Upenyu hwaJesu Noushumiri
PaGungwa reGarirea
VAAPOSTORA zvino vanodzokera kuGarirea, seizvo Jesu pamberi pezvi akanga avaraidza kuita. Asi ivo havana chokwadi pamusoro pezvavanofanira kuita ikoko. Pashure penguva yakati Petro anoudza Tomasi, Natanieri, Jakobho uye munun’una wake Johane, uye vamwe vaapostora vaviri, kuti: “Ndondobata hove.”
“Nesu tinoendawo newe,” vatanhatu vanopindura kudaro.
Mukati mousiku hwose, ivo vanokundikana kubata chinhu chipi nechipi. Zvisinei, sezvo kwava kuedza, Jesu anooneka pamhenderekedzo yegungwa, asi vaapostora havazivi kuti ndiJesu. Iye anodanidzira, kuti: “Vana, mune chisevo here?”
“Kwete!” vanodanidzirawo mhiri kworwizi.
“Kandai rutava kurutivi rworudyi rwegwa mugowana,” iye anodaro. Uye apo vanodaro, havakwanisi kukweva rutava rwavo nemhaka yehove dzose. “NdiShe!” Johane anodanidzira kudaro. Petro anosunga nguvo yake yapamusoro, anowira mugungwa, uye anoshambira mamita anenge makumi mapfumbamwe achienda kumhenderekedzo yegungwa. Vamwe vaapostora vanotevera vari muigwa duku, vachikweva rutava rwakazara nehove.
Apo vanosvika pamhenderekedzo yegungwa, pane mwoto wamazimbe, nehove dziri pauri, uye pane chingwa. “Uyai nedzimwe hove dzamakabata zvino,” Jesu anodaro. Petro anokwira mugwa uye anokwevera rutava kumhenderekedzo yegungwa. Rune hove huru 153!
“Uyai, musvusvure,” Jesu anokoka kudaro.
Hapana nomumwe wavo ane ushingi hwokubvunza kuti, “Ndimi aniko?” nemhaka yokuti vanoziva kuti ndiJesu. Uku ndiko kuoneka kwake kwechinomwe kwapashure porumuko, uye kwechitatu kwake kuvaapostora seboka. Iye zvino anopa chisvusvuro, achipa mumwe nomumwe wavo chingwa nehove.
Apo vanopedza kudya, Jesu zvichida anodzungudzira musoro kuhove dzakawanda uye anobvunza Petro, kuti: “Simoni mwanakomana waJona, unondida kupfuura idzodzi here?” (NW) Zvichida iye anoreva kuti, Wakabatanidzwa zvikuru nebasa rokuredza kupfuura basa iro ndakakugadzirira kuita here?
“Munoziva kuti ndinokudai,” Petro anopindura kudaro.
“Dyisa makwaiana angu,” (NW) Jesu anopindura kudaro.
Zvakare, kechipiri, iye anobvunza, kuti: “Simoni, mwanakomana waJona, une rudo neni here?”
“Hungu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai,” Petro anopindura kudaro.
“Fudza makwai angu,” Jesu anoraira zvakare.
Ipapo, kechitatu, iye anobvunza, kuti: “Simoni, mwanakomana waJona: unondida here?”
Pari zvino Petro anotambudzika. Iye angashamisika kana Jesu achipanikira ruvimbiko rwake. Pashure pokurangarira zvose, apo Jesu misi ichangobva kupfuura akanga achitongwa nokuda kwoupenyu hwake, Petro katatu akaramba kumuziva. Naizvozvo Petro anoti: “Ishe, munoziva zvose; munoziva kuti ndinokudai.”
“Fudza makwai angu,” Jesu anoraira kechitatu.
Jesu nokudaro anoshandisa Petro sowokusimbisa naye kuroverera pavamwe pamwe chete nebasa raanoda kuti vaite. Iye achakurumidza kubva pasi, iye anoda kuti vatungamirire mukushumira avo vachakweverwa mudanga ramakwai raMwari.
Sezvo Jesu akasungwa ndokuurawa nemhaka yokuti akaita basa iro Mwari akamutuma kuita, naizvozvo, iye zvino anozivisa, kuti Petro achatambura chinoitika chakafanana. “Uchiri jaya,” Jesu anomuudza kudaro, “waizvisunga chiuno, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatambanudza maoko ako, mumwe uchakusunga chiuno, achikuisa kwausingadi.” Pasinei zvapo norufu rwomufiri kutendeka rwakanga rwakamirira Petro, Jesu anomukurudzira, kuti: “Pfuurira kunditevera.”—NW.
Pakutenderuka, Petro anoona Johane uye anobvunza, kuti: “Ishe, ko uyu uchaitweiko?”
“Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya,” Jesu anopindura, “uneiko nazvo iwe? Unditevere iwe.”
Aya mashoko aJesu akava anonzwisiswa navazhinji vavadzidzi kureva kuti muapostora Johane haasati aizotongofa. Zvisinei, sezvo muapostora Johane gare gare akatsanangura, Jesu haana kutaura kuti haasati aizofa, asi Jesu akangoti zvake: “Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, uneiko nazvo iwe?” Johane 21:1-25; Mateo 26:32; 28:7, 10.
◆ Chii chinoratidza kuti vaapostora havana chokwadi pamusoro peicho vanofanira kuita muGarirea?
◆ Vaapostora vanoziva sei Jesu paGungwa reGarirea?
◆ Jesu akaoneka kangani zvino chifo chorumuko rwake?
◆ Jesu anosimbisa sei chaanoda kuti vaapostora vaite?
◆ Jesu anoratidzira sei mutoo uyo Petro achafa nawo?
◆ Itsinhiroi dzaJesu pamusoro paJohane dzakanzwisiswa zvisina kufanira navazhinji vavadzidzi?