RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 92 p. 214-p. 215 ndim. 1
  • Jesu Anozviratidza Kuvabati Vehove

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anozviratidza Kuvabati Vehove
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Pamahombekombe eGungwa reGarireya
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • PaGungwa reGarirea
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kubatira Savaredzi Vavanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Akarwisana Nokutya Uye Nokusava Nechokwadi
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 92 p. 214-p. 215 ndim. 1
Jesu ari kutaura nevadzidzi vake uye hove dziri pamoto dziri kuibva

CHIDZIDZO 92

Jesu Anozviratidza Kuvabati Vehove

Papera mazuva kubva Jesu azviratidza kuvadzidzi vake, Petro akaenda kunobata hove kuGungwa reGarireya. Tomasi, Jakobho, Johani nevamwe vadzidzi vakaendawo naye. Vakaita usiku hwese vari mugungwa asi havana kana chavakabata.

Mangwanani-ngwanani ezuva rakatevera, vakaona mumwe murume akamira kumhenderekedzo. Akashevedzera kwavari achiti: ‘Pane hove dzamabata here?’ Vakamupindura kuti: “Aiwa hapana!” Murume wacho akati: “Kandai mambure enyu kurudyi rwechikepe.” Pavakaita izvozvo, mambure acho akazara nehove zvekuti vakanga vasingachakwanisi kuakwevera kunze. Johani akabva aziva kuti murume wacho akanga ari Jesu, uye akati: “NdiIshe!” Petro akabva asvetukira mumvura ndokushambira achienda kumhenderekedzo. Vamwe vadzidzi vakateverawo vari muchikepe.

Pavakasvika kumhenderekedzo yegungwa, vakaona chingwa nehove zviri pamoto. Jesu akavaudza kuti vauye nedzimwe hove kuti vawedzere pane dzaiva pamoto, achibva ati: ‘Uyai mudye.’’

Petro ari kuenda kumhenderekedzo kuna Jesu uye vamwe vadzidzi vari kutevera vari muchikepe

Pavakanga vapedza kudya, Jesu akabvunza Petro kuti: ‘Unondida here kupfuura kubata hove?’ Petro akati: ‘Hongu, Ishe, inga wani munozviziva kuti ndinokudai.’ Jesu akati: ‘Saka dyisa makwayana angu.’ Jesu akabvunzazve kuti: ‘Petro, unondida here?’ Petro akati: ‘Ishe, inga wani munozviziva kuti ndinokudai.’ Jesu akati: “Fudza makwai angu madiki.” Jesu akamubvunzazve kechitatu. Petro akashungurudzika chaizvo. Akati: ‘Ishe, munoziva zvinhu zvese. Munoziva kuti ndinokudai.’ Jesu akati: “Dyisa makwai angu madiki.” Akabva audza Petro kuti: “Ramba uchinditevera.”

‘Jesu akati kwavari: ‘Nditeverei, uye ndichakuitai vabati vevanhu.’ Vakabva vangosiya mambure avo, vakamutevera.’—Mateu 4:19, 20

Mibvunzo: Jesu akaita chishamiso chipi kuvabati vehove? Unofunga kuti nei Jesu akabvunza Petro katatu kuti: “Unondida here?”

Johani 21:1-19, 25; Mabasa 1:1-3

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe