaingoenda pano nepapo uye ndakarega pashure pegore. Ndakanga ndatova mumabhuku emapurisa, uye izvozvo pamwe chete nokuva kwangu nababa vokuKorea zvakaita kuti zvindiomere kuwana basa. Ndakazowana basa, asi ndakakuvara mabvi uye ndakanga ndisisakwanisi kushanda.
Ndakatanga kuwana chokurarama nacho nokutamba mutambo wokubhejera unonzi pachinko. Kusvika panguva iyoyo, ndaigara nemumwe musikana aida kuti nditsvake basa chairo ndochata naye. Asi ndaiwana mari yakawanda chaizvo nokubhejera, uye ndaisada kuchinja mararamiro angu.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Rimwe zuva, chimwe Chapupu chaJehovha chakauya kumba kwedu chikandipa bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? Ndakanga ndisati ndambofunga nezvemubvunzo uyu. Asi, ndaverenga bhuku racho, ndakabvuma kudzidza zvakawanda nezveBhaibheri. Ndakanga ndagara ndichinetseka kuti chii chinoitika munhu paanofa. Mhinduro dzakajeka dzandakawana muBhaibheri nezvenyaya iyi nedzimwe, dzakaita kuti ndiite sokuti mumaziso mangu makanga madonha mafunurwa ainditadzisa kuona.
Ndakaona kuti ndaifanira kushandisa zvandaidzidza muBhaibheri. Saka ndakanyoresa muchato, ndikarega kusvuta, ndikagera bvudzi rangu refu randakanga ndadhaya, uye ndakanatsiridza chitarisiko changu. Ndakaregawo kubhejera.
Hapana chimwe chete pazvinhu izvi zvandakachinja chaiva nyore. Somuenzaniso, ndaisakwanisa kurega fodya nesimba rangu chete. Asi nokunyengetera nemwoyo wose uye kuvimba naJehovha Mwari, ndakairega. Uyewo, basa rokutanga randakawana ndarega mutambo wokubhejera unonzi pachinko rakanga rakandiomera chaizvo. Ndaiwana hafu yemari yandaibata ndichibhejera, uye basa racho rakanga rakaoma uye raiita kuti ndizvidye mwoyo. Chimwe chikamu cheBhaibheri chakandibatsira chaiva VaFiripi 4:6, 7. Chinoti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” Kakawanda, vimbiso iyi yave iri yechokwadi kwandiri.
KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Pandakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, mudzimai wangu haana kufara nazvo. Asi paakaona kuchinja kukuru kwandaiita pamaitiro angu, akatangawo kudzidza uye kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha pamwe neni. Iye zvino tose tiri Zvapupu zvaJehovha. Kukomborerwa chaiko kukwanisa kushumira Mwari pamwe chete!
Ndisati ndadzidza Bhaibheri, ndaifunga kuti ndaifara. Asi iye zvino, ndava kuziva chinonzi mufaro chaiwo. Kurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri hakusi nyore, asi ndine chokwadi chokuti kuita izvozvo ndiko kwakanyanya kunaka muupenyu.
NHOROONDO YOUPENYU
ZITA: ELIZABETH JANE SCHOFIELD
MAKORE: 35
NYIKA: UNITED KINGDOM
ZVAKAMBOITIKA: AIRARAMIRA MAFARO PAKUPERA KWEVHIKI
UPENYU HWANGU KARE: Ndakakurira muHardgate, kataundi kari kunze kweGlasgow, Scotland. Pandaiva nemakore manomwe, amai vangu, avo vakanga vava mumwe weZvapupu zvaJehovha, vakatanga kundidzidzisa Bhaibheri. Asi, pandakazosvika makore 17, ndakanga ndava kufarira kuwadzana neshamwari dzangu dzokuchikoro, tichienda kumanaitikirabhu, tichiteerera nziyo dzine ruzha nemutinhimira wakasimba, uye tichinwa doro. Chinhu chandaisarota nezvacho, yaiva nyaya yokunamata. Ndairaramira mafaro pakupera kwevhiki. Zvisinei, zvose izvozvo zvakachinja pandakanga ndava nemakore 21.
Ndakashanyira dzimwe hama dzangu dziri kuNorthern Ireland. Ndiri ikoko, ndakaona mudungwe wevanhu vechechi yakabuda muRoma unonzi Orange Walk vachifora. Ruvengo rusingaiti norusarura zvandakaona panguva iyoyo pakati pevanhu vechechi dzakabuda muRoma nevechechi yacho yeRoma zvakandishamisa chaizvo. Zvechokwadi, zvakaita kuti ndifunge. Ndakayeuka zvinhu zvaibva muBhaibheri zvandakanga ndadzidziswa naamai vangu uye ndaiziva kuti Mwari aisazombofarira vaya vasina hanya nezvaanoda zvinoratidza rudo rwake. Ndakabva ndanzwisisa kuti ndakanga ndichingovavarira kuita zvandaifarira asi ndisina hanya nemararamiro ayo Mwari aida kuti ndiite. Ndakasarudza kuti pandaizodzokera kumba kuScotland, ndaizononyatsoongorora zvinodzidziswa neBhaibheri.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Kekutanga pandakaendazve kumusangano weZvapupu zvaJehovha mutaundi rekumba, ndainyara uye ndainetseka. Zvisinei, vanhu vose vakaita kuti ndinzwe ndakasununguka. Sezvandakatanga kushandisa zvinhu zvandaidzidza muBhaibheri, imwe hanzvadzi yomuungano yaiva nemutsa chaizvo yakaratidza kunyatsondifarira. Yakanyatsondibatsira kuti ndinzwezve ndiri mumwe womuungano yacho. Shamwari dzandaimbowadzana nadzo dzakaramba dzichindikoka kuti tiende kumanaitikirabhu, asi ndakadziudza kuti ndakanga ndashinga kuti ndirarame maererano nezvinotaurwa neBhaibheri. Dzakazorega kundikoka.
Kare ndaiona Bhaibheri sebhuku rinongova nemitemo chete. Iye zvino maonero angu achinja. Ndakatanga kuona vanhu vanotaurwa muBhaibheri sevanhu chaivo vaiva nemanzwiro avaiita uye vaiva nezvavaitadzawo sezvandinoita. Ivowo vane zvavaikanganisa, asi Jehovha Mwari aivakanganwira pavairatidza kuti vainyatsozvidemba. Ndakava nechivimbo chokuti kana ndaizonyatsoedza kufadza Mwari, kunyange zvazvo ndakanga ndambomusiya pandaiva muduku, aizondikanganwira okanganwa zvandakanga ndambotadza.
Maitiro aamai vangu akandibayawo mwoyo chaizvo. Kunyange zvazvo ndakanga ndasiya Mwari, ivo havana kudaro. Muenzaniso wavo wokuramba vakavimbika wakaita kuti ndizive kuti kushumira Jehovha kufira zviripo. Pandaiva muduku uye pandaiparidza pasuo nesuo naamai vangu, ndaisambonakidzwa nazvo uye zvakanga zvakaoma kufunga ndichiparidzira vanhu kwemaawa akawanda. Asi zvino ndakasarudza kuti ndiedze zvakavimbiswa naJesu pana Mateu 6:31-33. Iye akati: “Musambozvidya mwoyo muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ . . . Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi. Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” Ndichangobva kubhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha, ndakarega basa randaiswera ndichiita, ndikawana rimwe randaishanda nguva shoma, uye ndakava mushumiri wenguva yakazara.
KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Pandaiva muduku ndichingoraramira mafaro pakupera kwevhiki, handina kumbonzwa ndichigutsikana. Upenyu hwangu hwaisava nechinangwa. Iye zvino zvandava kushumira Jehovha zvizere, ndinonzwa ndichigutsikana. Upenyu hwangu hune chinangwa. Iye zvino ndakaroorwa, uye ini nomurume wangu tinoshanyira ungano dzeZvapupu zvaJehovha vhiki yoga yoga, tichidzikurudzira. Ndinoona basa iri seropafadzo huru kupfuura dzimwe dzose muupenyu hwangu. Ndinoongawo Jehovha chaizvo nokundipa mumwe mukana!
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]
“Kubvira patakatanga kukurukura chaipo, ndakaziva kuti ndakanga ndawana chimwe chinhu chinokosha. Asi panguva iyoyo, handina kuona ndichifanira kuchinja mararamiro angu”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]
“Ndaisakwanisa kurega fodya nesimba rangu chete. Asi nokunyengetera nemwoyo wose uye kuvimba naJehovha Mwari, ndakairega”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]
“Kare ndaiona Bhaibheri sebhuku rinongova nemitemo chete. Iye zvino maonero angu achinja. Ndakatanga kuona vanhu vanotaurwa muBhaibheri sevanhu chaivo vaiva nemanzwiro avaiita uye vaiva nezvavaitadzawo sezvandinoita”